Bhuku raZvakazarurwa
19 Pashure peizvi, ndakanzwa ruzha rukuru kudenga rwaiita semanzwi eboka guru. Manzwi acho aiti: “Rumbidzai Jah!*+ Ruponeso nekukudzwa nesimba ndezvaMwari wedu, 2 nekuti mitongo yake ndeyechokwadi uye yakarurama.+ Nekuti aranga pfambi huru yakasvibisa nyika neupombwe* hwayo, uye atsiva ropa revaranda vake rayakadeura nemaoko ayo.”+ 3 Akabva ati kechipiri: “Rumbidzai Jah!*+ Utsi hunobva pairi hunoramba huchipwititika nariini nariini.”+
4 Vakuru 24+ nezvisikwa zvipenyu zvina+ vakabva vawira pasi, vakanamata Mwari agere pachigaro cheumambo, vakati: “Ameni! Rumbidzai Jah!”*+
5 Uye pachigaro cheumambo pakabuda inzwi raiti: “Rumbidzai Mwari wedu, imi varanda vake vese+ vanomutya, vadiki nevakuru.”+
6 Ndakanzwa ruzha rwaiita semanzwi eboka guru, uye semvura zhinji uye sekutinhira kwemabhanan’ana ane simba. Akati: “Rumbidzai Jah,*+ nekuti Jehovha* Mwari wedu, iye Wemasimbaose,+ atanga kutonga samambo!+ 7 Ngatipembere tichifara kwazvo, uye ngatimukudzei, nekuti muchato weGwayana wasvika uye mwenga waro agadzirira. 8 Chokwadi, abvumirwa kupfeka nguo yejira rakanaka, inopenya, uye yakachena, nekuti jira rakanaka rinomiririra mabasa akarurama evatsvene.”+
9 Ngirozi yacho yakandiudza kuti, “Nyora kuti: Vanofara vaya vakakokwa kumabiko emanheru emuchato weGwayana.”+ Yakandiudzawo kuti: “Aya mashoko echokwadi aMwari.” 10 Ndakabva ndapfugama pasi pamberi petsoka dzayo kuti ndiinamate. Asi yakandiudza kuti: “Aiwa! Usadaro!+ Ndinongovawo muranda sezvauri iwe nehama dzako dzine basa rekupupura nezvaJesu.+ Namata Mwari!+ Nekuti chinangwa cheuprofita ndechekupupura nezvaJesu.”+
11 Ndakaona denga rakavhurika, paine bhiza jena.+ Ainge akaritasva anonzi Akatendeka+ uye weChokwadi.+ Iye anotonga zvakarurama uye anorwa zvakarurama.+ 12 Maziso ake marimi emoto,+ uye mumusoro make mune korona zhinji.* Akanyorwa zita risina anoriziva kunze kwake iye ega; 13 akapfeka nguo yekunze ine* ropa, uye anonzi Shoko+ raMwari. 14 Uyewo mauto ekudenga akanga achimutevera akatasva mabhiza machena, akapfeka nguo dzejira jena rakanaka uye rakachena. 15 Mukanwa make makabuda bakatwa refu rakapinza+ rekutemesa marudzi, uye achaafudza netsvimbo yesimbi.+ Anotsika-tsikawo muchisviniro chewaini yekutsamwa kukuru kwaMwari Wemasimbaose.+ 16 Panguo yake yekunze, ipo pachidya chake, pakanyorwa zita rekuti, Mambo wemadzimambo naShe wemadzishe.+
17 Ndakaonawo ngirozi imire muzuva, uye yakashevedzera nenzwi guru ikati kushiri dzese dzinobhururuka nepakati pedenga:* “Uyai kuno, unganai pakudya kukuru kwemanheru kwaMwari,+ 18 kuti mudye nyama yemadzimambo nenyama yevatungamiriri vehondo nenyama yevarume vane simba+ nenyama yemabhiza neyevaya vanoatasva,+ nenyama yevanhu vese, vakasununguka nevaranda, uye vadiki nevakuru.”
19 Uye ndakaona chikara nemadzimambo enyika nemauto awo vakaungana kuti varwe neuya akatasva bhiza neuto rake.+ 20 Chikara chakabatwa, pamwe chete nemuprofita wenhema+ aiita zviratidzo pamberi pacho izvo zvaaitsausa nazvo vaya vakaiswa chiratidzo chechikara+ nevaya vanonamata mufananidzo wacho.+ Vese vari vaviri vakakandwa mugungwa remoto unopfutiswa nesarufa vari vapenyu.+ 21 Asi vamwe vese vakaurayiwa nebakatwa refu rakabuda mukanwa meuya agere pabhiza.+ Uye shiri dzese dzakaguta nenyama yavo.+