RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • mwbr18 September pp. 1-6
  • Mabhuku Achashandiswa paMusangano weUshumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mabhuku Achashandiswa paMusangano weUshumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu
  • Mabhuku Achashandiswa paMusangano Weushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu (2018)
  • Misoro Midiki
  • SEPTEMBER 3-9
  • SEPTEMBER 10-16
  • SEPTEMBER 17-23
  • nwtsty tsanangudzo dzemamwe mashoko Joh 6:14
  • SEPTEMBER 24-30
Mabhuku Achashandiswa paMusangano Weushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu (2018)
mwbr18 September pp. 1-6

Mabhuku Achashandiswa paMusangano weUshumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu

SEPTEMBER 3-9

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | JOHANI 1-2

“Jesu Anoita Chishamiso Chake Chekutanga”

w15 6/15 4 ¶3

Kristu—Simba raMwari

Jesu akaita chishamiso chake chokutanga paaiva pamuchato wakaitirwa kuKana yeGarireya. Hatinyatsozivi kuti chii chakaita kuti waini ipere pamuchato wacho, asi panogona kunge pakauya vanhu vakawanda kupfuura vaitarisirwa. Mariya, amai vaJesu, aivapowo pamuchato iwoyo. Kwemakore akawanda, Mariya anofanira kunge aifungisisa nezveuprofita hwaitaura nezvemwanakomana wake, uyo waaiziva kuti aizonzi “Mwanakomana woWokumusorosoro.” (Ruka 1:30-32; 2:52) Kuti angava here aitenda kuti mwanakomana wake aiva nesimba rokuita zvishamiso? Chatinoziva ndechokuti Jesu naamai vake vakanzwira tsitsi vachati vacho uye vakanga vasingadi kuti vanyare pamuchato wavo. Jesu aiziva kuti vaeni vaifanira kugamuchirwa zvakanaka. Saka akachinja marita anenge 380 emvura kuva “waini yakanaka kwazvo.” (Verenga Johani 2:3, 6-11.) Jesu aisungirwa here kuita chishamiso ichi? Kwete. Aiva nehanya nevanhu uye aitevedzera Baba vake avo vane rupo.

jy 41 ¶6

Jesu Anoita Chishamiso Chake Chokutanga Pamuchato

Ichi ndicho chishamiso chaJesu chokutanga. Vadzidzi vake, avo vachiri vatsva, pavanoona chishamiso ichi, kutenda kwavo maari kunosimbiswa. Achibva ipapo, Jesu, amai vake, nevanun’una vake vanoenda kuguta reKapenaumi kuchamhembe kwakadziva kumavirira kweGungwa reGarireya.

Kuchera Pfuma muShoko raMwari

nwtsty tsanangudzo dzemamwe mashoko Joh 1:1

Shoko: Kana kuti “Logos.” Pano riri kushandiswa sezita rekuremekedza, uye rinoshandiswawo zvekare pana Joh 1:14 uye Zva 19:13. Johani anoti munhu ari kurehwa nezita iri ndiJesu. Zita iri raishandisirwa Jesu achiri kudenga, paaiita ushumiri hwake panyika, uye paakazodzokera kudenga. Jesu ndiye aiva Mutauriri waMwari aitumwa nemashoko uye mirayiridzo kungirozi kana kuti kuvanhu. Saka zvine musoro kuti titi Jesu paakanga achiri kudenga, ndiye aishandiswa naJehovha kutaura nevanhu.—Ge 16:7-11; 22:11; 31:11; Eks 3:2-5; Vat 2:1-4; 6:11, 12; 13:3.

riina: Muvhesi iyi shoko iri muchiGiriki ndipros uye rinoratidza vanhu vanenge vari pedyo napedyo uye vaine ushamwari. Rinoratidzawo kuti haasi munhu mumwe chete. Vanhu vari kutaurwa pano iShoko uye Mwari.

