Zekariya
11 “Vhura masuo ako, iwe Rebhanoni,
Kuti moto uparadze misidhari yako.
2 Ridza mhere iwe mujunipa, nekuti musidhari wadonha;
Miti mikuru yaparadzwa!
Ridzai mhere imi mioku yekuBhashani,
Nekuti sango rizere miti raparara!
3 Inzwai! Vafudzi vari kuridza mhere,
Nekuti kukudzwa kwavo kwaparara.
Inzwai! Shumba dzine simba* dziri kudzvova,
Nekuti mabvokocho esango ekuJodhani aparadzwa.
4 “Zvanzi naJehovha Mwari wangu, ‘Fudza makwai ari kungochengeterwa kuurayiwa,+ 5 ayo anourayiwa nevanoatenga+ asi vasingapiwi mhosva. Vaya vanoatengesa+ vanoti, “Jehovha ngaarumbidzwe, nekuti ndichapfuma.” Vafudzi vawo havaanzwiri tsitsi.’+
6 “‘Nekuti handizonzwirizve tsitsi vagari vemunyika yacho,’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha. ‘Saka ndichaita kuti munhu wese adzvinyirirwe nemumwe wake uye namambo wake; vachaparadza nyika yacho, uye ini handizovanunuri muruoko rwavo.’”
7 Ndakatanga kufudza makwai aingochengeterwa kuurayiwa,+ kuti ndikubatsirei imi makwai anotambudzika. Saka ndakatora tsvimbo mbiri ndikatumidza imwe kuti Kufarirwa, imwe ndikaiti Kubatana,+ ndikatanga kufudza makwai acho. 8 Mumwedzi mumwe chete ndakadzinga vafudzi vatatu, nekuti ndainge ndaneta navo, uye naivowo vaindivenga. 9 Uye ndakati: “Handicharambi ndichikufudzai. Riri kufa ngarife uye riri kuparara ngariparare. Anenge asara ngaadyanane.” 10 Ndakabva ndatora tsvimbo yangu yainzi Kufarirwa,+ ndikaityora-tyora, ndichiputsa sungano yangu yandakanga ndaita nevanhu vacho vese. 11 Saka yakaputswa zuva iroro, uye makwai aitambudzika ainge akanditarisa akaziva kuti raiva shoko raJehovha.
12 Ndakabva ndati kwavari: “Kana zvichiita ndipei mubhadharo wangu; asi kana zvisingaiti, regai zvenyu.” Vakabva vandibhadhara* masirivha 30.+
13 Jehovha akabva ati kwandiri: “Akande munochengeterwa pfuma; ndiwo mutengo mukuru wavakafunga kuti wakandikodzera.”+ Saka ndakatora masirivha acho 30 ndikaakanda munochengeterwa pfuma paimba yaJehovha.+
14 Ndakabva ndatyora-tyora tsvimbo yangu yainzi Kubatana,+ ndichidimbura ukama huri pakati paJudha naIsraeri.+
15 Zvino Jehovha akati kwandiri: “Chitora midziyo yemufudzi asingabatsiri.+ 16 Nekuti ndiri kurega munyika yacho muchiva nemufudzi. Haazochengeti makwai ari kuparara;+ haazotsvagi aya achiri madiki kana kurapa aya akakuvara+ kana kupa zvekudya aya anokwanisa kumira. Asi anodya gwai rakakora+ uye anobvisa mahwanda emakwai.+
17 Ane nhamo mufudzi wangu asina zvaanobatsira,+ ari kusiya makwai!+
Bakatwa richatema ruoko rwake neziso rake rekurudyi.
Ruoko rwake rwese ruchaoma,
Uye ziso rake rekurudyi richatadza kuona zvachose.”*