Zekariya
5 Zvino ndakatarirazve ndikaona; uye tarira! paiva nomupumburu+ waibhururuka. 2 Naizvozvo iyo yakati kwandiri: “Uri kuonei?”+
Ini ndikati: “Ndiri kuona mupumburu uri kubhururuka, wakareba makubhiti makumi maviri, uye wakafara makubhiti gumi.”
3 Yakabva yati kwandiri: “Uku ndiko kutuka kuri kuenda panyika pose,+ nokuti maererano nokutuka kwakanyorwa kurutivi urwu, vanhu vose vari kuba+ havasi kurangwa; uye vanhu vose vari kupika mhiko,+ maererano nokutuka kwakanyorwa kurutivi urwo,+ havasi kurangwa. 4 ‘Ndaita kuti kubude,’ ndizvo zvinotaura Jehovha wemauto, ‘uye kuchapinda muimba yembavha nomuimba youya ari kupika mhiko nezita rangu zvenhema;+ uye iko kuchagara muimba yake, kwoiparadza pamwe chete nematanda ayo nematombo ayo.’”+
5 Zvino ngirozi yakanga ichitaura neni yakauya ikati kwandiri: “Ndapota, tarira, uone kuti chiri kubuda ichi chii.”
6 Naizvozvo ndakati: “Chii?”
Iyo ikati: “Ichi ndicho chiyero cheefa chiri kubuda.” Ikatizve: “Uku ndiko kutaridzika kwavo munyika yose.” 7 Zvino tarira! chivharo cheraundi chakagadzirwa nomutobvu chakasimudzwa; uye uyu ndiye mumwe mukadzi agere mukati meefa yacho. 8 Naizvozvo yakati: “Uhwu Uipi.” Yakamuwisirazve mukati meefa+ yacho, ichibva yakanda mutobvu unorema pamuromo wayo.
9 Ndakatarira, ndikaona vakadzi vaviri vachiuya, uye mhepo yaiva mumapapiro avo. Vaiva nemapapiro akaita semapapiro eshuramurove. Vakasimudza efa yacho zvishoma nezvishoma, ikava pakati penyika nematenga. 10 Naizvozvo ndakati kungirozi yakanga ichitaura neni: “Vari kuenda kupi neefa yacho?”
11 Iyo ikatiwo kwandiri: “Kuti vamuvakire+ imba munyika yeShinari;+ uye ichasimbiswa kwazvo, uye iye achaiswa ikoko panzvimbo yake yakakodzera.”