Ganhuro 12
“Ramba Wakabatisisa Zvaunazvo”
FIRADHERFIA
1. Shoko rechitanhatu raJesu rakatumirwa kuungano iri muguta ripi, uye zita reguta irero rinorevei?
CHIDAKADAKA CHOUHAMA—haiwa ivara rinodiwa sei! Pasina panikiro Jesu anoyeuka irori paanopa shoko rake rechitanhatu, iro rinotumirwa kuungano yomuFiradherfia, nokuti zita irero rinoreva kuti “Chidakadaka Chouhama.” Mukweguru Johane achikuyeuka nhamboyo, anopfuura makore ane 60 apakuvamba-vamba, apo Petro akaomerera katatu kuna Jesu kuti iye, Petro, akanga aine chidakadaka choushamwari nokuda kwaShe wake. (Johane 21:15-17) Ko maKristu omuFiradherfia, iwo amene, ari kuratidza chidakadaka chouhama here? Sezvinooneka ari kudaro!
2. Ko Firadherfia rakanga riri guta rorudzii, rudzii rweungano yaiva imomo, uye Jesu anotaurei kungirozi yeiyi ungano?
2 Rinowanwa pane anenge makiromita 48 nechokumaodzanyemba kwakadziva kumadokero kweSardhisi (panzvimbo yeguta razvino uno reTurkey reAlasehir), Firadherfia yomuzuva raJohane iguta rakatibudirirei. Zvisinei, chinocherekedzwa zvikuru ndirwo rubudiriro rweungano yechiKristu imomo. Haiwa vanofanira kuve vakagamuchira nomufaro wakadini mushumiri akauya achivafambira, sezvinobvira nenzira inobva Sardhisi! Shoko raanaro rine zano rinonyandura nokuda kwawo. Asi pakutanga rinonongedzera kuchiremera choMutumi waro akatanhamara. Iye anoti: “Uye nyorera ngirozi yeungano yokuFiradherfia, kuti: Izvi ndizvo zvinhu zvinotaura iye ari mutsvene, ari wechokwadi, ane kiyi yaDhavhidhi, uyo anozarura zvokuti hapana munhu anozopfiga, uye anopfiga zvokuti hapana munhu anozarura.”—Zvakazarurwa 3:7.
3. Neiko kwakakodzera kuti Jesu anofanira kunzi “mutsvene,” uye kunogona sei kutaurwa kuti iye “ndowachokwadi”?
3 Johane akanga anzwa Petro achiti kuno munhu Jesu Kristu: “Ndimi muna mashoko oupenyu husingaperi; uye isu takatenda ndokuziva kuti ndimi Mutsvene waMwari.” (Johane 6:68, 69) Jehovha Mwari zvaari munhu amene woutsvene, Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe oga anofanirawo kuva “mutsvene.” (Zvakazarurwa 4:8) Jesu ndowe“chokwadi”wo. Shoko rechiGiriki rinoshandiswa pano (a·le·thi·nosʹ) rinoreva huchokwadi. Mupfungwa iyi, Jesu ndiye chiedza chechokwadi nechingwa chechokwadi chakaburuka kudenga. (Johane 1:9; 6:32) Iye ndiye muzambiringa wechokwadi. (Johane 15:1) Jesu ndowechokwadiwo mupfungwa yokuti iye anovimbika. Iye nguva dzose anotaura zvokwadi. (Ona Johane 8:14, 17, 26.) Uyu Mwanakomana waMwari zvamazvirokwazvo anokodzerwa nokubatira saMambo noMutongi.—Zvakazarurwa 19:11, 16.
“Kiyi yaDhavhidhi”
4, 5. Ko “kiyi yaDhavhidhi” yakanga yakabatana nesunganoi?
4 Jesu ane “kiyi yaDhavhidhi.” Achiishandisa, iye “anozarura zvokuti hapana munhu achazopfiga, uye anopfiga zvokuti hapana munhu anozarura.” Chii chiri iyi “kiyi yaDhavhidhi”?
5 Jehovha akaita sungano nokuda kwoumambo husingaperi naMambo Dhavhidhi waIsraeri. (Pisarema 89:1-4, 34-37) Imba yaDhavhidhi yakabata ushe iri pachigaro choumambo chaJehovha muJerusarema kubvira mu1070 kusvikira ku607 B.C.E., asi panguva iyeyo rutongeso rwaMwari rwakaitwa paumambo ihwohwo nokuti ihwo hwakatendeukira kuuipi. Nokudaro Jehovha akavamba kuzadzika uporofita hwake huri pana Ezekieri 21:27 hunoti: “Matongo, matongo, ndichariita [Jerusarema rapasi] matongo. Kana iri iyiwo, iyo [tsvimbo youmambo iri mumutsara waDhavhidhi] zvamazvirokwazvo haizati ichizova yomumwe munhu kutozosvikira iye asvika anamaruramiro apamutemo, uye ndinofanira kuipa kwaari.”
