1 Madzimambo
5 Zvino Hiramu+ mambo weTire+ akatuma vashandi+ vake kuna Soromoni, nokuti akanga anzwa kuti ndiye wavakanga vazodza kuti ave mambo panzvimbo yababa vake; nokuti Hiramu akanga agara achida Dhavhidhi.+ 2 Soromoni akatumirawo shoko kuna Hiramu, achiti:+ 3 “Imi munonyatsoziva kuti baba vangu Dhavhidhi havana kukwanisa kuvakira zita raJehovha Mwari wavo imba nokuda kwehondo+ dzavakapoteredzwa nadzo nevavengi, kusvikira Jehovha avaisa pasi petsoka dzavo. 4 Zvino Jehovha Mwari wangu andipa zororo kumativi ose.+ Hakuna mudzivisi, uye hapana chakaipa chiri kuitika.+ 5 Tarirai ndiri kufunga kuti ndivakire zita raJehovha Mwari wangu imba,+ sezvakapikirwa baba vangu Dhavhidhi naJehovha, achiti, ‘Mwanakomana wako wandichaisa pachigaro chako choumambo panzvimbo yako, ndiye achavakira zita rangu imba.’+ 6 Zvino rayirai kuti vanditemere misidhari kuRebhanoni;+ vashandi vangu vachava nevashandi venyu, uye ndichakupai mubayiro wevashandi venyu maererano nezvose zvamungataura, nokuti imi munonyatsoziva kuti pakati pedu hapana munhu anogona kutema miti sezvinoita vaSidhoni.”+
7 Zvino Hiramu+ paakangonzwa mashoko aSoromoni, akafara kwazvo, akati: “Jehovha ngaarumbidzwe+ nhasi pakuti akapa Dhavhidhi mwanakomana akachenjera+ kuti atarisire vanhu ava vakawanda!”+ 8 Naizvozvo Hiramu akatumira shoko kuna Soromoni, achiti: “Ndanzwa shoko rawanditumira. Ini ndichaita zvose zvaunoda pamusoro penyaya yematanda emisidhari nematanda emijunipa.+ 9 Vashandi vangu vachaaburutsa muRebhanoni+ vachiaendesa kugungwa; uye ini ndichaasunga kuti aende nomugungwa kunzvimbo chaiyo yauchandizivisa;+ ndichaita kuti asunungurwe ipapo, iwe wozoatakura; iwewo uchaita zvandinoda nokupa imba yangu zvokudya.”+
10 Naizvozvo Hiramu akapa Soromoni matanda emisidhari nematanda emijunipa maererano nezvose zvaaida. 11 Soromoni akapawo Hiramu makori+ egorosi zviuru makumi maviri kuti zvive migove yezvokudya zveveimba yake nemakori emafuta akasvinwa+ makumi maviri. Soromoni akaramba achipa Hiramu zvinhu izvozvo gore negore.+ 12 Jehovha akapa Soromoni uchenjeri, sezvaakanga amupikira;+ pakati paHiramu naSoromoni pakava norugare, uye vakaita sungano vari vaviri.
13 Zvino Mambo Soromoni akaramba achiunza vaya vakanga vatorwa nokuda kwebasa rokumanikidzirwa vachibva pakati paIsraeri wose; uye vaya vakanga vatorwa nokuda kwebasa rokumanikidzirwa+ vakasvika varume zviuru makumi matatu. 14 Aivatuma kuRebhanoni vari mumapoka ezviuru gumi pamwedzi. Vaipedza mwedzi vari kuRebhanoni, uye mwedzi miviri vari kumisha yavo;+ uye Adhoniramu+ ndiye aitarisira vaya vakanga vatorwa+ nokuda kwebasa rokumanikidzirwa.+ 15 Soromoni akava+ nevatakuri vemitoro zviuru makumi manomwe+ nevavezi vematombo+ vaiva mugomo+ zviuru makumi masere, 16 tisingabatanidzi vatariri+ vaiva machinda aSoromoni vaitarisira basa racho, vakuru zviuru zvitatu nemazana matatu+ vaitarisira vanhu vaiita basa racho. 17 Naizvozvo mambo akarayira kuti vachere matombo makuru, matombo anodhura,+ kuti vavake nheyo+ yeimba yacho nematombo akavezwa.+ 18 Naizvozvo vavaki vaSoromoni nevavaki vaHiramu nevaGebhari+ vakaveza, vakaramba vachigadzira matanda nematombo okuvakisa imba yacho.