Jehovha Anopa Mbiri Kuvanakomana Vakawanda
“Zvakanga zvakafanira kuti iye [Mwari], akwanise Mutungamiriri wokuponeswa kwavo nenzira yokutambudzika.”—VAHEBHERU 2:10.
1. Nei tichigona kuva nechokwadi chokuti chinangwa chaMwari kuvanhu chichazadzika?
JEHOVHA akasika pasi kuti rive musha usingagumi wemhuri yavanhu yakakwana inofarikanya upenyu husingaperi. (Muparidzi 1:4; Isaya 45:12, 18) Chokwadi, tateguru wedu Adhama akatadza uye somugumisiro akapfuudza chivi norufu kuvana vake. Asi chinangwa chaMwari kurudzi rwomunhu chichazadzikwa kupfurikidza neMbeu yake Yakapikirwa, Jesu Kristu. (Genesi 3:15; 22:18; VaRoma 5:12-21; VaGaratia 3:16) Kuda vanhu kwakasunda Jehovha kupa “Mwanakomana wake wakaberekwa mumwe oga, kuti ani naani unotenda kwaari, arege kufa, asi ave noupenyu husingaperi.” (Johane 3:16) Uye rudo rwakasunda Jesu “kupa upenyu hwake ruve rudzikinuro rwavazhinji.” (Mateo 20:28) Urwu “rudzikinuro rwavose” runotenga kodzero nekariro zvakaraswa naAdhama uye runoita kuti upenyu husingaperi hubvire.—1 Timotio 2:5, 6; Johane 17:3.
2. Kushandiswa kwechibayiro chorudzikinuro chaJesu kwakafananidzirwa sei paZuva Reyananiso regore negore raIsraeri?
2 Kushanda kwechibayiro chorudzikinuro chaJesu kwakafananidzirwa paZuva Reyananiso regore negore. Pazuva iroro, muprista mukuru waIsraeri aitanga kubayira nzombe sechipiriso chezvivi ndokupisa ropa rayo paAreka inoyera muNzvimbo Tsvene tsvene yetabhernakeri, uye gare gare mutemberi. Izvi zvaiitirwa iye pachake, mhuri yake, uye rudzi rwaRevhi. Nenzira yakafanana, Jesu Kristu akapa kuna Mwari ukoshi hweropa rake kutanga kuti afukidze zvivi zve“hama” dzake dzomudzimu. (VaHebheru 2:12; 10:19-22; Revhitiko 16:6, 11-14) PaZuva Reyananiso, muprista mukuru aibayirawo mbudzi sechipiriso chezvivi ndokupisa ropa rayo muNzvimbo Tsvene tsvene, nokudaro achiyananisira zvivi zvendudzi 12 dzaisava dzevaprisita dzaIsraeri. Nenzira yakafanana, Muprista Mukuru Jesu Kristu achashandisa ropa rake roupenyu nokuda kwavanhu vanoshandisa kutenda, achidzima zvivi zvavo.—Revhitiko 16:15.
Vanopiwa Mbiri
3. Maererano naVaHebheru 2:9, 10, Mwari ave achiitei kwemakore 1 900?
3 Kwemakore 1 900, Mwari ave achiitira “hama” dzaJesu chimwe chinhu chinoshamisa. Pamusoro peizvi, muapostora Pauro akanyora kuti: “Tinomuona, iye Jesu, wakaitwa muduku zvishoma kuvatumwa; akashongedzwa korona yokubwinya nokukudzwa nokuda kwokutambudzika kworufu, kuti nenyasha dzaMwari anzwe rufu nokuda kwavose. Nokuti zvakanga zvakafanira kuti iye [Jehovha Mwari], wakaitirwa zvinhu zvose, uye wakaita zvose, pakuisa kwake vanakomana vazhinji pakubwinya, akwanise Mutungamiriri wokuponeswa kwavo nenzira yokutambudzika.” (VaHebheru 2:9, 10) Mumiririri Mukuru woruponeso ndiJesu Kristu, uyo akadzidza kuteerera kwakakwana kupfurikidza nezvinhu zvaakatambura paakanga achirarama semunhu pasi pano. (VaHebheru 5:7-10) Jesu akanga ari wokutanga kuberekwa semwanakomana womudzimu waMwari.
