Jesu Ndiye Mesiya Anotaurwa Muuprofita Here?
Mhinduro yeBhaibheri
Hongu. Paaiva panyika, Jesu akazadzisa uprofita hwakawanda hwaitaura ‘nezvaMesiya Mutungamiriri,’ uyo aizova “Muponesi wenyika.” (Dhanieri 9:25; 1 Johani 4:14) Kunyange pashure pekunge afa, Jesu akaramba achizadzisa uprofita hune chekuita naMesiya.—Pisarema 110:1; Mabasa 2:34-36.
Zita rekuti “Mesiya” rinorevei?
Shoko rechiHebheru rekuti Ma·shiʹach (Mesiya) uye rechiGiriki racho rekuti Khri·stos (Kristu) ese anoreva “Munhu akazodzwa.” Saka, “Jesu Kristu” zvinoreva kuti “Jesu, Munhu akazodzwa,” kana kuti “Jesu, Mesiya.”
Munguva dzinotaurwa muBhaibheri, munhu aitanga aiswa mafuta mumusoro wake kuti azoita basa rinokosha. (Revhitiko 8:12; 1 Samueri 16:13) Jesu akasarudzwa naMwari kuti ave Mesiya uye ichi chinzvimbo chakakura. (Mabasa 2:36) Jesu akazodzwa nemweya mutsvene waMwari kwete nemafuta.—Mateu 3:16.
Zvinoita here kuti vanhu vanopfuura mumwe chete vazadzise uprofita hwaMesiya?
Hazviiti. Sezvinoita mafingerprint ayo anongova emunhu mumwe chete, uprofita hwakazadzika hweBhaibheri, hunongoratidza Mesiya mumwe chete, kana kuti Kristu. Zvisinei, Bhaibheri rinoyambira kuti “vanaKristu venhema nevaprofita venhema vachamuka uye vachaita zviratidzo zvikuru nezvishamiso kuti kana zvichibvira vatsause kunyange vakasarudzwa.”—Mateu 24:24.
Mesiya anogona kuzooneka mune ramangwana here?
Aiwa. Bhaibheri rakagara rataura kuti Mesiya aizova wedzinza raMambo Dhavhidhi weIsraeri. (Pisarema 89:3, 4) Zvisinei, magwaro echiJudha anoratidza dzinza raDhavhidhi haasisiko, pamwe akaparara vaRoma pavakakunda Jerusarema muna 70 C.E.a Kubvira ipapo, zvakanga zvisisiri nyore kuti munhu ape umboo hunoratidza kuti aiva mudzinza reumambo raDhavhidhi. Asi magwaro iwayo aivapo panguva yakararama Jesu, uye kunyange vavengi vake havana kuramba kuti aiva muzukuru waDhavhidhi.—Mateu 22:41-46.
MuBhaibheri mune uprofita hungani hune chekuita naMesiya?
Hatikwanisi kunyatsotaura kuti uprofita hwaMesiya hungani nenhamba chaiyo. Semuenzaniso, nzira yekuverenga nayo uprofita inogona kusiyana kunyange pauprofita hunotozivikanwa kuti ndehwaMesiya. Mashoko ari pana Isaya 53:2-7 anotaura zvinhu zvakasiyana-siyana nezvaMesiya. Vamwe vanogona kuti mashoko ese ari mumavhesi acho uprofita humwe chete, asi vamwe vanogona kuverenga chimwe nechimwe seuprofita.
