Ganhuro 27
Umambo hwaMwari Hwaberekwa!
Chiono 7—Zvakazarurwa 12:1-17
Musoro: Mukadzi wokudenga anosununguka, Mikaeri anorwa naSatani ndokumukandira pasi
Nguva yezadziko: Kubvira pakugadzwa pachigaro choumambo kwaKristu Jesu muna 1914 kusvikira kudambudziko guru
1. Ko kunzwisiswa kwezviratidziro zvinorondedzerwa muna Zvakazarurwa maganhuro 12 kusvikira ku14 kunotibetsera sei?
CHAKAVANZIKA chinoyera chaMwari chakazarurwa. (Zvakazarurwa 10:7) Umambo hwaJehovha hunodzorwa naMesiya wake zvino hwava chinhu chaicho chine simba. Hwobata ushe! Kuvapo kwahwo kunoreva shurikidzo nokuda kwaSatani nembeu yake norukundo rune mbiri nokuda kweMbeu yesangano rokudenga raMwari. Zvisinei, ngirozi yechinomwe haizati yapedza kuridza hwamanda yayo nokuti iyo ine zvimwe zvizhinji zvokutiwadzanyurira pamusoro penhamo yechitatu. (Zvakazarurwa 11:14) Zviratidzo zvinorondedzerwa muna Zvakazarurwa ganhuro 12 kusvikira ku14 zvichatibetsera kupamhamisa nzwisiso yedu yeizvo zvose zvinobatanidzwa munhamo iyeyo nomukugumisa chakavanzika chinoyera chaMwari.
2. (a) Chiratidzoi chikuru chinoona Johane? (b) Ko revo yechiratidzo chikuru yakaziviswa rini?
2 Johane zvino anoona chiratidzo chikuru—chimwe chefariro yakatanhamara nokuda kwavanhu vaMwari. Chinosuma chiono chinofadza chouporofita, icho chine revo yakatanga kubudiswa muchinyorwa cheThe Watch Tower chaMarch 1, 1925 munyaya ino musoro unoti “Kuberekwa Kworudzi” uye tevere zvakare muna 1926 mubhuku rinonzi Deliverance. Uku kupenya kunon’animira kwenzwisiswo yeBhaibheri kwakava chiratidzo chenhau mukufambidzirwa mberi kwebasa raJehovha. Naizvozvo regai Johane arondedzere chinoitika sezvachinotanga kuwadzanyurika: “Zvino chiratidzo chikuru chakaonekwa mudenga, mukadzi akapfeka zuva, uye mwedzi wakanga uri pasi petsoka dzake, uye pamusoro pake pakanga pane korona dzenyeredzi gumi nembiri, uye akanga ane mimba. Ipapo iye anodanidzira nenzwi guru mumarwadzo ake nomukutambudzika kwake kwokubereka.”—Zvakazarurwa 12:1, 2.
3. Ndiani mukadzi anoonwa mudenga?
3 Kwenguva yokutanga, Johane anoona mukadzi mudenga. Chokwadika, iye haazati ari mukadzi chaiyeiye. Panzvimbo pakwo, iye chiratidzo, kana kuti mufananidzo. (Zvakazarurwa 1:1) Ko iye anofananidzirei? Muuporofita hwakafuridzirwa, vakadzi padzimwe nguva vanomirira masangano “akaroorwa” navanhu vakatanhamara. MuMagwaro echiHebheru, Israeri aitaurwa nezvake somudzimai waJehovha Mwari. (Jeremia 3:14) MuMagwaro echiGiriki, ungano yamaKristu akazodzwa inotaurwa nezvayo somwenga waKristu. (Zvakazarurwa 21:9-14) Mukadzi anoonwa naJohane pano akaroorwa nomumwe munhu, uye iye wodokusununguka. Murume wake ndianiko? Hekani waro, gare gare mwana wake ano“nakurirwa kuna Mwari nokuchigaro chake choumambo.” (Zvakazarurwa 12:5) Nokudaro Jehovha anokambira mwanayo kuva wake amene. Naizvozvo, mukadzi uyo Johane anoona anofanira kuva mudzimai wokufananidzira waJehovha.
4. Ndivanaani vari vanakomana vomukadzi wokufananidzira waMwari, uye muapostora Pauro anoidza mukadzi anoonwa naJohane kuti ani?
4 Anenge mazana masere amakore pakuvamba-vamba, Jehovha akanga ataura kuno uyu mudzimai wokufananidzira, achiti: “Vanakomana vako vose vachava vanhu vanodzidziswa naJehovha.” (Isaya 54:5, 13) Jesu akanokora mashoko uhwu uporofita ndokuratidzira kuti ava vanakomana vaiva vateveri vake vakatendeka, avo gare gare vakaumba ungano yamaKristu akazodzwa. (Johane 6:44, 45) Naizvozvo mitezo yeiyi ungano, yakataurwa nezvayo savanakomana vaMwari, vanawo vomudzimai wokufananidzira waMwari. (VaRoma 8:14) Muapostora Pauro anowedzera rutivi rwokupedzisira rwamashoko apo iye anoti: “Jerusarema riri kumusoro rakasununguka, uye iro ndivo mai vedu.” (VaGaratia 4:26) “Mukadzi” akaonwa naJohane, ipapoka, ndiro “Jerusarema riri kumusoro.”
