Kuporesa
Tsanangudzo: Kuita kuti munhu anga achirwara mumuviri, mupfungwa kana kuti mune zvokunamata ave noutano hwakanaka. Vamwe vaprofita vechiHebheru vakararama chiKristu chisati chavapo uyewo Jesu Kristu nevamwe vomuungano yechiKristu yepakutanga vakabatsirwa nomudzimu waMwari kuti vaite zvishamiso zvokuporesa.
Kuporesa kunoshamisa kwemazuva ano kunoitwa pachishandiswa mudzimu waMwari here?
Kukwanisa kuita zvishamiso kungabva kune mumwe asiri Mwari wechokwadi here?
Mosesi naAroni vakaenda kuna Farao weIjipiti vachinokumbira kuti vaIsraeri vabvumirwe kuenda kurenje kuti vanopa zvibayiro kuna Jehovha. Kuti varatidze kuti vaitsigirwa naMwari, Mosesi akaudza Aroni kuti akande tsvimbo yake pasi uye yakachinja kuva nyoka huru. Chishamiso ichocho chakaitwa nesimba raMwari. Asi vaiita zvemashiripiti veIjipiti vakakanda tsvimbo dzavo pasi, uye dzakachinjawo kuva nyoka huru. (Eks. 7:8-12) Vakaita chishamiso ichocho nesimba raani?—Enzanisa naDheuteronomio 18:10-12.
Muzana remakore rechi21 vafundisi vezvitendero zvechiKristudhomu vari kuporesa vanhu nokuvanamatira. Muzvitendero zvisiri zvechiKristu mune vapristi vemashiripiti, n’anga, vanorapa nemishonga, uye vamwewo vanorapa; kazhinji vanoita zvemashiripiti uye vanoshopera. Vamwe “varapi vanoti vanoziva remangwana kana zvinofunga munhu” vanoti kurapa kwavanoita hakunei nechitendero. Vanhu vose ivava vanowana simba rokuporesa kubva kuna Mwari wechokwadi here?
Mat. 24:24: “VanaKristu venhema nevaprofita venhema vachamuka uye vachaita zviratidzo zvikuru nezvishamiso kuti kana zvichibvira vatsause kunyange vakasarudzwa.”
Mat. 7:15-23: “Chenjererai vaprofita venhema . . . Pazuva iroro vazhinji vachati kwandiri, ‘Ishe, Ishe, hatina kuprofita muzita renyu, nokudzinga madhimoni muzita renyu, nokuita mabasa mazhinji esimba [“zvishamiso,” BD, NE, TEV] muzita renyu here?’ Asi ndichabva ndavataurira pachena kuti: Handina kumbokuzivai! Ibvai kwandiri, imi vasingateereri mutemo.”
Kurapa kwezvishamiso kwemazuva ano kuri kuitwa sezvaiitwa naJesu nevadzidzi vake vepakutanga here?
Mubhadharo wokurapwa: “Rapai vanhu vanorwara, mutsai vanhu vakafa, chenesai vane maperembudzi, dzingai madhimoni. Makagamuchira pachena, ipai pachena.” (Mat. 10:8) (Vanorapa mazuva ano vari kuita izvozvo here—kupa pachena sezvakarayirwa naJesu?)
Kubudirira kwavanoita: “Boka rose revanhu raitsvaka kumubata [Jesu], nokuti simba rakanga richibuda maari richivaporesa vose.” (Ruka 6:19) “Vakatobudisa vairwara kunze mumigwagwa yakafara, vakavaradzika imomo patumibhedha nemaponde, kuti Petro zvaaizopfuura, zvimwe mumvuri wake chete waizowira pane mumwe wavo. Uyewo, vazhinji vaibva mumaguta akapoteredza Jerusarema vakaramba vachiungana, vakatakura vanhu vairwara nevaya vainetswa nemidzimu isina kuchena, uye vose vairapwa.” (Mab. 5:15, 16) (Mazuva ano, vose vanoenda kune vechitendero vanoporesa kana kunzvimbo dzinoyera vachida kurapwa vanoporeswa here?)
Mararamiro anoita vari mumasangano ane “vanoporesa” anoratidza here kuti vane mudzimu waMwari?
Seboka vanonyatsoratidza here zvibereko zvomudzimu zvakadai sorudo, mwoyo murefu, unyoro uye kuzvidzora?—VaG. 5:22, 23.
