Mudzimu
Tsanangudzo: Shoko rechiHebheru rokuti ruʹach uye rechiGiriki rokuti pneuʹma anowanzoshandurwa kuti “mudzimu,” anoreva zvakawanda. Ose anoreva chinhu chisingaoneki nemaziso evanhu uye chinoratidza kushanda kwesimba. Mashoko acho, rechiHebheru nerechiGiriki anoshandiswa kureva (1) mhepo, (2) simba roupenyu riri muzvisikwa zvepanyika, (3) simba rinobva mumwoyo womunhu wokufananidzira rinoita kuti ataure kana kuti aite zvinhu neimwe nzira, (4) mashoko akafuridzirwa anobva pachinhu chisingaoneki, (5) vanhu vomudzimu, uye (6) simba raMwari rinoita basa, kana kuti mudzimu mutsvene. Kushandiswa kwakawanda kwarinoitwa kunokurukurwa pano zvichienderana nenyaya dzingamuka muushumiri hwomumunda.
Mudzimu mutsvene chii?
Kuenzanisa magwaro eBhaibheri anotaura nezvomudzimu mutsvene kunoratidza kuti unonzi ‘unozadza’ vanhu; vanogona ‘kubhabhatidzwa’ nawo; uye vanogona ‘kuzodzwa’ nawo. (Ruka 1:41; Mat. 3:11; Mab. 10:38) Kudai mudzimu mutsvene waiva munhu, mashoko aya aisazova akakodzera.
Jesu akataurawo nezvomudzimu mutsvene so“mubatsiri” (chiGiriki, pa·raʹkle·tos), uye akati mubatsiri uyu ‘aizodzidzisa,’ ‘aizopupurira,’ ‘aizotaura,’ uye ‘aizonzwa.’ (Joh. 14:16, 17, 26; 15:26; 16:13) MuMagwaro zvakajairika kuti zvimwe zvinhu zvitaurwe sevanhu. Somuenzaniso, uchenjeri hunonzi hune “vana.” (Ruka 7:35) Chivi norufu zvinonzi madzimambo. (VaR. 5:14, 21) Kunyange zvazvo mamwe magwaro achiti mudzimu “wakataura,” dzimwe ndima dzinobudisa pachena kuti izvi zvaiitwa pachishandiswa ngirozi kana kuti vanhu. (Mab. 4:24, 25; 28:25; Mat. 10:19, 20; enzanisa Mabasa 20:23 neMab 21:10, 11.) Pana 1 Johani 5:6-8, hausi mudzimu chete unonzi ‘unopupura’ asiwo “mvura neropa.” Saka hapana mashoko ari mumagwaro ano aya anoratidza kuti mudzimu mutsvene munhu.
Kutsanangurwa kwakarurama kwomudzimu mutsvene kunofanira kuenderana nemagwaro ose anotaura nezvomudzimu iwoyo. Tichifunga nezveizvi, zvine musoro kutaura kuti mudzimu mutsvene iwoyo ndiwo simba rinoita basa raMwari. Hausi munhu asi isimba guru raMwari raanoita kuti riite zvaanoda zvitsvene.—Pis. 104:30; 2 Pet. 1:21; Mab. 4:31.
Onawo mapeji 366, 367, pasi pemusoro unoti “Utatu.”
Chii chinoratidza kuti zvechokwadi munhu ane mudzimu mutsvene, kana kuti “Mweya Anoyera” (BR)?
