-
Kutarisana Nemamiriro Ezvinhu Anoda Kurumidziro EzvokurapaMukai!—1996 | July 8
-
-
Kurapwa Kunobudirira Pasina Ropa
Maminiti mashomanene bedzi ndisati ndavatiswa, ndakanzwa mumwe wevatindivadzi achiti: “Handisati ndichizova nomutoro wezvichaitika!” Asi mumwe mutindivadzi, pamwe chete nachiremba navatungamiriri vapachipatara, vakaremekedza chikumbiro changu chokusagamuchira ropa. Chinhu chakatevera chandakanzwa akanga ari mumwe mutindivadzi achiti: “Samuel, muka. Kuvhiyiwa kwako kwapera.”
Kunyange zvazvo gumbo rangu rose rakanga rabviswa, ndakavamba kunzwa kurwadza kwakakomba apo rakanga riri. Ndakanga ndichida kunyaradza marwadzo kupfurikidza nokutsukuta chidya changu, icho, chokwadika, chakanga chisisipo. Ndakanga ndichitambura chiitiko chechienzi chinozivikanwa sekurwadza kwegumbo richisiripo. Ndainzwa chaizvoizvo kurwadziwa, uye kwakanga kuchirwadza zvikuru, kunyange zvazvo gumbo iro kurwadza kwacho kwairatidzika kuva kunobva rakanga rabviswa.
Tevere, ndakarongerwa kugamuchira kurapwa kwemakemikari. Kuvadziko yapashure yokurapwa uku kurasikirwa nemasero matsvuku nemachena uye maplatelets eropa, ayo anokosha kukugwambisa ropa. Ikoku kwakareva kuti rimwe boka idzva ravanachiremba raifanira kuziviswa nezvokuramba kwangu kugamuchira kuisirwa ropa. Zvakare HLC yakakurukura neavo vane mutoro, uye vanachiremba vakabvuma kurapa pasina ropa.
Kuvadziko dzapashure dzenguva dzose dzakaitika pashure pokurapwa kwemakemikoro—vhudzi rangu rakavamba kudonha uye ndakatambura kusvotwa, kurutsa, uye kuora mwoyo. Ndakanga ndanyeverwawo kuti kwaizova ne35 muzana yengozi yokubuda kweropa muuropi. Hapana zvandaigona kuita kunze kwokubvunza mumwe wavanachiremba chaizondiuraya—cancer yacho kana kuti kurapwa kwemakemikari.
Pashure pacho, vanachiremba vakataura kuti vaisagona kurapa kechipiri nemakemikoro pasina kutanga kurangarira kuwedzera uwandu hweropa nokuisira ropa. Mumwe chiremba akandiudza nehasha kuti kudai aikwanisa, aizondipa hope ndokundipa ropa. Ndakamuudza kuti ndisati ndarega izvozvo zvichiitika, ndaizogumisa chose chose kurapwa kwemakemikoro. Chiremba wacho akaratidzira kuororwa nokumira kwangu kwakasimba.
Ndakabvuma kushandiswa kweerythropoietin kuwedzera uwandu hweropa rangu. Apo yakashandiswa, uwandu hweropa rangu hwakawedzera. Pashure pacho, kushandiswa kwemakemikoro kwakapiwa kwandiri nomutsinga kwenhambo yemazuva anoverengeka. Ndakarara ipapo ndichifunga, ‘Aya ndiwo marapirwe anondipa kurasikirwa kweropa muuropi here?’ Ndinoonga kuti ndakapedza kushandisa mushonga wacho wose pasina migumisiro ine ngwavaira.
Ndisati ndavhiyiwa wakanga uri muitiro wechipatara chacho wokudzinga vanhu kana vasingazogamuchiri kuisirwa ropa. Asi muitiro uyu wakachinja. Kutaura idi, zuva rimwe chetero pashure pokuvhiyiwa kwangu chiremba wangu akaita kumwe kuvhiya pasina kushandisa ropa, uye panguva ino murwere wacho akanga asiri mumwe weZvapupu zvaJehovha! Zvino vanachiremba vakati kuti muchipatara ichocho vari kubatira pamwe neHLC, uye vakabvuma kugamuchira varwere vanoda kuvhiyiwa pasina ropa.