5. Sezvo mudzimai wokufananidzira waJehovha akapfekedzwa korona yenyeredzi 12, chii chaizvoizvo chiri Jerusarema riri kumusoro?
5 Chaizvoizvo chiiko, kunyange zvazvo zvakadaro, chiri Jerusarema riri kumusoro? Muapostora Pauro zvaakataura nezvaro se“riri kumusoro,” uye Johane anoriona mudenga, iro nomutoo wakajeka harizati riri guta rapasi; uye iro harizati riri rimwe chetero ne“Jerusarema Idzva,” sezvo sangano iroro riri mwenga waKristu, kwete mudzimai waJehovha. (Zvakazarurwa 21:2) Cherekedza kuti iro rakapfekedzwa korona yenyeredzi 12. Chiverengero che12 chinobatanidzwa nokukwana muchirongwa chesangano.a Nokudaro, idzi nyeredzi 12 dzinoratidzika kuva dzinoratidzira kuti iyo igadziriro yesangano riri mudenga, seizvo Jerusarema rekare rakanga riri pasi pano. Jerusarema riri kumusoro isangano rapose pose raJehovha rezvisikwa zvomudzimu rinobatira somudzimai wake, mose muri muviri mukumubatira nomukubereka vana.
6. (a) Chii chinoratidzirwa neidi rokuti mukadzi anoonwa naJohane akapfeka zuva, ane mwedzi pasi petsoka dzake, uye ane korona yenyeredzi? (b) Chii chinofananidzirwa namarwadzo okusununguka omukadzi ane mimba?
6 Johane anoona uyu mukadzi seari akapfeka zuva uye ane mwedzi pasi petsoka dzake. Patinowedzera korona yake yenyeredzi, iye akapoteredzwa chose chose nezviedza zvokudenga. Nyasha dzaMwari dzinopenyera paari masikati nousiku. Haiwa chiratidzo chakakodzera sei chesangano rokudenga rakaisvonaka raJehovha! Iyewo ane mimba, achitsungirira marwadzo okusununguka. Kudanidzira kwake nokuda kwebetsero youmwari kunoratidzira kuti nguva yake yasvika yokusununguka. MuBhaibheri, marwadzo okubereka anowanzofananidzira basa rakaoma rinodikanirwa kubereka chibereko chinokosha. (Enzanisa nePisarema 90:2; Zvirevo 25:23; Isaya 66:7, 8.) Pasina panikiro marwadzo okusununguka ourwu rudzi akatamburwa sezvo sangano rokudenga raJehovha rakagadzirira uku kusununguka kwenhau.
Dragoni Tsvuku Huru
7. Chii chiri chimwe chiratidzo icho Johane anoona mudenga?
7 Ko Johane anooneizve chinotevera? “Uye chimwe chiratidzo chakaonwa mudenga, uye, tarirai! dragoni huru tsvuku, ine misoro minomwe nenyanga dzine gumi uye pamisoro yayo pane korona nomwe; uye rumhinda rwayo runokukura chetatu chenyeredzi dzokudenga, uye yakadzikandira pasi. Ipapo dragoni yakaramba yakamira pamberi pomukadzi wakanga odokusununguka, kuti, apo iye anosununguka, iyo igoparadza mwana wake.”—Zvakazarurwa 12:3, 4.
8. (a) Chii chiri dragoni huru tsvuku? (b) Chii chinoratidzirwa nokuva kwedragoni nemisoro minomwe, nyanga dzine gumi, nekorona pamusoro mumwe nomumwe?
8 Iyi dragoni ndiSatani, “nyoka yapakuvamba.” (Zvakazarurwa 12:9; Genesi 3:15) Iyo muparadzi anorura—dragoni ine misoro minomwe, kana kuti muparadzi, inogona kumedza chose chose chinobatwa chayo. Haiwa inoratidzika kuva yechienzi sei! Misoro minomwe iyoyo nenyanga dzine gumi zvinoratidza kuti iyo ndiyo murongedzeri wechikara chezvamatongerwe enyika chichakurumidza kurondedzerwa muna Zvakazarurwa ganhuro 13. Ichiwo chikara chine misoro minomwe nenyanga dzine gumi. Sezvo Satani ane korona pamusoro mumwe nomumwe—nomwe pamwe chete—tinogona kuva nechokwadi chokuti ubati ushe hwenyika hunomirirwa nechikara ichecho hwave huri mukudzora kwoubati ushe hwake. (Johane 16:11) Nyanga dzine gumi chiratidzo chakakodzera chokukwana kwesimba raakashandisa munyika ino.
9. Chii chinoratidzirwa neidi rokuti rumhinda rwedragoni “runokukura chetatu chenyeredzi dzokudenga” kuburukira kupasi?
9 Dragoni ine simbawo munzvimbo yomudzimu. Kupfurikidza norumhinda rwayo, iyo ino“kukura chetatu chenyeredzi dzokudenga.” Nyeredzi dzinogona kumirira ngirozi. (Jobho 38:7) Kududzwa kwe“chetatu” kungasimbisa kuti chiverengero chakati kuti chengirozi chakatsauswa naSatani. Apo idzo dzakangova bedzi pasi poudzori hwake, pakanga pasina kupukunyuka kwadzo. Idzo hadzati dzaigona kudzokera kusangano dzvene raMwari. Dzakava madhemoni, dzakazvuzvurudzwa pamwe chete, sokunge zvakadaro, naSatani mambo wadzo, kana kuti mubati ushe. (Mateo 12:24) Satani akadzikandirawo kupasi. Ikoku pasina panikiro kunonongedzera kuzuva raNoa pamberi paMafashamo, apo Satani akanyengedza vanakomana vasingateereri vaMwari kuburukira kupasi ndokugara navanasikana vavanhu. Sechirango, idzi “ngirozi dzakaita chivi” dzakakandirwa naMwari mumugariro wakafanana netorongo unonzi Tartaro.—Genesi 6:4; 2 Petro 2:4; Judhasi 6.