Ruka 4:18, 31-35: “[Jesu akaverenga mumupumburu womuprofita Isaya:] ‘Mudzimu waJehovha uri pandiri, nokuti akandizodza kuti ndizivise mashoko akanaka’ . . . Zvino akaburukira kuKapenaume, guta reGarireya. Iye akanga achivadzidzisa pasabata; uye vakashamiswa nemadzidzisiro ake, nokuti kutaura kwake kwakanga kuine chiremera. Zvino musinagogi maiva nomumwe murume aiva nomudzimu, dhimoni risina kuchena, uye akashevedzera nenzwi guru . . . Asi Jesu akarituka, achiti: ‘Nyarara, ubude maari.’ Naizvozvo, pashure pokunge rakanda murume wacho pasi pakati pavo, dhimoni racho rakabuda maari risina kumukuvadza.” (Chii chinoratidza kuti Jesu aiva nomudzimu waMwari? Nhoroondo yacho haitauri kuti akabvunda kana kushevedzera kana kuti kufamba-famba zvisina kudzikama. Asi inoti akataura zvine chiremera. Zvisinei, tinofanira kuziva kuti pachiitiko ichocho dhimoni rakaita kuti murume wacho ashevedzere uye awire pauriri.)
Mabasa 1:8 inoti vateveri vaJesu pavaizogamuchira mudzimu mutsvene vaizopupurira nezvake. Maererano naMabasa 2:1-11, pavakagamuchira mudzimu iwoyo, vanhu vaicherechedza vakabayiwa mwoyo nokuziva chokwadi ichocho chokuti kunyange zvazvo vanhu vacho vose vakanga vachitaura vaiva vaGarireya, vakanga vachitaura nezvezvinhu zvinoshamisa zvaMwari nemitauro yaizivikanwa nevanhu vakawanda vokune dzimwe nyika vakanga varipo. Asi nhoroondo yacho haitauri kuti vaya vakagamuchira mudzimu vakazhambatata.
Tinofanira kuziva kuti Erizabheti paakagamuchira mudzimu mutsvene achibva ashevedzera “nokushevedzera kukuru” akanga asiri pamusangano wekunamata asi akanga achikwazisa hama yakanga yashanya. (Ruka 1:41, 42) Sezvinotaurwa pana Mabasa 4:31, mudzimu mutsvene pawakauya pavadzidzi vakanga vakaungana, nzvimbo yacho yakazununguka, hauna kuita kuti vabvunde kana kuumburuka pasi asi wakaita kuti ‘vataure shoko raMwari noushingi.’ Saizvozvowo nhasi, ushingi hwokutaura shoko raMwari, kushingaira kuita basa rokupupurira—izvi zvinopa uchapupu hwokuti munhu ane mudzimu mutsvene.
VaG. 5:22, 23: “Chibereko chomudzimu rudo, mufaro, rugare, mwoyo murefu, mutsa, runako, kutenda, unyoro, kuzvidzora.” (Vanhu vanofanira kutsvaka chibereko ichi pavanenge vachitsvaka vanhu vane mudzimu waMwari zvechokwadi pane kutsvaka vanhu vechitendero vanotaura vachizhambatata.)
Kana munhu achikwanisa kutaura zvine simba nendimi yaasina kumbodzidza zvinoratidza here kuti ane mudzimu waMwari?
Ona musoro mukuru unoti “Ndimi, Kutaura ne-.”
Kuporesa kwezvishamiso kuri kuitwa mazuva ano kuri kuitwa pachishandiswa mudzimu waMwari here?
Ona musoro mukuru unoti “Kuporesa.”
Ndivanaani vanobhabhatidzwa nomudzimu mutsvene?
Ona peji 296, pasi pemusoro unoti “Rubhabhatidzo,” uyewo musoro mukuru unoti “Kuberekwazve.”
Munhu ane mudzimu usingafi panofa muviri here?
Ezek. 18:4: “Mweya unotadza—ndiwo uchafa.” (RS, NE, KJ, uye Dy ose anoshandura shoko rechiHebheru rokuti neʹphesh mundima ino kuti “mweya,” achitaura kuti mweya ndiwo unofa. Dzimwe shanduro dzinoshandura neʹphesh kuti “mweya” mune dzimwe ndima dzinoshandisa shoko rokuti “munhu” kana kuti “iye” mundima ino. Saka, neʹphesh, mweya, ndiwo munhu, kwete chinhu chisingaoneki chisingafi muviri paunenge wafa.) (Kuti uwane mamwe mashoko, ona musoro mukuru unoti “Mweya.”)
