Mapisarema
Kumutungamiriri. Rwiyo rwevanakomana vaKora+ rweVasikana.
46 Mwari ndiye nzvimbo yedu yokupotera nesimba redu,+
Rubatsiro runowanika zviri nyore pakutambudzika.+
2 Ndokusaka tisingazotyi, kunyange kana nyika ikachinja+
Uye kunyange makomo akazununguka achipinda mumwoyo wegungwa guru;+
3 Kunyange mvura yaro ikava isina kugadzikana, ichipupuma,+
Kunyange makomo akazununguka parinovinduka.+ Sera.
4 Pane rwizi rune hova dzinoita kuti guta raMwari rifare,+
Iyo tebhenekeri huru tsvenetsvene yoWokumusorosoro.+
5 Mwari ari pakati peguta racho;+ iro harizozununguswi.+
Mwari acharibatsira pakutanga kwemangwanani.+
9 Anogumisa hondo kusvikira kumugumo wenyika.+
Anotyora uta uye anogura-gura pfumo;+
Anopisa ngoro nomoto.+