2 Makoronike
8 Zvino pakapera makore makumi maviri,+ ayo Soromoni akanga avaka imba yaJehovha+ neimba yake,+ 2 Soromoni akavakazve maguta akanga apiwa Soromoni naHiramu,+ akabva aita kuti vanakomana vaIsraeri vagare imomo. 3 Uyezve, Soromoni akaenda kuHamati-zobha akarikunda. 4 Akabva avakazve Tadmori murenje nemaguta ose okuchengetera zvinhu+ aakanga avaka muHamati.+ 5 Akavaka Bheti-horoni Rokumusoro+ neBheti-horoni Rezasi,+ maguta akanga akavakirirwa aine masvingo,+ masuo nemizariro,+ 6 neBhaarati+ nemaguta ose okuchengetera zvinhu akanga ava aSoromoni nemaguta ose engoro+ nemaguta evatasvi vemabhiza+ nezvinhu zvose zvakanaka zvaSoromoni+ zvaakanga ada kuvaka muJerusarema nomuRebhanoni+ nomunyika yose yaaitonga.
7 Asi vanhu vose vakanga vasara pavaHiti+ nevaAmori+ nevaPerizi+ nevaHivhi+ nevaJebhusi,+ vakanga vasiri vaIsraeri,+ 8 kubvira kuvanakomana vavo vakanga vasara munyika yacho, vakanga vasina kuparadzwa nevanakomana vaIsraeri,+ Soromoni akaramba achitora+ varume nokuda kwebasa rokumanikidzirwa kusvikira nhasi.+ 9 Asi pavanakomana vaIsraeri hapana vakaitwa varanda vebasa naSoromoni;+ nokuti vaiva varwi+ nevakuru vevabatsiri vake nevakuru vevatyairi vake vengoro+ nevevatasvi vake vemabhiza.+ 10 Ava ndivo vaiva vakuru vevatariri+ vaMambo Soromoni, mazana maviri nemakumi mashanu, vakuru vevanhu.+
11 Zvino Soromoni akabudisa mwanasikana waFarao+ muGuta raDhavhidhi+ akamuendesa kuimba yaakanga amuvakira,+ nokuti akati: “Kunyange ari mudzimai wangu, haafaniri kugara mumba maDhavhidhi mambo waIsraeri, nokuti nzvimbo dzakasvikwa neareka yaJehovha itsvene.”+
12 Panguva iyoyo Soromoni akapisira zvibayiro zvinopiswa+ kuna Jehovha paatari+ yaJehovha yaakanga avaka pamberi pevharanda,+ 13 sezvaifanira kuitwa zuva nezuva+ kupa zvinopiwa maererano nomurayiro waMosesi wemasabata+ newokugara kwomwedzi+ nowemitambo yakatarwa+ katatu pagore,+ pamutambo wemakeke asina kuviriswa+ nepamutambo wemavhiki+ nepamutambo wematumba.+ 14 Akagadzawo mapoka+ evapristi kuti atarisire mabasa avo maererano nomurau wababa vake Dhavhidhi,+ nevaRevhi+ panzvimbo dzavo dzebasa, kuti varumbidze,+ vashumire+ vari pamberi pevapristi sezvaifanira kuitwa zuva nezuva,+ nevachengeti vemagedhi mumapoka avo nokuda kwemagedhi akasiyana-siyana,+ nokuti iwoyo wakanga uri murayiro waDhavhidhi munhu waMwari wechokwadi. 15 Havana kutsauka pamurayiro wamambo wakapiwa vapristi nevaRevhi pamusoro penyaya chero ipi zvayo uye pamusoro pemigove.+ 16 Naizvozvo basa raSoromoni rose rakanga rakagadzirirwa+ kubvira pazuva rokuvakwa kwenheyo yeimba yaJehovha kusvikira rapera.+ Naizvozvo imba yaJehovha yakapera.+
17 Panguva iyoyo Soromoni akaenda kuEziyoni-gebheri+ nokuEroti+ pamhenderekedzo yegungwa munyika yeEdhomu.+ 18 Nguva dzose Hiramu+ aimutumira ngarava nevashandi vaiziva nezvomugungwa+ achishandisa vashandi vake, uye vaienda nevashandi vaSoromoni kuOfiri,+ votora ndarama+ yaisvika matarenda+ mazana mana nemakumi mashanu ikoko, vouya nayo kuna Mambo Soromoni.+