1 Makoronike
14 Hiramu+ mambo weTire+ akatuma nhume kuna Dhavhidhi nematanda omusidhari+ nevavaki vemasvingo nevavezi vemiti kuti vamuvakire imba.+ 2 Dhavhidhi akaziva kuti Jehovha akanga amusimbisa kwazvo+ kuti ave mambo waIsraeri, nokuti umambo hwake hwakakwidziridzwa kwazvo nokuda kwevanhu vake vaIsraeri.+
3 Zvino Dhavhidhi akatora mamwe madzimai+ muJerusarema, Dhavhidhi akabereka vamwe vanakomana nevanasikana.+ 4 Aya ndiwo mazita evana vaakava navo ari muJerusarema: Shamua+ naShobhabhu,+ Natani+ naSoromoni,+ 5 naIbhari+ naErishua naEripereti,+ 6 naNoga naNefegi+ naJafiya, 7 naErishama+ naBheeriyadha naErifereti.+
8 Zvino vaFiristiya vakanzwa kuti Dhavhidhi akanga azodzwa kuti ave mambo wevaIsraeri vose.+ VaFiristiya vose vakabva vauya kuzotsvaka Dhavhidhi.+ Dhavhidhi paakazvinzwa, akabva abuda kuti anorwa navo. 9 Asi vaFiristiya vakasvika, vakaramba vachirwisa vari mubani revaRefaimu.+ 10 Dhavhidhi akatanga kubvunza Mwari,+ achiti: “Ndiende kunorwa nevaFiristiya here? Muchavaisa muruoko rwangu here?” Jehovha akati kwaari: “Enda, ndichavaisa muruoko rwako.” 11 Naizvozvo Dhavhidhi akaenda kuBhaari-perazimu+ akavauraya ikoko. Dhavhidhi akati: “Mwari wechokwadi aputsa vavengi vangu achishandisa ruoko rwangu sepakaputswa nemvura.” Ndokusaka vakatumidza nzvimbo iyoyo+ kuti Bhaari-perazimu. 12 Naizvozvo vakasiya vanamwari vavo ipapo.+ Dhavhidhi akabva ataura shoko, vakapiswa nomoto.+
13 Gare gare vaFiristiya vakarwisazve mubani.+ 14 Dhavhidhi akabva abvunzazve+ Mwari, Mwari wechokwadi akabva ati kwaari: “Usavatevera. Pota neseri kwavo, usvike pavari uri pakatarisana nemakwenzi emibheka.+ 15 Zvino paunonzwa mutsindo wokufora pamusoro pemakwenzi emibheka,+ ibva waenda kunorwa,+ nokuti Mwari wechokwadi achange afanotungamira pamberi pako+ kunoparadza musasa wevaFiristiya.” 16 Naizvozvo Dhavhidhi akaita sezvaakanga arayirwa naMwari wechokwadi,+ ivo vakaparadza musasa wevaFiristiya kubvira kuGibhiyoni+ kusvikira kuGezeri.+ 17 Mukurumbira+ waDhavhidhi wakatanga kuenda kunyika dzose, Jehovha akaita kuti marudzi ose amutye.+