2 Makoronike
9 Zvino mambokadzi weShebha+ akanzwa mashoko pamusoro paSoromoni, akauya kuJerusarema kuzoedza Soromoni nemibvunzo yakaoma,+ aine mudungwe wevanhu waishamisa nengamera+ dzakanga dzakatakura mafuta ebharisamu,+ nendarama+ zhinji kwazvo, nematombo anokosha.+ Akazopinda maiva naSoromoni akataura naye pamusoro pezvinhu zvose zvaiva mumwoyo make.+ 2 Mukadzi wacho akaudzwawo nyaya dzake dzose naSoromoni,+ hapana chinhu chakanga chakavanzika kuna Soromoni chaasina kumuudza.+
3 Mambokadzi weShebha paakaona uchenjeri hwaSoromoni+ neimba yaakanga avaka,+ 4 nezvokudya zvaiiswa patafura yake+ nokugara kwaiita vashandi vake nebasa revashandi vake vaiuya nezvokudya patafura nezvipfeko zvavo,+ nevadiri vake+ nezvipfeko zvavo, nezvibayiro zvake zvinopiswa+ zvaaigara achipa paimba yaJehovha,+ zvakabva zvamupedza simba. 5 Naizvozvo akati kuna mambo: “Shoko randakanzwa nezvenyu ndiri kunyika yangu uye nezvouchenjeri hwenyu raiva rechokwadi.+ 6 Asi handina kutenda+ mashoko avo kusvikira ndauya kuti maziso angu aone;+ uye tarirai! ndanga ndisina kuudzwa kunyange hafu youkuru hwouchenjeri hwenyu.+ Munopfuura mashoko andakanzwa.+ 7 Vanofara+ varume venyu, uye vanofara vashandi venyu ava vanomira pamberi penyu nguva dzose, vachiteerera uchenjeri hwenyu.+ 8 Jehovha Mwari wenyu ngaarumbidzwe,+ akakufarirai+ nokukugadzai pachigaro chake choumambo+ kuti muve mambo nokuda kwaJehovha Mwari wenyu;+ nokuti Mwari wenyu akada+ rudzi rwaIsraeri, kuti arutsigire nokusingagumi, zvokuti akakugadzai kuti muve mambo+ wavo kuti muite zvakatongwa+ uye zvakarurama.”+
9 Akabva apa mambo matarenda endarama+ zana nemakumi maviri, nemafuta ebharisamu+ mazhinji kwazvo, nematombo anokosha;+ uye pakanga pasati pambova nemafuta ebharisamu akaita seakapiwa Mambo Soromoni namambokadzi weShebha.+
10 Uyewo, vashandi vaHiramu+ nevashandi vaSoromoni vaiuya nendarama+ kubva kuOfiri, vakauyawo nematanda emiarigamu+ nematombo anokosha.+ 11 Mambo akagadzira matanho+ eimba yaJehovha neeimba yamambo+ uye udimbwa+ nezviridzwa zvine tambo+ zvevaimbi+ achishandisa matanda emiarigamu, uye matanda akadaro akanga asati amboonekwa munyika yaJudha.
12 Mambo Soromoni akapa+ mambokadzi weShebha zvose zvaaifarira zvaakanga akumbira, tisingabatanidzi kukosha kwezvaakaunza kuna mambo. Naizvozvo akatendeuka, akaenda kunyika yake, iye pamwe chete nevashandi vake.+
13 Ndarama yakauya kuna Soromoni mugore rimwe chete yairema matarenda endarama mazana matanhatu nemakumi matanhatu nematanhatu,+ 14 tisingabatanidzi yevarume vaifamba vachitengesa nevashambadzi+ vaiuya nezvinhu nemadzimambo ose evaArabhu+ nemagavhuna enyika vaiuya nendarama nesirivha kuna Soromoni.
