Jobho
34 Zvino Erihu akaenderera mberi achipindura kuti:
2 “Teererai mashoko angu, imi vakachenjera;
Nditeererei, imi vanoziva.
4 Ngatizvisarudzirei kutonga kwakarurama;
Tose ngatizivei kuti zvakanaka ndezvipi.
6 Ndinoreva nhema pamusoro pekodzero yangu yokuti nditongwe zvakarurama here?
Ronda rangu rinorwadza harirapiki kunyange zvazvo ndisina kudarika.’+
10 Naizvozvo, nditeererei imi varume vane mwoyo ine njere.+
Mwari wechokwadi haamboiti zvakaipa,+
Uye Wemasimbaose haamboiti zvisina kururama!+
11 Nokuti achapa munhu wepanyika mubayiro+ unoenderana nemaitiro ake,
Uye achaita kuti munhu awane zvinoenderana negwara rake.
13 Ndiani akamupa nyika,
Uye ndiani akamupa nyika inobereka, yose zvayo?
14 Kana akaisa mwoyo wake pane mumwe munhu,
Kana akadzosa kwaari simba roupenyu nemhepo yokufema zvomunhu iyeye,+
15 Zvipenyu zvose zvenyama zvichaparara pamwe chete,
Uye munhu wepanyika achadzokera kuguruva chaiko.+
16 Naizvozvo kana uchinzwisisa, inzwa izvi;
Teerera mashoko angu.
17 Chokwadi chero munhu upi zvake anovenga kururamisira angatonga here,+
Uye kana munhu ane simba akarurama, ungamuti akaipa here?+
19 Kune Mumwe asingasaruri machinda
Uye asina hanya nomunhu anokudzwa kupfuura zvaanoita nomunhu akaderera,+
Nokuti vose zvavo ibasa remaoko ake.+
20 Vanofa nenguva pfupi,+ kunyange pakati pousiku;+
Vanhu vanogwagwadza vopfuura,
Uye vane simba vanobviswa zvisingaitwi noruoko.+
23 Nokuti haatari nguva yokuti chero munhu upi zvake
Aende pamberi paMwari kunotongwa.
26 Anovarova sevanhu vakaipa
Vari panzvimbo inoonekwa nevanhu vose;+
27 Nokuti vakarega kumutevera,+
Uye havana kuva nehanya nenzira dzake dzose,+
28 Kuti vaite kuti kuchema kwomunhu akaderera kusvike kwaari;
Naizvozvo anonzwa kuchema kwevanotambudzika.+
29 Paanoita kuti pave norunyararo, ndiani angamupa mhosva?
Paanovanza chiso chake,+ ndiani angamuona,
Kunyange akazviitira rudzi+ kana munhu, icho zvachiri chinhu chakafanana?
31 Nokuti pane munhu here angati kuna Mwari,
‘Ndatambura, kunyange zvazvo ndisingaiti zvakaipa;+
32 Kunyange zvazvo pasina chandinoona, imi ndirayiridzei;
Kana paine chinhu chisina kururama chandakaita,
Handizochiitizve’?+
33 Iye achazvitsiva sezvaunoda here nokuti unoramba kutongwa,
Nokuti ndiwe unosarudza, kwete ini?
Taura zvaunonyatsoziva.
34 Varume vane mwoyo ine njere+ vachati kwandiri—
Kunyange murume akachenjera anonditeerera achati,
35 ‘Jobho anotaura asina zivo,+
Mashoko ake ndeokushayiwa njere.’