RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Uchamira Sei Pamberi Pechigaro Chokutonga?
    Nharireyomurindi—1995 | October 15
    • Uchamira Sei Pamberi Pechigaro Chokutonga?

      “Zvino kana Mwanakomana womunhu achiuya nokubwinya kwake, navatumwa vose vanaye, uchagara pachigaro chake choushe chinobwinya.”—MATEO 25:31.

      1-3. Chikonzeroi chetariro chatinacho pamusoro peruramisiro?

      ‘KUVA ANE MHAKA KANA KUTI ASINA?’ Vakawanda vanoshamisika sezvavanonzwa mishumo pamusoro peimwe nhau yedare. Vatongi nemitezo inoita chisarudzo vangaedza kuva vakatendeseka, asi ruramisiro inowanzokurira here? Hauna kumbonzwa nezvokusaruramisira uye kushayikwa kwokururamisira mukutonga here? Kusaruramisira kwakadaro hakusati kuri kutsva, sezvatinoona mumuenzaniso waJesu unowanikwa pana Ruka 18:1-8.

      2 Chipi kana chipi chaungawana neruramisiro yavanhu, cherekedza mhedziso yaJesu: “Mwari haangaruramisiri vakasanangurwa vake, vanodanidzira kwaari masikati nousiku . . . here? Ndinoti kwamuri: Uchakurumidza kuvaruramisira. Asi Mwanakomana womunhu kana achisvika, uchawana kutenda panyika here?”

      3 Hungu, Jehovha achaona kuti vabatiri vake pakupedzisira vanowana ruramisiro. Jesu anobatanidzwawo, zvikurukuru zvino nemhaka yokuti tiri kurarama mu“mazuva okupedzisira” etsika yakaipa iripo. Jehovha nokukurumidza achashandisa Mwanakomana wake ane simba kubvisa chose chose uipi pamusoro papasi. (2 Timotio 3:1; 2 VaTesaronika 1:7, 8; Zvakazarurwa 19:11-16) Tinogona kuwana nzwisiso mubasa raJesu kubva mune mumwe wemienzaniso yokupedzisira yaakapa, unowanzodanwa kuti mufananidzo wamakwai nembudzi.

      4. Takanzwisisa sei nguva yomufananidzo wamakwai nembudzi, asi neiko tichapa ngwariro kumufananidzo wacho zvino? (Zvirevo 4:18)

      4 Kwenguva yakareba tave tichinzwisisa kuti mufananidzo wacho unoratidzira kugara pasi kwaJesu saMambo muna 1914 uye kubvira panguva iyeyo achiita rutongeso—upenyu husingaperi nokuda kwavanhu vanobvumikisa kuva vakafanana namakwai, rufu rwechigarire nokuda kwembudzi. Asi kurangarirwazve kwomufananidzo wacho kunonongedzera kunzwisiso yakaruramiswa yenguva yawo uye zvaunofananidzira. Iyi ruramiso inosimbisa ukoshi hwebasa redu rokuparidza uye ukoshi hwokudavidza kwavanhu. Kuti tione hwaro hweiyi nzwisiso yakadzama zvikuru yomufananidzo, ngatirangarirei icho Bhaibheri rinoratidza pamusoro paJehovha naJesu, vose vari vaviri saMadzimambo uye saVatongi.

      Jehovha soMutongi Mukurusa

      5, 6. Neiko kwakakodzera kurangarira Jehovha seari zvose zviri zviviri Mambo noMutongi?

      5 Jehovha anotonga chisiko chose nesimba pamusoro pezvose. Zvaasina mavambo uye mugumo, iye ndiye “Ishe usingaperi.” (1 Timotio 1:17; Pisarema 90:2, 4; Zvakazarurwa 15:3) Ane chiremera chokuumba mirau, kana kuti mitemo, uye kumanikidzira iyoyi. Asi chiremera chake chinobatanidza kuva Mutongi. Bhuku raIsaya 33:22 rinoti: “Nokuti Jehovha ndiye mutongi wedu, Jehovha ndiye mutemi wemirayiro yedu, Jehovha ndiye mambo wedu; iye uchatiponesa.”

      6 Vanhu vaMwari vakanguve vaziva Jehovha soMutongi wemhosva nenhau. Somuenzaniso, pashure pokunge “Mutongi wenyika yose” ayera ufakazi pamusoro pouipi hweSodhoma neGomora, iye akaita zvose zviri zviviri kutonga kuti vagari vaifanirwa nokuparadzwa uye akaita rutongeso irworwo rwakarurama. (Genesi 18:20-33; Jobho 34:10-12) Kunofanira kutiita kuti tive vane chivimbo sei kuziva kuti Jehovha Mutongi akarurama uyo anogona nguva dzose kuita rutongeso rwake!

      7. Jehovha akaita sei soMutongi mukubata naIsraeri?

      7 Muna Israeri wekare, Jehovha pane dzimwe nguva akaita rutongeso zvakananga. Ungadai usina kunyaradzwa here shure panguva iyeyo kuziva kuti Mutongi akakwana akanga achisarudza nhau? (Revhitiko 24:10-16; Numeri 15:32-36; 27:1-11) Mwari akagoverawo zva“akatonga” izvo zvaiva zvakanaka chose semipimo yokutonga. (Revhitiko 25:18, 19; Nehemia 9:13; Pisarema 19:9, 10; 119:7, 75, 164; 147:19, 20) Iye ndiye “Mutongi wenyika yose,” naizvozvo tose zvedu tinotapurwa.—VaHebheru 12:23.

      8. Dhanieri akava nechionoi chine revo?

      8 Tine chipupuriro che“chapupu chakaona” chine chokuita neiyi nhau. Muporofita Dhanieri akapiwa chiono chezvikara zvinotyisa izvo zvaimirira hurumende kana kuti umambo. (Dhanieri 7:1-8, 17) Iye akawedzera, kuti: “Zvigaro zvoushe zvagadzwa ipapo, mumwe wakakwegura pamazuva ake akagara ipapo, nguo yake yakanga yakachena sechando.” (Dhanieri 7:9) Cherekedza kuti Dhanieri akaona zvigaro zvoushe “wakakwegura pamazuva [Jehovha] akagara ipapo.” Zvibvunze umene, ‘Dhanieri pano akanga achipupurira kuva kwaMwari Mambo here?’