10. Masanganoi anoshorana anooneka, uye nei dragoni ichitsvaka kuparadza mwana apo mukadzi anosununguka?
10 Nokudaro, masangano maviri anoshorana anosanoonekwa pamhene—sangano rokudenga raJehovha serinofananidzirwa nomukadzi uye sangano ramadhemoni raSatani rinozvidza uchangamire hwaMwari. Nhau huru youchangamire inofanira kugadzikiswa. Asika seiko? Satani, achiri kuzvuzvurudza madhemoni pamwe chete naye, akafanana nechikara chinoona nyama inobvira. Iye ari kumirira mukadzi kuti asununguke. Iye anoda kuparadza uyu mucheche anokarirwa nokuti iye anoziva kuti iye anoparira tyisidziro yamanenji yokuvapo kwake kunopfuurira neyeyo yenyika iyo iye anoshandisa ubati ushe pairi.—Johane 14:30.
Mwanakomana, Munhurume
11. Ko Johane anorondedzera sei kusunungukwa kwomwana womukadzi, uye nei mwana uyo achinzi “mwanakomana, mwanarume”?
11 Nguva yakagadzwa yokuti marudzi abate ushe pasina dzongonyedzo inoitwa naMwari yakasvika mugumo muna 1914. (Ruka 21:24) Ipapo, panguva chaipo, mukadzi anosununguka mwana wake: “Ipapo iye akasununguka mwanakomana, munhurume, uyo achafudza marudzi ose netsvimbo yedare. Uye mwana wake akanakurirwa kuna Mwari kuchigaro choumambo chake. Zvino mukadzi akatizira murenje, uko iye ane nzvimbo yakagadzirwa naMwari, kuti vagomudyisa ikoko mazuva ane chiuru chimwe china mazana maviri namakumi matanhatu.” (Zvakazarurwa 12:5, 6) Mwanayo “mwanakomana, munhurume.” Neiko Johane achishandisa uku kutaura kuviri? Iye anokuita kuratidzira rukodzero rwomwana, kukwanisa kwake nokuda kwokubata ushe marudzi nesimba rakaringanira. Kunosimbisawo kuti uku kusununguka inhambo inokosha sei, inofadza sei! Kunoita rutivi rukuru mukugumisa chakavanzika chinoyera chaMwari. Chokwadika, uyu mwanarume achato“fudza marudzi ose netsvimbo yedare”!
12. (a) MuMapisarema, ko Jehovha akapikirei muuporofita pamusoro paJesu? (b) Chii chinofananidzirwa nokusununguka kwomukadzi mwanakomana “uyo achafudza marudzi ose netsvimbo yedare”?
12 Zvino, kutaura ikoko kunonzwika kuva kwakarovedzeka here? Hungu, Jehovha akapikira muporofita pamusoro paJesu, kuti: “Iwe uchavaputsanya netsvimbo yedare, iwe uchavaputsanya sokunge kuti ihari yomuumbi.” (Pisarema 2:9) Kwakaporofitwawo pamusoro pake, kuti: “Jehovha uchabudisa tsvimbo yesimba rako muZioni, achiti: ‘Enda ukurire pakati pavavengi vako.’ ” (Pisarema 110:2) Naizvozvo, kusununguka kwakaonwa naJohane kunosanobatanidza Jesu Kristu. Aiwa, hakuzati kuri kuberekwa kwaJesu nemhandara shure pamberi pezana ramakore rokutanga reNguva yedu yaVose; uyewo hakunganongedzeri kukuva anomutsirwazve kuupenyu mumudzimu kwaJesu muna 33 C.E. Kupfuurirazve, hakusati kuri kushandurirwa kune chimwe chimiro choupenyu pashure porufu. Panzvimbo pakwo, iko kuberekwa kwoUmambo hwaMwari muna 1914 sechinhu chaichoicho, naJesu—zvino ari kudenga kweanoda kusvika mazana emakore 20—zvino akagadzwa pachigaro choumambo saMambo.—Zvakazarurwa 12:10.
13. Chii chinoratidzirwa nokuva kwomwanarume ano“nakurirwa kuna Mwari nokuchigaro chake choumambo”?
13 Jehovha haazati aizotongobvumira Satani kuparadza mudzimai Wake kana kuti mwanakomana Wake achangobva kuberekwa! Pakusununguka, mwanarume ano“nakurirwa kuna Mwari nokuchigaro choumambo chake.” Iye nokudaro anova chose chose mutaviridziro yaJehovha, uyo achaita kutarisirwa kuzere zvikurusa kwouhwu Umambo huchangobva kuberekwa, mudziyo Wake wokutsvenesa nawo zita Rake dzvene. Panguva imwe cheteyo, mudzimai anotizira kunzvimbo iyo Mwari akamugadzirira kurenje. Mashoko oudzame akawanda pamusoro paikoko achatevera! Kana ari Satani, chikuva zvino charongerwa chinoitika chakaoma chichakuita kuve kusingamubvirire chose chose kuzombotyisidzirazve Umambo mudenga. Chiiko chinoitika ichecho?