Shoko rakanga riri mwari: Kana kuti “Shoko rakanga rakaita saMwari. Mashoko aya ari kurondedzera unhu kana kuti zvakaita “Shoko” (Ona tsanangudzo dzemamwe mashoko nezveShoko), kureva Jesu Kristu. Chinzvimbo chepamusoro cheShoko seMwanakomana waMwari wedangwe uyo akashandiswa naMwari kusika zvimwe zvinhu zvese, chinoratidza kuti anogona kunzi “ndimwari; akaita samwari; ane humwari maari.” Vashanduri vakawanda vanofarira kushandura vachiti “Shoko rakanga riri Mwari,” vachimuita akaenzana naMwari Wemasimbaose. Asi pane zvikonzero zvinoita kuti titi Johani akanga asingarevi kuti “Shoko” ndiye Mwari Wemasimbaose. Muvhesi 1 ne2 munoti “Shoko” rakanga “riina Mwari” kana kuti “aina Mwari.” Mashoko ekuti riina kana kuti aina, anoratidza kuti ndemumwe munhu asiri Mwari. Nyanzvi dzakawanda dzinoongorora Bhaibheri dzinoti manyorero aya ekuti riina uye aina anoratidza kuti pane musiyano pakati peShoko naMwari Wemasimbaose. Uyewo mashoko ekuti “riri mwari” anenge achirondedzera unhu kana kuti zvakaita “Shoko.” Ndosaka maBhaibheri akawanda eChirungu, chiFrench, uye chiGerman achishandura zvakafanana nezviri muShanduro yeNyika Itsva, achibudisa pfungwa yekuti “Shoko” rakanga “riri mwari; rakaita saMwari.” Shanduro dzekare dzeEvhangeri yaJohani dzechiCoptic dzakabudiswa makore 1 800 apfuura dzinotsigira pfungwa iyi nekuti manyorero adzinoita shoko rekuti Mwari pana Joh 1:1 akasiyana. Manyorero aya anoratidza kuti “Shoko” raiva neunhu hwakafanana nehwaMwari, kwete kuti rakaenzana naMwari Wemasimbaose. Zviri muvhesi iyi zvinotsigirwa naVaK 2:9 iyo inorondedzera Kristu ichimuti “kuva saMwari kwake kwose kuzere kunogara maari.” Uye 2Pe 1:4, inoti kunyange vaKristu vakazodzwa ‘vachaitwa kuti vave sevanhu vakaita saMwari.’ Chimwezve ndechekuti muSeptuagint, shoko rechiGiriki rekuti the·osʹ rinoshandiswa pakushandura mashoko echiHebheru anoreva Mwari ekuti ʼel uye ʼelo·himʹ, ayo anonzi anoreva kuti “Ane Simba.” Mashoko aya echiHebheru anoshandiswa kureva Mwari Wemasimbaose, vamwe vanamwari uye vanhu. (Joh 10:34) Kudaidza Shoko tichiti “mwari,” kana kuti “ane simba,” kunoenderana neuprofita huri pana Isa 9:6, hwaitaura kuti Mesiya aizonzi “Mwari Ane Simba” (kwete “Mwari Wemasimbaose”) uye kuti aizova “Baba Vasingagumi” wevaya vaachatonga. Kushingaira kwaBaba vake, “Jehovha wemauto,” kuchazviita.—Isa 9:7.