Kuchinjira Kuganhuriro
Chibviro chaapo ndakanga ndiri mwana, ndakanga ndadzidziswa nzira dzaMwari. Ndine chokwadi chokuti ikoku kwakandibetsera kuomerera kuzvitendero zvangu zveBhaibheri mumamiriro ezvinhu ezvokurapwa anoda kurumidziro. Zvisinei, nguva pfupi yapfuura ndave ndichitambudzika kuti ndave ndisingakwanisi kuita zvakawanda sezvandingada mubasa raMwari. Ndakadudza kunzwa kwangu kuna sekuru vangu avo vari murume mukuru wechiKristu. Vakandiyeuchidza kuti kunyange muapostora Pauro akanga ane icho aiti ‘munzwa munyama yake’ uye kuti ichocho chaimudzivisa kubatira Mwari zvizere sezvaaida kuita. Asi Pauro akaita sezvaaigona. (2 VaKorinte 12:7-10) Tsinhiro dzasekuru vangu dzakandibetsera zvikuru.
Nguva pfupi yapfuura ndakaisirwa gumbo rokuisira. Ndinokarira kuti irori richaita kuti kundibvirire kupa rimwe basa guru zvikuru kuna Mwari wedu, Jehovha. Ndinoonga kuti ndakachengeta hana yakanaka mukati memamiriro ezvinhu anoda kurumidziro ezvokurapwa. Ndine chivimbo chokuti kana ndikapfuurira ndakatendeka, Jehovha achanditusa nomuviri wakanaka noupenyu husingaperi muparadhiso yapasi, umo kurwadziwa nokutambura zvichava zvisisimo.—Zvakazarurwa 21:3, 4.—Yakataurwa naSamuel Vila Ugarte.
-
-
Ngwavaira Dzomusikirwo Kubetsera Mwana Wako Kugonana NadzoMukai!—1996 | July 8
-
-
Ngwavaira Dzomusikirwo Kubetsera Mwana Wako Kugonana Nadzo
KUDENGENYEKA kwepasi, zvamupupuri, mwoto, mafashamo, madutu—tinova vasina dziviriro sei apo tinotarisana nehasha dzechisiko! Vanhu vakuru vanowanzowana kuti angava makore mifananidzo yendangariro inotyisa yakarovererwa kupfurikidza nokutambura ngwavaira yomusikirwo isati yavamba kupera. Nenzira isingashamisi, vana vangada betsero yokuwedzera kuti vanaye muzviitiko zvakadaro.
U.S. Federal Emergency Management Agency (FEMA) inotsinhira kuti nokukurumidza pashure pengwavaira, vana vanowanzotya kuti (1) vachasiyiwa vari voga, (2) vachaparadzaniswa nemhuri, (3) chiitiko chacho chichaitikazve, uye (4) mumwe munhu achakuvadzwa kana kuti kuurawa. Iwe somubereki unogona kuitei kuti uderedze kunetseka kwomwana wako mumamiriro ezvinhu epashure pengwavaira? FEMA inoita idzi rumbidzo.a
Edza kuchengeta mhuri iri pamwe chete. Kugara pamwe chete kunogovera kurudziro kumwana wako ndokubvisa kutya kwake kusiyiwa. Kuri nani kusasiya vana vaine hama dzokunyama kana kuti shamwari kana kuti nzvimbo inounganira vanhu vabva munzvimbo ine ngozi apo unenge uchitsvaka betsero. “Vana vanofunganya,” inotsinhira kudaro FEMA, “uye vachanetseka kuti vabereki havasati vachizodzoka.” Ukafanira kuenda kune imwe nzvimbo, enda nomwana wako kana kuchitongobvira. Nenzira iyeyo “mwana [wako] ane bviro duku yokunamatira kwauri nemhaka yokutya.”
