Ganhuro 37
Kuchema Nokufarira Mugumo weBhabhironi
1. Ko “madzimambo apasi” achaita sei kuruparadziko rwakamwe kamwe rweBhabhironi Guru?
MUGUMO weBhabhironi mashoko akanaka nokuda kwavanhu vaJehovha, asika marudzi anourangarira sei? Johane anotiudza, kuti: “Ipapo madzimambo apasi akaita ufeve naro uye airarama mukuzvifadza kusina nyadzi achachema ndokuzvirova iwo amene murusuruvaro pamusoro paro, apo iwo anotarira utsi hunobva pakupiswa kwaro, apo anenge amire padaro rakati kuti nokuda kwokutya kwawo kutambudzwa kwaro uye achiti: ‘Maiwe, maiwe, iwe guta guru, iwe guta rine simba Bhabhironi, nokuti rutongeso rwako rwakasvika muawa imwe!’ ”—Zvakazarurwa 18:9, 10.
2. (a) Nyanga dzine gumi dzokufananidzira dzechikara chitsvuku zvadzinoparadza Bhabhironi Guru, neiko “madzimambo apasi” achichemera mugumo waro? (b) Neiko madzimambo anotapurwa norusuruvaro achimira padaro rakati kuti kubva kuguta rakashurikidzwa?
2 Kuita kwamarudzi kungaratidzika kuva kunokatyamadza mukurangarira idi rokuti Bhabhironi rakaparadzwa nenyanga dzine gumi dzokufananidzira dzechikara chitsvuku. (Zvakazarurwa 17:16) Asika apo Bhabhironi rinenge raparadzwa, “madzimambo apasi” sezviri pachena achaziva mabetserere arakanga riri kwaari mukuita kuti vanhu varambe vakanyaradzwa uye vachizviisa pasi. Vafundisi vakazivisa hondo kuva tsvene, vakashanda savamiriri vanotsvagira varwi, uye vakaparidzira pwere kupinda muhondo. Rudzidziso rwakagovera bata kumeso youtsvene iyo vabati ushe vakashandira shure kwayo mukudzvinyirira vanhuwo zvavo. (Enzanisa naJeremia 5:30, 31; Mateo 23:27, 28.) Zvisinei, cherekedza kuti aya madzimambo akatapurwa norusuruvaro zvino amire padaro rakati kuti kubva kuguta rakashurikidzwa. Iwo haazati achiswedera pedyo zvakaringanira kuti ariyamure. Iwo akasuruvara kuriona richiparadzwa asi asati akasuruvara zvakaringanira kuzvipinza mungozi nokuda kwaro.
Vashambadzi Vanorira Uye Vanochema
3. Ndivanaanizve vanonzwira urombo kuparadzwa kweBhabhironi Guru, uye Johane anopa zvikonzeroi nokuda kwaikoku?
3 Madzimambo apasi haazati ariwo bedzi anonzwira urombo kuparadzwa kweBhabhironi Guru. “Uyewo, vashambadzi vapasi vari kuchema nokurira pamusoro paro, nokuti hakuchinazve munhu wokutenga zvinotengeswa zvavo wakakwana, mugove wendarama nesirvheri neibwe rinokosha namaparera nomucheka wakaisvonaka, mushava, sirika, mutsvuku; uye chinhu chiri chose chiri mumatanda anonhuwira norudzi rwuri rwose rwechinhu chenyanga dzenzou, norudzi rwuri rwose rwechinhu chinobva mumatanda anoisvokosha nezvendarira nezvedare nezveibwe jena; uyewo sinamoni nezvokurunga zveIndia uye zvinonhuwira zvinopfungaira utsi mafuta okuzora, mafuta omuribhanoni newaini namafuta omuorivhi noupfu hwakatsetseka negorosi nemombe namakwai, namabhiza nengoro navaranda uye mweya yavanhu. Hungu, michero iyo mweya wako wakashuva yabva kwauri [Bhabhironi Guru], uye zvinhu zvose zvakanuna nezvinhu zvinobwinya zvaparara kwauri, uye vanhu havazotongozviwanizve.”—Zvakazarurwa 18:11-14.