      9. Chii chiri revo imwe yoku‘gara pasi’ pachigaro choushe? Ipa mienzaniso.

      9 Eya, apo tinorava kuti mumwe munhu “akagara” pachigaro choushe, tingafunga nezvokuva kwake mambo, nokuti pane dzimwe nguva Bhaibheri rinoshandisa mutauro wakadaro. Somuenzaniso: “Zvino pakutanga kwake [Zimri] kubata ushe, achangogara pachigaro chake choushe, . . .” (1 Madzimambo 16:11; 2 Madzimambo 10:30; 15:12; Jeremia 33:17) Uporofita hwaMesiya hwakati: “Uchagara pachigaro chake achibata ushe.” Nokudaro, ku‘gara pachigaro choushe’ kunogona kureva kuva mambo. (Zekaria 6:12, 13) Jehovha anorondedzerwa saMambo anogara pachigaro choushe. (1 Madzimambo 22:19; Isaya 6:1; Zvakazarurwa 4:1-3) Ndiye “Ishe usingaperi.” Bva, sezvaakatora rutivi rutsva rwouchangamire, angagona kutaurwa kuve akava Mambo, sokunge kuti kugara pachigaro chake choushe patsva.—1 Makoronike 16:1, 31; Isaya 52:7; Zvakazarurwa 11:15-17; 15:3; 19:1, 2, 6.

      10. Chii chakanga chiri basa guru ramadzimambo avaIsraeri? Enzanisira.

      10 Asi herino pfundo rinokosha: Basa guru ramadzimambo ekare rakanga riri rokunzwa mhosva ndokuita zvisarudzo. (Zvirevo 20:8; 29:14) Yeuka chisarudzo chouchenjeri chaSoromoni apo vakadzi vaviri vaida mwana mumwe chete. (1 Madzimambo 3:16-28; 2 Makoronike 9:8) Chimwe chezvivako zvehurumende yake chakanga chiri “Biravira rechigaro chake choushe, paangatonga mhaka,” uye rainziwo “biravira rokutonga.” (1 Madzimambo 7:7) Jerusarema rakarondedzerwa senzvimbo uko “kwakagadzwa zvigaro zvokutonga.” (Pisarema 122:5) Nenzira yakajeka, ‘kugara pachigaro choushe’ kunogonawo kureva kushandisa chiremera chokutonga.—Eksodho 18:13; Zvirevo 20:8.

      11, 12. (a) Chii chakanga chiri revo yokugara pasi kwaJehovha, kunodudzwa muna Dhanieri ganhuro 7? (b) Mamwe magwaro anosimbisa sei kuti Jehovha anogara pasi kuti atonge?

      11 Zvino ngatidzokerei kuchiono icho Dhanieri akaona ‘Akakwegura paMazuva achigara pasi.’ Bhuku raDhanieri 7:10 rinowedzera kuti: “Kutonga kukatanga, bhuku dzikazarurwa.” Hungu, Akakwegura paMazuva akanga agere kuti aite rutongeso pamusoro pokudzorwa kwenyika uye kuti asarudze Mwanakomana womunhu saakafanirwa nokutonga. (Dhanieri 7:13, 14) Ipapo tinorava kuti “wakakwegura pamazuva ake a[ka]svika, vatsvene voWokumusorosoro vakaruramisirwa,” avo vakasarudzwa savakakodzera kutonga noMwanakomana womunhu. (Dhanieri 7:22) Pakupedzisira “Kutonga [kwaka]tanga” ndokuita rutongeso rwakakomba pasimba renyika rokupedzisira.—Dhanieri 7:26.a

      12 Somugumisiro, kuona kwaDhanieri Mwari achi‘gara pachigaro choushe’ kwakareva kuuya Kwake kuzoita rutongeso. Pakuvamba zvikuru Dhavhidhi akaimba, kuti: “Nokuti [Jehovha] mandiruramisira mhosva yangu; makagara pachigaro choushe muchitonga nokururama.” (Pisarema 9:4, 7) Uye Joere akanyora, kuti: “Marudzi avanhu ngaamuke, aende kumupata waJehoshafati; nokuti ndipo pandichagara [ini Jehovha] ndichitonga marudzi ose akapoteredza.” (Joere 3:12; Enzanisa naIsaya 16:5.) Vose vari vaviri Jesu naPauro vakanga vari mumamiriro ezvinhu okutongwa maari munhu akagara kuti anzwe nhau ndokuita rutongeso.b—Johane 19:12-16; Mabasa 23:3; 25:6.

      Nzvimbo yaJesu

      13, 14. (a) Vanhu vaMwari vaiva nevimbisoi yokuti Jesu aizova Mambo? (b) Jesu akagara rini pachigaro chake choushe, uye mupfungwai umo akatonga kubva muna 33 C.E. zvichienda mberi?

      13 Jehovha ari zvose zviri zviviri Mambo noMutongi. Zvakadiniko naJesu? Ngirozi ichizivisa nezvokuberekwa kwake yakati: “Ishe Mwari uchamupa chigaro choushe chababa vake Dhavhidhi. . . . noushe hwake haungavi nomugumo.” (Ruka 1:32, 33) Jesu aizova mugari wenhaka wechigarire woumambo hwaDhavhidhi. (2 Samueri 7:12-16) Aizotonga ari kudenga, nokuti Dhavhidhi akati: “Jehovha wakati kunaShe wangu [Jesu]: Gara kurudyi rwangu, kusvikira ndaita vavengi vako chitsiko chetsoka dzako. Jehovha uchatambanudza tsvimbo yesimba rako ribude paZioni, achiti: Bata ushe pakati pavavengi vako.”—Pisarema 110:1-4.

      14 Ikoko kwaizova rini? Jesu haana kutonga saMambo apo aiva munhu. (Johane 18:33-37) Muna 33 C.E., akafa, akamutswa, uye akakwira kudenga. Bhuku raVaHebheru 10:12 rinoti: “Wakati abayira chibayiro chimwe chete pamusoro pezvivi, akagara nokusingaperi kurudyi rwaMwari.” Chiremerai icho Jesu aiva nacho? “[Mwari aka]mugarisa kurudyi rwake kudenga, kumusorosoro kwavabati vose, noukuru, nesimba, noushe, . . . akapa kereke iye, kuti ave musoro wazvose.” (VaEfeso 1:20-22) Nemhaka yokuti Jesu panguva iyeyo akanga ane chiremera choumambo pamusoro pavaKristu, Pauro aigona kunyora kuti Jehovha “vakatisunungura pasimba rerima, vakatiisa muushe hwoMwanakomana worudo rwavo.”—VaKorose 1:13; 3:1.

      15, 16. (a) Neiko tichitaura kuti Jesu haana kuva Mambo woUmambo hwaMwari muna 33 C.E.? (b) Jesu akavamba rini kutonga muUmambo hwaMwari?