nwtsty tsanangudzo dzemamwe mashoko Joh 1:29

Gwayana raMwari: Jesu paakadzoka achibva kunoedzwa naSatani pashure pekunge abhabhatidzwa, Johani Mubhabhatidzi akamuti “Gwayana raMwari.” Mashoko aya anongowanika muvhesi iyi uye pana Joh 1:36. (Ona Kabhuku Kanobatsira Pakudzidza Shoko raMwari chikamu 4 peji 20.) Zvakakodzera kufananidza Jesu negwayana. MuBhaibheri, makwai aipiwa sechibayiro kuratidza kuti vanhu vane chivi uye kuti vakwanise kusvika kuna Mwari. Izvi zvairatidza kufa kwaizoita Jesu sechibayiro kuti vanhu vasunungurwe pachivi. Sezvo Johani Mubhabhatidzi aiziva Magwaro echiHebheru, aigona kunge aifunga nezvezvinotevera: gondohwe rakabayirwa naAbrahamu panzvimbo pemwanakomana wake Isaka (Ge 22:13), gwai rePaseka rakaurayiwa muIjipiti pakanunurwa vaIsraeri kubva muuranda (Eks 12:1-13), kana kuti gondohwe raibayirwa paatari yaMwari muJerusarema mangwanani nemanheru ega ega (Eks 29:38-42). Johani anogona kunge aifungawo nezveuprofita hwaIsaya, Jehovha paanotaura kuti “mushumiri wangu . . . akaunzwa kuzourayiwa sezvinoitwa gwai.” (Isa 52:13; 53:5, 7, 11) Muapostora Pauro paakanyora tsamba yake yekutanga kuVaKorinde akataura nezvaJesu achiti “paseka yedu,” kureva kuti gwai rePaseka. (1VaK 5:7) Muapostora Petro akataura nezveropa rinokosha raKristu achiti, “rakafanana neregwayana risina gwapa uye risina ruvara.” (1Pe 1:19) Uye muna Zvakazarurwa, Jesu anotaurwa nezvake achinzi “Gwayana” kanopfuura ka25.—Mimwe mienzaniso iri pana: Zva 5:7; 6:1; 7:9; 12:11; 13:8; 14:1; 15:3; 17:14; 19:7; 21:9; 22:1.

SEPTEMBER 10-16

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | JOHANI 3-4

“Jesu Anoparidzira Mukadzi muSamariya”

nwtsty tsanangudzo dzemamwe mashoko Joh 4:6

aneta: Ndiyo yega vhesi inotaura kuti Jesu akanga “aneta.” Dzakanga dziri 12:00 dzemasikati, uye mangwanani acho Jesu anofanira kunge akanga afamba rwendo rwemukwidza wemamita 900 kana kuti kupfuura, achibva kuBani reJodhani raiva muJudhiya achienda kuguta reSikari raiva muSamariya.—Joh 4:3-5; ona Kabhuku Kanobatsira Pakudzidza Shoko raMwari chikamu 4 peji 20.

Kuchera Pfuma muShoko raMwari

nwtsty tsanangudzo dzemamwe mashoko Joh 3:29

shamwari yomuroori: Kare, shamwari yepedyo yemuroori ndiyo yaimumiririra uye yaifambisa urongwa hwekuroora uye hwemuchato. Pamusi wemuchato, mwenga nevaperekedzi vake vaienda kumba kwemuroori kana kuti kwababa vacho kwaizoitirwa mabiko. Pamabiko aya, shamwari yemuroori yaifara ikanzwa inzwi remuroori achitaura nemwenga wake nekuti yaibva yaziva kuti yagona basa. Johani Mubhabhatidzi akazvifananidza ‘neshamwari yemuroori.’ Jesu ndiye aiva muroori uye vadzidzi vake ndivo vaiva mwenga wake wekufananidzira. Johani Mubhabhatidzi akagadzirira Mesiya nzira nekuunza kwaakaita vadzidzi vekutanga kuna Jesu Kristu. (Joh 1:29, 35; 2VaK 11:2; VaE 5:22-27; Zva 21:2, 9) Johani akapedza basa rake ‘seshamwari yemuroori.’ Achitaura nezvaJesu akati: “Iyeye anofanira kuramba achiwedzera, asi ini ndinofanira kuramba ndichiderera.”—Joh 3:30.

nwtsty tsanangudzo dzemamwe mashoko Joh 4:10

mvura mhenyu: Mashoko aya muchiGiriki anoshandiswa kureva mvura inoyerera kana kuti yemuchitubu. Mvura iyi yakasiyana nemvura yemumugodhi. Pana Re 14:5, mashoko echiHebheru anoshandurwa kuti “mvura yakachena,” anoreva “mvura mhenyu.” Pana Jer 2:13 uye 17:13, Jehovha anonzi “tsime remvura mhenyu,” kureva mvura yekufananidzira inopa upenyu. Paaitaura nemukadzi muSamariya, Jesu akashandisa mashoko ekuti “mvura mhenyu” nenzira yekufananidzira, asi zvinoita sekuti pakutanga mukadzi uyu akafunga kuti Jesu aireva mvura chaiyo.—Joh 4:11, 14.

