147 Rumbidzai Jah,+
Nokuti zvakanaka kuimbira Mwari wedu;+
Nokuti zvinofadza—kurumbidza kwakakodzera.+
2 Jehovha ari kuvaka Jerusarema;+
Anounganidza vakaparadzirwa vaIsraeri.+
3 Anoporesa+ vakaora mwoyo,+
Uye anosunga panovarwadza.+
4 Anoverenga nyeredzi kuti ingani;+
Anodzishevedza dzose nemazita adzo.+
5 Ishe wedu mukuru uye ane simba guru;+
Kunzwisisa kwake hakurondedzereki.+
6 Jehovha anobatsira vanyoro;+
Anowisira vakaipa pasi.+
7 Imbirai Jehovha muchibvumirana, muchimuonga;+
Imbirai Mwari wedu norudimbwa,+
8 Iye anofukidza matenga nemakore,+
Iye anogadzirira nyika mvura,+
Iye anoita kuti uswa hwakasvibirira humere+ pamakomo.
9 Anopa mhuka zvokudya zvadzo,+
Pamwe chete nemanyana emakunguo anoramba achishevedzera.+
10 Haafariri simba rebhiza,+
Uyewo haafariri kumhanya kwemakumbo omunhu.+
11 Jehovha anofarira vaya vanomutya,+
Vaya vanomirira mutsa wake worudo.+
12 Kudza Jehovha,+ haiwa iwe Jerusarema.
Rumbidza Mwari wako, haiwa iwe Ziyoni.+
13 Nokuti akasimbisa mizariro yemagedhi ako;
Akakomborera vanakomana vako vari mukati mako.+
14 Anoisa rugare munharaunda yako;+
Anoramba achikugutsa nemafuta egorosi.+
15 Anotuma zvaanotaura panyika;+
Shoko rake rinomhanya kwazvo.
16 Anopa chando sezvaanoita mvere dzemakwai;+
Anoparadzira mazaya echando sezvinongoitwa madota.+
17 Anokanda mvura yake yakaita chando sezvimedu.+
Ndiani angamira kana chando chake chauya?+
18 Anotuma shoko+ rake ozvinyungudutsa.
Anoita kuti mhepo yake ivhuvhute;+
Mvura inoyerera.
19 Anozivisa Jakobho shoko rake,+
Uye Israeri mirau+ yake nezvaakatonga.+
20 Haana kuitira chero rudzi rupi zvarwo saizvozvo;+
Kana zviri zvaakatonga, havana kuzviziva.+
Rumbidzai Jah!+