      15 Panguva iyeyo, zvisinei, Jesu haana kuita saMambo noMutongi pamusoro pamarudzi. Akanga agere pedyo naMwari, achimirira nguva yokuti aite saMambo woUmambo hwaMwari. Pauro akanyora nezvake, kuti: “Wakambotaura kunaani wavatumwa, achiti: Gara kurudyi rwangu, kusvikira ndichiita vavengi vako vave chitsiko chetsoka dzako?”—VaHebheru 1:13.

      16 Zvapupu zvaJehovha zvakabudisa ufakazi hwakawanda hwokuti nhambo yaJesu yokumirira yakaguma muna 1914, apo akava mutongi woUmambo hwaMwari mumatenga asingaoneki. Bhuku raZvakazarurwa 11:15, 18 rinoti: “Ushe hwenyika hwava hwaShe wedu, naKristu wake; uchahubata nokusingaperiperi.” “Marudzi akatsamwa, nokutsamwa kwenyu kwakasvika.” Hungu, marudzi akatsamwirana mukati meHondo yeNyika I. (Ruka 21:24) Hondo, kudengenyeka kwapasi, nhenda, perevedzo dzezvokudya, nezvakafanana, zvatakaona kubva muna 1914 zvinosimbisa kuti Jesu zvino ari kutonga muUmambo hwaMwari, uye mugumo wenyika wokupedzisira wava pedyo.—Mateo 24:3-14.

      17. Mapfundoi anokosha atasimbisa kusvikira panguva ino?

      17 Nenzira yokuhwirudzura kupfupi: Mwari anogona kutaurwa kuti anogara pachigaro choushe saMambo, asi nomumwe mufungo anogona kugara pachigaro chake choushe kuti atonge. Muna 33 C.E., Jesu akagara kuruoko rworudyi rwaMwari, uye zvino ndiye Mambo woUmambo hwacho. Asi Jesu, zvino ari kutonga saMambo, anobatirawo soMutongi here? Uye neiko ikoku kuchifanira kutitapura, zvikurukuru panguva ino?

      18. Ufakazii huripo hwokuti Jesu aizovawo Mutongi?

      18 Jehovha, uyo ane kodzero yokugadza vatongi, akasarudza Jesu soMutongi anosvitsa zvinodikanwa Zvake. Jesu akaratidza ikoku paaitaura nezvevanhu vachiva vapenyu mumudzimu: “Baba havatongi munhu, asi vakapa Mwanakomana kutonga kwose.” (Johane 5:22) Bva, basa raJesu rokutonga rinopfuura rudzi irworwo rwokutonga, nokuti iye mutongi wavapenyu uye wavakafa. (Mabasa 10:42; 2 Timotio 4:1) Pauro akambozivisa, kuti: “[Mwari] wakatara zuva, raachatonga nyika naro nokururama, nomurume [Jesu] waakagadza; akasimbisa shoko iro kuna vose, pakumumutsa kuvakafa.”—Mabasa 17:31; Pisarema 72:2-7.

      19. Neiko kwakarurama kutaura nezvaJesu seanogara pasi soMutongi?

      19 Naizvozvo tinoruramiswa here kugumisa kuti Jesu anogara pachigaro choushe chine mbiri mubasa rakananga roMutongi? Hungu. Jesu akaudza vaapostora, kuti: “Pakuberekwa kutsva, kana Mwanakomana womunhu achizogara pachigaro choushe chokubwinya kwake, imiwo muchagara pazvigaro zvine gumi nezviviri, muchitonga marudzi ane gumi namaviri avaIsraeri.” (Mateo 19:28) Kunyange zvazvo Jesu zvino ava Mambo woUmambo, mumwe mubato wake wakadudzwa pana Mateo 19:28 uchabatanidza kugara pachigaro choushe kuti atonge mukati meMireniyumu. Panguva iyeyo achatonga rudzi rwose rwomunhu, vakarurama navasakarurama. (Mabasa 24:15) Kunobetsera kurangarira ikoku sezvatinorereudzira ngwariro yedu kumumwe wemifananidzo yaJesu ine chokuita nenguva yedu uye upenyu hwedu.

      Mufananidzo Wacho Unotii?

      20, 21. Vaapostora vaJesu vakabvunzei chine chokuita nenguva yedu, kuchitungamirira kumubvunzoi?

      20 Nokukurumidza Jesu asati afa, vadzidzi vake vakamubvunza, kuti: “Tiudzei, kuti izvozvi zvichagova riniko? Nechiratidzo chokuuya kwenyu nechokuguma kwenyika chichava chipiko?” (Mateo 24:3) Jesu akafanotaura zviitiko zvinokosha pamusoro papasi ‘mugumo [usati] wasvika.’ Nokukurumidza mugumo iwoyo usati wasvika, marudzi acha“ona Mwanakomana womunhu achiuya pamusoro pamakore okudenga nesimba nokubwinya kukuru.”—Mateo 24:14, 29, 30.

      21 Kunyange zvakadaro, vanhu vari mumarudzi iwayo vachaita sei apo Mwanakomana womunhu anosvika mumbiri yake? Ngationei mumufananidzo wamakwai nembudzi, uyo unovamba namashoko, okuti: “Zvino kana Mwanakomana womunhu achiuya nokubwinya kwake, navatumwa vose vanaye, uchagara pachigaro chake choushe chinobwinya; namarudzi ose achaunganidzwa pamberi pake.”—Mateo 25:31, 32.

      22, 23. Mapfundoi anoratidzira kuti mufananidzo wamakwai nembudzi hauna kuvamba zadziko yawo muna 1914?

      22 Uyu mufananidzo unoshanda apo Jesu akagara pasi musimba roumambo muna 1914, sezvatave tichinzwisisa kwenguva refu here? Eya, Mateo 25:34 inotaura nezvake saMambo, naizvozvo mufananidzo wacho nenzira ine mufungo unowana kushanda kwawo sezvo Jesu akava Mambo muna 1914. Asi kutongai kwaakaita nokukurumidza pashure paikoko? Kwakanga kusiri kutonga “marudzi ose.” Panzvimbo pezvo, akarereudzira ngwariro yake kuna avo vaitaura kuti vanoumba “imba yaMwari.” (1 Petro 4:17) Maererano naMaraki 3:1-3, Jesu, senhume yaJehovha, nenzira yokutonga akanzvera vaKristu vakazodzwa vaiva vachiri pasi pano. Yakanga iriwo nguva nokuda kwechirango chokutonga pachiKristudhomu, icho nenzira yenhema chaitaura kuva “imba yaMwari.”c (Zvakazarurwa 17:1, 2; 18:4-8) Bva hapana chinoratidzira kuti panguva iyeyo, kana kuti nokuda kwechikonzero ichocho kubvira panguva iyeyo, Jesu akagara kuti atonge vanhu vamarudzi ose pakupedzisira sehwai kana kuti mbudzi.