4. Jesu akaberekwa seMwanakomana waMwari womudzimu rini uye sei?
4 Jehovha akashandisa mudzimu wake mutsvene, kana kuti simba rinoita basa, kubereka Jesu seMwanakomana wake womudzimu, kuitira kuti apiwe mbiri yokudenga. Paakanga ari oga naJohane Mubhabhatidzi, Jesu akanyudzwa chose chose mumvura kuti aratidzire kuzvipa kwake kuna Mwari. Nhoroondo yeEvhangeri yaRuka inoti: “Vanhu vose vakati vabhabhatidzwa, naiye Jesu akabhabhatidzwawo, achinyengetera, denga rikazarurwa, Mweya mutsvene [u]kaburukira pamusoro pake nomufananidzo wakaita sowenjiva, inzwi rikabva kudenga, richiti: Ndiwe Mwanakomana wangu, unodikanwa; ndinokufarira.” (Ruka 3:21, 22) Johane akaona mudzimu mutsvene uchiuya pana Jesu uye akanzwa Jehovha achitaura pachena kumutendera kwake seMwanakomana Wake anodiwa. Panguva iyoyo uye kupfurikidza nomudzimu mutsvene, Jehovha akabereka Jesu sewokutanga we‘vanakomana vakawanda vanopiwa mbiri.’
5. Ndivanaani vakava vokutanga kubetserwa nechibayiro chaJesu, uye vangani?
5 “Hama” dzaJesu dzakava dzokutanga kubetserwa nechibayiro chake. (VaHebheru 2:12-18) Muchiono, muapostora Johane akavaona vachitova mumbiri paGomo reZioni rokudenga vane Gwayana, Ishe Jesu Kristu akamutswa. Johane akadudzawo nhamba yavo, achiti: “Zvino ndakatarira, ndikaona Gwayana rimire paGomo reZioni, rina vamwe vane zviuru zvine zana namakumi mana navana, vane zita raro, nezita raBaba varo, rakanyorwa pahuma dzavo. . . . Ndivo vakadzikinurwa pakati pavanhu, kuti vave zvibereko zvokutanga kuna Mwari nokuGwayana.” (Zvakazarurwa 14:1-5) Naizvozvo ‘vanakomana vakawanda vanopiwa mbiri’ mudenga vose pamwe chete i144 001 bedzi—Jesu nehama dzake dzomudzimu.
“Wakaberekwa naMwari”
6, 7. Ndivanaani “vakaberekwa naMwari,” uye izvi zvinorevei kwavari?
6 Avo vanoberekwa naJehovha “[v]akaberekwa naMwari.” Achitaura kuvanhu vakadaro, muapostora Johane akanyora kuti: “Mumwe nomumwe wakaberekwa naMwari haaiti zvivi, nokuti mbeu yake [Jehovha] inogara maari, haagoni kuita zvivi, nokuti wakaberekwa naMwari.” (1 Johane 3:9) “Mbeu” iyi mudzimu mutsvene waMwari. Uchishanda pamwe neshoko rake, wakapa mumwe nomumwe wevane 144 000 “kuberekwa kutsva” kwetariro yokudenga.—1 Petro 1:3-5, 23, NW.