Wana nguva yokutsanangura mamiriro acho ezvinhu nenzira yakaterama uye nenzira yakasimba. Udza mwana wako zvaunoziva pamusoro pengwavaira yacho. Kana kuri madikanwa, dzokorora tsananguro yako kanoverengeka. Rondedzera zvichatevera kuitika. Somuenzaniso, ungati, ‘Usiku hwanhasi tichagara tose mumusasa.’ Taura navana wakaenzana navo, uchipfugama kana kuchidikanwa.
Kurudzira mwana wako kutaura. “Kurukurirano inobetsera zvikurusa mukuderedza kufunganya kwemwana,” FEMA inoonesa kudaro. Teerera izvo mwana mumwe nomumwe anokuudza pamusoro pengwavaira yacho nokutya kwake. (Enzanisa naJakobho 1:19.) Muudze kuti ndekwemuzvarirwo kutyiswa. Kana mwana wako achiratidzika kuva asingadi kutaura, muzivise kuti uri kutya. Kuita kudaro kungakuita kuti kuve nyore kuti ataure kutya kwake amene, nokudaro kuchideredza funganyo yake. (Enzanisa naZvirevo 12:25.) “Kana kuchibvira, batanidza mhuri yose mukurukurirano yacho.”
Batanidza vana mumibato yokuchenesa. Pakuchenesa nokugadzira imba, govera vana mabasa avo vamene. “Kuva nebasa kuchavabetsera kunzwisisa kuti chinhu chiri chose chichava chakanaka.” Mwana muduku zvikuru, zvisinei, anowanzoda ngwariro chaiyo. FEMA inotsanangura, kuti: “Mwana akadaro angada tarisiro huru yokunyama, kumbundirwa zvikuru; uye ikoku kunoita kuti kuomere zvikuru vabereki kutarisira zvimwe zvinhu izvo zvinofanira kuitwa. Nenzira isingafadzi, hapana kudimburira. Kana zvinodikanwa zvemwana zvikasagoverwa, chinetso chacho chichapfuurira kwenhambo refu zvikuru.”
Pfundo rimwe rokupedzisira rinofanira kurangarirwa. FEMA inopa zano vabereki, kuti: “Pakupedzisira, munofanira kusarudza zviri zvakanakisisa nokuda kwavana venyu.” Kushandisa idzi nhungamiro kungagona kukubetsera kuwana zvakanakisisa mumamiriro ezvinhu akaoma.
[Mashoko Omuzasi]
a Dzakatorwa muzvinyorwa zvinonzi Helping Children Cope With Disaster uye Coping With Children’s Reactions to Hurricanes and Other Disasters, zvakabudiswa neFEMA.
-
-
Mashizha Emufarinya Zvokudya Zvezuva Nezuva ZvamamiriyoniMukai!—1996 | July 8
-
-
Mashizha Emufarinya Zvokudya Zvezuva Nezuva Zvamamiriyoni
YAKANYORWA NOMUNYORI WEMUKAI! MUCENTRAL AFRICAN REPUBLIC
KWAKATANGA munenge mugore ra1600, apo maPutukezi akaunza mufarinya, kana kuti mujumbura, kubva kuSouth America kuenda kuAfrica. Mufarinya unodavirwa kuva wokuBrazil nemhaka yokuti shoko rokuti “mujumbura” [manioc] rakavamba nendudzi dzeTupi dzeBrazil dziri muAmazon Valley.