      23 Kana tikanzvera mubato waJesu mumufananidzo wacho, tinomucherekedza pakupedzisira achitonga marudzi ose. Mufananidzo wacho hauratidzi kuti kutonga kwakadaro kwaizopfuurira kwenhambo yakatambanudzwa yamakore akawanda, sokunge kuti munhu ari wose aifa mukati meaya makumi amakore apfuura akatongwa seakafanirwa norufu rwokusingaperi kana kuti upenyu husingaperi. Kunoratidzika kuti voruzhinji vakafa mumakumi amakore achangobva kupfuura vakaenda kuguva ravose rorudzi rwomunhu. (Zvakazarurwa 6:8; 20:13) Mufananidzo wacho, zvisinei, unoratidzira nguva apo Jesu anotonga vanhu va“marudzi ose” vari vapenyu panguva iyeyo uye vari kutarisana nokuitwa kwechirango chorutongeso rwake.

      24. Mufananidzo wamakwai nembudzi uchazadzikwa rini?

      24 Namamwe mashoko, mufananidzo wacho unonongedzera kunguva yemberi apo Mwanakomana womunhu achauya ari mumbiri yake. Achagara pasi kuti atonge vanhu vari vapenyu panguva iyeyo. Kutonga kwake kuchave kwakavakirwa pane zvavakaratidzira vamene kuva. Panguva iyeyo “kusiyana kwowakarurama nowakaipa” kuchave kwaitwa zvakajeka. (Maraki 3:18) Kuziviswa chaikoiko nokuitwa kworutongeso zvichaitwa munguva yakaganhurirwa. Jesu achaita zvisarudzo zvakarurama zvakavakirwa pane zvakava zvakajeka pamusoro pevanhu vamwe navamwe.—Onawo 2 VaKorinte 5:10.

      25. Bhuku raMateo 25:31 riri kuratidzirei mukutaura nezvoMwanakomana womunhu achigara pasi pachigaro choushe chine mbiri?

      25 Ikoku kunoreva, ipapoka, kuti ‘kugara pachigaro chake choushe chine mbiri’ kwaJesu kuti atonge, kunodudzwa pana Mateo 25:31, kunoshanda kunguva yemberi apo uyu Mambo ane simba achagara pasi kuti azivise nokuita rutongeso pamarudzi. Hungu, chiitiko chokutonga icho chinobatanidza Jesu pana Mateo 25:31-33, 46 chinoenzaniswa nechiitiko chaDhanieri ganhuro 7, uko Mambo anotonga, Akakwegura paMazuva, akagara pasi kuti aite basa rake soMutongi.

      26. Itsananguroi itsva yomufananidzo inova yakajeka?

      26 Kunzwisisa mufananidzo wamakwai nembudzi neiyi nzira kunoratidzira kuti kuitwa kworutongeso pamakwai nembudzi kuri munguva yemberi. Kuchaitika pashure pe“kutambudzika” kunodudzwa pana Mateo 24:29, 30 kwavamba uye Mwanakomana womunhu ‘asvika ari mumbiri yake.’ (Enzanisa naMarko 13:24-26.) Ipapo, netsika yose yakaipa yasvika pamugumo wayo, Jesu achadanira dare ndokupa nokuita rutongeso.—Johane 5:30; 2 VaTesaronika 1:7-10.

      27. Tinofanira kufarira chii mukuziva pamusoro pomufananidzo wokupedzisira waJesu?

      27 Ikoku kunojekesa kunzwisisa kwedu kwenguva yomufananidzo waJesu, uyo unoratidza apo makwai nembudzi zvichatongwa. Asi kunotitapura sei isu tiri kuparidza nokushingaira mashoko akanaka oUmambo? (Mateo 24:14) Kunoita kuti basa redu rive rinokosha zvishoma here, kana kuti kunounza mutoro unorema zvikuru webasa? Ngationei munyaya inotevera kuti tinotapurwa sei.

      [Mashoko Omuzasi]

      a Shoko rakashandurwa kuti “Kutonga” pana Dhanieri 7:10, 26 rinowanikwawo pana Ezra 7:26 uye Dhanieri 4:37; 7:22.

      b Pamusoro pokuendesana kudare kwavaKristu, Pauro akabvunza, kuti: “Munogadza seiko avo vanozvidzwa pakereke, kuti ivo vatonge [chaizvoizvo “muri kugadza”]?”—1 VaKorinte 6:4.

      c Ona Zvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo!, mapeji 56, 73, 235-45, 260, rakaburitswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.

      Unoyeuka Here?

      ◻ Jehovha anobatira sei sezvose zviri zviviri Mambo noMutongi?

      ◻ Irevoi mbiri dzinogona kuvapo ku‘kugara pasi pachigaro choushe’?

      ◻ Taisimbotii pamusoro penguva yaMateo 25:31, asi hwaroi huripo nokuda kwomurangariro wakagadziridzwa?

      ◻ Mwanakomana womunhu anogara rini pachigaro chake choushe, sezvinoratidzirwa pana Mateo 25:31?

  • Inguvai Yemberi Iripo Nokuda Kwamakwai Nembudzi?
    Nharireyomurindi—1995 | October 15
    • Inguvai Yemberi Iripo Nokuda Kwamakwai Nembudzi?

      “Achaparadzanisa vanhu mumwe achibva kune mumwe, kungofanana nomufudzi anoparadzanisa makwai nembudzi.”—MATEO 25:32, NW.

      1, 2. Neiko mufananidzo wamakwai nembudzi uchifanira kutifadza?

      JESU KRISTU zvirokwazvo akanga ari Mudzidzisi mukurusa pasi pano. (Johane 7:46) Mumwe wemitoo yake yokudzidzisa wakanga uri kushandiswa kwemifananidzo, kana kuti mienzanisiro. (Mateo 13:34, 35) Iyoyi yaiva yakapfava bva ine simba mukuzivisa zvokwadi dzakadzama nedzouporofita.

