Rwiyo rwaDhavhidhi.
138 Ndichakurumbidzai nomwoyo wangu wose.+
Ndichakuimbirai pamberi pevamwe vanamwari.+
2 Ndichakotama ndakatarira kutemberi yenyu tsvene,+
Ndicharumbidza zita renyu,+
Nokuda kwomutsa wenyu worudo+ uye nokuda kwechokwadi chenyu.+
Nokuti makakudza zvamakataura+ kutopfuura zita renyu rose.+
3 Pazuva randakashevedzera, makandipindurawo;+
Makashingisa mweya wangu nesimba.+
4 Madzimambo ose epanyika achakurumbidzai, haiwa Jehovha,+
Nokuti achange anzwa zvamunotaura nomuromo wenyu.
5 Achaimba nezvenzira dzaJehovha,+
Nokuti kubwinya kwaJehovha kukuru.+
6 Nokuti Jehovha akakwirira, uye anoona munhu anozvininipisa;+
Asi munhu anozvikudza anongomuziva ari kure.+
7 Kana ndikafamba pakati pokutambudzika, muchandichengetedza ndiri mupenyu.+
Muchatambanudza ruoko rwenyu nokuda kwehasha dzevavengi vangu,+
Uye ruoko rwenyu rworudyi ruchandiponesa.+
8 Jehovha achapedza zvinhu zvine chokuita neni.+
Haiwa Jehovha, mutsa wenyu worudo unogara nokusingagumi.+
Musarega mabasa emaoko enyu.+