Hosiya
1 Iri ndiro shoko raJehovha+ rakauya kuna Hosiya+ mwanakomana waBheeri mumazuva+ aUziya,+ Jotamu,+ Ahazi+ naHezekiya,+ madzimambo aJudha, nomumazuva aJerobhoamu+ mwanakomana waJoashi,+ mambo waIsraeri. 2 Zvino shoko raJehovha rakatanga kuuya kuna Hosiya, Jehovha akati kuna Hosiya: “Enda,+ uwane mudzimai woufeve nevana voufeve, nokuti chokwadi nyika iri kurega kutevera Jehovha nokuda kwoufeve.”+
3 Zvino akaenda, akatora Gomeri mwanasikana waDhibraimu, iye akava nepamuviri uye kwapera nguva yakati akamuberekera mwanakomana.+
4 Jehovha akati kwaari: “Mutumidze kuti Jezreeri,+ nokuti munguva duku ndichaita kuti imba yaJehu+ izvidavirire nokuda kwemabasa okuteura ropa okuJezreeri, uye ndichagumisa kutonga kwoumambo hweimba yaIsraeri.+ 5 Zvino nezuva iroro ndichatyorera uta+ hwaIsraeri mubani reJezreeri.”
6 Pane imwe nguva akava nepamuviri, akabereka mwanasikana. Mwari akamuti: “Mutumidze kuti Ro-ruhama,+ nokuti handizonzwirizve imba yaIsraeri ngoni,+ nokuti chokwadi ndichavabvisa.+ 7 Asi ndichanzwira imba yaJudha ngoni,+ ndichavaponesa naJehovha Mwari wavo;+ asi handizovaponesi nouta kana nebakatwa kana nokurwa, nemabhiza kana nevatasvi vemabhiza.”+
8 Akazorumura Ro-ruhama, akavazve nepamuviri, akabereka mwanakomana. 9 Naizvozvo Mwari akati: “Mutumidze kuti Ro-ami, nokuti imi hamusi vanhu vangu uye ini handizovi wenyu.
10 “Zvino vanakomana vaIsraeri vachawanda sejecha regungwa risingagoni kuyerwa kana kuverengwa.+ Munzvimbo mavaimbonzi, ‘Hamusi vanhu vangu,’+ vachanzi, ‘Vanakomana vaMwari mupenyu.’+ 11 Vanakomana vaJudha nevanakomana vaIsraeri vachaunganidzwa pamwe chete vakabatana+ uye vachagadza mukuru mumwe chete, vobuda munyika yacho,+ nokuti zuva reJezreeri richava guru.+