“Havasi venyika” zvechokwadi here zvokuti havatombobatanidzwi mune zvematongerwo enyika? Vanoramba vasina mhosva yeropa here munguva dzehondo? Vane mbiri yakanaka here yokudzivisa unzenza hunoitwa munyika?—Joh. 17:16; Isa. 2:4; 1 VaT. 4:3-8.
Mazuva ano vaKristu vechokwadi vanozivikanwa nokuita zvishamiso zvokuporesa here?
Joh. 13:35: “Vose vachaziva kuti muri vadzidzi vangu neizvi, kana muine rudo pakati penyu.” (Izvi ndizvo zvakataurwa naJesu. Kana tichinyatsotenda maari, tichatarisa rudo, kwete zvishamiso zvokuporesa sechiratidzo chevaKristu vechokwadi.)
Mab. 1:8: “Muchagamuchira simba kana mudzimu mutsvene wasvika pamuri, uye muchava zvapupu zvangu . . . kusvikira kurutivi ruri kure kwazvo rwenyika.” (Asati asiya vaapostora vake achidzokera kudenga, Jesu akavaudza kuti iri ndiro basa rinokosha ravaifanira kuita, kwete rokuporesa. Onawo Mateu 24:14; 28:19, 20.)
1 VaK. 12:28-30: “Mwari akaisa nhengo dzakasiyana-siyana muungano, kutanga, vaapostora; kechipiri, vaprofita; kechitatu, vadzidzisi; kwozotevera mabasa esimba; achiteverwa nezvipo zvokuporesa; mabasa anobatsira, kukwanisa kutungamirira, ndimi dzakasiyana-siyana. Vose vaapostora here? Vose vaprofita here? Vose vadzidzisi here? Vose vanoita mabasa esimba here? Vose vane zvipo zvokuporesa here?” (Saka Bhaibheri rinonyatsoratidza kuti havasi vaKristu vose vechokwadi vaizova nechipo chokuporesa.)
Mako 16:17, 18 hairatidzi here kuti vatendi vaizozivikanwa nokukwanisa kuporesa vanorwara?
Mako 16:17, 18, BD: “Vanotenda vachaita zvishamiso izvi; vachadzinga mweya yakaipa nezita rangu, vachitaura nendimi itsva. Vachakwanisa kubata nyoka nemaoko pasina chinoitika. Kunyange vakanwa zvine chepfu hazvivakuvadzi, uye vachakwanisa kurapa vanorwara nokuisa maoko avo pamusoro pavo.”
Ndima idzi dzinowanikwa mune zvimwe zvinyorwa zveBhaibheri neshanduro zvomuzana remakore rechishanu nerechitanhatu C.E. Asi hadziwaniki muzvinyorwa zvekare zvechiGiriki zvinoti, Sinaiticus neVatican MS. 1209 zvomuzana remakore rechina. Dr. B. F. Westcott, nyanzvi yezvinyorwa zveBhaibheri, akati “ndima idzi . . . hadzimo munhoroondo yokutanga asi dzakaita zvokuwedzererwa.” (An Introduction to the Study of the Gospels, London, 1881, peji 338) Muzana remakore rechishanu, mumwe mushanduri weBhaibheri anonzi Jerome akati, “anenge makodhekisi ose echiGiriki haana ndima idzi.” (The Last Twelve Verses of the Gospel According to S. Mark, London, 1871, J. W. Burgon, peji 53) New Catholic Encyclopedia (1967) inoti: “Mashoko endima dzacho uye manyorerwo awo akanyatsosiyana nedzimwe Evhangeri zvokuti hazvingamboiti kuti titi Mako ndiye akadzinyora [Mk 16 ndima 9-20].” (Vol. IX, peji 240) Hapana panombotaurwa kuti vaKristu vepakutanga vakanwa muchetura kana kuti vakabata nyoka kuti varatidze kuti vaiva vatendi.
Nei vaKristu vomuzana remakore rokutanga vakapiwa zvipo zvakadai sokuita zvishamiso zvokuporesa?