15 Mambo Soromoni akagadzira nhoo huru mazana maviri achishandisa ndarama yakanga yakasanganiswa nedzimwe simbi+ (akaisa mashekeri mazana matanhatu endarama yakasanganiswa nedzimwe simbi panhoo huru imwe neimwe),+ 16 nenhoo duku mazana matatu dzendarama yakasanganiswa nedzimwe simbi (akaisa mamaina matatu endarama panhoo duku imwe neimwe).+ Mambo akabva adziisa muImba yeSango reRebhanoni.+
17 Mambo akagadzirawo chigaro chikuru choumambo nenyanga dzenzou, akachifukidza nendarama chaiyo.+ 18 Paiva nematanho matanhatu aikwira kuchigaro chacho choumambo, uye pachigaro chacho paiva nechitsiko chetsoka chendarama (zvakanga zvakabatanidzwa), uye chaiva nezvokutsamidza maoko kurutivi rwuno nokurutivi urwo pedyo nenzvimbo yokugara, uye shumba+ mbiri dzakanga dzakamira pedyo nezvokutsamidza maoko.+ 19 Paiva neshumba+ gumi nembiri dzakanga dzakamira pamatanho matanhatu acho kurutivi rwuno nokurutivi urwo. Hapana humwe umambo hwakambogadzira chakafanana nacho.+ 20 Midziyo yose yokunwira+ yaMambo Soromoni yaiva yendarama,+ uye midziyo yose yeImba yeSango reRebhanoni+ yaiva yendarama chaiyo. Pakanga pasina chinhu chesirivha; iyo yaisamboonekwa sechinhu+ mumazuva aSoromoni. 21 Nokuti ngarava dzamambo dzaienda kuTashishi+ dziine vashandi vaHiramu.+ Kamwe chete pamakore matatu oga oga ngarava dzeTashishi dzaiuya, dzakatakura ndarama nesirivha,+ nyanga dzenzou,+ netsoko nemapikoko.+
22 Naizvozvo Mambo Soromoni akanga aine pfuma+ nouchenjeri+ kupfuura mamwe madzimambo ose epanyika. 23 Madzimambo ose epanyika akanga achitsvaka+ kutaura naSoromoni kuti anzwe uchenjeri hwake,+ hwakanga hwaiswa mumwoyo make naMwari wechokwadi.+ 24 Gore negore, mumwe nomumwe aiuya nechipo chake,+ zvinhu zvesirivha nezvinhu zvendarama+ nenguo,+ zvombo nemafuta ebharisamu, mabhiza nemanyurusi.+ 25 Soromoni akava nematanga emabhiza+ zviuru zvina nengoro+ uye mabhiza ehondo zviuru gumi nezviviri, akaita kuti zvirambe zviri mumaguta engoro,+ pedyo namambo muJerusarema. 26 Akava mutongi wemadzimambo ose kubvira kuRwizi kusvikira kunyika yevaFiristiya uye kusvikira kumuganhu weIjipiti.+ 27 Mambo akaitawo kuti sirivha yaiva muJerusarema ive sematombo; uye akaita kuti matanda omusidhari awande kwazvo+ semitsamvi+ iri muShefera.+ 28 Kwaiva nevaya vaiuya nemabhiza+ kuna Soromoni achibva kuIjipiti+ nokune dzimwe nyika dzose.
29 Mamwe mabasa ose aSoromoni,+ okutanga neokupedzisira, haana kunyorwa here pamashoko omuprofita Natani+ nomuuprofita hwaAhija+ muShiro+ uye mune zvakanyorwa zvakaratidzwa muoni Idho+ pamusoro paJerobhoamu+ mwanakomana waNebhati?+ 30 Soromoni akaramba achitonga vaIsraeri vose kwemakore makumi mana ari muJerusarema. 31 Soromoni akazorara nemadzitateguru ake. Naizvozvo vakamuviga muGuta rababa vake Dhavhidhi;+ uye mwanakomana wake Rehobhoamu+ akatanga kutonga panzvimbo pake.+