6, 7. Ko uyo ane “maruramiro apamutemo” aizooneka rini uye sei?
6 Ko iyeyu ana“maruramiro apamutemo” aizooneka rini uye sei? Ko tsvimbo youmambo yaDhavhidhi yaizopiwa sei kwaari?
7 Anenge makore ane 600 gare gare, muzukuru waMambo Dhavhidhi, Maria mhandara yechiJudha, yakanamba mimba kupfurikidza nomudzimu mutsvene. Mwari akatuma ngirozi Gabrieri kuzozivisa Maria kuti iye aizova nomwanakomana, aizonzi Jesu. Gabrieri akawedzera, kuti: “Iyeyo achava mukuru uye achanzi Mwanakomana woWokumusorosoro; uye Jehovha Mwari achamupa chigaro choumambo chaDhavhidhi Baba vake, uye iye achabata ushe samambo paimba yaJakobho nokusingaperi, uye hapazati pachizova nomugumo woumambo hwake.”—Ruka 1:31-33.
8. Ko Jesu akazvibvumikisa iye amene sei kuva anokwaniriswa kugara nhaka umambo hwaDhavhidhi?
8 Apo, muna 29 C.E., Jesu akabhapatidzwa muRwizi rwaJoridhani ndokuzodzwa nomudzimu mutsvene, iye akava Mambo Akasarudzwa mumutsara waDhavhidhi. Iye akaratidzira rushingairo rwomuenzaniso mukuparidzira mashoko akanaka oUmambo uye akatuma vadzidzi vake kuparidza nenzira imwe cheteyo. (Mateo 4:23; 10:7, 11) Jesu akazvininipisa iye amene, kunyange kusvikira kurufu padanda rokutambudzira, nokudarokwo achizvibvumikisa iye amene kuva anokwaniriswa zvizere kugara nhaka umambo hwaDhavhidhi. Jehovha akamutsa Jesu somudzimu usingafi ndokumukwidziridzira kuruoko rworudyi Rwake amene mumatenga. Ikoko iye akagara nhaka maruramiro ose oumambo hwaDhavhidhi. Munguva yakafanira Jesu aizoshandisa maruramiro ake oku“kurira pakati pavavengi” vake.—Pisarema 110:1, 2; VaFiripi 2:8, 9; VaHebheru 10:13, 14.
9. Kunoitika sei kuti Jesu anoshandisa kiyi yaDhavhidhi kuzarura nokuzarira?
9 Munguva ino Jesu aizoshandisa kiyi yaDhavhidhi, kuzarura mabanza neropafadzo zvine chokuita noUmambo hwaMwari. Kupfurikidza naJesu, Jehovha zvino aizonunura maKristu akazodzwa pasi pano “muchiremera cherima,” achivapinza mu“umambo hwoMwanakomana worudo rwake.” (VaKorose 1:13, 14) Kiyi yaizoshandiswawo kudzivisa ropafadzo dzakadaro kuno upi noupi aibvumikisa kuva asina kutendeka. (2 Timotio 2:12, 13) Sezvo uyu mudyi wenhaka wechigarire woumambo hwaDhavhidhi ane tsigiro yaJehovha, hakuna chisikwa chinogona kumudzivisa pakuita mabasa akadaro.—Enzanisa naMateo 28:18-20.
10. Ko Jesu anopa ungano iri muFiradherfia kurudziroi?
10 Achibva mumanyuko akadaro ane chiremera, mashoko aJesu okumaKristu omuFiradherfia anofanira kuva anonyaradza chaizvoizvo! Iye anoarumbidza, achiti: “Ini ndinoziva mabasa ako—tarira! ndaisa pamberi pako mukova wakazaruka, uyo usina munhu anogona kupfiga—kuti une simba shoma, uye wakachengeta shoko rangu ndokusabvumikisa kuva wenhema kuzita rangu.” (Zvakazarurwa 3:8) Ungano yave ichishingaira, uye mukova wakanga wakazaruka pamberi payo—pasina panikiro mukova webanza nokuda kwebasa rokushumira. (Enzanisa na1 VaKorinte 16:9; 2 VaKorinte 2:12.) Nokuda kwechikonzero ichocho, Jesu anokurudzira ungano kushandisa zvizere banza rokuparidza. Ivo vakatsungirira ndokuratidzira kuti vaiva nesimba rakaringanira, kupfurikidza nebetsero yomudzimu waMwari, kupfuurira kuita mamwe “mabasa” mubasa raJehovha. (2 VaKorinte 12:10; Zekaria 4:6) Ivo vakateerera mirairo yaJesu uye havana kuramba Kristu, kupfurikidza neshoko kana kuti zvimwe kupfurikidza nechiito.