7 Jesu akanga ari Mwanakomana waMwari kubva pakuberekwa kwake somunhu, kunyange sezvo munhu akakwana Adhama akanga ari “mwanakomana waMwari.” (Ruka 1:35; 3:38) Pashure pokubhabhatidzwa kwaJesu, zvisinei, zvaikosha kuti Jehovha azivise kuti: “Ndiwe Mwanakomana wangu unodikanwa, ndinokufarira.” (Marko 1:11) Kupfurikidza nokuzivisa uku kwaiperekedza kuyerera kwomudzimu mutsvene, zvakanga zvakajeka kuti ipapo Mwari akabereka Jesu seMwanakomana Wake womudzimu. Nokufananidzira, Jesu ipapo aka“berekwa [pa]tsva” ane kodzero yokugamuchirazve upenyu mudenga seMwanakomana womudzimu waMwari. Kufanana naye, hama dzake dzomudzimu dzine 144 000 dzino“berekwa [pa]tsva.” (Johane 3:1-8; ona Nharireyomurindi, November 15, 1992, mapeji 3-6.) Uyewo saJesu, vanozodzwa naMwari uye vanotumwa kunozivisa mashoko akanaka.—Isaya 61:1, 2; Ruka 4:16-21; 1 Johane 2:20.
Ufakazi Hwokuberekwa
8. Ufakazii hwokuberekwa nomudzimu hwakanga huri (a) pana Jesu (b) pavadzidzi vake vapakuvamba?
8 Pakanga pane ufakazi hwokuti Jesu akanga aberekwa nomudzimu. Johane Mubhabhatidzi akaona mudzimu uchiburuka pana Jesu uye akanzwa kuzivisa kwaMwari kwokuva mwanakomana womudzimu kwaMesiya achangozodzwa. Asi vadzidzi vaJesu vaizoziva sei kuti vakanga vaberekwa nomudzimu? Eya, pazuva rokukwira kwake kudenga, Jesu akati: “Nokuti Johane, zvirokwazvo, wakabhabhatidza nemvura, asi imi muchabhabhatidzwa noMweya Mutsvene, mazuva mazhinji asati apera.” (Mabasa 1:5) Vadzidzi vaJesu vakabhabhatidzwa “noMweya Mutsvene” pazuva rePendekosti ya33 C.E. Kudururwa ikoko kwomudzimu kwakaperekedzwa no‘ruzha rwakabva kudenga semhepo ine simba’ uye “nendimi dzinenge moto” pamusoro pomumwe nomumwe wevadzidzi vacho. Chakanga chichishamisa zvikuru kwaiva kukwanisa kwevadzidzi “kutaura nedzimwe ndimi, pavakapiwa napo noMweya kureva.” Naizvozvo pakanga pane ufakazi hunooneka uye hunonzwika hwokuti nzira yembiri yokudenga sevanakomana vaMwari yakanga yazarurirwa vateveri vaKristu.—Mabasa 2:1-4, 14-21; Joere 2:28, 29.
9. Ufakazii hwakanga huripo hwokuti vaSamaria, Kornerio, nevamwe vomuzana rokutanga ramakore vakanga vaberekwa nomudzimu?
9 Nguva yakati pashure pezvo, muevhangeri Firipo akaparidza muSamaria. Kunyange zvazvo vaSamaria vakagamuchira shoko rake uye vakabhabhatidzwa, vaishaya ufakazi hwokuti Mwari akanga avabereka sevanakomana vake. Apo vaapostora Petro naJohane vakanyengetera ndokuisa maoko avo pavatendi ivavo, “vakapiwa Mweya Mutsvene” munzira yakati yakanga ichionekwa nevacherekedzi. (Mabasa 8:4-25) Uhu hwakanga huri ufakazi hwokuti vaSamaria vanotenda vakanga vaberekwa sevanakomana vaMwari. Nenzira yakafanana, muna 36 C.E., Kornerio nevamwe vaMarudzi vakagamuchira chokwadi chaMwari. Petro nevatendi vechiJudha vakanga vamuperekedza “vakashamiswa, nokuti chipo choMweya Mutsvene chakanga chadururirwa pamusoro pavahedheniwo. Nokuti vakavanzwa vachitaura nedzimwe ndimi, vachirumbidza Mwari.” (Mabasa 10:44-48) VaKristu vakawanda vomuzana rokutanga ramakore vakagamuchira “zvinhu zvoMweya,” zvakadai sekutaura nendimi. (1 VaKorinte 14:12, 32) Nokudaro ava vanhu vakanga vane ufakazi hwakajeka hwokuti vakanga vaberekwa nomudzimu. Asi vaKristu vapashure vaizoziva sei kuti vakanga vakaberekwa nomudzimu?