      2 Mumufananidzo wamakwai nembudzi, Jesu akanongedzera kunguva yake yokuti aite chiito mumwero chaiwo wakati, achiti: “Zvino kana Mwanakomana womunhu achiuya nokubwinya kwake, na. . .” (Mateo 25:31) Ikoku kunofanira kutifadza nemhaka yokuti ndiwo muenzanisiro kupfurikidza nawo Jesu akagumisa mhinduro yake kumubvunzo wokuti: “Nechiratidzo chokuuya kwenyu nechokuguma kwenyika chichava chipiko?” (Mateo 24:3) Asi izvozvi zvinorevei nokuda kwedu?

      3. Pakuvamba muhurukuro yake, chii icho Jesu akati chaizotanga pakarepo pashure pokuvamba kwedambudziko guru?

      3 Jesu akafanotaura zviitiko zvinoshamisa zvaizouya “pakarepo, shure” kwokuvamba kwedambudziko guru, zviitiko zvatakamirira. Akataura kuti ipapo “chiratidzo choMwanakomana womunhu” chaizooneka. Ikoku kuchatapura zvikuru “marudzi ose enyika” ayo acha“ona Mwanakomana womunhu achiuya pamusoro pamakore okudenga nesimba nokubwinya kukuru.” Mwanakomana womunhu achave achiperekedzwa na“vatumwa vake.” (Mateo 24:21, 29-31)a Zvakadiniko nomufananidzo wamakwai nembudzi? MaBhaibheri azvino uno anouisa muganhuro 25, asi rutivi rwemhinduro yaJesu, runopa udzame hwokuwedzera pamusoro pokuuya kwake mumbiri uye achinangidzira ngwariro parutongeso rwake rwe“marudzi ose.”—Mateo 25:32.

      Vanhu Vari Mumufananidzo

      4. Kududzwai kunoitwa pamusoro paJesu pakuvamba kwomufananidzo, uye ndianizve anodudzwa?

      4 Jesu anovamba mufananidzo wacho, nokuti: “Zvino kana Mwanakomana womunhu achiuya.” Sezvinobvira unoziva uyo ari “Mwanakomana womunhu.” Vanyori veEvhangeri vaiwanzoshandisira kutaura ikoko kuna Jesu. Kunyange Jesu amene akaita kudaro, pasina kupanikira achirangarira chiono chaDhanieri cho“mumwe wakafanana nomwanakomana womunhu” achiswedera kune Akakwegura paMazuva kuti agamuchire “simba, nokubwinya, noushe.” (Dhanieri 7:13, 14; Mateo 26:63, 64; Marko 14:61, 62) Nepo Jesu ari iye anokosha mune uyu mufananidzo, haasati ari oga. Pakuvamba zvikuru muhurukuro ino, sezvanokorwa mashoko pana Mateo 24:30, 31, akataura kuti apo Mwanakomana womunhu ‘anouya nesimba nembiri huru,’ ngirozi dzake dzichaita basa rinokosha. Nenzira yakafanana, mufananidzo wamakwai nembudzi unoratidza ngirozi dzina Jesu apo a‘nogara pasi pachigaro chake choushe chine mbiri’ kuti atonge. (Enzanisa naMateo 16:27.) Asi Mutongi nengirozi dzake vari kudenga, ndozvakaitawo vanhu here vanokurukurwa mumufananidzo wacho?

      5. Tinogona sei kuziva “hama” dzaJesu?

      5 Kurangarira kupfupi mufananidzo wacho kunoratidza mapoka matatu atinoda kuziva. Mukuwedzera kumakwai nembudzi, Mwanakomana womunhu anowedzera boka rechitatu iro kuzivikanwa kwaro kuri kunokosha kuti tizive makwai nembudzi. Jesu anodana iri boka rechitatu kuti hama dzake dzomudzimu. (Mateo 25:40, 45) Dzinofanira kuva vanamati vechokwadi, nokuti Jesu akati: “Ani nani unoita kuda kwaBaba vangu . . . , ndiye munun’una wangu, nehanzvadzi, namai.” (Mateo 12:50; Johane 20:17) Nenzira yakajeka zvikuru, Pauro akanyora nezvavaKristu avo vari rutivi rwe“vana vaAbrahama” uye vari vanakomana vaMwari. Akadana ivava “hama” dzaJesu uye “vagoverani . . . pakudanwa kunobva kudenga.”—VaHebheru 2:9-3:1; VaGaratia 3:26, 29.

      6. Ndivanaani vari va“duku” vehama dzaJesu?

      6 Neiko Jesu akadudza “muduku” wehama dzake? Mashoko iwayo anodzokorora icho vaapostora vakamunzwa achitaura pakuvamba zvikuru. Pakusiyanisa Johane Mubhapatidzi, uyo akatangira Jesu kufa uye naizvozvo akanga ane tariro yapasi, naavo vanowana upenyu hwokudenga, Jesu akati: “Hakuna kumuka mukuru kuna Johane Mubhapatidzi; asi muduku muushe hwokudenga mukuru kwaari.” (Mateo 11:11) Vamwe vaienda kudenga vangave vaiva vakatanhamara muungano, kufanana navaapostora, uye vamwe zvishoma pane izvozvo, asi vose ihama dzomudzimu dzaJesu. (Ruka 16:10; 1 VaKorinte 15:9; VaEfeso 3:8; VaHebheru 8:11) Nokudaro, kunyange kana vamwe vakaratidzika sevasingakoshi pasi pano, vaiva hama dzake uye vaifanira kuva vakabatwa nenzira inowirirana.

      Ndivanaani Vari Makwai neMbudzi?

      7, 8. Jesu akatii pamusoro pamakwai, naizvozvo tinogona kugumisei pamusoro pawo?

      7 Tinorava pamusoro porutongeso rwamakwai, kuti: “[Jesu] uchati kuna vari kurudyi: Uyai imi, makaropafadzwa naBaba, mugare nhaka youshe hwakagadzirirwemi kubva pakuvamba kwenyika. Nokuti ndakanga ndine nzara, mukandipa chokudya; ndakanga ndine nyota, mukandipa chokunwa; ndakanga ndiri mweni, mukandigamuchira; ndakanga ndisina nguo, mukandipfekedza; ndakanga ndichirwara, mukandifambira; ndakanga ndiri mutorongo, mukauya kwandiri. Zvino vakarurama vachamupindura, vachiti: Ishe, takakuonai riniko mune nzara, tikakupai chokudya? kana mune nyota, tikakupai chokunwa? Takakuonai riniko muri mweni, tikakugamuchirai? kana musina nguo, tikakupfekedzai? Takakuonai riniko muchirwara, kana muri mutorongo, tikauya kwamuri? Ishe uchapindura, achiti kwavari: Zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Pamakazviitira mumwe wavaduku vehama dzangu idzi, makazviitireni.”—Mateo 25:34-40.