“Ivo Vachakukotamira”
11. Jesu anopikira chikomboreroi maKristu, uye ichochi chakawanwa sei?
11 Nokudaro, Jesu anovapikira zvibereko: “Tarira! ndichapa avo vesinagoge yaSatani vanotaura kuti ivo vaJudha, bva vasati varivo asi vari varevi venhema—tarirai! ndichavaita kuti vauye ndokukotama pamberi petsoka dzako uye kuvazivisa kuti ndakakuda.” (Zvakazarurwa 3:9) Zvimwe, somuSmirna, ungano yakanga yava nezvinetso navaJudha vomunzvimbomo. Jesu anoidza ivava se“sinagoge yaSatani.” Hunyanguvezvo, vanenge vamwe vavaJudha ivavo voda kuziva kuti izvo maKristu ave achiparidzira pamusoro paJesu izvokwadi. ‘Kukotama’ kwavo sezvinobvira kuchava mumutoo unorondedzerwa naPauro pana 1 VaKorinte 14:24, 25, zvokuti ivo vanopfidza chaizvoizvo ndokuva maKristu, vachionga zvizere rudo rukuru rwaJesu mukupa kunyange mweya wake nokuda kwavadzidzi vake.—Johane 15:12, 13.
12. Neiko mitezo yesinagoge yechiJudha yomuFiradherfia sezvinobvira yaizova inokatyamadzwa kunzwa kuti mimwe yayo yaizo“kotamira” nzanga yomunzvimbomo yechiKristu?
12 Mitezo yesinagoge yechiJudha yomuFiradherfia sezvingabvira yaizokatyamadzwa kunzwa kuti mimwe yayo yaizo“kotamira” nzanga yomunzvimbomo yechiKristu. Nokuda kweidi rokuti pasina panikiro muungano iyeyo muna vasati vari vaJudha vazhinji, ivo vaizokarira zvakasiyana zvikuru kuitika. Neiko? Nokuti Isaya akadeya kuzivisa, kuti: “Madzimambo [Asati ari echiJudha] anofanira kuva vatarisiri vako [vanhu vaIsraeri], uye vazvare vavo vachava vakadzi vanokurerai. Nezviso zvavo zvakatarira pasi ivo vachakukotamirai.” (Isaya 49:23; 45:14; 60:14) Nomutoo mumwe chetewo, Zekaria akafuridzirwa kunyora, kuti: “Kuchaitika mumazuva iwayo kuti varume vane gumi [vasati vari vaJudha] vanobva mumitauro yose yamarudzi vachabata, hungu, vachabata chaizvoizvo nguvo yomunhu ari muJudha, vachiti: ‘Isu tichaenda nemi imi vanhu, nokuti takanzwa kuti Mwari unemi imi vanhu.’” (Zekaria 8:23) Hungu, vasati vari vaJudha vaizokotamira vaJudha, kwete kuti ivo vavakotamire!
13. Ndivanaani vaiva vaJudha vaizowana zadziko yezvipikirwa zvakataurwa kuna Israeri wekare?
13 Uporofita ihwohwo hwakataurirwa parudzi rwakasarudzwa rwaMwari. Pahwakataurwa, Israeri wokunyama aiva nenzvimbo iyeyo inokudzwa. Asi apo rudzi rwechiJudha rwakaramba Mesiya, Jehovha akarubvisa. (Mateo 15:3-9; 21:42, 43; Ruka 12:32; Johane 1:10, 11) PaPentekosta ya33 C.E., iye akasarudza munzvimbo mavo Israeri wechokwadi waMwari, ungano yechiKristu. Mitezo yarwo ndeyavaJudha vomudzimu vanokudzingiswa chaiko kwomwoyo. (Mabasa 2:1-4, 41, 42; VaRoma 2:28, 29; VaGaratia 6:16) Pashure pacho, nzira bedzi iyo vaJudha vamwe navamwe vokunyama vaigona kudzokera nayo shure kuukama hunodiwa naJehovha yaizova kupfurikidza nokutenda kwavo muna Jesu saMesiya. (Mateo 23:37-39) Sezvinooneka, ikoku kwakanga kwodokuitika kuna vamwe vanhu vomuFiradherfia.a