4. Neiko “vashambadzi” vachirira nokuchemera kuguma kweBhabhironi Guru?
4 Hungu, Bhabhironi Guru rakanga riri shamwari chaiyoiyo nomutengi akanaka wavashambadzi vakapfuma. Somuenzaniso, nzanga dzorudzidziso, nzanga dzamanani, uye machechi omuchiKristudhomu kwamazana amakore dzakawana zvitsama zvikurusa zvendarama, sirvheri, mabwe anokosha, matanda anokosha, nezvimwe zvimiro zvepfuma yokunyama. Kupfuurirazve, chikomborero chorudzidziso chakaiswa pamitambo yokutenga kwokunyanyisa nemitambo yakashata yokunwa inova pamwe chete nokuchengetwa kweKrisimisa kunozvidza Kristu nokumwe kunonzi mazuva matsvene. Vafundisi vechiKristudhomu vakapinda munyika dziri kure, vachizarura misika mitsva nokuda kwa“vashambadzi” venyika ino. MuJapan yomuzana ramakore rechi17, chiKaturike, icho chakanga chauya navashambadzi, chakatova chinobatanidzwa nehondo yenzanga. Ichishuma pamusoro pehondo inopedza nharo pamasvingo enhare yeOsaka, The Encyclopædia Britannica inoti: “Mauto eTokugawa akazviwana amene achirwisana nomuvengi ane zviratidziro zvakanga zvakarukirwa chipiyaniso nemifananidzo yoMuponesi uye St. James, musande anotsigira weSpain.” Bato rakakunda rakatambudza uye rakaparadza chose chose chiKaturike munyika iyoyo. Kutora rutivi kwechechi muzvinhu zvenyika nhasi nenzira imwe cheteyo hakuzati kuchizorivigira chikomborero.
5. (a) Ko inzwi rinobva mudenga rinorondedzerazve sei kuchema kwa“vashambadzi”? (b) Neiko vashambadzi “vachimira[wo] padaro rakati kuti”?
5 Inzwi rinobva mudenga rinotizve: “Vashambadzi vezvinhu izvi, avo vakapfumiswa naro, vachamira padaro rakati kuti nokuda kwokutya kwavo kutambudzwa kwaro uye vachachema nokurira, vachiti: ‘Nhamo, nhamo—guta guru, rakapfeka mucheka wakaisvonaka, nomushava uye mutsvuku, uye rakashonga zvakapfuma chishongo chendarama neibwe rinokosha neparera, nokuti pfuma yakawanda kudaro yaparadzwa muawa rimwe!’ ” (Zvakazarurwa 18:15-17a) Pamusoro poruparadziko rweBhabhironi Guru, “vashambadzi” vanochemera kurashikirwa nomushandira pamwe iyeyo wezvokutengeserana. Zvamazvirokwazvo, i“nhamo, nhamo” nokuda kwavo. Cherekedza, kunyange zvazvo zvakadaro, kuti zvikonzero zvavo zvokuchema ndezvoudyire chose chose uye kuti ivo—samadzimambo—“vanomira padaro rakati kuti.” Havazati vachiswedera pedyo zvakaringanira kuti vatongove vanobetsera Bhabhironi Guru.
6. Ko inzwi rinobva mudenga rinorondedzera sei kurira kwavatungamiriri vezvikepe navafambisi vezvikepe, uye neiko vachichema?
6 Nhauro yacho inopfuurira mberi, kuti: “Ipapo mutungamiriri ari wose wechikepe, nomunhu ari wose anofamba nechikepe kunzvimbo ipi neipi, navanofambisa zvikepe navose vanorarama nokushandisa gungwa, vakamira padaro rakati kuti ndokudanidzira sezvavakaona utsi hunobva pakutsva kwaro ndokuti, ‘Igutai rakafanana neguta guru?’ Ipapo vakapwititidza huruva pamusoro pemisoro yavo ndokudanidzira vachirira nokuchema, uye vakati, ‘Nhamo, nhamo—guta guru, iro avo vose vane zvikepe pagungwa vakapfuma mariri nokuda kwokudhura kwaro, nokuti iro raparadzwa muawa imwe!’ ” (Zvakazarurwa 18:17b-19) Bhabhironi rekare rakanga riri guta rokutengeserana uye rakanga rine boka guru rezvikepe. Nenzira imwe cheteyo, Bhabhironi Guru rinoita bhizimisi guru kupfurikidza ne“mvura zhinji” dzavanhu varo. Ikoku kunogovera basa nokuda kwavadzorwi varo vazhinji vorudzidziso. Haiwa kuputsanywa kwakadini kwomugariro wezvemari kuchava ruparadziko rweBhabhironi Guru nokuda kwaivava! Hakuzati kuchizotongovazve namamwe manyuko omutoo wokurarama nawo sairo.
