Genesisi
21 Zvino Jehovha akafunga nezvaSara sezvaakanga ataura, uye Jehovha akaitira Sara sezvaakanga ataura.+ 2 Abrahamu paakanga akwegura, Sara akava nepamuviri,+ akamuberekera mwanakomana, panguva yakatarwa iyo Mwari akanga audza Abrahamu.+ 3 Naizvozvo Abrahamu akatumidza mwanakomana wake waakanga aberekerwa, uyo Sara akanga amuberekera, kuti Isaka.+ 4 Abrahamu akadzingisa Isaka mwanakomana wake paakanga ava nemazuva masere, sezvaakanga arayirwa naMwari.+ 5 Abrahamu akanga ava nemakore zana paakaberekerwa Isaka mwanakomana wake. 6 Sara akabva ati: “Mwari aita kuti ndisekwe: vose vanozvinzwa vachandiseka.”+ 7 Akatizve: “Ndiani angave akaudza Abrahamu kuti, ‘Sara achayamwisa vana,’ nepo ndabereka mwanakomana iye akwegura?”
8 Zvino mwana wacho akaramba achikura, akarumurwa;+ Abrahamu akabva aita mutambo mukuru pazuva rokurumurwa kwaIsaka. 9 Sara akaramba achiona mwanakomana waHagari muIjipiti,+ waakanga aberekera Abrahamu, achiseka.+ 10 Naizvozvo akati kuna Abrahamu: “Dzinga murandasikana uyu nomwanakomana wake, nokuti mwanakomana womurandasikana uyu haasi kuzova mugari wenhaka pamwe chete nomwanakomana wangu, naiye Isaka!”+ 11 Asi chinhu chacho hachina kumbofadza Abrahamu pamusoro pomwanakomana wake.+ 12 Ipapo Mwari akati kuna Abrahamu: “Usarega chero chinhu chipi zvacho icho Sara anoramba achikutaurira chichiva chisingakufadzi pamusoro pomukomana uye pamusoro pomurandasikana wako. Teerera inzwi rake, nokuti achanzi mwana* wako achavapo nokuna Isaka.+ 13 Asi mwanakomana womurandasikana,+ ndichamuitawo rudzi, nokuti mwana wako.”+
14 Naizvozvo Abrahamu akafumomuka akatora zvokudya nehombodo yemvura akazvipa Hagari,+ akazviisa papfudzi rake, pamwe chete nomwana wacho,+ achibva amuendesa. Akaenda, akadzungaira murenje reBheeri-shebha.+ 15 Mvura yacho yakazopera+ muhombodo, akakanda+ mwana pasi perimwe gwenzi. 16 Akabva apfuurira, akagara pasi ari oga, chinenge chinhambwe chingasvika museve kana wakandwa, nokuti akati: “Regai ndisazviona mwana wacho paanofa.”+ Naizvozvo akagara pasi ari kure zvishoma, akatanga kuchema, akasvimha misodzi.+
17 Mwari akanzwa inzwi romukomana,+ ngirozi yaMwari ikashevedzera kuna Hagari iri kumatenga, ikati kwaari:+ “Hagari, waita seiko? Usatya, nokuti Mwari anzwa inzwi romukomana paari ipapo. 18 Simuka, simudza mukomana umubate noruoko rwako, nokuti ndichamuita rudzi rukuru.”+ 19 Mwari akabva asvinudza maziso ake zvokuti akaona tsime remvura;+ akaenda akazadza hombodo nemvura akanwisa mukomana wacho. 20 Mwari akaramba aine mukomana wacho,+ akaramba achikura, achigara murenje; uye akava munhu anopfura nouta.+ 21 Akagara murenje reParani,+ amai vake vakamutorera mudzimai kunyika yeIjipiti.
22 Zvino panguva iyoyo Abhimereki pamwe chete naFikori mukuru weuto rake vakati kuna Abrahamu: “Mwari anewe pazvinhu zvose zvauri kuita.+ 23 Naizvozvo ndipikire pano naMwari+ kuti hauzondinyengeri ini nevana vangu nevazukuru vangu;+ kuti, maererano norudo rwakavimbika rwandakuitira,+ uchandiitirawo ini nenyika yawave uchigara uri mutorwa.”+ 24 Naizvozvo Abrahamu akati: “Ndichapika.”+
25 Abrahamu paakatsoropodza kwazvo Abhimereki pamusoro petsime remvura rakanga ratorwa nechisimba nevashandi vaAbhimereki,+ 26 Abhimereki akabva ati: “Handizivi aita chinhu ichi, uyewo iwe hauna kundiudza, ini handinawo kumbozvinzwa asi ndatozvinzwa nhasi.”+ 27 Naizvozvo Abrahamu akatora makwai nemombe akazvipa Abhimereki,+ vaviri vacho vakaita sungano.+ 28 Abrahamu paakaisa makwayana makadzi manomwe eboka rezvipfuwo ari oga, 29 Abhimereki akati kuna Abrahamu: “Makwayana makadzi aya manomwe awaisa pano ari oga anorevei?” 30 Akabva ati: “Unofanira kugamuchira makwayana makadzi manomwe acho paruoko rwangu, kuti huve uchapupu+ kwandiri kuti ndakachera tsime iri.” 31 Ndokusaka akatumidza nzvimbo iyoyo kuti Bheeri-shebha,+ nokuti vakanga vaita mhiko vari vaviri ipapo. 32 Naizvozvo vakaita sungano+ paBheeri-shebha, Abhimereki akazosimuka pamwe chete naFikori mukuru weuto rake vakadzokera kunyika yevaFiristiya.+ 33 Pashure paizvozvo akadyara mutamarisiki paBheeri-shebha akadana zita raJehovha ipapo,+ iye Mwari aripo nokusingagumi.+ 34 Abrahamu akawedzera kugara kwake ari mutorwa panyika yevaFiristiya mazuva mazhinji.+