14. Ko Isaya 49:23 naZekaria 8:23 dzakava sei nezadziko ine revo munguva dzedu dzazvino uno?
14 Munguva dzazvino uno, uporofita hwakadai saIsaya 49:23 naZekaria 8:23 hwakava nezadziko ine revo zvikuru. Somuuyo wokuparidza kweboka raJohane, zviverengero zvikuru zvavanhu zvakapinda napamukova wakazaruka mubasa roUmambo.b Vazhinji vaivava vakabuda muchiKristudhomu, china marudzidziso anokambira zvenhema nhema kuva Israeri womudzimu. (Enzanisa naVaRoma 9:6.) Ivava, seboka guru, vanosuka nguvo dzavo vachidziita dzichene kupfurikidza nokushandisa kutenda muropa rechibairo raJesu. (Zvakazarurwa 7:9, 10, 14) Vachiteerera murairo woUmambo waKristu, vanokarira kugara nhaka zvikomborero zvahwo pano pasi. Ivo vanouya kuhama dzakazodzwa dzaJesu ndoku“kotama” kwadziri, kutaura nenzira yokumudzimu, nokuti ‘vakanzwa kuti Mwari anadzo.’ Vanoshumira kuna vakazodzwa ivava, avo ivo vamene vanova vakabatana navo muboka renyika yose rehama.—Mateo 25:34-40; 1 Petro 5:9.
“Awa Yomuedzo”
15. (a) Ko Jesu akapikirei maKristu omuFiradherfia, uye iwo akakurudzirwa kuitei? (b) Ko maKristu aikarira kuwana “korona”i?
15 Jesu anopfuurira kuti: “Nokuti wakachengeta shoko pamusoro petsungiriro yangu, ndichakudzivirirawo paawa yomuedzo, iyo ichauya papasi rose rinogarwa, kuzoedza avo vanogara pasi pano. Ndinokurumidza kuuya. Ramba wakabatisisa zvaunazvo, kuti parege kuva nomunhu ungatora korona yako.” (Zvakazarurwa 3:10, 11) Kunyange zvazvo maKristu omuzuva raJohane asati aizorarama kusvikira kuzuva raShe (rinovambira muna 1914), chivimbo chawo chokuti Jesu akanga achiuya chaizovapa simba rokupfuurira kuparidza. (Zvakazarurwa 1:10; 2 Timotio 4:2) “Korona,” kana kuti mubairo woupenyu husingaperi, wakavamirira mudenga. (Jakobho 1:12; Zvakazarurwa 11:18) Kana ivo vaiva vakatendeka kusvikira kurufu, hakuna munhu aigona kuvatorera tuso iyeyo.—Zvakazarurwa 2:10.
16, 17. (a) Chii chiri “awa yomuedzo, iyo yaizouya papasi rose rinogarwa”? (b) Chii chaiva mugariro wavakazodzwa pakuvamba kwe“awa yomuedzo”?
16 Kunyange zvazvo zvakadaro, chii chiri “awa yomuedzo”? Pasina panikiro, maKristu iwawo omuAsia aitofanira kugonana nerimwezve fungu rechitambudzo chakaipisisa chinobva muumambo hweRoma.c Hunyanguvezvo, zadziko huru iawa yokusefa nokutonga iro pakupedzisira rakasvika mukati mezuva raShe, rinosvika mugumo kubvira muna 1918 zvichienda mberi. Muedzo wacho wave uri wokusarudza kana munhu ari woUmambo hwakagadzwa hwaMwari kana kuti hwenyika yaSatani. Ndowenhambo pfupi zvikuru kwazvo, “awa,” asi uchigere kupera. Kutozosvikira wapera, hatizati tichifanira kukanganwa kuti tiri kurarama mu“awa yomuedzo.”—Ruka 21:34-36.
17 Muna 1918 boka raJohane ramaKristu akazodzwa—seungano iya yakavimbika yomuFiradherfia—raitofanira kunangana nechishoro chinobva mu“sinagoge yaSatani” yomuzuva razvino uno. Vatungamiriri vorudzidziso vechiKristudhomu, vaikambira kuva vaJudha vomudzimu, nomutoo wamanomano vakaparira vabati ushe kudzvinyirira maKristu echokwadi. Hunyanguvezvo, ivava vakaedza nesimba ku‘chengeta shoko retsungiriro yaJesu’; nokuda kwechikonzero ichecho, kupfurikidza nebetsero yomudzimu, “simba shoma” rinokosha, ivo vakararama uye vakamutsirwa kupinda mumukova uyo zvino wakazaruka pamberi pavo. Munziraiko?
