Mapisarema
Rumbo, rwiyo rwevanakomana vaKora. Kumutungamiriri weMaharati pakupindura. Maskiri yaHemani+ muEzrahi.
2 Munyengetero wangu uchauya pamberi penyu.+
Rerekai nzeve yenyu munzwe kuchema kwangu kwokuteterera.+
4 Ndinoverengwa pamwe chete nevaya vari kuburukira mugomba;+
Ndava somurume asina simba,+
Sevanhu vakaurayiwa varere mumakuva,+
Vamusina kuyeukazve
Uye vakabviswa paruoko rwenyu runobatsira.+
8 Makaisa vandinozivana navo kure neni;+
Makaita kuti ndive chinhu chinosemesa kwazvo kwavari.+
Ndakavharirwa uye handigoni kubuda.+
9 Ziso rangu raneta nokuda kwokutambudzika kwangu.+
Ndakashevedzera kwamuri, haiwa Jehovha, zuva rose;+
Ndakatambanudzira zvanza zvangu kwamuri.+
10 Muchaitira vaya vakafa chishamiso here?+
Kana kuti vaya vasina simba vari murufu vachamuka here,+
Vachakurumbidzai here?+ Sera.
12 Chishamiso chamuchaita chichazivikanwa murima,+
Kana kuti kururama kwenyu munyika yokukanganwa+ here?
13 Asi ini ndakachemera kuti ndibatsirwe nemi, haiwa Jehovha,+
Munyengetero wangu unoramba uchiuya pamberi penyu mangwanani.+
15 Ndakatambudzika kubvira ndichiri mukomana kusvikira iye zvino pandave kuda kufa;+
Ndakatambura kwazvo nezvinhu zvinotyisa zvakabva kwamuri.+