Kupupura Kwomudzimu
10, 11. Pahwaro hwaVaRoma 8:15-17, ungataura sei kuti mudzimu unopupurirana neavo vari vadyi venhaka pamwe naKristu?
10 VaKristu vose 144 000 vakazodzwa vakava noufakazi hwakakwana hwokuti vane mudzimu waMwari. Munhau iyi, Pauro akanyora kuti: “Makapiwa mweya wokuitwa vana, watinodana nawo, tichiti: Aba, Baba. Mweya amene unopupurirana nomweya wedu, kuti tiri vana vaMwari; zvino kana tiri vana vaMwari, tiri vadyi venhaka; vadyi venhaka yaMwari, vadyi venhaka pamwe chete naKristu; kana tichitambudzika pamwe naye, tigokudzwawo pamwe chete naye.” (VaRoma 8:15-17) VaKristu vakazodzwa vane mudzimu wokuva vana vaBaba vavo vokudenga, pfungwa huru yokuva vanakomana. (VaGaratia 4:6, 7) Vane chokwadi chakakwana chokuti vakaberekwa naMwari kuti vave vanakomana vomudzimu sevadyi venhaka pamwe naKristu muUmambo hwokudenga. Munhau iyi, mudzimu mutsvene waMwari unoita basa chairo.
11 Mukupesvedzerwa nomudzimu mutsvene waMwari, mudzimu, kana kuti murangariro mukuru, wevakazodzwa unovasunda kupindura nechivimbo kuizvo Shoko raMwari rinotaura pamusoro petariro yokudenga. Somuenzaniso, pavanorava zvinotaura Magwaro pamusoro pevana vomudzimu vaJehovha, vanobvuma nomuzvarirwo kuti mashoko akadaro anoshanda kwavari. (1 Johane 3:2) Vanoziva kuti va“kabhabhatidzwa muna Kristu Jesu” uye murufu rwake. (VaRoma 6:3) Kupwiswa kwavo kwakasimba ndekwokuti vana vomudzimu vaMwari, avo vachafa ndokumutsirwa kumbiri yokudenga, sezvakaitwa Jesu.
12. Mudzimu waMwari wakatangei muvaKristu vakazodzwa?
12 Kuberekwa kuva mwanakomana womudzimu hachisi chishuvo chinosakurirwa. Vakaberekwa nomudzimu havadi kuenda kudenga nemhaka yenhamo kana kuti zvinetso zvazvino uno zviri pasi pano. (Jobho 14:1) Panzvimbo pezvo, mudzimu waJehovha wakatanga muvakazodzwa zvechokwadi tariro nechishuvo zvisingawanzozivikanwi nevanhu vose. Vakaberekwa vakadaro vanoziva kuti upenyu husingaperi mukukwana kwevanhu huchafadza muparadhiso yapasi mune mhuri inofara neshamwari. Zvisinei, upenyu hwakadaro hausi chishuvo chikuru chemwoyo yavo. Vakazodzwa vane tariro yokudenga yakasimba zvikuru zvokuti vanorega nokudisa kariro dzose dzapasi nebatano.—2 Petro 1:13, 14.
13. Maererano na2 VaKorinte 5:1-5, chii chakanga chiri ‘chishuvo chechokwadi’ chaPauro, uye izvi zvinoratidzirei pamusoro pevakaberekwa nomudzimu?