“Suo Rakazaruka”
18. Ko Jesu akaita kugadzai muna 1919, uye mugadzwi nokudarokwo akava sei akafanana nomutariri akatendeka waHezekia?
18 Muna 1919, Jesu akazadzika chipikirwa chake ndokuziva boka duku ramaKristu chaiwoiwo akazodzwa so“muranda wakatendeka nowakachenjera” wake. (Mateo 24:45-47) Iwawa akapinda muropafadzo yakafanana neiya yakafarikanywa naEriakimi mutariri akatendeka munguva yaMambo Hezekia.d Jehovha akati nezvaEriakimi: “Ini ndichaisa kiyi yeimba yaDhavhidhi papfudzi rake, uye iye anofanira kuzarura pasina kuzarira kwomunhu upi noupi, uye iye anofanira kuzarira pasina kuzarura kwomunhu upi noupi.” Eriakimi akatakura mitoro inorema nokuda kwaHezekia, mwanakomana weimba youmambo yaDhavhidhi. Nomutoo wakafanana nhasi, boka rakazodzwa raJohane rakatoiswa “kiyi yeimba yaDhavhidhi” papfudzi raro mukuti iro rave rakaronzeswa fariro dzapasi dzoUmambo hwoUmesiya. Jehovha akasimbaradza vabatiri vake nokuda kweiyi ropafadzo, achiwedzera simba ravo shoma kuva simba guru rakaringanira nokuda kwouchapupu hukurusa hwemburumbwa yose.—Isaya 22:20, 22; 40:29.
19. Ko boka raJohane rakatarisira sei mitoro iyo Jesu akaripa muna 1919, uye nomuuyoi?
19 Kubvira muna 1919 zvichienda mberi vakasarira vakazodzwa, vachitevera muenzaniso waJesu, vakapinda munhimbe yesimba yokuparidzira kwakafara mashoko akanaka oUmambo. (Mateo 4:17; VaRoma 10:18) Somuuyo, vamwe vazvino uno vesinagoge yaSatani, chiKristudhomu, vakauya kuna ava vakasarira vakazodzwa, vapfidza ndo‘kukotama,’ vachibvuma chiremera chomuranda. Ivo vakauyawo kuzobatira Jehovha muhumwe navakuru veboka raJohane. Ikoku kwakapfuurira kutozosvikira chiverengero chakakwana chehama dzakazodzwa dzaJesu chaunganidzwa. Pashure paikoku, “boka guru . . . rinobva mumarudzi ose” rakauya kuzo“kotama” kumuranda akazodzwa. (Zvakazarurwa 7:3, 4, 9) Pamwe chete, muranda neiri boka guru vanobatira seboka rimwe reZvapupu zvaJehovha.
20. Neiko Zvapupu zvaJehovha nhasi zvichifanira zvikurukuru kuva zvakasimba mukutenda nomukushingaira mubasa raMwari?
20 Zvakabatana samaKristu omuFiradherfia muchisungo chechidakadaka chaichoicho chehama, Zvapupu zvaJehovha nhasi zvinonzwisisa kuti basa razvo rokuparidza rinofanira kuitwa nomutoo wokukurumidzira. Nokukurumidza, dambudziko guru richagumisa chose chose nyika yakaipa yaSatani. Panguva iyeyo, mumwe nomumwe wedu ngaawanikwe akasimba mukutenda uye achishingaira mubasa raMwari, kuti mazita edu agorega kuva anodzimwa mubhuku roupenyu raJehovha. (Zvakazarurwa 7:14) Ngatifungisisei zvikuru zano raJesu rokuungano yomuFiradherfia kuti tigobatisisa ropafadzo dzedu dzebasa ndokuwana mubairo woupenyu husingaperi.
Zvikomborero Zvavakundi
21. Ko maKristu akazodzwa nhasi aka‘chengeta shoko pamusoro petsungiriro yaJesu’ seiko, uye ikariroi inoamirira?
21 Boka raJohane nhasi raka‘chengeta shoko pamusoro petsungiriro yaJesu,’ ndiko kuti, iro rakatevera muenzaniso wake ndokutsungirira. (VaHebheru 12:2, 3; 1 Petro 2:21) Nokudaro iro rakakurudzirwa zvikurukuru namamwezve mashoko aJesu okuungano yokuFiradherfia, anoti: “Iye unokunda—ndichamuita mbiru mutembere yaMwari wangu, uye haazati achizotongobudazve mairi.”—Zvakazarurwa 3:12a.