Hondo Mudenga!
14. (a) Sokurondedzera kunoita Johane, ndichinoitikai chinokuita kuti kusabvirire Satani kusatongotyisidzirazve Umambo? (b) Ko Satani namadhemoni ake vakaganhurirwa kunzvimboi?
14 Johane anotiudza, kuti: “Ipapo hondo yakamuka mudenga: Mikaeri nengirozi dzake vakarwa nedragoni, uye dragoni nengirozi dzayo vakarwa asi haina kukunda, uyewo nzvimbo nokuda kwavo haina kuzotongowanikwazve mudenga. Naizvozvo dragoni huru yakakandirwa pasi, nyoka yapakuvamba, iyo inonzi Dhiabhorosi naSatani, uyo unotsausa pasi rose rinogarwa; akakandirwa pasi, uye ngirozi dzake dzakandirwa pasi pamwe chete naye.” (Zvakazarurwa 12:7-9) Naizvozvo sechinoitika chinokatyamadza mukugumisa chakavanzika chinoyera chaMwari, Satani anobviswa, anobudiswa kunze kwedenga, namadhemoni ake anokandirwa kupasi pamwe chete naye. Uyo akatsausa pasi rose rinogarwa kuukuru hwokuva mwari waro pakupedzisira anoganhurirwa kunzvimbo iri pedyo neiyi mburumbwa yapasi, uko rupanduko rwake rwokutanga rwakavamba.—2 VaKorinte 4:3, 4.
15, 16. (a) Mikaeri ndiani, uye tinoziva sei? (b) Neiko kwakakodzera kuti Mikaeri ndiye uyo anokandira Satani kubva kudenga?
15 Ndianiko anoita uru rukundo rukuru muzita raJehovha? Bhaibheri rinoti ndiMikaeri nengirozi dzake. Asika Mikaeri ndianiko? Zita rokuti “Mikaeri” rinoreva kuti “Ndianiko Akafanana naMwari?” Naizvozvo Mikaeri anofanira kufarira kurevererwa kwouchangamire hwaJehovha kupfurikidza nokubvumikisa kuti hakuno mumwe anofanira kuva anoenzanisirwa Naye. Muna Judhasi ndima 9, iye anonzi “Mikaeri ngirozi huru.” Nomutoo unofadza, zita rechiratidzo rokuti “ngirozi huru” rinoshandiswawo kune imwewo nzvimbo muBhaibheri pakureva nezvomunhu mumwe bedzi: Jesu Kristu.b Pauro anotaura nezvake, kuti: “Ishe iye amene uchaburuka kudenga nokudanidzira kunoraira, nenzwi rengirozi huru uye nehwamanda yaMwari.” (1 VaTesaronika 4:16) Zita rechiratidzo rokuti “ngirozi huru” rinoreva kuti “mukuru wengirozi.” Naizvozvo hakuzati kuchikatyamadza kuti Zvakazarurwa inotaura nezva“Mikaeri nengirozi dzake.” Dzimwe nzvimbo muBhaibheri dzinodudza ngirozi dzinozviisa pasi pomuranda akarurama waMwari dzinoreva nezvaJesu. Nokudaro, Pauro anotaura nezvo“kuonekwa kwaShe Jesu achibva kudenga ane ngirozi dzake dzine simba.”—2 VaTesaronika 1:7; onawo Mateo 24:30, 31; 25:31.
16 Iwawa namamwe magwaro anotitungamirira kumhedziso isingatongonzvengeki yokuti Mikaeri haazati ari mumwe munhu kunze kwaShe Jesu Kristu ari munzvimbo yake yokudenga. Zvino, muzuva raShe, iye haazati achitongotaurazve kuna Satani, kuti: “Jehovha ngaakuraire.” Sezvo ino iri nguva yokutonga, Jesu, saMikaeri, anokandira Satani akaipa nengirozi dzake dzamadhemoni pasi kubva kudenga. (Judhasi 9; Zvakazarurwa 1:10) Kwakaisvokodzera kuti Iye anofanira kuva Uyo anoita ikoku, sezvo Iye ari Mambo achangobva kugadzwa. Jesu ndiyewo Mbeu, yakapikirwa shure muEdheni, uyo pakupedzisira achapwanya musoro weNyoka, nokudaro achimubvisa pakuvapo kwenguva yose. (Genesi 3:15) Kupfurikidza nokubudisa Satani mudenga, Jesu aenderera mberi kukupwanya ikoko kwokupedzisira.
“Farai, Imi Matenga”
17, 18. (a) Ko Johane anoshuma kuitai kwokudenga pamusoro pokuwa kwaSatani achibva kudenga? (b) Chii chiri manyuko anobvira einzwi guru iro Johane anonzwa?
