148 Rumbidzai Jah!+
Rumbidzai Jehovha muri kumatenga,+
Murumbidzei muri munzvimbo dzakakwirira.+
2 Murumbidzei, imi mose ngirozi dzake.+
Murumbidzei, imi mose uto rake.+
3 Murumbidzei, imi zuva nomwedzi.+
Murumbidzei, imi mose nyeredzi dzechiedza.+
4 Murumbidzei, imi matenga okumatenga,+
Nemi mvura iri pamusoro pematenga.+
5 Ngazvirumbidze zita raJehovha;+
Nokuti iye akarayira, izvo zvikasikwa.+
6 Iye anoramba akazvimisa nokusingaperi, nokusingagumi.+
Akazvipa murau, uye hauzopfuuri.+
7 Rumbidzai Jehovha muri panyika,+
Imi mazimhuka omugungwa nemi mose mvura yakadzika,+
8 Imi moto nechimvuramabwe, chando noutsi hutema-tema,+
Iwe dutu guru, rinoita zvaakataura,+
9 Imi makomo nemi mose zvikomo,+
Imi miti yemichero nemi mose misidhari,+
10 Imi mhuka dzomusango nemi mose zvipfuwo,+
Imi zvinhu zvinokambaira neshiri dzine mapapiro,+
11 Imi madzimambo enyika+ nemi mose mapoka emarudzi,
Imi machinda+ nemi mose vatongi venyika,+
12 Imi majaya+ nemiwo mhandara,+
Imi vakweguru+ pamwe chete nevakomana.+
13 Zvose ngazvirumbidze zita raJehovha,+
Nokuti zita rake roga ndiro riri kumusoro kusingasvikiki.+
Kukudzwa kwake kuri kumusoro kwenyika nedenga.+
14 Iye achakwidziridza nyanga yevanhu vake,+
Uye kurumbidzwa kwevakavimbika vake vose,+
Kwevanakomana vaIsraeri, ivo vanhu vari pedyo naye.+
Rumbidzai Jah!+