SEPTEMBER 17-23

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | JOHANI 5-6

“Tevera Jesu Nechikonzero Chakanaka”

nwtsty tsanangudzo dzemamwe mashoko Joh 6:10

varume vacho vakatsenhama, vanenge zviuru zvishanu: Mateu ndiye ega anotaura kuti chishamiso ichi pachakaitwa pakanga painewo vakadzi nevana vaduku. (Mt 14:21) Vanhu vakapiwa zvekudya vanogona kunge vaitopfuura 15 000.

nwtsty tsanangudzo dzemamwe mashoko Joh 6:14

Muprofita: VaJudha vakawanda vaitarisira kuti muprofita akaita saMosesi anotaurwa pana Dhe 18:15, 18, ndiye aizova Mesiya. Muvhesi iyi, zvinoratidza sekuti mashoko ekuti achizouya munyika anoreva kuuya kwaMesiya kwaitarisirwa. Johani ndiye ega anotaura nezvenyaya iri muvhesi iyi.

nwtsty tsanangudzo dzemamwe mashoko Joh 6:27, 54

zvokudya zvinoparara . . . zvokudya zvinoramba zviripo nokuda kwoupenyu husingaperi: Jesu aiziva kuti vamwe vanhu vaifamba naye nevadzidzi vake kuti vapiwe zvinhu. Zvekudya zvinoita kuti vanhu vakwanise kurarama, asi “zvekudya” zvinobva muShoko raMwari zvinoita kuti vanhu vararame nekusingaperi. Jesu anokurudzira vanhu kuti vashandire “zvokudya zvinoramba zviripo nokuda kwoupenyu husingaperi,” kureva kuti vashande nesimba kuti vagutse zvinodiwa zvavo zvekunamata uye kuti vave nekutenda pane zvavari kudzidza.—Mt 4:4; 5:3; Joh 6:28-39.

anodya nyama yangu nokunwa ropa rangu: Mamwe mavhesi ari muchitsauko ichi anoratidza kuti kudya nekunwa uku kunoreva kutenda muna Jesu Kristu. (Joh 6:35, 40) Jesu akataura mashoko aya muna 32 C.E., saka akanga asiri kutaura nezveKudya kwaShe Kwemanheru kwaaizotanga gore raitevera. Akataura mashoko acho “paseka, iwo mutambo wevaJudha” yava pedyo kuitwa (Joh 6:4), saka vaimuteerera vaigona kunge vakafunga nezvemutambo uyu uye kuponeswa kwakaitwa vanhu neropa regwayana vaIsraeri pavakabuda muIjipiti (Eks 12:24-27). Jesu airatidza kuti ropa rake ndiro raizoita kuti vadzidzi vake vakwanise kuwana upenyu husingaperi.

w05 9/1 21 ¶13-14

Tichafamba Nezita raJehovha Mwari Wedu

Kunyange zvakadaro, vanhu vazhinji-zhinji vakatevera Jesu uye sokutaura kunoita Johani, vakamuwana “mhiri kwegungwa.” Nei vakamutevera pashure pokunge aramba kuti vamuite mambo? Vakawanda vakaratidza kuti vaiva nemaonero enyama, vachitotaura vachisimbisa nezvezvokudya zvakanga zvaitwa kuti zvive murenje naJehovha muzuva raMosesi. Vaiva nepfungwa yokuti Jesu aifanira kuramba achivapa zvokudya. Paakaziva vavariro dzavo dzakaipa, Jesu akatanga kuvadzidzisa chokwadi chezvokunamata chaikwanisa kuvabatsira kuti vachinje mafungiro avo. (Johani 6:17, 24, 25, 30, 31, 35-40) Vamwe vakamunyunyutira, kunyanya paakataura mufananidzo uyu wokuti: “Chokwadi, chokwadi ndinoti kwamuri, Kana mukasadya nyama yoMwanakomana womunhu nokunwa ropa rake, hamuna upenyu mamuri. Uya anodya nyama yangu nokunwa ropa rangu ane upenyu husingaperi, uye ndichamumutsa pazuva rokupedzisira.”—Johani 6:53, 54.