22. (a) Chii chiri tembere yaMwari waJesu? (b) Ko maKristu akazodzwa anokunda achava sei mbiru mune iyi tembere?
22 Haiwa iropafadzo yakadini yokuti munhu ave mbiru mutembere yaJehovha! MuJerusarema rekare, tembere chaiyoiyo yakanga iri musimboti wokunamatwa kwaJehovha. Mukati metembere, muprista mukuru aipira ropa remhuka dzechibairo, zuva rimwe pagore rimwe nerimwe, pamberi pechiedza chinoshamisa chaimirira kuvamo kwaJehovha mu“Nzvimbo Tsvene Tsvene.” (VaHebheru 9:1-7) Parubhapatidzo rwaJesu, imwe tembere yakavapo, gadziriro huru yomudzimu, yakafanana netembere yokunamatira Jehovha. Nzvimbo tsvene tsvene yeiyi tembere iri mudenga, uko Jesu nomutoo wakakodzera akaoneka “pamberi paMwari iye amene.” (VaHebheru 9:24) Jesu ndiye Muprista Mukuru, uye kunongova bedzi nechibairo chimwe chakagoverwa nokuda kwokufukidzwa kuzere kwezvivi: ropa rakateurwa romunhu akakwana Jesu. (VaHebheru 7:26, 27; 9:25-28; 10:1-5, 12-14) Chero bedzi iwo achiramba akatendeka, maKristu akazodzwa pasi pano anobatira savaprista vaduku muruvazhe rwapasi rweiyi tembere. (1 Petro 2:9) Asi kana angokunda bedzi, iwowo anopinda munzvimbo tsvene tsvene iyeyo yokudenga ndokuva vatsigiri vasingatsunguduki, sembiru, dzegadziriro yakafanana netembere nokuda kwokunamata. (VaHebheru 10:19; Zvakazarurwa 20:6) Hapana ngozi yokuti iwo achazo“budazve mairi.”
23. (a) Ko Jesu anoitazve chipikirwai kumaKristu akazodzwa anokurira? (b) Chii chinoparirwa nokunyorwa kwezita raJehovha nezita reJerusarema idzva pavakundi vechiKristu?
23 Jesu anopfuurira, achiti: “Uye ini ndichanyora paari zita raMwari wangu nezita reguta raMwari wangu, Jerusarema idzva iro rinoburuka kudenga richibva kuna Mwari wangu, uye zita idzva rangu riye.” (Zvakazarurwa 3:12b) Hungu, ava vakundi vakanyora pavari ivo vamene zita raJehovha—Mwari wavo naMwari waJesu. Ikoku kunoratidzira zvakajeka kuti Jehovha naJesu vanhu vaviri vakaparadzana uye vasati vari mativi maviri aMwari wamativi matatu, kana kuti Utatu. (Johane 14:28; 20:17) Chisiko chose chinofanira kuuya kuzoona kuti ava vakazodzwa ndeva Jehovha. Ivo zvapupu zvake. Ivo vakanyorawo pavari zita reJerusarema idzva, guta rokudenga rinoburuka kudenga mupfungwa yokuti rinotambanudzira ubati ushe hwaro hune tsitsi pavanhu vose vakatendeka. (Zvakazarurwa 21:9-14) Makwai ose echiKristu apasi nokudarokwo achazivawo kuti ava vakundi vakazodzwa vagari vemo voUmambo, Jerusarema rokudenga.—Pisarema 87:5, 6; Mateo 25:33, 34; VaFiripi 3:20; VaHebheru 12:22.
24. Chii chinomirirwa nezita idzva raJesu, uye rinonyorwa sei pamaKristu akatendeka akazodzwa?
24 Pakupedzisira, vakuriri vakazodzwa vakanyorwa pavari zita idzva raJesu. Ikoku kunoreva nezvebasa idzva raJesu neropafadzo dzakasiyana zvakapiwa kwaari naJehovha. (VaFiripi 2:9-11; Zvakazarurwa 19:12) Hakuna munhuwo zvake anosvika pakuziva zita irero, mupfungwa yokuti hakuna munhuwo zvake ane zvinoitika izvozvo kana kuti anoronzeswa ropafadzo idzedzo. Zvisinei, apo Jesu anonyora zita rake pahama dzake dzakatendeka, idzo dzinopinda muukama chaihwoihwo naye munzvimbo iyeyo yokudenga uye kunyange kugoverana ropafadzo dzake. (Ruka 22:29, 30) Hakuzatiwo kuchishamisa kuti Jesu anogumisa shoko rake kuna vakazodzwa vakadaro kupfurikidza nokudzokorora zano rake, rinoti: “Uyo une nzeve ngaanzwe zvinoreva mudzimu kuungano.”—Zvakazarurwa 3:13.