Humwe uprofita hwaMesiya hwakazadziswa
Uprofita |
Pahwakanyorwa |
Pahwakazadziswa |
---|---|---|
Wedzinza raAbrahamu |
||
Ndewedzinza raIsaka mwanakomana waAbrahamu |
||
Akaberekerwa murudzi rwevaIsraeri rwaJudha |
||
Ndewedzinza reumambo raMambo Dhavhidhi |
||
Akaberekwa nemhandara |
||
Akaberekerwa kuBhetrehema |
||
Anonzi Emanuerib |
||
Kuberekwa kwake kwaisashamisira |
||
Vana vadiki vakaurayiwa paakazvarwa |
||
Akadanwa kubva muIjipiti |
||
Anonzi weNazaretac |
||
Pane nhume yakamugadzirira nzira |
||
Akazodzwa saMesiya muna 29 C.E.d |
||
Mwari akaratidza kuti Mwanakomana wake |
||
Akashingairira imba yaMwari |
||
Akazivisa mashoko akanaka |
||
Ushumiri hwake muGarireya hwaiva chiedza chikuru |
||
Aiita zvishamiso saMosesi |
||
Akataura pfungwa dzaMwari saMosesi |
||
Akaporesa urwere hwevakawanda |
||
Haana kuzvikudza |
||
Akanzwira tsitsi vaitambura |
||
Akaratidza kururama kwaMwari |
||
Mupi zano anoshamisa |
||
Akazivisa zita raJehovha |
||
Aitaura achishandisa mifananidzo |
||
Mutungamiriri |
||
Vakawanda havana kumutenda |
||
Dombo rinogumbura |
||
Akarambwa nevanhu |
||
Akavengwa pasina chikonzero |
||
Akapinda muJerusarema achikudzwa akatasva dhongi |
||
Akarumbidzwa nevana |
||
Akauya muzita raJehovha |
||
Akatengeswa neshamwari |
||
Akatengeswa nezvidimbu 30 zvesirivhae |
||
Shamwari dzake dzakamutiza |
||
Zvapupu zvenhema zvakamupomera |
||
Akaramba akanyarara pamberi pevaimupomera |
||
Akapfirwa mate |
||
Akarohwa mumusoro |
||
Akazvamburwa |
||
Haana kuramba kurohwa |
||
Vatungamiriri vehurumende vakaronga kumuuraya |
||
Akarovererwa padanda mumaoko nemakumbo |
||
Vanhu vakakandira nguo dzake mijenya |
||
Akaverengwa pamwe nevatadzi |
||
Akatukwa |
||
Akatambudzikira vatadzi |
||
Akaita searambwa naMwari |
||
Akapiwa vhiniga uye nduru kuti anwe |
||
Akanzwa nyota ava kuda kufa |
||
Akaisa simba rake reupenyu mumaoko aMwari |
||
Akapa upenyu hwake |
||
Akafa kuti atisunungure pachivi |
||
Mapfupa ake haana kutyorwa |
||
Akabvoorwa |
||
Akavigwa nevapfumi |
||
Akamutswa kubva kuvakafa |
||
Nzvimbo yemunhu akamutengesa yakapiwa mumwe munhu |
||
Akagara kuruoko rwerudyi rwaMwari |
a McClintock and Strong’s Cyclopedia rinoti: “Hapana mubvunzo kuti magwaro aiva nemazita emhuri uye madzinza evaJudha akaparara pakaparadzwa Jerusarema.”
b Zita rechiHebheru rekuti Emanueri, iro rinoreva kuti “Mwari anesu,” rinonyatsoratidza basa raJesu saMesiya. Kuuya kwaakaita panyika uye mabasa aakaita akaratidza kuti Mwari anoda vashumiri vake.—Ruka 2:27-32; 7:12-16.
c Shoko rekuti “Nazareta” rinofanira kunge richibva pashoko rechiHebheru rekuti neʹtser, rinoreva kuti “bukira.”
d Kuti uwane mamwe mashoko anotsanangura zviri muBhaibheri pamusoro pegore ra29 C.E. rakasvika Mesiya, ona nyaya ine musoro unoti “Kuzivisa Kunoita Uprofita hwaDhanieri Kusvika kwaMesiya.”
e Uprofita uhwu huri mubhuku raZekariya, asi mumwe munyori weBhaibheri Mateu anoti “zvakataurwa pachishandiswa muprofita Jeremiya.” (Mateu 27:9) Zvinoita sekuti dzimwe nguva bhuku raJeremiya raiiswa pekutanga pamabhuku eMagwaro ainzi “Zvakanyorwa nevaprofita.” (Ruka 24:44) Mateu anofanira kunge akashandisa zita rekuti “Jeremiya” achireva mabhuku iwayo ese, ayo aisanganisirawo raZekariya.