Mifananidzo yaJesu yaiwanzoita kuti vanhu varatidze kana vaida kufamba naMwari zvechokwadi. Mufananidzo uyu wakaitawo izvozvo. Wakaita kuti vabudise zvavaiva chaizvo. Tinoverenga kuti: “Vazhinji vevadzidzi vake, pavakanzwa izvi, vakati: ‘Kutaura uku kunoshamisa kwazvo; ndiani angakuteerera?’” Jesu akatsanangura kuti vaifanira kutsvaka kuti mashoko ake airevei panyaya yokunamata. Akati: ‘Mweya ndiwo unopa upenyu; nyama haina kana zvainobatsira. Mashoko andataura kwamuri ndeemweya uye anopa upenyu.’ Kunyange zvakadaro, vakawanda havana kuteerera, uye nhoroondo yacho inoti: “Nokuda kweizvi vazhinji vevadzidzi vake vakadzokera kuzvinhu zvavakasiya uye vakanga vasingachafambizve naye.”—Johani 6:60, 63, 66.

Kuchera Pfuma muShoko raMwari

nwtsty tsanangudzo dzemamwe mashoko Joh 6:44

vakaita kuti auye: Kunyange zvazvo mashoko echiGiriki ekuti “kuita kuti auye” achireva kukweva hove dzinenge dziri mumambure (Joh 21:6, 11), hazvirevi kuti Mwari anoita kumanikidzira vanhu kuti vauye kwaari. Mashoko acho anogona kurevawo kuti “kuita kuti ade,” uye Jesu anogona kunge aireva zviri pana Jer 31:3, Jehovha paakati kuvanhu vake: “Ndakakukweva nomutsa worudo.” (Septuagint inoshandisa shoko iroro rechiGiriki muvhesi iyi.) Joh 12:32 inoratidza kuti Jesu ndizvo zvaanoitawo kuti vanhu vemarudzi ese vauye kwaari. Bhaibheri rinoratidza kuti Jehovha akapa vanhu rusununguko rwekusarudza. Munhu wese anozvisarudzira kana achida kumushumira. (Dhe 30:19, 20) Mwari anokweva zvine rudo vanhu vane mafungiro akanaka. (Pis 11:5; Zvi 21:2; Mab 13:48) Jehovha anoshandisa Bhaibheri uye mweya mutsvene kuti aite izvi. Joh 6:45 inotaura nezveuprofita huri pana Isa 54:13, uye hunoshanda kune vaya vanodaidzwa naBaba.—Enzanisa naJoh 6:65.

nwtsty tsanangudzo dzemamwe mashoko Joh 6:64

Jesu aiziva . . . kuti ndiani akanga achizomutengesa: Jesu aireva Judhasi Iskariyoti. Jesu akaita usiku hwese achinyengetera kuna Baba vake asati asarudza vaapostora vake 12. (Ru 6:12-16) Saka pakutanga, Judhasi akanga akatendeka kuna Mwari. Asi kubva pauprofita huri muMagwaro echiHebheru, Jesu aiziva kuti aizotengeswa neshamwari yake yepedyo. (Pis 41:9; 109:8; Joh 13:18, 19) Judhasi paakatanga kuva nemafungiro asina kunaka, Jesu akazviona nekuti aikwanisa kuziva zviri pamwoyo. (Mt 9:4) Mwari aiziva kuti munhu aivimbwa naJesu aizomutengesa nekuti anokwanisa kuziva zvinhu zvisati zvaitika. Asi hatingati zvakanga zvakafanorongwa kuti Judhasi ndiye aizotengesa Jesu nekuti hazvienderani neunhu hwaMwari uye maitiro aanoita zvinhu.