25. Ko muKristu mumwe nomumwe nhasi anogona sei kushandisa nheyo inotsigira zano rakapa Jesu kuungano yomuFiradherfia?
25 Haiwa ikurudziro yakaisvonaka sei inofanira kuve yakava shoko irero rokumaKristu akatendeka muFiradherfia! Uye zvamazvirokwazvo iro rine chifundo chine simba nokuda kweboka raJohane zvino, muzuva raShe. Asika nheyo dzaro dzinokosha nokuda kwomuKristu mumwe nomumwe, angave ari wavakazodzwa kana kuti wamamwe makwai. (Johane 10:16) Mumwe nomumwe wedu angaita zvakanaka kuramba achibereka zvibereko zvoUmambo sezvakaita maKristu iwawo omuFiradherfia. Isu tose tinenge tine simba shoma. Isu tose tinogona kuita chimwe chinhu mubasa raJehovha. Ngatishandisei iri simba! Pamusoro peropafadzo dzakawedzerwa dzoUmambo, ngativei vanosvinurira kupinda mukova upi noupi unotizarukira. Isu tinogona kunyange kunyengetera kuti Jehovha azarure mukova wakadaro. (VaKorose 4:2, 3) Sezvatinotevera muenzaniso waJesu wetsungiriro uye tichibvumikisa kuva vechokwadi kuzita rake, ticharatidzira kuti isuwo, tine nzeve yokunzwa izvo mudzimu mutsvene waMwari unoreva kuungano.
[Mashoko Omuzasi]
a Munguva yaPauro, Sosteni, mukuru mukuru anotungamirira wesinagoge rechiJudha womuKorinte, akava hama yechiKristu.—Mabasa 18:17; 1 VaKorinte 1:1.
b Magazini yeNharireyomurindi, inobudiswa neboka raJohane, yakapfuurira kusimbisa ukoshi hwokushandisa iri banza ndokugoverana zvizere sezvinobvira mubasa rokuparidza; somuenzaniso, ona nyaya dzinoti “Vose Ngavazivise Kukudzwa kwaJehovha” uye “Inzwi Ravo Rakabudira Mupasi Rose” dziri muNharireyomurindi yaJanuary 1, 2004. MuNharireyomurindi yaJune 1, 2004, munyaya inoti “Vakakomborerwa Vaya Vanopa Mbiri Kuna Mwari,” simbiso yakaiswa pakupinda pa“mukova wakazaruka” mubasa renguva yakazara. Kwaiva nechiverengero chapamusoro chamapiyona ane 1 093 552 anoshuma basa rakadaro mumwedzi mumwe chete muna 2005.
c Cyclopedia yaMcClintock naStrong (Volume X, peji 519) inoshuma, kuti: “ChiKristu chakagombedzerwa pakucherekedza kwamadzimambo kupfurikidza nemheremhere dzakanyandurwa nemhomho yakakuchidzirwa navaprista vechihedheni, avo vakacherekedza enderero mberi yakatanhamara yokutenda ikoko nekatyamadzo, uye Trajan [98-117 C.E.] mukuwirirana naizvozvo akaparirwa kubudisa zvirevo nokuda kwokudzvinyirirwa kwapashoma napashoma kwedzidziso itsva iyo yakashandura vanhu kuva vavengi vavamwari. Kudzora kwaPliny muduku somudzori weBhitinia [yakaganukidzana neruwa rweRoma rweAsia kuchamhembe] kwakaomeswa nezvinhu zvinowedzera zvefutunuko inokurumidza yechiKristu uye namasimba masimba akavapo somuuyo wavagari vechihedheni vomuruwa rwake.”
d Zita rokuti Hezekia rinoreva kuti “Jehovha Anosimbaradza.” Ona 2 Madzimambo 16:20, mashoko omunyasi, New World Translation Reference Bible.