13 Tariro youpenyu hwokudenga yakapiwa naMwari yakasimba kwazvo muvakadaro zvokuti mirangariro yavo yakafanana neyaPauro, uyo akanyora kuti: “Nokuti tinoziva kuti kana imba yedu yenyika, [tende, NW] yedu, ichiputswa, tine chakavakwa chinobva kuna Mwari, imba isina kuvakwa namaoko, isingaperi, iri kudenga. Nokuti tinogomerawo mairi, tichishuva kuti tifukidzwe neimba yedu inobva kudenga; nokuti kana takafukidzwa hedu, hatingawanikwi tisina chatakafuka. Nokuti nesu, tiri mu[tende, NW] iyi, tinogomera, tichiremerwa; tisingadi kuti tikutunurwe, asi kuti tifukidzwe, kuti chinofa chimedzwe noupenyu. Zvino, uyo wakatigadzirira chinhu ichi ndiMwari, wakatipawo rubatso rwoMweya.” (2 VaKorinte 5:1-5) ‘Chishuvo chechokwadi’ chaPauro chakanga chiri chokumutsirwa kudenga sechisikwa chomudzimu chisingafi. Achitaura nezvemuviri womunhu, akashandisa kutaura kwekufananidzira kwetende inowa, pokugara pasina kusimba pechinguvana kana pachienzaniswa neimba. Kunyange zvazvo vachirarama pasi vari mumuviri wenyama, inofa, vaKristu vane mudzimu sechiratidzo choupenyu hwokudenga vanomirira “chakavakwa chinobva kuna Mwari,” muviri usingafi, usingaori womudzimu. (1 VaKorinte 15:50-53) SaPauro, vanogona kutaura nouchokwadi kuti: “Tinotsungawo mwoyo tichiti zviri nani kuti tirege kugara pamuviri [womunhu], kuti tigare [mudenga] kunaShe.—2 VaKorinte 5:8.
Vanopinzwa Musungano Chaidzo
14. Paakatanga kuchengetwa kweChirangaridzo, Jesu akatanga kududza sungano ipi, uye inoita basai kuvaIsraeri vomudzimu?
14 VaKristu vakaberekwa nomudzimu vane chokwadi chokuti vakapinzwa musungano mbiri chaidzo. Jesu akadudza imwe yaidzodzi paakashandisa chingwa chisina mbiriso newaini kuti atange Chirangaridzo chorufu rwake rwaizouya ndokutaura nezvemukombe wewaini achiti: “Mukombe uyu isungano itsva muropa rangu, rinoteurirwemi.” (Ruka 22:20; 1 VaKorinte 11:25) Ndivanaani vanogoverana musungano itsva? Jehovha Mwari nemitezo yaIsraeri womudzimu—avo Jehovha ane chinangwa chokupa mbiri yokudenga. (Jeremia 31:31-34; VaGaratia 6:15, 16; VaHebheru 12:22-24) Ichiitwa kuti ishande kupfurikidza neropa raJesu, sungano itsva inotora mumarudzi vanhu vezita raJehovha ndokuita ava vaKristu vakaberekwa nomudzimu rutivi rwe“mbeu” yaAbrahama. (VaGaratia 3:26-29; Mabasa 15:14) Sungano itsva inoita kuti vaIsraeri vose vomudzimu vapiwe mbiri kupfurikidza nokumutsirwa kuupenyu hwokusafa mudenga. Sezvo iri “sungano isingaperi,” betsero dzayo dzichagara nokusingaperi. Hazvisati zvazivikanwa kana sungano iyi ichizoitawo basa mudzimwe nzira muMireniyumu uye pashure paizvozvo.—VaHebheru 13:20.