kubva pakutanga: Mashoko aya haarevi pakaberekwa Judhasi kana kuti paakasarudzwa semuapostora pashure pekunge Jesu anyengetera usiku hwese. (Ru 6:12-16) Anoreva paakatanga kuva neunyengeri uye Jesu akabva azviona. (Joh 2:24, 25; Zva 1:1; 2:23) Mashoko aya anoratidzawo kuti Judhasi haana kungoerekana aipa mwoyo, akaita zvinhu atonyatsoronga. Mashoko ekuti “pakutanga” (muchiGiriki, ar·kheʹ) anoshandiswa zvakasiyana-siyana muMagwaro echiKristu echiGiriki, zvichienderana nekuti chii chinenge chichitaurwa nezvacho. Semuenzaniso, pana 2Pe 3:4, shoko rekuti ‘pakutanga’ rinoreva pakatanga kusikwa zvinhu. Asi kakawanda kacho rinoshandiswa kureva zvinenge zvichitaurwa panguva iyoyo. Semuenzaniso, Petro akati mweya mutsvene wakaburukira pavanhu vemamwe marudzi “sezvawakaitawo patiri pakutanga.” (Mab 11:15) Petro akanga asingarevi paakaberekwa kana kuti paakadanwa kuti ave muapostora. Asi aireva pamusi wePendekosti ya33 C.E., ‘pakatanga’ kudururwa mweya mutsvene. (Mab 2:1-4) Mimwe mienzaniso inoratidza kuti shoko rekuti “pakutanga” rinoshandiswa zvichienderana nezviri kutaurwa, iri pana Ru 1:2 uye 1Jo 2:7.

SEPTEMBER 24-30

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | JOHANI 7-8

“Jesu Akakudza Baba Vake”

cf 100-101 ¶5-6

“Zvakanyorwa Kuti”

Jesu aida kuti vanhu vazive kwaibva mashoko ake. Akati: “Zvandinodzidzisa hazvisi zvangu, asi ndezvaiye akandituma.” (Johani 7:16) Pane imwe nguva, akati: “Handiiti chinhu chandinozvitangira ndoga; asi ndinotaura zvinhu izvi sokudzidziswa kwandakaitwa naBaba.” (Johani 8:28) Uyezve, akati: “Zvinhu zvandinokutaurirai handizvitauri ini pachangu; asi Baba vanoramba vari pamwe neni ndivo vari kuita mabasa avo.” (Johani 14:10) Imwe nzira iyo Jesu akaratidza nayo kuti mashoko iwayo ndeechokwadi yaiva yokugara achitora mashoko muShoko raMwari rakanyorwa.

6 Kunyatsoongorora mashoko aJesu akanyorwa kunoratidza kuti akataura zvakananga kana kuti zvisina kunanga inopfuura hafu yemabhuku eMagwaro matsvene echiHebheru. Pakutanga, ungati hapana zvaakaita. Ungashamisika kuti nei mumakore matatu nehafu achidzidzisa uye achiparidzira, asina kutora mashoko mumabhuku ose akafuridzirwa akanga aripo. Zvisinei, chaizvoizvo angangodaro akaita izvozvo. Yeuka kuti chikamu chiduku chemashoko aJesu uye chezvaakaita ndicho chete chakanyorwa. (Johani 21:25) Kutaura zvazviri, zvimwe ungaverenga zvinonzwika mashoko ose aJesu akanyorwa mumaawa mashomanana bedzi. Saka chifungidzira uchitaura nezvaMwari noUmambo hwake kwemaawa mashomanana chete wobva wakwanisa kutaura magwaro einodarika hafu yemabhuku eMagwaro echiHebheru! Uyezve, kazhinji Jesu akanga asina mipumburu yakanyorwa. Paakapa Mharidzo yake yepaGomo yakakurumbira, akataura mashoko akawanda aaitora muMagwaro echiHebheru zvakananga uye zvisina kunanga—ose achibva mumusoro!

w11 3/15 11 ¶19

Tungamirirwa Nemweya waMwari Kwete Wenyika

Teerera Jehovha zvakakwana. Nguva dzose Jesu aiita zvinhu zvaifadza Baba vake. Pane pamwe pokuti zvaidiwa naJesu zvakanga zvakati siyanei nezvaidiwa naBaba vake. Asi akati kuna Baba vake nechivimbo: “Kuda kwangu ngakurege kuitwa, asi kwenyu.” (Ruka 22:42) Zvibvunze kuti, ‘Ndinoteerera Mwari kunyange kana zvakandiomera here?’ Kuteerera Mwari kunokosha kuti tirarame. Sezvo ari iye Muiti wedu, Mupi uye Mutsigiri woupenyu hwedu, akakodzera kuti timuteerere zvakakwana. (Pis. 95:6, 7) Kuteerera kunokosha kudarika zvose. Hazviiti kuti tifarirwe naMwari kana tisingateereri.