[Bhokisi riri papeji 63]
Kubetsera Vazhinji Kukotama
Nezvavakazodzwa vane 144 000 avo vachagara nhaka Umambo hwokudenga, kunooneka kuti vakasarira, boka raJohane, vari pasi pe9 000 vachigere kupedza nzira yavo yapasi. Panguva imwe cheteyo, boka guru rakawedzera mukuva vazhinji-zhinji vane 6 600 000 uye kupfuura. (Zvakazarurwa 7:4, 9) Chii chakabetsera kuparira iyi wedzero hurusa? Zvikoro zvakasiyana-siyana zvinoshandiswa neZvapupu zvaJehovha zvakaita mupiro mukuru. Mukusiyana chose chose nezvikoro zvavafundisi vechiKristudhomu zvinodzidzisa uzivi hwenyika uye zvichideredza Bhaibheri, izvi zvikoro zveZvapupu zvinoroverera kutenda kwakadzama muShoko raMwari. Zvinoratidzira kushanda kwaro kunobetsera pamusoro pokurarama kwakachena, kwetsika nebasa rokuzvitsaurira kuna Mwari. Munyika yose chifo cha1943, ungano imwe neimwe yeZvapupu zvaJehovha inoitira muHoro yoUmambo yayo Chikoro Choushumiri Choubati Ushe Hwoumwari chomunzvimbomo. Mamiriyoni anopinda ichi chikoro vhiki rimwe nerimwe, achitevera purogiramu yakafanana yedzidzo yeBhaibheri.
Chifo cha1959 Zvapupu zvaJehovha zvakaitisawo Zvikoro Zvoushumiri Hwoumambo nokuda kwokurovedzwa kwavakuru veungano navabatiri vanoshumira veungano. Uye chifo cha1977, Zvikoro zveBasa Roupiyona zvakarovedza mazana ezviuru zvehama, idzo, dzinomudzimu wechokwadi weFiradherfia, dzinobatira Jehovha munguva yakazara mubasa rokuparidza. Muna 1987 Chikoro Chokurovedza Vashumiri chakatangwa nokuda kwokurovedza Zvapupu zvechirume nokuda kwemigove chaiyo mumunda wenyika.
Chakatanhamara pakati pezvikoro zvinoshandiswa neZvapupu zvaJehovha chave chiri Watchtower Bible School of Gilead. Chifo cha1943 ichi chikoro chavafundisi, chinowanwa muNyika yeNew York, chaipedza kurovedzwa kwamapoka maviri avadzidzi rinenge gore riri rose. Pamwe chete, chakarovedza vanopfuura vashumiri vaJehovha vane 7 000 nokuda kwebasa roushumiri rokudzimwe nyika. Ava vakapedza kurovedzwa veichi chikoro vakabatira mune dzinopfuura nyika dzine zana rimwe, muzhinji dzeidzo ivo vakava midziyo mukuzarura basa roUmambo madziri. Pashure pamakore anenge 60, vazhinji vavafundisi vapakuvamba vachiri pabasaro, vachigoverana navafundisi vatsva mukufambidzira mberi futunuko yemburumbwa yose yesangano raJehovha. Haiwa iyoyi yave iri futunuko inoshamisa zvakadini!
[Chati iri papeji 64]
Muna 1919 Jesu Mambo anotonga akazarura mukova webanza rebasa rechiKristu. Chiverengero chinowedzera chamaKristu akazvipira chakashandisa banza irero.
1918 14 3 868 591
1928 32 23 988 1 883
1938 52 47 143 4 112
1948 96 230 532 8 994
1958 175 717 088 23 772
1968 200 1 155 826 63 871
1978 205 2 086 698 115 389
1988 212 3 430 926 455 561
1998 233 5 881 776 787 439
2005 235 6 390 022 843 234
[Mashoko Omuzasi]
e Nhamba dziri pamusoro apa ndedzeavharenji dzomwedzi nomwedzi.
f Nhamba dziri pamusoro apa ndedzeavharenji dzomwedzi nomwedzi.
[Chati iri papeji 65]
Mubato weZvapupu zvaJehovha ndowomwoyo wose. Rangarira, somuenzaniso, maawa avakapedzera mukuparidza nokudzidzisa uye chiverengero chikuru chefundo dzeBhaibheri dzapachena dzazvakaitisa mumisha yavanhu.
Maawa Akapedzerwa Fundo dzeBhaibheri
Mukuparidzira Dzakaitiswa
(Hwerengedzo) (Avh. Yomwedzi
Gore Yegore Negore) Nomwedzi)
1918 19 116 Hadzina Chinyor.
1928 2 866 164 Hadzina Chinyor.
1938 10 572 086 Hadzina Chinyor.
1948 49 832 205 130 281
1958 110 390 944 508 320
1968 208 666 762 977 503
1978 307 272 262 1 257 084
1988 785 521 697 3 237 160
1998 1 186 666 708 4 302 852
2005 1 278 235 504 6 061 534
[Mufananidzo uri papeji 59]
Kiyi yeRoma yomuzana rokutanga ramakore