Rwiyo rwaSoromoni
4 “Tarira! Wakanaka,+ haiwa iwe musikana wangu. Tarira! Wakanaka. Maziso ako akaita seaya enjiva,+ seri kwechifukidziro chako.+ Bvudzi rako rakaita seboka rembudzi+ dzakwakuka dzichidzika kubva munzvimbo ine makomo yeGiriyedhi.+ 2 Mazino ako akaita seboka renhunzvi dzemakwai dzichangobva kuveurwa dzabva kunogezwa,+ dzose dzinobereka vana vaviri vaviri, pasina imwe yadzo yakarasikirwa nevana vayo. 3 Miromo yako yakaita seshinda tsvuku, uye kutaura kwako kunofadza.+ Zvavovo zvako zviri seri kwechifukidziro chako zvakaita sedivi repomegraneti rakatsemurwa.+ 4 Mutsipa wako+ wakaita seshongwe+ yaDhavhidhi, yakavakwa nematombo akaturikidzana, panoturikwa nhoo dzine chiuru, nhoo dzose dzakaita raundi+ dzevarume vane simba. 5 Mazamu ako maviri+ akaita sevana vaviri, vana vemhara hadzi vakaberekwa vari vaviri, vari kufura pakati pemaruva.”+
6 “Ndichaenda kugomo remura nokuchikomo chezvinonhuhwirira zvichena,+ kusati kwava kufefetera+ uye mimvuri isati yatiza.”
7 “Wakanaka,+ haiwa iwe musikana wangu, uye hapana pawakaremara.+ 8 Ngatibvei tose kuRebhanoni, haiwa iwe mwenga,+ ngatibvei tose kuRebhanoni.+ Buruka pamusoro peAmana, pamusoro peSeniri+ nepeHemoni,+ panzvimbo dzinogara shumba, pamakomo eingwe. 9 Waita kuti mwoyo wangu urove, haiwa iwe hanzvadzi yangu,+ mwenga wangu,+ waita kuti mwoyo wangu urove nerimwe remaziso ako,+ nechishongo chimwe chete chomuhuro mako, chinorembera. 10 Kuratidza kwako rudo kwakanaka sei,+ haiwa iwe hanzvadzi yangu, mwenga wangu! Kuratidza kwako rudo kuri nani sei kupfuura waini, uye kunhuhwirira kwemafuta ako kupfuura zvinonhuhwirira zvemarudzi ose!+ 11 Miromo yako inoramba ichidonha uchi hwomumazinga,+ haiwa iwe mwenga wangu. Uchi+ nomukaka zviri pasi porurimi rwako, uye kunhuhwirira kwenguo dzako kwakafanana nokunhuhwirira+ kweRebhanoni. 12 Hanzvadzi yangu, mwenga wangu, munda wakakomberedzwa,+ wakafanana nomunda wakakomberedzwa, chitubu chakavharirwa. 13 Ganda rako iparadhiso yemiti yemipomegraneti, ine michero yakanaka kwazvo,+ mihena pamwe chete neminadhi;+ 14 nadhi+ nesafuroni,+ ipwa+ dzinonhuhwirira uye sinamoni,+ pamwe chete nemiti yezvinonhuhwirira zvichena yemarudzi ose, mura nearosi,+ pamwe chete nezvinonhuhwirira zvose zvakanaka kwazvo;+ 15 chitubu cheminda, tsime remvura yakachena,+ uye hova dzinoyerera zvinyoronyoro dzinobva kuRebhanoni.+ 16 Muka, haiwa iwe mhepo yokuchamhembe, uye uya, haiwa iwe mhepo yokumaodzanyemba.+ Fefetera pamunda wangu.+ Zvinonhuhwirira zvawo ngazvipararire.”
“Mudiwa wangu ngaapinde mumunda wake, adye michero yawo yakanaka kwazvo.”