Rwiyo rwaDhavhidhi paaitiza mwanakomana wake Absaromu.+
3 Haiwa Jehovha, nei mhandu dzangu dzawanda?+
Nei vazhinji vari kundimukira?+
2 Vazhinji vari kuti nezvomweya wangu:
“Haasi kuzoponeswa naMwari.”+ Sera.
3 Asi imi, haiwa Jehovha, muri nhoo kumativi angu ose,+
Kukudzwa+ kwangu uye Iye anosimudza musoro wangu.+
4 Ndichadana Jehovha nenzwi rangu,
Iye achandipindura ari pagomo rake dzvene.+ Sera.
5 Ini ndicharara pasi kuti ndibatwe nehope;
Ndichamuka, nokuti Jehovha anoramba achinditsigira.+
6 Handizotyi zviuru zvevanhu zvine gumi,
Vaya vakagadzirira kundirwisa, vakandikomba.+
7 Haiwa Jehovha, simukai!+ Ndiponesei,+ haiwa Mwari wangu!+
Nokuti mucharova vavengi vangu vose pashaya dzavo.+
Muchagura mazino evakaipa.+
8 Ruponeso ndorwaJehovha.+
Chikomborero chenyu chiri pavanhu venyu.+ Sera.