17 Johane anoshuma kuita kwokufara kwokudenga kwouku kuwa kukurusa kwaSatani, kuti: “Ipapo ndakanzwa inzwi guru mudenga richiti: ‘Zvino rwasvika ruponeso nesimba noumambo zvaMwari wedu nechiremera chaKristu wake, nokuti mupomeri wehama dzedu wakakandirwa pasi, uyo unodzipomera masikati nousiku pamberi paMwari wedu! Uye ivo vakamukunda nokuda kweropa reGwayana uye nokuda kweshoko rokupupurira kwavo, uye ivo havana kuda mweya yavo kunyange pakunangana norufu. Nokuda kwaikoku farai, imi matenga nemi munogaramo!’ ”—Zvakazarurwa 12:10-12a.
18 Inzwi guru raaniko iro Johane anonzwa? Bhaibheri harizati richireva. Asi kudanidzira kumwe cheteko kwakashumwa pana Zvakazarurwa 11:17 kwakabva kuvakuru vakamutswa 24 vari munzvimbo dzavo dzokudenga, uko zvino vanogona kumirira vatsvene vane 144 000. (Zvakazarurwa 11:18) Uye sezvo vabatiri vakazodzwa vanotambudzwa vaMwari vachiri pasi pano vachitaurwa nezvavo pano se“hama dzedu,” uku kutaura kunogona kusanobva mumanyuko mamwe chetewo. Pasina panikiro ava vakatendeka vanogona kukumbanidza inzwi ravo, sezvo rumuko rwavo rwaizotevera nokukurumidza pashure pokunge Satani namapoka ake amadhemoni abudiswa mudenga.
19. (a) Kupedzwa kwechakavanzika chinoyera chaMwari kunozarura nzira nokuda kwokuti Jesu aite chii? (b) Chii chinoratidzirwa nokuva kwaSatani anonzi “mupomeri wehama dzedu”?
19 Kupedzwa kwechakavanzika chinoyera chaMwari kunoda Jesu kuti atore chiremera muUmambo hwaJehovha. Nokudaro nzira inozarurirwa Mwari kuita donzo rake guru rokununura vanhu vakatendeka. Jesu anounza ruponeso kusati kuchingova bedzi kuvadzidzi vake vanotya Mwari zvino vari pasi pano asiwo kumamiriyoni asingaverengeki avakafa vari muyeuko yaMwari. (Ruka 21:27, 28) Kuva kwaSatani anonzi “mupomeri wehama dzedu” kunoratidza kuti, kunyange zvazvo pomero dzake pana Jobho dzakabvumikiswa kuva dzenhema, iye akapfuurira chaizvo nokushora perero yavabatiri vapasi vaMwari. Sezvinooneka, iye akadzokorora panhambo zhinji pomero yokuti munhu achapa zvose zvaanazvo mutsinhano nomweya wake. Haiwa Satani akakundikana nomutoo unosuruvarisa sei!—Jobho 1:9-11; 2:4, 5.
20. Ko maKristu akatendeka akakunda sei Satani?
20 MaKristu akazodzwa, ayo anonzi akarurama “nokuda kweropa reGwayana,” ari kupfuurira kupupurira kuna Mwari nokuna Jesu Kristu pasinei zvapo nezvitambudzo. Kwaanopfuura makore 120, iri boka raJohane rave richiratidzira zvirevo zvikuru zvinobatanidzwa nokuguma kweNguva dzaVamarudzi muna 1914. (Ruka 21:24, King James Version) Uye boka guru zvino riri kubatira muruvimbiko kurutivi rwavo. Hapana navamwe vaivava vano“tya avo vanouraya muviri asi vasingagoni kuuraya mweya,” seizvo zvinoitika chaizvoizvo zveZvapupu zvaJehovha zvakaratidzira zvaratidzirazve munguva yedu. Kupfurikidza neshoko romuromo uye kupfurikidza nokuzvibata kwakafanira kwechiKristu, ivo vakakunda Satani, nguva dzose vachimubvumikisa kuva murevi wenhema. (Mateo 10:28; Zvirevo 27:11; Zvakazarurwa 7:9) Pakuva vanomutsirwa kudenga, maKristu akazodzwa anofanira kuva anofara sei, sezvo Satani asati achitongovakozve kumusoro ikoku kuti apomere hama dzavo! Inguva, zvamazvirokwazvo, yokuti boka rose rengirozi ridavidze nomufaro kukudanidzira, kwokuti: “Farai, imi matenga, nemi munogaramo!”
Nhamo Yomurwisi!
21. Ko Satani akaparira sei nhamo kupasi napagungwa?
21 Akatsamwa nokuda kwenhamo yechitatu, Satani zvino akatsunga pakutambudza vanhu norudzi rwake amene rwakati kuti rwenhamo. Iyo i: “Nhamo nokuda kwapasi uye nokuda kwegungwa, nokuti Dhiabhorosi aburukira kwamuri, anokutsamwa kukuru, achiziva kuti iye ane nhambo pfupi yenguva.” (Zvakazarurwa 12:12b) Kubudiswa kwaSatani mudenga zvamazvirokwazvo kunoreva nhamo nokuda kwapasi chairoiro, iro riri kuparadzwa navanhu vane udyire vari mukudzora kwake. (Dheuteronomio 32:5) Zvinotopfuura izvozvo zvikuru, muitiro waSatani wokuti ‘bata ushe kana kuti paradza’ unounza nhamo kupasi rokufananidzira, chimiro chechaunga chavanhu, uyewo gungwa rokufananidzira, boka rakanyanduka ravanhu ivo vamene. Mukati mehondo dzenyika mbiri, kutsamwa kwaSatani kwakaratidzirwa mukutsamwa kwamarudzi ari pasi pake, uye pfunde pfunde dzimwe chetedzo dzokutsamwa kwamadhemoni dzinopfuurira kusvikira zuva rino—kunyange zvazvo kweisati iri nguva refu zvikuru! (Marko 13:7, 8) Asi kunyange rongedzero dzaDhiabhorosi dzingava dzinotyisa sei, hadzizati dzichizotongosvika muuyo wenhamo uyo nhamo yechitatu—chiito chinoitwa noUmambo hwaMwari—kuchaparira pasangano rinooneka raSatani!