Kufara Pamusoro Pokuparadzwa Kwaro
7, 8. Ko inzwi rinobva mudenga rinogumisa sei shoko raro pamusoro peBhabhironi Guru, uye ndivanaani vanodavidza kumashoko iwawo?
7 Apo Bhabhironi rekare rakakurirwa navaMedhia navaPersia, Jeremia muuporofita akati: “Uye matenga napasi uye zvose zviri mazviri zvichadanidzira zvamazvirokwazvo mumufaro pamusoro peBhabhironi.” (Jeremia 51:48) Apo Bhabhironi Guru rinoparadzwa, inzwi rinobva kudenga rinogumisa shoko raro, richiti nezveBhabhironi Guru: “Fara pamusoro paro, haiwa denga, imiwo vatsvene nemi vaapostora nemi vaporofita, nokuti Mwari wakariranga mukururamisira nokuda kwezvarakakuitirai!” (Zvakazarurwa 18:20) Jehovha nengirozi vachafara kuona kuparadzwa kwomuvengi wekare waMwari, sezvichaita vaapostora navaporofita vapakuvamba vechiKristu, avo pakuzosvika panguva ino vanenge vamutswa uye vatora nzvimbo yavo mugadziriro yavakuru vane 24.—Enzanisa nePisarema 97:8-12.
8 Zvamazvirokwazvo, “vatsvene” vose—vangave vakamutsirwa kudenga kana kuti vachiri kurarama pasi pano—vachadanidzira nokuda kwomufaro, sezvichaita boka guru rakabatanidzwa ramamwe makwai. Munguva yakafanira, vanhu vose vakatendeka vekare vachamutswa ndokupinda mutsika itsva yezvinhu, uye ivowo vachakumbanira mumufaro. Vanhu vaMwari havana kuedza kuzvitsivira vamene pavatambudzi vavo venhema vorudzidziso. Ivo vakayeuka mashoko aJehovha, anoti: “Matsive ndaangu; ndicharipidzira, anodaro Jehovha.” (VaRoma 12:19; Dheuteronomio 32:35, 41-43) Eya, Jehovha zvino akaripidzira. Ropa rose rakateurwa neBhabhironi Guru richave ratsiviwa.
Kukandira Guyo Guru
9, 10. (a) Ko ngirozi ine simba zvino inoitei uye inotii? (b) Chiitoi chakafanana neicho chakaitwa nengirozi ine simba yaZvakazarurwa 18:21 chakaitika munguva yaJeremia, uye icho chakasimbisirei? (c) Ko chiito chinoitwa nengirozi ine simba yakaonwa naJohane chinosimbisirei?
9 Icho Johane anoona chinotevera chinosimbisa kuti rutongeso rwaJehovha rweBhabhironi Guru nderwokupedzisira: “Ipapo ngirozi ine simba yakasimudza ibwe rakaita seguyo guru ndokurikandira mugungwa; ichiti: ‘Saizvozvi kupfurikidza nokukandira kwapakarepo Bhabhironi guta guru richakandirwa pasi, uye harizati richizotongowanwazve.’ ” (Zvakazarurwa 18:21) Munguva yaJeremia, chiito chakafanana chine revo ine simba youporofita chakaitwa. Jeremia akafuridzirwa kunyora mubhuku, kuti “ngwavaira yose yaizowira Bhabhironi.” Iye akapa bhukuro kuna Seraia ndokumuudza kuenda Bhabhironi. Ikoko, achitevera miraidzo yaJeremia, Seraia akarava ziviso pamusoro pegutaro, inoti: “Haiwa Jehovha, imi mumene makataura pamusoro penzvimbo ino, nokuda kwokuiparadza kuti mugorega kuva nomugari mairi, munhu kana kuti kunyange chipfuyo, asi kuti igovawo zvayo dongo kusvikira kunguva isingazivikanwi.” Seraia ipapo akasungirira ibwe kubhukuro ndokurikandira murwizi rwaYufratesi, achiti: “Aya ndiwo manyurire achaita Bhabhironi ndokusazotongobudazve nokuda kwengwavaira yandiri kuunza pariri.”—Jeremia 51:59-64.