Midzi yacho inodiwa zvikuru navanhu veAfrica, asi zvakadiniko nemashizha acho akasvibira? Vamwe vanoashandisa semushonga pamaronda akazaruka kana kuti kurapa chibhokisi. Zvisinei, nokuda kwamamiriyoni ari muCentral African Republic nedzimwe nyika dzinoverengeka dzeAfrica, mashizha acho ndezvokudya zvezuva nezuva, sezvo achigona kugadzirwa kuva chokudya chinonaka zvikuru. Kutaura idi, rimwe ramashoko okutanga ayo vafundisi vatsva veWatch Tower vanodzidza muno nderokuti ngunza. Izvi izvokudya zvinonaka zvikuru zvinogadzirwa nemashizha emufarinya uye ndizvo zvokudya zvenyika yacho zveCentral African Republic—zvokudya izvo anoshanya kurutivi rwapakati rweAfrica anotofanira kuedza.
VokuEurope vazhinjisa vanogara muAfrica havasati vachizotongobata chokudya chakagadzirwa neaya mashizha, sezvavanochirangarira kuva zvokudya zvavakaberekerwamo, kwete zvavokune dzimwe nyika. Asi ndeapi ari maidi? Munyika dzakadai seCentral African Republic, Sierra Leone, uye Zaire, aya mashizha ndizvo zvokudya zvikuru zvemhuri zhinji.
Pakubhururuka nendege pamusoro peCentral African Republic kana kuti kufamba nomairi, unoona nyika yakaisvonaka yakasvibira—miti, makwenzi, nzvimbo dzine uswa, uye, pakati, minda miduku yemufarinya nemashizha ayo akasvibira akasiyana. Musha muduku mumwe nomumwe wakapoteredzwa netwuminda twemufarinya. Vanhu vanourima pedyo nemisha yavo, uye kunyange mudzimbahwe, Bangui, uchawana mufarinya patwuminda twuduku zvikuru nenzvimbo duku dziri pedyo nomugumo wedzimba kana kuti nemugwagwa mukuru. Zvirokwazvo, izvokudya zvinokosha muurwu rutivi rwenyika.
Edza Ngunza
Pakusvika, vafundisi vatsva vanokokwa nokukurumidza neshamwari dzavo kuzoshanya kuti vaedze ngunza shomanene. Ichi ndechokudya chinobatanidza zvokudya zvakakurumbira zvinogadzirwa nemashizha emujumbura. Vakadzi vakaberekerwamo vanoziva nzira yokuchigadzira nayo nomutoo unonaka zvikuru. Mukadzi ari wose anoratidzika kuva ane mirayiridzo yake amene yokubika. Chimwe chezvinhu zvokutanga izvo vasikana vaduku vanodzidza kuna vanaamai vavo pamusoro pokubika inzira yokubika nayo ngunza.
Vanodada kutsanangura kuti chii uye kuti vanoibika sei. Vakadzi vacho vanofara kana ukaratidza fariro muizvi zvokudya zvemo. Kutanga, vachakuudza kuti mashizha emufarinya haadhuri uye akawanda zvikuru uye kuti unogona kuatanha muyose iri miviri mwaka wemvura nemwaka usiri wemvura. Munguva dzedambudziko rezvoupfumi nokukwira kwemitengo, mashizha emufarinya anoita rutivi runokosha mukudyisa mhuri. Uye tapota yeuka kuti mhuri dzeAfrica dzinowanzova huru. Pane vanhu vazhinji vokudyisa. Kugadzirwa kwengunza kunotora maawa anoverengeka. Mashizha anofanira kubva kuvava kwawo asati adyiwa. Anobviswa chepfu kupfurikidza nokugadzira kwegamuchidzanwa, uko kunobatanidza kuakuya nokuramba uchiafashaidza.