VaH. 2:3, 4: “Tichapukunyuka sei kana taregeredza ruponeso rwakakura zvakadai pakuti rwakatanga kutaurwa nezvarwo pachishandiswa Ishe wedu, rukasimbiswa nokuda kwedu nevaya vakamunzwa, Mwari paakapindira achipupurira nezviratidzo nezvishamiso pamwe chete nemabasa esimba akasiyana-siyana uye nokugoverwa kwomudzimu mutsvene maererano nezvaanoda?” (Uhwu ndihwo hwaiva uchapupu hunogutsa hwokuti ungano yechiKristu iyo panguva iyoyo yaiva ichangotanga yakanga iri yaMwari zvechokwadi. Asi ungano yacho payakanga yanyatsosimba, izvi zvakanga zvichiri kudiwa here kuti zvirambe zvichingoratidzwa?)
1 VaK. 12:29, 30; 13:8, 13: “Vose vaprofita here? . . . Vose vane zvipo zvokuporesa here? Vose vanotaura nendimi here? . . . Rudo harumboperi. Asi kana zviri zvipo zvokuprofita, zvichagumiswa; kana dziri ndimi, dzichaguma . . . Zvino, zvisinei, kutenda, tariro, rudo, zvitatu izvi, zvinoramba zviripo; asi chikuru pane zvose rudo.” (Zvipo izvozvo zvokuita zvishamiso zvaizoguma pazvakanga zvapedza chinangwa chazvo. Asi unhu hunokosha zvikuru huri chibereko chomudzimu waMwari hwaizoramba huchioneka muupenyu hwevaKristu vechokwadi.)
Kana munhu angoporeswa, zvine basa here kuti aporeswa sei?
2 VaT. 2:9, 10: “Kuvapo kwomunhu asingateereri mutemo kunovapo maererano nokushanda kwaSatani nebasa rose rine simba nezviratidzo zvenhema nezvishamiso uye nokunyengera kwose kusina kururama kune vaya vari kuparara, kuti vatsiviwe nokuti havana kugamuchira kuda chokwadi kuti vaponeswe.”
Ruka 9:24, 25: “Munhu wose anoda kuponesa mweya wake [“upenyu hwake,” BR, BUS, BD] acharasikirwa nawo; asi munhu wose anorasikirwa nomweya wake nokuda kwangu ndiye achauponesa. Chokwadi, munhu anobatsirwa nei kana akawana nyika yose asi ozvirasa kana kuti ozvikuvadza?”
Itariro ipi iripo yokuporeswa chaiko pakurwara kwose?
Zvak. 21:1-4: “Zvino ndakaona denga idzva nenyika itsva; nokuti denga rekare nenyika yekare zvakanga zvapfuura . . . ‘[Mwari] achapukuta misodzi yose pamaziso avo, rufu haruchazovipo, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa hazvingazovipozve. Zvinhu zvokutanga zvapfuura.’”
Isa. 25:8: “Chokwadi achaparadza rufu nokusingaperi, uye Changamire Ishe Jehovha achapukuta misodzi pazviso zvose.” (Uyewo Zvakazarurwa 22:1, 2)
Isa. 33:24: “Hakuna mugari wemo achati: ‘Ndiri kurwara.’”
Kana Mumwe Munhu Akati—
‘Munotenda mukuporesa here?’
Ungapindura kuti: ‘Ani naani asingatendi kuti Mwari ane simba rokuporesa haatendi zvinotaurwa neBhaibheri. Asi ndinonetseka kana vanhu vari kuzviita nenzira chaiyo mazuva ano.’ Ungawedzerawo kuti: (1) ‘Regai ndikuverengerei rugwaro muone kuti zvaiitwa kare zvakasiyana zvikuru nezviri kuitwa mazuva ano. (Mat. 10:7, 8) . . . Munoonawo here chimwe chinhu pano apa chakanzi naJesu chaizoitwa nevadzidzi vake chisingagoni kuitwa nevanoporesa mazuva ano? (Havakwanisi kumutsa vakafa.)’ (2) ‘Hatisi vatongi vevanhu, asi zvinokosha kuziva kuti Mateu 24:24 inotaura nezvechimwe chinhu chatinofanira kuchenjerera.’
Kana kuti ungati: ‘Ndinotenda kuti zvinotaurwa neBhaibheri nezvokuporesa ndezvechokwadi. Asi kuporeswa kwose kungaitwa mumamiriro ezvinhu epanguva ino kunongobatsira kwenguva pfupi, hazvisizvo here? Pakupedzisira tose tinofa. Pachazombova nenguva apo munhu wose anenge achirarama achange aine utano hwakanaka asingazombofi here? (Zvak. 21:3, 4)’