10 Kukandirwa kwebhuku pamwe chete neibwe rakabatanidzwa murwizi kwakanga kuri simbisiro yokuti Bhabhironi raizopinda mukunyangarika, zvokusatongomukazve. Kuona kwomuapostora Johane ngirozi yakasimba ichiita chiito chimwe chetecho nomutoo wakafanana isimbisiro ine simba yokuti donzo raJehovha kuBhabhironi Guru richazadzika. Mugariro wakaparadzwa chose chose weBhabhironi rekare nhasi unopupurira nomutoo une simba chichawira rudzidziso rwenhema munguva iri pamberi yava pedyo.
11, 12. (a) Ko zvino ngirozi ine simba inotaurei kuBhabhironi Guru? (b) Ko Jeremia akaporofita sei pamusoro peJerusarema rakatsauka pakutenda, uye ikoku kwakaratidzirei nokuda kwezuva redu?
11 Ngirozi ine simba zvino inotaura kuBhabhironi Guru, ichiti: “Ipapo mutinhimira wavaimbi vanoimba pamwe chete noudimbwa nowavanoridza marimba nowavanoridza nyere nowavanoridza hwamanda hauzati uchizotongonzwikwazve mauri, uye hapana nyanzvi yebasa ripi neripi ichazombowanwazve mauri, uye hapana kuririma kweguyo kuchazombonzwikazve mauri, uye hapana chiedza chomwenje chichazombopenyazve mauri, uye hapana inzwi rechikomba neromwenga richazombonzwikazve mauri; nokuti vashambadzi vako vaiva vanhu vakakwirira vapasi, nokuti kupfurikidza nomuitiro wako wokushandisa midzimu marudzi ose akatsauswa.”—Zvakazarurwa 18:22, 23.
12 Mumashoko anoenzanirana, Jeremia akaporofita pamusoro peJerusarema rakatsauka pakutenda, achiti: “Ini ndichaparadza mavari kunzwika kwomufaro nokunzwika kwokufara, neinzwi rechikomba neinzwi romwenga, kuririma kweguyo nechiedza chomwenje. Uye iyi nzvimbo yose inofanira kuva nzvimbo yakaparadzwa, chishamiso.” (Jeremia 25:10, 11) Sorutivi rukuru rweBhabhironi Guru, chiKristudhomu chichava dongo risina upenyu, sezvinoratidzirwa nomutoo wakasimba kwazvo kupfurikidza nomugariro wokuva dongo weJerusarema pashure pa607 B.C.E. ChiKristudhomu chaisimbofara nokuzvigutsa nokunyandurwa noruzha rwezuva riri rose chichazviwana icho chimene chakurirwa uye chasiiwa.
13. Kuchinjai kwakamwe kamwe kunokurira Bhabhironi Guru, uye chii chiri muuyo pa“vashambadzi” varo?
13 Zvamazvirokwazvo, ngirozi pano sezvainoudza Johane, Bhabhironi Guru rose richachinja pakuva umambo hune simba, hwamarudzi ose kuva renje risine chinhu, rakafanana negwenga. “Vashambadzi” varo, kubatanidza navanamuzvina mari vakakwirira, vakashandisa rudzidziso rwaro nokuda kwechimuko chavo vamene kana kuti sebata kumeso, uye vafundisi vakakuwana kuchiita mhindu kugoverana navo nzvimbo yakakwira. Asika vashambadzi ivavo havazati vachizovazve neBhabhironi Guru somushandiri pamwe wavo. Harizati richizotsausazve marudzi apasi kupfurikidza nemiitiro yaro yakavanzika yorudzidziso.
Mhaka Yeropa Inotyisa
14. Ko ngirozi ine simba inopa zvikonzeroi nokuda kwoukombi hworutongeso rwaJehovha, uye Jesu nomutoo wakafanana akatii apo iye akanga ari pasi pano?
14 Mumhedziso, ngirozi ine simba inozivisa chikonzero nei Jehovha achitonga Bhabhironi Guru nomutoo wakakomba kudaro. “Hungu,” inodaro ngirozi, “mukati maro makawanwa ropa ravaporofita neravatsvene neraavo vose vakaurawa pasi pano.” (Zvakazarurwa 18:24) Paaiveri pasi pano, Jesu akaudza vatungamiriri vorudzidziso muJerusarema kuti ivo vakanga vane mhaka ye“ropa rose ravakarurama rakateurwa pasi pano, kubvira kuropa raAbheri akarurama” zvichienda mberi. Nomutoo unowirirana, chizvarwa ichecho chakakombama chakaparadzwa muna 70 C.E. (Mateo 23:35-38) Nhasi, chimwe chizvarwa chavezvorudzidziso chine mhaka yeropa nokuda kwokutambudza kwacho vabatiri vaMwari.
15. Ko Chechi yeKaturike muGermany yechiNazi yakava nemhaka yeropa sei munzira mbiri?
15 Mubhuku rake rinonzi The Catholic Church and Nazi Germany, Guenter Lewy anonyora, kuti: “Apo Zvapupu zvaJehovha zvakadzvinyirirwa muBavaria pana April 13, [1933] Chechi yakatogamuchira mugove wayakapiwa neBato Rezvedzidzo noRudzidziso wokushuma pamusoro pemitezo ipi neipi yesekete ichiri kushandisa rudzidziso rwakarambidzwa.” Chechi yeKaturike, nokudaro inogoverana mutoro nokuda kwokuisa zviuru zveZvapupu mumisasa yechibharo; maoko ayo akasvibiswa neropa roupenyu hwamazana eZvapupu zvakaurawa. Apo Zvapupu zviduku, zvakadai saWilhelm Kusserow, zvakaratidzira kuti zvaigona kufa nomutoo woushingi vachiurawa nechikwata chava pfuri, Hitler akasarudza kuti chikwata chava pfuri chakanga chisina utsinye hukuru nokuda kwavarambi vanotungamirirwa nehana; naizvozvo Wolfgang munin’ina waWilhelm, pazera ramakore 20, akafa kupfurikidza nokuchekwa. Panguva imwe cheteyo, Chechi yeKaturike yakanga ichikurudzira vaKaturike vaduku veGermany kufira muuto renyika yokwavo. Mhaka yeropa yechechi iri pachena kuti ionekwe!
16, 17. (a) Imhakai yeropa inofanira kupomerwa Bhabhironi Guru, uye Vatican yakava nemhaka yeropa sei pamusoro pavaJudha vakafira mukuuraya kwamaNazi? (b) Ndeipi iri imwe nzira iyo rudzidziso rwenhema ruine mhosva yokuurayiwa kwamamiriyoni evanhu mumazana ehondo mazuva ano?
16 Zvisinei, uporofita hunoti ropa ra“avo vose vakaurawa pasi pano” rinofanira kupomerwa kuBhabhironi Guru. Ikoko kwave kuchiitika chaizvoizvo munguva dzazvino uno. Somuenzaniso, sezvo rangano yechiKaturike yakabetsera kuisa Hitler pasimba muGermany, Vatican inogoverana mumhaka inotyisa yeropa pamusoro pavaJudha vana mamiriyoni matanhatu avo vakaurayiwa nevaNazi. Uyezve, munguva yedu, vanhu vanopfuura mamiriyoni zana vakaurayiwa mumazana ehondo. Ko rudzidziso rwenhema runofanira kupomerwa mhaka muna ikoku here? Hungu, munzira mbiri.
17 Imwe nzira ndeyokuti hondo zhinji dzine chokuita nokusawirirana kworudzidziso. Somuenzaniso, masimba masimba omuIndia pakati pavaMuslim navaHindu muna 1946-48 akasundwa nomutoo worudzidziso. Mazana ezviuru oupenyu akarashika. Kurwisana pakati peIraq neIran muma1980 kwaiva nechokuita nokusawirirana kwemasekete, uye mazana ezviuru achiva anourawa. Masimba masimba pakati pavaKaturike navaPurotesitendi muNorthern Ireland akauraya zviuru zvoupenyu. Achinzvera uru rutivi, munyori wepepanhau C. L. Sulzberger akati muna 1976: “Izvokwadi inosuruvarisa kuti zvimwe hafu kana kuti inopfuura yehondo zvino dziri kurwiwa kupote nyika yose irwisano dzapamhene dzorudzidziso kana kuti zvimwe dzinobatanidza kakavadzano dzorudzidziso.” Zvamazvirokwazvo, kwave kwakadaro munhau yose yakapirutsika yeBhabhironi Guru.
18. Ndeipi iri nzira yechipiri iyo marudzidziso enyika ane mhaka yeropa mairi?
18 Ndeipi iri nzira yechipiri? Mumurangariro waJehovha, marudzidziso enyika ane mhaka yeropa nemhaka yokuti iwo haana kudzidzisa nomutoo unopwisa vateveri vawo zvokwadi yezvinodikanwa zvaJehovha nokuda kwavabatiri vake. Iwo havana kudzidzisa nomutoo unopwisa vanhu kuti vanamati vechokwadi vaMwari vanofanira kutevedzera Jesu Kristu ndokuratidza rudo kuna vamwe pasinei hapo nemviromviro yorudzi rwavo. (Mika 4:3, 5; Johane 13:34, 35; Mabasa 10:34, 35; 1 Johane 3:10-12) Nokuti marudzidziso anoumba Bhabhironi Guru haana kudzidzisa zvinhu izvozvi, vateveri vao vakapinzwa muchamupupuri chehondo yamarudzi ose. Haiwa ikoku kwakaoneka sei muhondo dzenyika mbiri dzehafu yokutanga yezana ramakore rechi20, idzo dzose dziri mbiri dzakatangwa muchiKristudhomu ndokuparira kuurayana kwavezvorudzidziso biyavo! Kudai vose vanokambira kuva maKristu vakanga vanamatira kunheyo dzeBhaibheri, hondo idzodzo hadzati dzaizodai dzakaitika.
19. Ko Bhabhironi Guru rine mhakai yeropa inotyisa?
19 Jehovha anoisa mutoro nokuda kwouku kwose kuteurwa kweropa patsoka dzeBhabhironi Guru. Kudai vatungamiriri vorudzidziso, uye zvikurukuru avo vari muchiKristudhomu, vakadzidzisa vanhu vavo zvokwadi yeBhaibheri, kuteurwa kweropa kukuru kwakadaro kungadai kusina kuitika. Zvamazvirokwazvo, ipapoka, nomutoo wakananga kana kuti nomutoo usina kunanga, Bhabhironi Guru—hure guru noumambo hwenyika hworudzidziso rwenhema—rinofanira kuzvidavirira kuna Jehovha kwete bedzi nokuda kwe“ropa ravaporofita neravatsvene” avo iro rakatambudza ndokuuraya asi nokuda kweropa “ravose vakaurawa pasi pano.” Bhabhironi Guru zvamazvirokwazvo rine mhaka yeropa inotyisa. Haiwa kubviswa kwakanaka kwakadini apo ruparadziko rwaro rwokupedzisira rwunoitika!
[Bhokisi riri papeji 270]
Mubairo Wokutera
Mubhuku rake rinonzi The Catholic Church and Nazi Germany Guenter Lewy anonyora, kuti: “Kudai chiKaturike cheGermany kubvira pakutanga chakaomerera kumuitiro wokurwisana wakatsiga noumambo hwamaNazi, nhau yenyika ingadai yakasanosiyana. Kunyange kudai uku kuparapatika pakupedzisira kwakanga kwakakundikana kukurira Hitler ndokudzivisa zviito zvakashata zvake zvose zvizhinji, muno uyu murangariro kwaizodai kwakamutsa nomutoo usingayereki mukurumbira wetsika dzokuzvibata weChechi. Mubairo wavanhu wokudzivisa kwakadaro ungadai wakava mukuru nomutoo usingarambiki, asi izvi zvibairo zvingadai zvakaitwa nokuda kwechikonzero chikurusa kupinda zvose. Aina vanhu vokumusha vasingavimbiki, Hitler angadai asina kutsunga kuenda kuhondo uye mamiriyoni chaiwoiwo oupenyu angadai akaponeswa. . . . Apo zviuru zvamaGerman anorwisana nechiNazi zvakatambudzwa kusvikira zvafa mumisasa yechibharo yaHitler, apo vazivi vePoland vakaurawa, apo mazana ezviuru zvamaRussia zvakafa somuuyo wokubatwa seSlavic Untermenschen [vanhu vakaderera], uye apo vanhu vane 6 000 000 vakaurawa nokuda kwokuva ‘vasiri vaAryan,’ vakuru vakuru veChechi yeKaturike vomuGermany vakatsigira umambo hwaiita izvi zviito zvakashata. Papa womuRoma, musoro wokumudzimu nomudzidzisi mukuru wetsika dzokuzvibata weChechi yeKaturike yeRoma, akaramba hake anyerere.”—Mapeji 320, 341.
[Mufananidzo uri papeji 268]
“Nhamo, nhamo,” vanodaro vabati ushe
[Mufananidzo uri papeji 268]
“Nhamo, nhamo,” vanodaro vashambadzi