Genesisi
16 Zvino Sarai, mudzimai waAbramu, akanga asina kumuberekera vana;+ asi aiva nomushandikadzi muIjipiti ainzi Hagari.+ 2 Nokudaro Sarai akati kuna Abramu: “Ndapota zvino! Jehovha andidzivisa kubereka vana.+ Ndapota, rara nomushandikadzi wangu. Zvichida ndingawana vana kwaari.”+ Naizvozvo Abramu akateerera inzwi raSarai.+ 3 Makore gumi okugara kwaAbramu munyika yeKenani apera, Sarai, mudzimai waAbramu akabva atora Hagari, mushandikadzi wake muIjipiti, akamupa Abramu murume wake kuti ave mudzimai wake.+ 4 Naizvozvo akarara naHagari, akava nepamuviri. Paakaziva kuti akanga ava nepamuviri, akabva atanga kushora tenzikadzi wake.+
5 Sarai akati kuna Abramu: “Zvakaipa zvandinoitirwa ngazvive pauri. Ndini ndakaisa mushandikadzi wangu pachipfuva chako, akaziva kuti ava nepamuviri, akatanga kundishora. Jehovha ngaatonge pakati pangu newe.”+ 6 Naizvozvo Abramu akati kuna Sarai:+ “Tarira! Mushandikadzi wako ari paruoko rwako. Muitire zvakakunakira.”+ Sarai akabva atanga kumutambudza zvokuti akamutiza.+
7 Gare gare ngirozi yaJehovha+ yakamuwana patsime remvura raiva musango, patsime raiva panzira inoenda kuShuri.+ 8 Yakati: “Hagari, mushandikadzi waSarai, wabva kupi uye uri kuenda kupi?” Iye akati: “Ndiri kutiza Sarai tenzikadzi wangu.” 9 Ngirozi yaJehovha ikati kwaari: “Dzokera kuna tenzikadzi wako uzvininipise kwaari.”+ 10 Ngirozi yaJehovha yakabva yati kwaari: “Ndichaita kuti vana vako vave vazhinji kwazvo,+ zvokuti havangaverengwi nokuda kwokuwanda kwavo.”+ 11 Uyezve ngirozi yaJehovha yakatizve kwaari: “Tarira une pamuviri, uchabereka mwanakomana, umutumidze kuti Ishmaeri;+ nokuti Jehovha anzwa kutambudzika kwako.+ 12 Iye achava sembizi. Acharwisana nevanhu vose, uye vanhu vose vacharwisana naye;+ uye achagara pamberi pehama dzake dzose.”+
13 Akabva adana zita raJehovha, uyo akanga achitaura naye achiti: “Muri Mwari anoona,”+ nokuti akati: “Chokwadi pano ndaona iye anondiona here?” 14 Ndokusaka tsime racho rakatumidzwa kuti Bheeri-rahai-roi.+ Tarirai riri pakati peKadheshi neBheredhi. 15 Gare gare Hagari akaberekera Abramu mwanakomana, Abramu akatumidza mwanakomana wake akaberekwa naHagari kuti Ishmaeri.+ 16 Abramu akanga ava nemakore makumi masere nematanhatu Hagari paakaberekera Abramu Ishmaeri.