Mapisarema
Rwiyo rwaDhavhidhi.
141 Haiwa Jehovha, ndakadana kwamuri.+
Chimbidzai kuuya kwandiri.+
Teererai inzwi rangu pandinoshevedzera kwamuri.+
2 Munyengetero wangu ngaugadzirirwe serusenzi+ pamberi penyu,+
Iko kusimudza zvanza zvangu sechinopiwa chezviyo chemanheru.+
4 Regai kuita kuti mwoyo wangu urerekere kuchinhu chero chipi zvacho chakaipa,+
Kuti ndirambe ndichiita mabasa omukurumbira wakaipa mune zvakaipa+
Pamwe chete nevanhu vanoita zvinhu zvinokuvadza,+
Kuti ndisadya zvinhu zvavo zvinonaka.+
5 Kana munhu akarurama akandirova, waizova mutsa worudo;+
Kana akanditsiura, aizova mafuta omusoro wangu,+
Ayo musoro wangu waisazoda kuramba.+
Nokuti ndaizongonyengetera kunyange munguva yokutambudzika kwavo.+
7 Sezvinoitika munhu paanotsemura nokubanzura huni ari panyika dzichiti mwarara,
Mapfupa edu akati mwararawo pamuromo peSheori.+
8 Zvisinei, maziso angu ari kwamuri,+ haiwa Jehovha Changamire Ishe.+
Ndakapotera kwamuri.+
Musadurura mweya wangu.+