      8 Sezviri pachena, makwai anotongwa kuva akafanirwa nokuva kurutivi rworudyi rwaJesu rwokuremekedzwa uye nyasha anomirira boka ravanhu. (VaEfeso 1:20; VaHebheru 1:3) Chii chaakaita uye rini? Jesu anotaura kuti iwo nenzira yomutsa, yoruremekedzo, uye yorupo akamupa chokudya, chokunwa, uye chipfeko, achimuyamura apo akanga achirwara kana kuti ari mutorongo. Apo makwai anotaura kuti akanga asina kuita izvozvi kuna Jesu pachake, anotsanangura kuti akatsigira hama dzake dzomudzimu, vakasarira vevaKristu vakazodzwa, naizvozvo mupfungwa iyoyo akazviitira iye.

      9. Neiko mufananidzo wacho usingagoni kushanda mukati meMireniyumu?

      9 Mufananidzo wacho haushandi mukati meMireniyumu, nokuti vakazodzwa panguva iyeyo vachave vasiri vanhu vanotambura nzara, nyota, kurwara, kana kuti kuiswa mutorongo. Vakawanda vavo, zvisinei, vakatambura zvakadaro mukati memhedziso ino yetsika yezvinhu. Chibviro chaapo Satani akakandirwa pasi, akaita vakasarira chipfuro chehasha dzake, achiunza pavari kusekwa, kurwadzisa, uye rufu.—Zvakazarurwa 12:17.

      10, 11. (a) Neiko kusina mufungo kufunga kuti makwai anobatanidza munhu ari wose anoitira hama dzaJesu chiito chomutsa? (b) Nenzira yakakodzera makwai anomirira ani?

      10 Jesu ari kutaura here kuti munhu ari wose ari kuita mutsa muduku kumumwe wehama dzake, zvakadai sokupa chidimbu chechingwa kana kuti girazi remvura, anokwanirisa somumwe weaya makwai? Sezvinobvumwa, kuita mutsa wakadaro kunogona kuratidzira mutsa womunhu, asi chaizvoizvo, kunoratidzika kuti zvakawanda zvikuru zvinobatanidzwa namakwai ouyu mufananidzo. Jesu akanga asingatongonongedzeri, somuenzaniso, kuvasingatendi kuvapo kwaMwari kana kuti vafundisi vanoita chiito chomutsa kune mumwe wehama dzake. Mukupesana, Jesu kaviri akadana makwai “vakarurama.” (Mateo 25:37, 46) Naizvozvo makwai anofanira kuva avo kwenhambo yenguva yakati vakayamura—vachitsigira nokushingaira—hama dzaKristu uye vakatenda kusvikira kutambanuko yokugamuchira kumira kwakarurama pamberi paMwari.

      11 Mukati memazana amakore, vakawanda vakadai saAbrahama vakafarikanya kumira kwakarurama. (Jakobho 2:21-23) Noa, Abrahama, uye vamwe vakatendeka vanobatanidzwa pakati pe“mamwe makwai” ayo achagara nhaka upenyu muParadhiso muUmambo hwaMwari. Munguva dzichangobva kupfuura mamiriyoni akawanda akagamuchira kunamata kwechokwadi samamwe makwai uye vakava “boka rimwe” navakazodzwa. (Johane 10:16; Zvakazarurwa 7:9) Ivava vane tariro dzapasi vanoziva hama dzaJesu savamiriri voUmambo uye naizvozvo vakadziyamura—nenzira yokunyama uye yokumudzimu. Jesu anorangarira sezvinoitirwa kwaari izvo mamwe makwai anoitira hama dzake pasi pano. Vakadaro avo vari vapenyu apo anouya kuzotonga marudzi vachatongwa samakwai.

      12. Neiko makwai angabvunza nzira iyo akanga aitira nayo mutsa Jesu?

      12 Kana mamwe makwai zvino ari kuparidza mashoko akanaka navakazodzwa uye vachivayamura, neiko vachizobvunza, kuti: “Ishe, takakuonai riniko mune nzara, tikakupai chokudya? kana mune nyota, tikakupai chokunwa?” (Mateo 25:37) Panogona kuva nezvikonzero zvakasiyana-siyana. Uyu mufananidzo. Kupfurikidza nawo, Jesu anoratidza itiro hanya yake huru nokuda kwehama dzake dzomudzimu; anodzinzwira tsitsi, anotambura nadzo. Jesu pakuvamba akanga ati: “Unokugamuchirai imi, unondigamuchira ini; nounogamuchira ini, unogamuchira wakandituma.” (Mateo 10:40) Mune uyu muenzaniso, Jesu anokudziridza nheyo yacho, achiratidza kuti chinoitirwa (chakanaka kana kuti chakaipa) hama dzake chinosvika kunyange mudenga; kwakaita sokuti chiri kuitirwa iye mudenga. Uyewo, Jesu pano anosimbisa mupimo waJehovha wokutonga, achikujekesa kuti kutonga kwaMwari, kungave kwakanaka kana kuti kwokushurikidza, kwakanaka uye kwakarurama. Mbudzi hadzigoni kupa pembedzo, yokuti ‘Eya, kudai bedzi takanga takuonai zvakananga.’

      13. Neiko vakafanana nembudzi vangadana Jesu sa“Ishe”?

      13 Pashure pokunge tanzwisisa kuti ndirini apo rutongeso runoratidzwa mumufananidzo uyu runoitwa, tinowana murangariro wakajeka zvikuru weavo vari mbudzi. Kuzadzikwa kuri apo “chiratidzo choMwanakomana womunhu chichaonekwa kudenga; zvino marudzi ose enyika achachema, achiona Mwanakomana womunhu achiuya . . . nesimba nokubwinya kukuru.” (Mateo 24:29, 30) Vapukunyuki vedambudziko paBhabhironi Guru vakabata hama dzaMambo nenzira yokuvenga zvino vangadana Mutongi nenzira yokupererwa nezano sa“Ishe,” vachikarira kuponesa upenyu hwavo.—Mateo 7:22, 23; enzanisa naZvakazarurwa 6:15-17.