Mafuta ayo vakadzi veAfrica vanoda havo kushandisa mukubika ngunza mafuta emuchindwe. Mafuta matsvuku akasvibira anogadzirwa munzvimbomo anokosha. Ngunza pamwe nedovi shomanene uye zvimwe nehanyanisi negariki ndezvokudya zvezuva nezuva zvemhuri. Asi zvakadiniko kana muri kukarira vaeni? Ipapo ngunza inofanira kuva chimwe chinhu chaicho, chimwe chinhu chavachazoyeuka. Naizvozvo mugamuchiri wacho achawedzera zvinosanganiswa zvake zvaanoda zvikuru—hove dzakaomeswa kana kuti nhindi dzenyama yemombe yakaomeswa—negariki nehanyanisi zvakawanda pamwe chete nechitsama chikuru chedovi rinogadzirirwa pamusha, richangobva kugadzirwa. Zvose izvozvi zvinoiswa mupoto imwe huru. Zvasara zvose ishiviriro nokufashaidza kukuru.
Nhasi mugamuchiri wedu achagovera ngunza pamwe chete nemupunga. Mupunga wakawanda pamwe chete nemukombe mumwe kana kuti miviri yengunza inopisa yakadirwa pamusoro pawo chinhu chinofadza nokuda kwavagari veAfrica navazhinji vokune dzimwe nyikawo. Wedzera mhiripiri shomanene, uye zvino unoziva kuti ngunza chii. Kana girazi rewaini tsvuku rikafarikanywa pamwe nechokudya chacho, richabudisa kunaka kwacho zvizere.
Zvakadiniko neNgukassa Kana Kuti Kanda?
Uchifamba kubva kumabvazuva kuenda kumadokero munyika yacho, uchawana kuti vanhu vanogadzira ngunza munzira dzakasiyana-siyana. Uye zvakadiniko nengukassa? Pazuva rinotonhora rinonaya, ngukassa, ndechokudya kana kuti sichuu yakabikwa nechinhu chiri chose chinorimwa mugadheni kana kuti munda, ingava chinhu chakakodzera nokuda kwako. Mafuta emuchindwe, maplantain, nzungu, mbambaira, corn (chibage), uye, chokwadika, mashizha emufarinya zvinobikwa zvose pamwe chete, asi hapana munyu unowedzerwa—kwete kunyange tsanga zvayo yomunyu. Ichecho ndicho chakavanzika chacho! Mugumisiro wacho unonaka zvikuru uye unovaka muviri. Uye kana ukafamba rwendo rurefu, takura kanda. Iyoyi inogadzirwa nemashizha emufarinya akakuyiwa pamwe chete nehove dzakaomeswa kana kuti nyama. Kanda inogadzirwa nokuputira uyu musanganiswa mumashizha uye kuiomesa pamwoto kwemaawa anoverengeka kusvikira yasimba uye yaoma. Inogara kwemazuva mazhinji uye inogona kufarikanywa pamwe chete nechingwa. Yakanakira vafambi.
Kana ukashanyira Africa nguva ipi neipi, wadii kukumbira mufarinya? Uedze, uye kumbanira mamiriyoni anoufarikanya!
-
-
Shanyo Yapapa KuUN—Chii Chayakaita?Mukai!—1996 | July 8
-
-
Shanyo Yapapa KuUN—Chii Chayakaita?
PAKUBHURURUKA kwake napamusoro peAtlantic kuti anotaura kuUN muNew York City, Pope John Paul II akapfuura makiromita 1000000 mukufamba kwake munyika. Akanga ari October 4, 1995, uye urwu rwakanga rwuri rwendo rwake rwechi68 kunze kwenyika sapapa. Pasina panikiro, ndiye papa akafamba zvikurusa munhau yeChechi yeRoma Katurike.
Akasvika paNewark International Airport, New Jersey, paChitatu chainaya, akatenderedzwa nerimwe remaketeni ramaoresa zvikurusa rokuchengetedza rati rambogadzirirwa mukuru mukuru upi noupi. Kwakafungidzirwa kuti vakuru vakuru vomubatanidzwa neveguta vanenge 8 000 vakagoverwa kudzivirira papa. Mumwe mushumo wakariti “gwati remaoresa rekuchengetedza,” neherikopita nevashambiri zvaibatanidzwa.
Aishanyirei?