22, 23. (a) Ko Johane anoti chii chinoitika pashure pokunge dragoni yaburutsirwa kupasi? (b) Ko kunobvirira sei dragoni kutambudza “mukadzi akasununguka mwanarume”?
22 Chifo chokubudiswa kwengwavaira kwaSatani, hama dzaKristu dzichiri pasi pano dzakatsungirira masimba masimba okutsamwa kwake. Johane anoshuma, kuti: “Zvino apo dragoni yakaona kuti yakandirwa pasi, yakatambudza mukadzi akasununguka mwanarume. Asi mapapiro maviri egondo guru akapiwa mukadzi, kuti iye agobhururukira kurenje kunzvimbo yake; ikoku ndiko kwaanodyiswa kwenguva nedzinguva nehafu yenguva kure nechiso chenyoka.”—Zvakazarurwa 12:13, 14.
23 Pano chiono chinopfuuridzira mufungo washumwa mundima 6, unotiudza kuti pashure pokuberekwa kwomwana wake, mukadzi anotizira murenje, kure nedragoni. Tingashamisika kuti dragoni inogona sei kutambudza mukadzi, sezvo iye ari mudenga uye dragoni zvino yakakandirwa kupasi. Eya, yeuka kuti mukadzi ana vana pasi pano, mbeu yake. Gare gare mune ichi chiono, tinoziviswa kuti Satani anoratidzira kutsamwa kwake kumukadzi kupfurikidza nokutambudza mbeu yake. (Zvakazarurwa 12:17) Chinoitika kumbeu yomukadzi pasi pano chingarangarirwa sechinoitika kumukadzi iye amene. (Enzanisa naMateo 25:40.) Uye chiverengero chinowedzera cheshamwari dzembeu pasi pano chaizotamburawo izvi zvitambudzo.
Rudzi Rutsva
24. Ko Vadzidzi veBhaibheri vakava nechinoitikai chakanga chakafanana nokununurwa kwavaIsraeri muEgipita?
24 Apo hondo yenyika yokutanga yakanga ichirwiwa, hama dzaJesu mukutendeka dzakapfuurira nokupupurira kwadzo kuukuru hunobvira. Ikoku kwakaitwa mukunangana nechishoro chakakudziridzwa chinobva kuna Satani navatsigiri vake vanorura. Pakupedzisira, kupupurira kwapamhene kwaVadzidzi veBhaibheri kwakamiswa chose chose. (Zvakazarurwa 11:7-10) Ipapa pakanga pari apo ivo vakava nechinoitika chakafanana zvikuru nechecho chavaIsraeri vari muEgipita avo vakatsungirirawo mudzvinyiriro huru. Pakanga pari panguva iyoyo apo Jehovha akavaendesa nokukurumidza, sokunge kuti vari pamapapiro amakondo, kukotsekano murenje reSinai. (Eksodho 19:1-4) Nomutoo wakafanana, pashure pechitambudzo chakakasharara cha1918-19, Jehovha akanunura zvapupu zvake, sezvinomirira mukadzi wake, ndokuzvipinza mumugariro womudzimu wakanga wakakotsekana kwazviri sezvakanga zvakaita renje nokuda kwavaIsraeri. Ikoku kwakaitika semhinduro yeminyengetero yazvo.—Enzanisa nePisarema 55:6-9.
25. (a) Ko Jehovha akaberekei muna 1919, sezvo iye akabereka vaIsraeri sorudzi rutsva murenje? (b) Ndivanaani vanoumba urwu rudzi, uye ivo vakapinzwa muchii?
25 Murenje, Jehovha akabereka vaIsraeri sorudzi, achivagovera mumudzimu nomunyama. Nomutoo wakafanana, kutanga muna 1919, Jehovha akabereka mbeu yomukadzi sorudzi rwomudzimu. Ikoku hakuzati kuchifanira kuvhiringidzwa noUmambo hwouMesiya hwave huchibata ushe huri kumatenga chifo cha1914. Panzvimbo pakwo, uru rudzi rutsva runoumbwa navakasarira vezvapupu zvakazodzwa pasi pano, zvakapinzwa mumugariro une mbiri womudzimu muna 1919. Zvichiva zvinogoverwa zvino “chiyero chazvo chemigove yezvokudya panguva yakafanira” izvozvi zvakasimbaradzwa nokuda kwebasa riri mberi.—Ruka 12:42; Isaya 66:8.
26. (a) Ko nhambo yenguva inodudzwa pana Zvakazarurwa 12:6, 14 yakareba zvakadini? (b) Chii chakanga chiri donzo renhambo dzenguva nhatu nehafu, dzakavamba rini, uye dzakaguma rini?