      14. Jesu achatonga makwai nembudzi pahwaroi?

      14 Zvisinei, kutonga kwaJesu hakusati kuchizova kwakavakirwa pakutaura kwokupererwa nezano kunoitwa navaichimbova vaendi vokuchechi, vasingatendi kuvapo kwaMwari, kana kuti vamwe. (2 VaTesaronika 1:8) Panzvimbo pezvo, mutongi acharangarira chimiro chomwoyo nezviito zvomunguva yakapfuura zvavanhu kune avo kunyange “mumwe wavaduku [vehama dzake].” Sezvinobvumwa, nhamba yavaKristu vakazodzwa vasara pasi pano iri kuderera. Zvisinei, chero bedzi vakazodzwa, vanoumba “muranda wakatendeka, wakangwara,” vachipfuurira kugovera zvokudya zvomudzimu nenhungamiro, makwai anokarirwa ane mukana wokuitira zvakanaka boka romuranda, kungofanana neizvo zvakaitwa ne‘boka guru rinobva mumarudzi ose nendudzi navanhu.’—Zvakazarurwa 7:9, 14.

      15. (a) Vakawanda vakazviratidza vamene sei kuva vakafanana nembudzi? (b) Neiko tichifanira kudzivisa kutaura kana mumwe ari hwai kana kuti mbudzi?

      15 Hama dzaKristu namamiriyoni amamwe makwai akabatana navo seboka rimwe vakabatwa sei? Vanhu vakawanda vangave vasina ivo pachavo kudenha vamiriri vaKristu, asi havanawo kubata nenzira yorudo vanhu vake. Vachisarudza nyika yakaipa, vakafanana nembudzi vanoramba shoko roUmambo, vangave vachirinzwa zvakananga kana kuti zvisina kunanga. (1 Samueri 2:15-17) Chokwadika, pakugumisira, Jesu ndiye anogadzwa kuti aite rutongeso. Hakusati kuri kwedu kuti tisarudze kuti ndivanaani vari makwai uye ndivanaani vari mbudzi.—Marko 2:8; Ruka 5:22; Johane 2:24, 25; VaRoma 14:10-12; 1 VaKorinte 4:5.

      Inguvai Yemberi Iripo Nokuda Kweboka Rimwe Nerimwe?

      16, 17. Makwai achava nenguva yemberi yakadini?

      16 Jesu akapa rutongeso rwake rwamakwai, achiti: “Uyai imi, makaropafadzwa naBaba, mugare nhaka youshe hwakagadzirirwemi kubva pakuvamba kwenyika.” Kukokwa kwoushamwari kwakadini—“Uyai”! Kuchii? Kuupenyu husingaperi, sezvaakataura mukupfupikisa, kuti: “Vakarurama [vachapinda] kuupenyu husingaperi.”—Mateo 25:34, 46.

      17 Mumufananidzo wamatarenda, Jesu akaratidza chinodiwa nokuda kwaavo vachatonga naye mudenga, asi mumufananidzo uyu anoratidza chinokarirwa vadzorwi voUmambo. (Mateo 25:14-23) Nenzira yakananga, nemhaka yokutsigira kwavo kusina kukamuraniswa hama dzaJesu, makwai anogara nhaka nzvimbo iri munzvimbo yapasi yoUmambo hwake. Achafarikanya upenyu paparadhiso yapasi—kariro iyo Mwari akavagadzirira “kubva pakuvamba kwenyika” yavanhu vanodzikinurika.—Ruka 11:50, 51.

      18, 19. (a) Jesu achaita rutongesoi rwembudzi? (b) Tinogona sei kuva nechokwadi kuti mbudzi hadzisati dzichizotarisana nokutambura kusingagumi?

      18 Rutongeso runoitwa pambudzi musiyano wakadini! “Zvino uchati kuna vari kuruboshwe: Ibvai kwandiri, imi makatukwa, muende kumwoto usingaperi, wakagadzirirwa Dhiyabhorosi navatumwa vake. Nokuti ndakanga ndine nzara, mukasandipa chokudya; ndakanga ndine nyota, mukasandipa chokunwa; ndakanga ndiri mweni, mukasandigamuchira; ndisina nguo, mukasandipfekedza; ndichirwara, nomutorongo, mukasandifambira. Zvino naivava vachapindura, vachiti: Ishe, takakuonai riniko mune nzara, kana mune nyota, kana muri mweni, kana musina nguo, kana muchirwara, kana muri mutorongo, tikasakushumirai? Zvino uchavapindura, achiti: Zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, pamusati makazviitira mumwe wavaduku ava, hamuzakazviitireni.”—Mateo 25:41-45.

      19 Vadzidzi veBhaibheri vanoziva kuti ikoku hakugoni kureva kuti mweya isingafi yavanhu vakafanana nembudzi ichatambura mumwoto usingagumi. Aiwa, nokuti vanhu ndivo mweya; havasati vane mweya isingafi. (Genesi 2:7; Muparidzi 9:5, 10; Ezekieri 18:4) Kupfurikidza nokutongera mbudzi ku“mwoto usingaperi,” Mutongi anoreva ruparadziko rusina tariro yenguva yemberi, urwo ruchavawo mugumo wechigarire waDhiyabhorosi namadhimoni ake. (Zvakazarurwa 20:10, 14) Nokudaro, Mutongi waJehovha anosiyanisa. Anoudza makwai, kuti “Uyai”; mbudzi, “Ibvai kwandiri.” Makwai achagara nhaka “upenyu husingaperi.” Mbudzi dzichagamuchira “kurohwa kusingaperi.”—Mateo 25:46.b

      Kunorevei Nokuda Kwedu?

      20, 21. (a) VaKristu vane basai rinokosha rokuita? (b) Kuparadzanisai kuri kuitika iye zvino? (c) Chii chichava mamiriro ezvinhu avanhu apo mufananidzo wamakwai nembudzi unovamba kuzadzika?

      20 Vaapostora vana vakanzwa mhinduro yaJesu pamusoro pechiratidzo chokuvapo kwake nemhedziso yetsika vakanga vane zvakawanda zvokurangarira. Vaizoda kuramba vakasvinura uye vakarinda. (Mateo 24:42) Vaizofanirawo kuita basa rokupupura rinodudzwa pana Marko 13:10. Zvapupu zvaJehovha zviri kuita basa iroro nesimba nhasi.