15. Maererano naRuka 22:28-30, vateveri vakazodzwa vaJesu vakavamba kupinzwa muimwezve sunganoi, uye rini?
15 “Vanakomana vakawanda” avo Jehovha akaita chinangwa choku‘pa mbiri’ vakapinzwawo semunhu mumwe nomumwe musungano yoUmambo hwokudenga. Pamusoro pesungano iyi yepakati pake nevateveri vamakwara ake, Jesu akati: “Imi ndimi makagara neni pamiidzo yangu. Ndinokugarisai nhaka youshe saBaba vangu vakandigarisa nhaka, kuti mugodya nokunwa patafura rangu muushe hwangu; muchagara pazvigaro zvoushe, muchitonga marudzi ane gumi namaviri avaIsraeri.” (Ruka 22:28-30) Sungano yoUmambo yakatangwa pakazodzwa vadzidzi vaJesu nomudzimu mutsvene paPendekosti ya33 C.E. Sungano iyoyo inoramba ichishanda pakati paKristu nemadzimambo ake pamwe naye nokusingaperi. (Zvakazarurwa 22:5) Naizvozvo, ipapoka, vaKristu vakaberekwa nomudzimu vane chokwadi chokuti vari musungano itsva uye musungano yoUmambo. Naizvozvo, pakuchengetwa kweChirairo chaShe, vakazodzwa vashomanene bedzi vasara vachiri pasi pano vanogoverana chingwa, chinomirira muviri usina chivi waJesu, uye waini, inomirira ropa rakakwana raJesu rinodururwa murufu uye rinosimbisa sungano yacho itsva.—1 VaKorinte 11:23-26; ona Nharireyomurindi, February 1, 1989, mapeji 17-20.
Vakadanwa, Vakasarudzwa, uye Vakatendeka
16, 17. (a) Kuti vapiwe mbiri, chii chinofanira kuva chechokwadi nezvavose ve144 000? (b) Ndivanaani vari “madzimambo ane gumi,” uye vari kubata sei vakasarira vari pasi ve“hama” dzaKristu?
16 Kushanda kwokutanga kwechibayiro chorudzikinuro chaJesu kunoita kuti zvibvire kuvane 144 000 kuti vadanirwe kuupenyu hwokudenga ndokusarudzwa kupfurikidza nokuberekwa nomudzimu naMwari. Kupiwa mbiri chokwadika, vanofanira ku‘ita zvose zvavanogona kuti vave nechokwadi chokudanwa nokusarudzwa kwavo,’ uye vanofanira kubvumikisa kuva vakatendeka kusvika kurufu. (2 Petro 1:10; VaEfeso 1:3-7; Zvakazarurwa 2:10) Vakasarira vashoma vevakazodzwa vachiri pasi pano vari kuchengeta kuperera kwavo kunyange zvazvo vachishorwa ne“madzimambo ane gumi” anomirira masimba ose ezvematongerwe enyika. “Ava vacharwa neGwayana,” yakadaro ngirozi, “Gwayana richavakunda, nokuti iro ndiShe wamadzishe, namambo wamadzimambo; naivo vanaro ndivanhu vakadanwa, vatsvene, vakatendeka.”—Zvakazarurwa 17:12-14.
17 Vatongi vevanhu havagoni kuita chinhu mukurwisana naJesu, “Mambo wamadzimambo,” nokuti ari mudenga. Asi vanoratidza ruvengo kuvakasarira ve“hama” dzake vachiri pasi pano. (Zvakazarurwa 12:17) Izvozvo zvichaguma pahondo yaMwari yeArmagedhoni, apo rukundo ruchavimbiswa kuna “Mambo wamadzimambo” ne“hama” dzake—“vakadanwa, vatsvene, vakatendeka.” (Zvakazarurwa 16:14, 16) Munguvayi, vaKristu vakaberekwa nomudzimu vakabatikana zvikuru. Vari kuitei iye zvino, vasati vapiwa mbiri naJehovha?
Ndeipi Iri Mhinduro Yako?
◻ Mwari anopa ‘mbiri yokudenga’ kuna vanaani?
◻ “Kuberekwa naMwari”kunorevei?
◻ ‘Mudzimu unopupurirana’ sei nevamwe vaKristu?
◻ Vakaberekwa nomudzimu vakapinzwa musungano dzipi?
[Mufananidzo uri papeji 15]
PaPendekosti ya33 C.E., pakapiwa ufakazi hwokuti nzira yokumbiri yokudenga yakanga yazarurwa