26 Ko uku kutindika kwembeu yomukadzi waMwari kwakagara kwenguva yakareba zvakadini? Zvakazarurwa 12:6 inoti mazuva 1 260. Zvakazarurwa 12:14 inoidza nhambo yacho kuti nguva, dzinguva, nehafu yenguva; namamwe mashoko, nguva nhatu nehafu. Kureva idika, kutaura kwose kuri kuviri kunomirira makore matatu nehafu, kuvambira muchirimo cha1919 kusvikira mumunakamwe wa1922 Kuchamhembe Kwapakati Penyika. Iyoyi yakanga iri nhambo yokunaya kunozorodza nokurongazve nokuda kweboka raJohane rakadzorerwa.
27. (a) Mukuwirirana nomushumo waJohane, ko dragoni yakaitei pashure pa1922? (b) Nderipi rakanga riri donzo raSatani mukubudisa mafashamo echitambudzo mukurwisana neZvapupu?
27 Dragoni haina kutera! “Ipapo dragoni yakabudisa mvura yakaita sorwizi mumuromo mayo shure kwomukadzi, kumuita kuti anyudzwe norwizi.” (Zvakazarurwa 12:15) Chii chinorehwa ne“mvura dzakaita sorwizi,” kana kuti “mafashamo emvura”? (The New English Bible) Mambo wekare Dhavhidhi akataura nezvavanhu vakaipa vaimushora sa“mafashamo anofashamira avanhu vasina maturo” [“nzizi dzavasina betsero,” Young]. (Pisarema 18:4, 5, 16, 17) Icho Satani zvino anobudisa neimwe nzira yakafanana chitambudzo chinoitwa navanhu vasingabetseri kana kuti “vanhu vasina maturo.” Pashure pa1922 Satani akabudisa mafashamo echitambudzo mukurwisana neZvapupu. (Mateo 24:9-13) Ichochi chakabatanidza masimba masimba okurova, “kuruka mazano enhamo kupfurikidza nechirevo,” kupfigira mutorongo, uye kunyange kuuraya kupfurikidza nokuturika, kupfura, nokugura musoro. (Pisarema 94:20) Satani akaderedzwa, asingakwanisi kusvika zvakananga kumukadzi waMwari wokudenga, akatanga mukutsamwa kudenha mbeu yake yakasarira pasi pano uye kuvaparadza, nomutoo wakananga kana kuti kupfurikidza nokuvaparira kurashikirwa netendero yaMwari kupfurikidza nokuputsa perero yavo. Asi kutsunga kwavo kwakabvumikisa kuva kwakaita sokuye kwaJobho: “Kutosvikira ini ndaparara, ini handizati ndichizorasikirwa neperero yangu ndimene!”—Jobho 27:5.
28. Ko mafashamo echitambudzo akasvika sei mwero mukurusa mukati meHondo yeNyika II?
28 Aya mafashamo anorura echitambudzo akasvika mwero mukurusa mukati meHondo yeNyika II. MuEurope Zvapupu 12 000 zvakapfigirwa mumisasa yechibharo yeNazi uye mutorongo, uye zvinenge 2 000 zvakafa. Mukudzora kwavatungamiriri vakuru vehondo vakabata ushe Italy, Japan, Korea, uye Taiwan, Zvapupu zvakatendeka zvakatambura kubatwa kwoutsinye kwakafanana. Kunyange mune dzinonzi nyika dzoubati ushe hwokusarudza kwavoruzhinji, Zvapupu zvakadenhwa namapoka eChiito chechiKaturike, zvakazorwa tara ndokunamwa minhenga, uye zvakadzingwa mutaundi. Magungano echiKristu akadzongonyedzwa uye vana veZvapupu vakadzingwa muchikoro.
29. (a) Ko Johane anorondedzera sei sununguko yakasvika ichibva kumanyuko asingakarirwi? (b) Kunodaro sei kuti “pasi rakabetsera mukadzi”? (c) Ko shato yave ichipfuurira kuitei?
29 Sununguko yakasvika kubva kumanyuko asingakarirwi: “Asi pasi rakabetsera mukadzi, uye pasi rakashamisa muromo waro ndokumedza rwizi urwo dragoni yakabudisa mumuromo mayo. Ipapo dragoni yakatsamwira mukadzi, ikandorwa navakasarira vembeu yake, avo vanochengeta mirairo yaMwari uye vane basa rokupupurira Jesu.” (Zvakazarurwa 12:16, 17) “Pasi”—masangano ari mutsika yaSatani amene yezvinhu—akavamba kumedza “rwizi,” kana kuti “mafashamo.” Mukati mama1940 Zvapupu zvakawana nhevedzano yezvisarudzo zvakanaka muDare Rapamusoro reUnited States, nomumasimba anobata ushe mune dzimwe nyika, awo akatsigira rusununguko rwokunamata. Pakupedzisira, marudzi Akabatana akamedza simba gurusa ravaNazi namaFascist, kusvikira pakusununguka kweZvapupu zvakanga zvatambura mukudzora kwoushushi kwoutsinye. Zvitambudzo hazvina kupera chose chose, nokuti kutsamwa kwedragoni kwapfuurira kusvikira nhasi, uye iyo inopfuurira kurwisana naavo “vane basa rokupupurira Jesu.” Munyika zhinji, Zvapupu zvakavimbika zvichiri mutorongo, uye zvimwe zvichiri kufa nokuda kwokuperera kwazvo. Asi mune dzimwe dzeidzi nyika, zviremera panguva nenguva zvinoderedza dzvinyiriro yazvo, uye Zvapupu zvinofarikanya mwero mukuru zvikuru worusununguko.c Nokudaro, muzadziko youporofita, pasi rinopfuurira kumedza rwizi rwechitambudzo.