      21 Chii, kunyanguvezvo, icho nzwisiso yokuwedzera yomufananidzo wamakwai nembudzi inoreva kwatiri? Eya, vanhu vari kutotora rutivi. Vamwe vari mu‘nzira yakapamhama inotungamirira kukuparadzwa,’ nepo vamwe vachiedza kurambira mu‘nzira yakamanikana inotungamirira kuupenyu.’ (Mateo 7:13, 14) Asi nguva apo Jesu achazivisa rutongeso rwokupedzisira pamakwai nembudzi runoratidzirwa mumufananidzo ichiri mberi. Apo Mwanakomana womunhu anouya mubasa roMutongi, achawana kuti vaKristu vechokwadi vakawanda—chaizvoizvo “vazhinji-zhinji” vemakwai akazvitsaurira—vachakwanirisa kupfuura nomurutivi rwokupedzisira rwe“kutambudzika kukuru” ndokupinda munyika itsva. Kariro iyoyo inofanira kuva manyuko omufaro zvino. (Zvakazarurwa 7:9, 14) Pane rumwe rutivi, nhamba huru inobva mu“marudzi ose” ichava yazvibvumikisa imene kuva yakafanana nembudzi dzakasindimara. Ivo “vachaenda kukurohwa kusingaperi.” Kusunungurwa kwakadini nokuda kwapasi!

      22, 23. Sezvo kushanda kwomufananidzo kuchiri munguva yemberi, neiko basa redu rokuparidza nhasi richikosha?

      22 Nepo kutonga sokunorondedzerwa mumufananidzo kuri munguva yemberi iri pedyo, kunyange zvino chimwe chinhu chinokosha chiri kuitika. Isu vaKristu tiri kuita basa rinoponesa upenyu rokuzivisa shoko rinoparira kukamukana pakati pavanhu. (Mateo 10:32-39) Pauro akanyora, kuti: “Nokuti ani nani unodana kuzita raShe, uchaponeswa. Zvino vachagodana seiko kuna iye, wavasina kutenda kwaari? Vachatenda seiko kuna iye, wavasina kunzwa? Vachanzwa seiko kana kusina muparidzi?” (VaRoma 10:13, 14) Ushumiri hwedu hwapachena huri kusvika vanhu munyika dzinopfuura 230 nezita raMwari neshoko rake roruponeso. Hama dzaKristu dzakazodzwa dzichiri kutungamirira iri basa. Mamwe makwai anenge mamiriyoni mashanu zvino akavakumbanira. Uye vanhu munyika yose vari kugamuchira shoko rinoziviswa nehama dzaJesu.

      23 Vakawanda vanoratidzirwa shoko redu sezvatinoparidza paimba neimba kana kuti nenzira yamasanga. Vamwe vangaziva nezveZvapupu zvaJehovha uye zvatinomirira munzira dzisingazivikanwi nesu. Apo nguva yorutongeso inosvika, Jesu acharangarira kusvika kutambanuko yakadini mabasa okubetsera vamwe uye kufanirwa kwemhuri? Hatigoni kutaura, uye hakubatsiri kufungidzira. (Enzanisa na1 VaKorinte 7:14.) Vakawanda zvino vanoisa zvigunwe munzeve, vanoseka, kana kuti vanogoverana mukutambudza zvakananga vanhu vaMwari. Nokudaro, ino inguva inokosha; vakadaro vangave vari kukudziridzika kuva avo Jesu achatonga sembudzi.—Mateo 10:22; Johane 15:20; 16:2, 3; VaRoma 2:5, 6.

      24. (a) Neiko kuchikosha kuti vanhu vamwe navamwe vagamuchire zvakanaka kukuparidza kwedu? (b) Fundo ino yakubetsera pachako kuva nechimiroi chendangariro kuushumiri hwako?

      24 Nenzira inofadza, zvisinei, vakawanda vanodavidza nenzira yakanaka, vanofunda Shoko raMwari, ndokuva Zvapupu zvaJehovha. Vamwe avo panguva ino vanoratidzika kuva vakafanana nembudzi vangachinja ndokuva vakafanana namakwai. Pfundo nderokuti avo vari kugamuchira ndokutsigira nokushingaira vakasarira vehama dzaKristu nenzira iyoyo zvino vari kupa ufakazi huchagovera hwaro hwokuti vaiswe kuruoko rworudyi rwaJesu apo, munguva yemberi iri pedyo, anogara pasi pachigaro chake choushe kuti aite rutongeso. Ivava vari uye vachapfuurira kukomborerwa. Nokudaro, uyu mufananidzo unofanira kutinyandurira kumubato wokushingaira zvikuru muushumiri hwechiKristu. Kusati kwava kunyanyononoka, tinoda kuita zvose zvatinogona kuzivisa mashoko akanaka oUmambo uye munzira iyoyo kupa vamwe mukana wokugamuchira. Ipapo kuri kuna Jesu kuita rutongeso, rwokushurikidza kana kuti rwakanaka.—Mateo 25:46.

      [Mashoko Omuzasi]

      a Ona Nharireyomurindi yaFebruary 15, 1994, mapeji 16-21.

      b El Evangelio de Mateo rinoti: “Upenyu husingagumi upenyu hwakakwana; mhesano yahwo chirango chakakwana. Chipauro chechiGiriki aionios hachirevi zvikurukuru urefu hwenguva, asi unaku. Chirango chakakwana rufu nokusingaperi.”—Purofesa akarega basa Juan Mateos (Pontifical Biblical Institute, Rome) naPurofesa Fernando Camacho (Theological Center, Seville), Madrid, Spain, 1981.

      Unoyeuka Here?

      ◻ Ifananoi dziri pakati paMateo 24:29-31 naMateo 25:31-33 dzinoratidza kuti mufananidzo wamakwai nembudzi une kushanda kwomunguva yemberi, uye ikoko kuri rini?

      ◻ Ndivanani vari va“duku” vehama dzaJesu?

      ◻ Kushandisa kwaJesu kutaura kwokuti “vakarurama” kunotibetsera sei kuziva vanomirirwa naivava uye vavasingamiriri?

      ◻ Kunyange zvazvo mufananidzo wacho uchazadzikwa munguva yemberi, neiko kuparidza kwedu kuchikosha kwazvo?

      [Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 24]

      CHEREKEDZA FANANO DZACHO

      Mateo 24:29-31 Mateo 25:31-33

      Pashure pokunge dambudziko guru, Mwanakomana

      ravamba, Mwanakomana womunhu anouya womunhu anosvika

      Anouya nembiri huru Anosvika mumbiri ndokugara

      chigaro chake choumambo

      chine mbiri

      Ngirozi dzinaye Ngirozi dzinosvika naye

      Marudzi ose apasi anomuona Marudzi ose anounganidzwa;

      mbudzi dzinotongwa

      pakupedzisira (dambudziko

      guru rinoguma)

      [Kwazvakatorwa]

      Garo Nalbandian

Mabhuku eChiShona (1973-2026)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe