Kununurwa Pakuratidzwa kwaJesu Kristu
“Farai . . . kuti pakuonekwa kwokubwinya kwake mufarewo nomufaro mukuru.”—1 PETRO 4:13.
1. Jehovha akapfumisa sei vabatiri vake?
JEHOVHA akapfumisa Zvapupu zvake nezvipo zvakawanda. SoMuraidzi wedu Mukuru, iye akativhenekera nezivo yakazara pamusoro pokuda kwake nedonzo. Kupfurikidza nomudzimu mutsvene wake, iye akasakurira matiri mano okupenyesa chiedza noushingi. Muapostora akafuridzirwa Pauro anotiudza pana 1 VaKorinte 1:6, 7, kuti: “Uchapupu hwaKristu hwakasimbiswa mamuri; kuti hamushaiwi chipo chimwe; muchimirira kuratidzwa kwaShe wedu, Jesu Kristu.”
2. Ikariroi inofadza iyo “kuratidzwa kwaShe wedu Jesu Kristu” kunopa?
2 “Kuratidzwa kwaShe wedu, Jesu Kristu”—ikoko kunorevei? Kunonongedzera kunguva apo Jesu anoziviswa saMambo ane mbiri, achiita chiito chokutusa vateveri vake vakatendeka nokuita matsive pavasingadi Mwari. Seizvo 1 Petro 4:13 inoratidzira, ichava nguva yokuti maKristu akazodzwa nomudzimu anochengeta perero neshamwari dzawo dzakavimbika dzeboka guru va“farewo nomufaro mukuru,” nokuti inoratidzira mugumo wetsika yaSatani yezvinhu.
3. Tinofanira kumira sei takasimba, sezvakaita hama dzedu muTesaronika?
3 Sezvo nguva iyoyo inoswedera pedyo, Satani mukutsamwa kwake anowedzera dzvinyiriro patiri. Kufanana neshumba inodzvova, iye anoedza kutiparadza. Tinofanira kumira takasimba! (1 Petro 5:8-10) Hama dzedu muTesaronika yakare, apo dzaiva itsva muzvokwadi, dzakatambura zvitambudzo zvakafanana neizvo zvinotamburwa navazhinji veZvapupu zvaJehovha nhasi. Nokudaro, mashoko omuapostora Pauro kwadziri ane revo zvikuru nokuda kwedu. Iye akanyora, kuti: “Zvazvakarurama kuna Mwari, kuti atsive nokutambudzika ivavo vanokutambudzai; nemi munotambudzwa, kuti mupiwe kuzorora pamwe chete nesu pakuonekwa kwaShe Jesu, kana achibva kudenga navatumwa vesimba rake, mumwoto unopfuta, achitsiva avo vasingazivi Mwari navasingateereri Evhangeri yaShe wedu, Jesu.” (2 VaTesaronika 1:6-8) Hungu, rusununguko ruchauya!
4. Neiko vafundisi vachifanirwa norutongeso urwo rwuchaitwa pakuratidzwa kwaJesu?
4 Munguva yaPauro rakawanda redambudziko rakaparirwa navatungamiriri vorudzidziso vechiJudha. Nenzira yakafanana nhasi, chishoro kuZvapupu zvinoda rugare zvaJehovha kazhinji kazhinji chakakusvudzirwa naavo vanoti vanomirira Mwari, zvikurukuru vafundisi vechiKristudhomu. Ivava vanonyepedzera kuziva Mwari, asi vanoramba “Jehovha mumwe” weBhaibheri, vachimutsiva noUtatu hwakavanzika. (Marko 12:29, NW) Ivo havateereri mashoko akanaka pamusoro paShe wedu Jesu, vachitarira kukutonga kwomunhu nokuda kworusununguko nokuramba mashoko akanaka oUmambo hunouya hwaKristu hwokururama. Vashori vose ivava vorudzidziso vanofanira kuparara panguva yo“kuratidzwa kwaShe Jesu, kana achibva kudenga”!
“Kuuya” kwaJesu Kristu
5. Kuratidzwa kwaJesu kunoratidzirwa sei zvakajeka pana Mateo 24:29, 30?
5 Kuratidzwa ikoko kunoratidzirwa zvakajeka naJesu pana Mateo 24:29, 30. Mukurondedzera mativi akasiana-siana echiratidzo chokuvapo kwake nechemhedziso yetsika yezvinhu, iye anoti: “Zuva richasviba, mwedzi hauchazobwinyi, nyeredzi dzichawa kudenga, namasimba okudenga achazununguswa.” Panguva iyoyo “chiratidzo choMwanakomana womunhu chichaonekwa kudenga.” Marudzi apasi “achachema, achiona Mwanakomana womunhu [Mambo wouMesia waMwari] achiuya pamusoro pamakore okudenga nesimba nokubwinya kukuru.” Uku “kuuya,” er·khoʹme·non muchiGiriki, kunonongedzera kukuonekwa kwaJesu soMurevereri waJehovha.
6, 7. Kunodaro sei kuti “meso ose achamuona,” uye ndivanaani vanobatanidzwa muna ikoku?
6 Uku “kuuya” kunorondedzerwawo nomuapostora Johane pana Zvakazarurwa 1:7, apo anoti: “Tarirai, unouya namakore.” Haiwa, vavengi ivavo havasati vachizoona zvomenemene Jesu nameso chaiwoiwo, nokuti “makore” anoratidzira kuti iye anouya asingaoneki kuzoita rutongeso. Kudai vanhuwo zvavo vaizoona mbiri yake yokudenga neziso risina kudzivirirwa, vaizopofumadzwa, seizvo Sauro, ari munzira achienda Dhamasko, akapofumadzwa apo Jesu akapiwa mbiri akaoneka kwaari muchiedza chikuru chinopenya.—Mabasa 9:3-8; 22:6-11.
7 Nhauro yaZvakazarurwa inotaura kuti “meso ose achamuona, naivo vakamubaya; marudzi ose enyika achamuchema.” Ikoku kunoreva kuti vashori pasi pano vachanzwisisa muruparadziko urwo Jesu anoita pavari kuti iye akauya nesimba nembiri huru soMuurai waJehovha. Neiko ava vavengi vachirondedzerwa saavo “vakamubaya”? Imhaka yokuti chimiro chavo chendangariro chokukasharara kuvabatiri vaJehovha nhasi chakafanana neicho chavatambudzi vaJesu. Ivo, zvamazvirokwazvo, vacha‘zvirova vamene zvakakasharara munhamo nemhaka yake.’
8. Inyeveroi iyo vose vari vaviri Jesu naPauro vanopa pamusoro poruparadziko rwakamwe kamwe?
8 Zuva iroro ramatsive aJehovha richasvika sei? Muuporofita huri pana Ruka ganhuro 21, Jesu anorondedzera zvinoitika zvine ngwavaira izvo zvakabatira sechiratidzo chokuvapo kwake chifo cha 1914. Ipapo, mundima 34 ne 35, Jesu anonyevera, kuti: “Chenjerai, kuti mwoyo yenyu irege kuremedzwa nokudyisa nokubatwa, nokufunganya pamusoro pezvinhu zvoupenyu huno, kuti zuva iro rirege kukuwirai seriva. Nokuti richawira vose vagere panyika yose.” Hungu, zuva iroro ramatsive aJehovha rinouya kamwe kamwe, nokukurumidza! Muapostora Pauro anosimbisa ikoku pana 1 VaTesaronika 5:2, 3, achiti: “Zuva [raJehovha, NW] rinosvika sembavha usiku. Kana vachiti, ‘Rugare, nokugarika’—ipapo kuparadzwa kuchakurumidza kuvawira.” Kunyange zvino marudzi ari kutaura pamusoro porugare nechengeteko uye anokarakadza kusimbisa Chibatanwa chaMarudzi kuti chitarisire nzvimbo dzine zvinetso kupfurikidza nesimba rehondo.
9. ‘Chiedza chinopenya’ nokuda kwavanaani, uye nei?
9 1VaT 5 Mundima 4 ne 5, muapostora anopfuurira kutiudza, kuti: “Asi imi, hama dzangu, hamuzi murima, kuti zuva iroro rikubatei sembavha. Nokuti imi mose muri vana vechiedza, navana vamasikati; hatizi vousiku, kana verima.” Tinofara kuva vanakomana vechiedza—vatakuri vechiedza kuvamwe vanoshuva rugare nechengeteko zvechokwadi munyika itsva yaMwari. PaPisarema 97:10, 11, tinorava, kuti: “Vengai zvakaipa imi munoda Jehovha; iye uchachengeta mweya yavatsvene vake; unovarwira paruoko rwowakaipa. Chiedza chinodyarirwa wakarurama, nomufaro vane mwoyo yakarurama.”