Kuchera Pfuma muShoko raMwari

w07 2/1 6 ¶4

Nei Tichifanira Kutaura Chokwadi?

Jesu Kristu akatisiyira muenzaniso wei panyaya iyi? Pane imwe nguva, Jesu akanga achitaura nevamwe vasingatendi vairatidza kufarira urongwa hwenzendo dzake. Vakamuti, “Pfuura pano uende muJudhiya.” Jesu akapindura kutii? “Imi kwirai kumutambo [kuJerusarema]; ini handisati ndava kukwira kumutambo uyu, nokuti nguva yangu yakakodzera haisati yanyatsosvika.” Izvozvo zvichangoitika, Jesu akaenda kuJerusarema kumutambo. Nei akapindura saizvozvo? Vakanga vasina kodzero yokuziva kwose kwaaizova. Saka kunyange zvazvo Jesu asina kureva nhema, haana kuvapa mhinduro yakakwana achiitira kuti mukana wokuti vamukuvadze iye kana kuti vateveri vake uve muduku zvikuru. Idzi dzakanga dzisiri nhema nokuti muapostora Petro akanyora nezvaKristu kuti: “Haana kuita chivi, uyewo unyengeri hahuna kuwanikwa mumuromo make.”—Johani 7:1-13; 1 Petro 2:22.

nwtsty tsanangudzo dzemamwe mashoko Joh 8:58

ini ndaivapo: VaJudha vaipikisa vaida kutema Jesu nematombo nekuti akanga ataura kuti “akaona Abrahamu,” nepo iye Jesu ‘akanga asati ava nemakore 50.’ (Joh 8:57) Jesu akavaudza kuti akatomborarama kudenga semunhu wemweya ane simba, Abrahamu asati atomboberekwa. Vamwe vanoti vhesi iyi inoratidza kuti Jesu ndiye Mwari. Vanoti mashoko echiGiriki akashandiswa ekuti, e·goʹ ei·miʹ (anoshandurwa kuti “ndini iye” mune mamwe maBhaibheri), anoreva zvakafanana nezviri muSeptuagint pana Eks 3:14 uye kuti mavhesi acho ari maviri anofanira kunyorwa zvakafanana. Muvhesi iyi chiito chinoratidzwa neshoko rechiGiriki rekuti ei·miʹ chakatanga “Abrahamu asati avapo” uye chakanga chichiri kuitika. Saka kushandura kwekuti “ini ndaivapo” kwakakodzera pane kwekuti “ndini iye,” uye zvinyorwa zvakati kuti zvekare nezvemazuva ano zvinoshandisa mashoko akada kufanana neekuti “ini ndaivapo.” Pana Joh 14:9, shoko rechiGiriki rekuti ei·miʹ ririmo mumashoko aJesu ekuti: “Ndave ndinemi kwenguva refu kwazvo, asi, Firipi, hausati wasvika pakundiziva here?” Shanduro dzakawanda dzinoshandisa mashoko akada kufanana, kuratidza kuti zvichienderana nekuti chii chiri kutaurwa hapana chakaipa nekushandura shoko rekuti ei·miʹ richireva kuti “ndaivapo.” (Mimwe mienzaniso inowanika pana Ru 2:48; 13:7; 15:29; Joh 1:9; 5:6; 15:27; Mab 15:21; 2VaK 12:19; 1Jo 3:8.) Uye zvakataurwa naJesu pana Joh 8:54, 55 zvinoratidza kuti akanga asiri kuti iye naBaba vake munhu mumwe chete.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe