Revhitiko
3 “‘Zvino kana chinopiwa chake chiri chibayiro chokugoverana,+ kana achiuya nacho chiri chemombe, ingava hono kana hadzi, ngaauye neyakanaka+ pamberi paJehovha. 2 Anofanira kuisa ruoko rwake pamusoro+ wechinopiwa chake, uye chinofanira kuurayirwa pasuo retende rokusanganira; uye vanakomana vaAroni, ivo vapristi, vanofanira kusasa ropa racho kumativi ose pamusoro peatari. 3 Iye anofanira kuuya nezvimwe zvechibayiro chokugoverana kuti chive chinopiwa chinopisirwa Jehovha nomoto, zvinoti, mafuta+ anofukidza ura, iwo mafuta ose ari paura,+ 4 neitsvo mbiri+ nemafuta ari padziri, aya ari muhudyu. Asi manda iri pachiropa, ngaaibvise pamwe chete neitsvo dzacho. 5 Vanakomana vaAroni+ vanofanira kuita kuti chipfungaire+ paatari, pamusoro pechinopiwa chinopiswa chiri pahuni+ dziri pamoto, kuti chive chinopiwa chinopiswa nomoto chokunhuhwirira+ kwakanaka kunoitirwa Jehovha.
6 “‘Kana chinopiwa chake chiri chemakwai chokuti chive chibayiro chokugoverana kuna Jehovha, gono kana gadzi, ngaauye nerakanaka.+ 7 Kana ari kuuya negondohwe duku kuti chive chinopiwa chake, anofanira kuuya naro pamberi paJehovha.+ 8 Anofanira kuisa ruoko rwake pamusoro+ wechinopiwa chake, uye chinofanira kuurayirwa+ pamberi petende rokusanganira; uye vanakomana vaAroni vanofanira kusasa ropa racho kumativi ose pamusoro peatari. 9 Zvino pachibayiro chokugoverana anofanira kuuya nemafuta acho kuti ave chinopiwa chinopisirwa Jehovha nomoto.+ Ngaabvise muswe wose uzere nemafuta+ pedyo nomuzongoza, uye mafuta anofukidza ura, iwo mafuta ose ari paura,+ 10 neitsvo mbiri nemafuta ari padziri, aya ari muhudyu. Asi manda+ iri pachiropa, ngaaibvise pamwe chete neitsvo dzacho. 11 Mupristi anofanira kuita kuti chipfungaire+ paatari sezvokudya,+ chinopiwa chinopisirwa Jehovha nomoto.
12 “‘Zvino kana mbudzi+ iri iyo chinopiwa chake, anofanira kuuya nayo pamberi paJehovha. 13 Anofanira kuisa ruoko rwake pamusoro wayo,+ uye inofanira kuurayirwa+ pamberi petende rokusanganira; uye vanakomana vaAroni vanofanira kusasa ropa rayo kumativi ose pamusoro peatari. 14 Ngaauye nemafuta anofukidza ura anobva pairi, iwo mafuta ose ari paura, kuti ave chinopiwa chake, chinopiwa chinopisirwa Jehovha nomoto,+ 15 neitsvo mbiri nemafuta ari padziri, aya ari muhudyu. Asi manda iri pachiropa, ngaaibvise pamwe chete neitsvo dzacho. 16 Mupristi anofanira kuita kuti zvipfungaire paatari sezvokudya, chinopiwa chinopiswa nomoto chokunhuhwirira kwakanaka. Mafuta ose ndeaJehovha.+
17 “‘Uyu murau nokusingagumi kuzvizvarwa zvenyu zvose, munzvimbo dzenyu dzose dzamunogara: Hamufaniri kumbodya mafuta kana ropa.’”+