Pis. 146:4: “Simba rake roupenyu rinobuda, iye odzokera kuivhu rake; nezuva iroro pfungwa dzake dzinoparara.” (Shoko rechiHebheru rakashandurwa pano kuti ‘simba roupenyu’ rinobva pana ruʹach. Vamwe vashanduri vanoriti “chifemo.” Ruʹach, kana kuti simba roupenyu iroro rabuda mumuviri, pfungwa dzemunhu dzinoparara; haripfuuriri kurarama kune imwe nzvimbo.)
Mup. 3:19-21: “Vanakomana vevanhu vanowirwa nomugumo uye mhuka dzinowirwa nomugumo, uye zvose zvinowirwa nomugumo wakafanana. Mafiro anoita chimwe, ndiwo mafiro anoitawo chimwe chacho; zvose zvine simba roupenyu rimwe chete, zvokuti munhu haana paanopfuura mhuka, nokuti zvose hazvina zvazvinobatsira. Zvose zvinoenda kunzvimbo imwe chete. Zvose zvakabva kuguruva, uye zvose zvinodzokera kuguruva. Ndiani anoziva kana simba roupenyu revanakomana vevanhu richikwira kudenga; uye kana simba roupenyu remhuka richiburukira pasi panyika?” (Vanhu vose vanofa vodzokera kuguruva, sezvinoita mhuka, pamusana pechivi norufu zvavakagara nhaka kuna Adhamu. Asi munhu mumwe nomumwe ane mudzimu unoramba uchirarama somunhu ane mano pashure pokunge muviri wafa here? Aiwa; Mup 3 ndima 19 inopindura kuti vanhu nemhuka “zvose zvine simba roupenyu rimwe chete.” Tichida kutaura nezvemaonero evanhu, hapana munhu anogona kunyatsopindura mubvunzo uri Mup 3 mundima 21 nezvomudzimu. Asi Shoko raMwari rinopindura kuti vanhu hapana pavanopfuura mhuka kana vafa. Zvisinei, pamusana pourongwa hwaMwari hwengoni achishandisa Kristu, vanhu vane kutenda vava kukwanisa kuva netariro yokurarama nokusingaperi, asi kwete mhuka. Kuvanhu vakawanda, izvozvo zvichaitika pavachamutswa, simba roupenyu rinobva kuna Mwari parichavasimbisazve.)
Ruka 23:46: “Jesu akashevedzera nenzwi guru, akati: ‘Baba, ndinoisa simba rangu roupenyu [chiGiriki, pneuʹmaʹ] mumaoko enyu.’ Paakanga ataura izvi, akafa.” (Onai kuti Jesu akafa. Mudzimu wake pawakabuda akanga asiri kuenda kudenga. Jesu akazomutswa pashure pemazuva matatu. Zvadaro, sezvinoratidzwa naMabasa 1:3, 9, pakapera mamwe mazuva 40 asati akwira kudenga. Saka zvakataurwa naJesu paakafa zvinorevei? Akanga achiti aiziva kuti, paaizofa, Mwari ndiye aiziva nezvetariro yake youpenyu hweramangwana. Kuti uwane mamwe mashoko ane chokuita ‘nomudzimu unodzokera kuna Mwari,’ ona mapeji 267, 268, pasi pemusoro unoti “Mweya.”)
Kana Mumwe Munhu Akati—
‘Une mudzimu mutsvene here (kana kuti Mudzimu Anoyera)?’
Ungapindura kuti: ‘Hungu, ndosaka ndauya pamba penyu nhasi. (Mab. 2:17, 18)’
Kana kuti ungati: ‘Ndizvo zvinoita kuti ndikwanise kuita ushumiri hwechiKristu. Asi ndinoona kuti havasi vanhu vose vane pfungwa dzakafanana pane zvinoratidza kuti munhu ane mudzimu waMwari. Imi munozviona sei?’ Ungawedzerawo kuti: (Zvimwe zvinokurukurwa pamapeji 246, 247.)