Nhevedzano Yezvinoitika
10. Chizivisoi chapachine nguva mberi chatinofanira kuteerera pamusoro pezuva raMwari rokuzvidavirira? (Zvakazarurwa 16:15)
10 Ndeipi ichava nhevedzano yezvinoitika apo dambudziko guru rinorovanya? Ngatitendeukirei kuna Zvakazarurwa ganhuro 16. Cherechedza, sezvinorondedzerwa mundima 13 kusvikira ku 16, kuti midzimu isina kuchena, yamadhemoni inounganidza marudzi apasi rose kuHar–Magedhoni, hondo yezuva guru raMwari Wamasimba ose. Zvakare, kusvika kwakafanana nembavha kwezuva rokuzvidavirira kunosimbiswa, uye tinonyeverwa kuramba takamuka—kuramba takapfeka nguvo dzomudzimu idzo dzinotiratidzira nokuda kworuponeso. Nguva yasvika yokutonga vanhu vapasi, marudzi, uye—mumwe munhuwo zvake. Ndiani iyeyo?
11. Mukadzi waZvakazarurwa 17:5 akazvizivisa amene sei?
11 Ndiye mukadzi wokufananidzira uyo akaedza chaizvoizvo kuzviita amene “mumwe munhu anokosha.” Iye anorondedzerwa pana Zvakazarurwa 17:5 se“rakavanzika: ‘Bhabhironi, guta guru, mai vemhombwe navezvinonyangadza zvenyika.’” Asi iye haasati achiri chakavanzika kuZvapupu zvaJehovha. Iye akazvivisa amene zvakajeka soumambo hwenyika hworudzidziso rwenhema, uhwo masekete echiKristudhomu anoumba rutivi rukuru. Kunonyangadza mumeso aJehovha kupindira kwake muzvinoitika zvamatongerwe enyika, kuva kwake aka“raradza neropa ravatsvene” kupfurikidza nokutambudza maKristu echokwadi, uye kuva kwake ane mutoro weropa “kuna avo vose vakaurawa pasi pano,” kubatanidza vanopfuura mirioni ine zana rimwe vakaurawa muhondo dzezana ramakore rechi 20 roga.—Zvakazarurwa 17:2, 6; 18:24, NW.
12. Neiko masekete echiKristudhomu achishurikidzwa?
12 Chakaipisisa chazvose, masekete echiKristudhomu akaunza ruzvidzo pazita raMwari uyo anoti nenzira yokunyengedza anomirira. Akadzidzisa uzivi hweBhabhironi nehweGirisi panzvimbo peShoko rakachena raMwari uye akagovera kuusindimari mutsika hwamarudzi ose kupfurikidza nokutendera mararamire amadiro anozvidza nheyo dzeBhaibheri. Vapfumi vane simba vane makaro pakati pavo vanoshurikidzwa namashoko aJakobho 5:1, 5, anoti: “Nhai, imi vapfumi, chemai muridze mhere nokuda kwamadambudziko achakuwirai. Makagara zvinonaka panyika muchikarira zvinofadza; makakodza mwoyo yenyu nezuva rokubaya.”
Pasi neBhabhironi Guru!
13. Mavambo edambudziko guru anouya sei, uye ikurumidziroi inosimbiswa pana Zvakazarurwa 18:4, 5?
13 Mavambo edambudziko guru anosvika nokuitwa kworutongeso rwaJehovha paBhabhironi Guru. Zvakazarurwa 17:15-18 inorondedzera zvakajeka “kurangarira” kwaMwari—kushandisa “nyanga dzine gumi,” mauto ane simba anobva mukati me“chikara” cheCM chine marudzi akawanda, kuriparadza. “Nyanga dzine gumi dzawaona, nechikara, ndivo vachavenga mhombwe, vachaiparadza, nokuitorera nguvo; vachadya nyama yayo, nokuipisa nomwoto. Nokuti Mwari wakaisa mumwoyo yavo kuti vaite kurangarira kwake.” Hakushamisi kuti inzwi rokudenga rinozivisa nyevero yokukurumidzira pana Zvakazarurwa 18:4, 5: “Budai mariri, vanhu vangu, kuti murege kuwadzana naro pazvivi zvaro, mugorega kupiwa madambudziko aro. Nokuti zvivi zvaro zvasvika kudenga, Mwari warangarira zvisakarurama zvaro.” Danidzo inopfuurira kubuda: Gura batano dzose norudzidziso rwenhema, kusati kwava kunyanyononoka!
14. Ndivanaani vachachema pamusoro poruparadziko rweBhabhironi Guru, uye nei?
14 Nyika icharangarira sei kuparadzanywa kweBhabhironi Guru? Vari kure, vezvamatongerwe enyika vakaipa—“madzimambo enyika”—vanotambudzika pamusoro paro nemhaka yokuti kwamazana amakore vakanga vawana mufarwa muufeve hwavo hwomudzimu. Vanorira nokuchemawo pamusoro paro vanhu vane makaro vezvokutengeserana, “vatengesi venyika . . . , vakapfumiswa naro.” Ivava vanozvimisa vamene kure naro, vachiti: “Nhamo, nhamo, guta guru rakanga rakapfeka mucheka wakanaka, mutsvuku nomushava, rakanga rakashonga ndarama, namabwe anokosha, namaparera! Nokuti nenguva imwe pfuma huru yakadai yaparadzwa.” Nguvo dzose dzakaisvonaka dzavafundisi nokuisvonaka kwechechi huru dzenyika zvichaparadzwa nokusingaperi! (Zvakazarurwa 18:9-17) Asi munhu ari wose achachema Bhabhironi Guru here?
15, 16. Chisakisoi chokufara chichava navanhu vaMwari?
15 Zvakazarurwa 18:20, 21 inopindura, kuti: “Farai pamusoro paro, iwe denga, nemi nevatsvene navaapostora, navaporofita, nokuti Mwari wakaritongera kutonga kwenyu.” Kufanana neguyo guru rinokandirwa mugungwa, “saizvozvo guta guru, Bhabhironi, richaputsirwa pasi nesimba, rikasatongowanikwazve.”
16 Chisakiso chakadini chokufara! Zvakazarurwa 19:1-8 inotsigira ikoku. Kana danidzo yokuti, “Rumbidzai Jah, imi vanhu!” inonzwika ichibva kudenga. Vatatu vokutanga vaava vanaHareruya vanorumbidza Jehovha nemhaka yokuti iye akaita rutongeso rwakarurama pamhombwe ine mukurumbira wakaipa, Bhabhironi Guru. Umambo hwenyika hworudzidziso rwenhema hahuchisipozve! Inzwi rinobva pachigaro choumambo chaMwari, richiti: “Rumbidzai Mwari, imi mose varanda vake, imi munomutya, vaduku navakuru.” Ticharopafadzwa sei kugoverana murwiyo irworwo!
Roorano yeGwaiana
17. Kuenzanisa Zvakazarurwa 11:17 na 19:6, Jehovha anovamba kutonga saMambo mumashokoi maviri akapoteredza?
17 Hareruya wechina anosuma mumwe musoro: “Rumbidzai Jah, imi vanhu, nemhaka yokuti Jehovha Mwari wedu, Wamasimba ose, avamba kutonga samambo.” (NW) Asi rwiyo rwakafanana haruna kuimbwa here pana Zvakazarurwa 11:17? Ipapo tinorava, kuti: “Tinokuongai imi, [Jehovha, NW] Mwari Wamasimba ose, . . . nokuti matora simba renyu guru, mukabata ushe.” Hungu. Zvisinei, mashoko akapoteredza Zvakazarurwa 11:17 anonongedzera kukubudisa kwaJehovha umambo hwouMesia muna 1914 ku“zofudza marudzi ose netsvimbo yedare.” (Zvakazarurwa 12:5) Zvakazarurwa 19:6 iri mumashoko akapoteredza oruparadziko rweBhabhironi Guru. Nokubviswa kworudzidziso rwakafanana nemhombwe, kuva Mwari kwaJehovha kunorevererwa. Kunamatwa kwake saChangamire Mukurusa naMambo kuchatekeshera zvino nokusingagumi!
18. Kubviswa kweBhabhironi Guru kunozarura nzira kuchizivisoi chinovapo somuuyo?
18 Nokudaro, chiziviso chinovapo somuuyo chingaitwa: “Ngatifarei, tifarisise, timukudze; nokuti mutambo wokuwana weGwaiana wasvika, mukadzi waro wazvigadzira. Wakapiwa simba kuti apfeke mucheka wakanaka, unopenya, usina tsvina, nokuti mucheka wakanaka ndizvo zvakarurama zvavatsvene.” (Zvakazarurwa 19:7, 8) Kuti chaizvo ndirini apo vakazodzwa vachiri pasi pano vachagamuchira rumuko rwavo rwokudenga hakutaurwi. Asi tinovimbiswa mumashoko akapoteredza pano kuti kugoverana kwavo muroorano yeGwaiana, Kristu Jesu, ichava nguva inofadza, uye zvikuru kwazvo saizvozvo sezvo ivo vachave vapupurira zvakananga kuderedzwa kwemhombwe ine mukurumbira wakashata, Bhabhironi Guru.
Nyika yaSatani Inoparadzwa
19. Ndichimwe chinoitikai chinorondedzerwa pana Zvakazarurwa 19:11-21?
19 Bhiza jena rinotanga kududzwa pana Zvakazarurwa 6:2 rinooneka zvakare. Tinorava pana Zvakazarurwa 19:11, kuti: “Naiye wakanga agere pamusoro paro [bhiza jena] wakanzi: Wakatendeka noWazvokwadi; unotonga nokurwa zvakarurama.” Nokudaro “Mambo wamadzimambo naShe wamadzishe” anobuda akatsva kundorovanya marudzi nokutsika-tsika “chisviniro chehasha dzokutsamwa kwaMwari Wamasimba ose.” “Madzimambo enyika nehondo dzavo” anoungana kuzorwa hondo yeHar–Magedhoni pasina maturo. Mutasvi webhiza jena anopedza rukundo rwake. Hapana chinhu chinosara chesangano raSatani.—Zvakazarurwa 19:12-21.
20. Chii chinowira Dhiabhorosi amene?
20 Asika zvakadiniko nezvaDhiabhorosi amene? Pana Zvakazarurwa 20:1-6, Kristu Jesu anorondedzerwa so“mutumwa achiburuka kudenga, ane kiyi yegomba rakadzika-dzika neketani huru muruoko rwake.” Iye anobata dragoni, Nyoka yapakuvamba, iyo iri Dhiabhorosi naSatani, anomusunga, anomukandira mugomba rakadzika-dzika, uye anopfiga nokuisa chisimbiso pariri. Satani asisipo uye asisakwanisi kutsausazve marudzi, Kutonga kweMireniyumu kune mbiri kweGwaiana nomwenga wake kunovamba. Hakuchisinazve misodzi yorusuruvaro. Hakuchisinazve rufu rwaAdhama! Hakuna kuchema, hakuna kurira, hakuna marwadzo! “Zvinhu zvokutanga zvapfuura.”—Zvakazarurwa 21:4.
21. Sezvatinomirira nokudisa kuratidzwa kwaJesu Kristu, chii chinofanira kuva kutsunga kwedu?
21 Apo tinomirira nokudisa kuratidzwa kwaShe wedu Jesu Kristu, ngatiratidze shingairo mukuudza vamwe pamusoro pezvipikirwa zvorudo zvoUmambo hwaMwari. Kununurwa kwava pedyo! Ngatifambirei mberi, mberi nguva dzose, savana vakavhenekerwa vaChangamire Ishe Jehovha!
Mukuhwirudzura
◻ Chii chinoratidzira kuti kuratidzwa kwaJesu Kristu kwava pedyo?
◻ Zuva ramatsive aJehovha richasvika sei?
◻ “Vadi vaJehovha” vanofanira kurangarira sei mugariro wenyika wazvino?
◻ Ndeipi ichava nhevedzano yezvinoitika apo dambudziko guru rinorovanya?
[Mufananidzo uri papeji 23]
Jesu ‘anouya namakore,’ asingaoneki kuzoita rutongeso
[Mufananidzo uri papeji 25]
Nokukurumidza rudzidziso rwenhema, tsika yakaipa yaSatani, uye Satani amene zvose zvichaparara