Kumutungamiriri wezviridzwa zvine tambo zvinoririra pasi pasi.+ Rwiyo rwaDhavhidhi.
6 Haiwa Jehovha, musanditsiura makatsamwa,+
Musandiruramisa makashatirwa.+
2 Ndinzwirei nyasha, haiwa Jehovha, nokuti ndiri kupera.+
Ndiporesei,+ haiwa Jehovha, nokuti mapfupa angu anetseka.
3 Chokwadi, mweya wangu wanetseka kwazvo;+
Uye imi, haiwa Jehovha—kusvikira rini?+
4 Dzokai,+ haiwa Jehovha, nunurai mweya wangu;+
Ndiponesei nokuda kwomutsa wenyu worudo.+
5 Nokuti imi hamutaurwi murufu;+
Ndiani achakurumbidzai ari muSheori?+
6 Simba rangu rapera nokugomera kwangu;+
Usiku hwose ndinonyorovesa kwazvo pandinorara;+
Ndinozadza mubhedha wangu nemisodzi yangu.+
7 Ziso rangu raneta nenhamo,+
Rakwegura nokuda kwavose vanondivenga.+
8 Ibvai kwandiri, imi mose vanoita zvinhu zvinokuvadza,+
Nokuti Jehovha achanzwa inzwi rokuchema kwangu.+
9 Jehovha achanzwa kukumbira kwangu kunzwirwa nyasha;+
Jehovha achagamuchira munyengetero wangu.+
10 Vavengi vangu vose vachanyara+ kwazvo uye vachanetseka;
Vachadzoka, vachabva vanyara.+