Muhurukuro yake pachiteshi chendege, papa akayeuka kuti akamutangira, Pope Paul VI, akanga ataura kuUN General Assembly ane chikumbiro chorugare, achiti: “Hakuchina hondo zvakare, hakuchazotongozovi nehondo zvakare!” John Paul II akati akanga ava kudzokera “kunotaura kupwiswa [kwake] kukuru kwokuti pfungwa nezvinangwa zvakaparira mavambo eUN hafu yezana remakore yapfuura zvinokosha zvikuru kupfuura nakare kwose munyika iri kutsvaka chinangwa.”
Paminyengetero yamadekwana paSacred Heart Cathedral, Newark, papa akaratidzazve kutsigira kwake UN, achiti: “Sangano iroro riripo kuti ribatire zvakanakira mhuri yose yavanhu, uye naizvozvo kwakakodzera kuti papa ataure ikoko sechapupu kutariro yeEvhangeri.” Akawedzera, kuti: “Munyengetero wedu worugare naizvozvo munyengeterowo weSangano Romubatanidzwa Wenyika Dzapasi Pose. Francis musande weAssisi . . . anozivikanwa semudi mukuru nenyanzvi yorugare. Ngatikumbirei munyengetero wake pabasa reSangano Romubatanidzwa Wenyika Dzapasi Pose reruramisiro nerugare munyika yose.”
Muhurukuro yake kuUN, akarumbidza chinjo dzezvamatongerwe enyika dzisina masimba masimba dza1989 muEastern Europe, umo nyika zhinji dzakanga dzadzorerwa rusununguko. Akakurudzira “kuzvipira kwechokwadi kunyika yavo” sekwakasiyana ne“urudzi hune fungira mano akaipa nerusaruro.” Akataura nezvekusaruramisira kwetsika ino iripoyi, achiti: “Apo mamiriyoni evanhu ari kutambura nourombo hunoreva nzara, kushaya zvokudya zvinovaka muviri, chirwere, kusagona kurava nokunyora, uye kuzvidzwa, tinofanira . . . kuzviyeuchidza timene kuti hapana munhu ane kodzero yokushandisa mumwe nokuda kwechimuko chake amene.”
Ipapo akati: “Sezvatinotarisana neidzi denho huru, tinogona sei kukundikana kubvuma basa reSangano Romubatanidzwa Wenyika Dzapasi Pose?” Akataura kuti UN inofanira “kuva musimboti wokutsigira mipimo yetsika umo marudzi ose enyika anonzwa akasununguka.” Akasimbisa kudikanwa kwokutsigira “kubatana kwemhuri yose yavanhu.”
Rugare Rwechokwadi—Runobva Mumanyukoi?
Pasina panikiro, akataura mifungo mizhinji yakanaka. Bva, muhurukuro yake refurefu, ko panguva ipi neipi akanangidzira vatungamiriri venyika kumhinduro yaMwari yezvinetso zverudzi rwomunhu—kutonga kwoUmambo hwake kupfurikidza naKristu Jesu here? (Mateo 6:10) Aiwa. Kutaura idi, hapana nguva apo akanokora mashoko muBhaibheri muhurukuro yake kuUN. Mukupesana, akataura kuti “nebetsero yenyasha dzaMwari, tinogona kuvaka muzana ramakore rinotevera uye mumakore ane chiuru anotevera kushambidzika kwakakodzera munhu, tsika yechokwadi yorusununguko.” Kuvadzidzi veBhaibheri, mufungo iwoyo ungaratidzika sounodzokorora mumwe wakafanana wakataurwa naavo vaive paBhabheri rekare anopfuura makore 4 000 akapfuura, vaifunga kuti vaigona kuchengeta rudzi rwomunhu rwakabatana kupfurikidza negadziriro dzevanhu: “Uyai, ngatizvivakire guta, norusvingo, rune musoro unosvikira kudenga; tizvimutsire mukurumbira.” (Genesi 11:4) Naizvozvo, kubva muuyu murangariro, ndivo vatungamiriri vezvamatongerwe
-