Rwiyo 129
Kubatisisa Tariro Yedu
Rakaprindwa
1. Vanhu vari kutsvangadzira murima.
Vanovavarira kubata mhepo.
Kukundikana kwavo kwafumurwa:
Havagoni kuponesana.
(KORASI)
Imbai muchifarira Ushe!
Kutonga kwaJesu kwobvisa kutya.
Achabvisa zvakaipa zvose;
Itariro inotisimbaradza.
2. Tozivisa, ‘Zuva raMwari rasvika!’
Vanhu havazoti: ‘Kusvika rini?’
Achasunungura vanogomera.
Ngatimuimbirei rwiyo.
(KORASI)
Imbai muchifarira Ushe!
Kutonga kwaJesu kwobvisa kutya.
Achabvisa zvakaipa zvose;
Itariro inotisimbaradza.
(Onawo Hab. 1:2, 3; Pis. 27:14; Joe. 2:1; VaR. 8:22.)