30. (a) Pasi rakagovera sununguko yakaringanira nokuda kwokuti chii chiitike? (b) Perero yavanhu vaMwari inoguma nechii?
30 Neiyi nzira, pasi rakagovera sununguko yakaringanira kubvumira basa raMwari kupararira kunyika dzinenge 235 ndokubereka vaparidzi vemashoko akanaka vakatendeka vanopfuura mamiriyoni matanhatu. Pamwe chete navakasarira vembeu yomukadzi, boka guru ramarudzi ose ravadaviri vatsva riri kuchengeta mirairo yaMwari pamusoro pokuparadzana nenyika, tsika dzakachena, uye rudo rwehama, uye vari kupupurira Umambo hwouMesiya. Perero yavo inopindura chishoro chinozvidza chaSatani, zvokuti chiratidzo chorufu chiri kuziviswa nokuda kwaSatani netsika yake yezvinhu.—Zvirevo 27:11.
[Mashoko Omuzasi]
a Enzanisira nendudzi 12 dzaIsraeri wokunyama, vaapostora 12, ndudzi 12 dzaIsraeri womudzimu, namasuo 12, ngirozi 12, uye mabwe enheyo 12 eJerusarema Idzva.—Zvakazarurwa 21:12-14.
b Zvisinei, cherekedza kuti Zvakazarurwa 12:9 inoreva nezve“dragoni huru . . . nengirozi dzayo.” Naizvozvo Dhiabhorosi haazati achingozviita iye amene mwari wokunyepedzera asiwo anoedza kuva ngirozi huru, kunyange zvazvo Bhaibheri risati richitongomupa zita irero rechiratidzo.
c Matare apamusoro zvikuru muchiverengero chakati chenyika akapa sununguko kuZvapupu zvaJehovha; zvimwe zveizvi zvisarudzo zvinodudzwa mubhokisi riri papeji 92.
[Bhokisi riri papeji 185]
“Pasi Rakashama Muromo Waro”
Mafashamo anofashamira aSatani echitambudzo akasunungurirwa munyika zhinji mukurwisana namaKristu akazodzwa neshamwari dzawo. Kazhinji kazhinji, kunyange zvazvo zvakadaro, zvinoitika mukati metsika yezvinhu yaSatani amene zvakaguma nokuva kwamafashamo iwawo anomedzwa.
Mafashamo okudenha nemhomho nokupfigira mutorongo muUnited States akamedzwa zvikurukuru kupfurikidza nezvisarudzo zvakanaka zveDare Rapamusoro muma1940.
1945: Chitambudzo chinorura munyika dzinorura dzinodzorwa neGermany neJapan chakamiswa namarukundo eNyika Dzakabatana muHondo yeNyika II.
Apo rambidzo yakaiswa paZvapupu zvaJehovha muDominican Republic, Zvapupu zvakapfigirwa mutorongo, zvakakwapurwa, uye zvakarohwa nezvidhuvhuro zvepfuti. Muna 1960 pokanidzano pakati pomushushi Rafael Trujillo nechechi yeRoma Katurike zvakaparira kubviswa kwerambidzo paZvapupu zvaJehovha.
Kupfurwa, kupiswa, kubatwa chibharo, kurohwa, kutambudzwa, nokuurawa kweZvapupu mukati mehondo yavasati vari varwi muNigeria kwakasvika pakumira muna 1970 apo mauto ehurumende akakunda ruwa rwakapanduka umo zvinhu izvozvi zvakanga zvichiitika.
MuSpain misha yakavhozhokerwa uye maKristu akafaindiswa ndokupfigirwa mutorongo nokuda kwe“mhaka” yokutaura pamusoro paMwari nokuita misangano yechiKristu. Chitambudzo ichi pakupedzisira chakagumiswa muna 1970, apo somuuyo wechinjo yeHurumunde yomuitiro kumarudzidziso asati ari echiKaturike, Zvapupu zvaJehovha zvakabvumirwa kuva zvinonyoresa pamutemo.
MuPortugal mazana emisha akasechwa pasina mvumiro. Zvapupu zvakakuvadzwa mumuviri ndokupfigirwa mutorongo, uye maBhaibheri azvo akabvutwa. Iyi tyisidziro yaka‘medzwa’ apo, muna 1974, kupanduka kwamauto kwakaparira chinjo muhurumende uye mutemo wakaitwa unobvumira rusununguko rwokuungana.
MuArgentina, mukudzora kwehurumende yamauto, vana veZvapupu zvaJehovha vakadzingwa muchikoro, uye Zvapupu munyikayo yose zvakasungwa nokuda kwokuparidzira mashoko akanaka. Ichi chitambudzo pakupedzisira chakagumiswa muna 1984 apo hurumende yaibata ushe panguva iyoyo yakabvuma pamutemo Sangano reZvapupu zvaJehovha.
[Chati iri papeji 183]
(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)
1914 Kuberekwa kwoUmambo
1919 Kuberekwa kworudzi rutsva
1919-1922 Nhambo yenguva
1922- Fashamo rechitambudzo
[Mifananidzo iri papeji 182]
Nhamo kupasi