Numeri
13 Zvino Jehovha akataura naMosesi, achiti: 2 “Tuma varume kuti vanosora nyika yeKenani, yandichapa vanakomana vaIsraeri.+ Utume murume mumwe wedzinza rimwe nerimwe reimba yemadzibaba ake, mumwe nomumwe ari jinda+ pakati pavo.”
3 Naizvozvo Mosesi akavatuma kubva kurenje reParani+ arayirwa naJehovha. Varume vacho vose vaiva vakuru vevanakomana vaIsraeri. 4 Aya ndiwo mazita avo: Wedzinza raRubheni, Shamua mwanakomana waZakuri; 5 wedzinza raSimiyoni, Shafati mwanakomana waHori; 6 wedzinza raJudha, Karebhi+ mwanakomana waJefune; 7 wedzinza raIsakari, Igari mwanakomana waJosefa; 8 wedzinza raEfremu, Hoshea+ mwanakomana waNuni; 9 wedzinza raBhenjamini, Pariti mwanakomana waRafu; 10 wedzinza raZebhuruni, Gadhieri mwanakomana waSodhi; 11 wedzinza raJosefa,+ nokuda kwedzinza raManase,+ Gadhi mwanakomana waSusi; 12 wedzinza raDhani, Amieri mwanakomana waGemari; 13 wedzinza raAsheri, Seturi mwanakomana waMikaeri; 14 wedzinza raNaftari, Nabhi mwanakomana waVhofisi; 15 wedzinza raGadhi, Geueri mwanakomana waMaki. 16 Aya ndiwo mazita evarume vakatumwa naMosesi kuti vanosora nyika yacho. Mosesi akaramba achishevedza Hoshea, mwanakomana waNuni kuti Jehoshua.+
17 Mosesi paakanga achivatuma kuti vanosora nyika yeKenani, iye akati kwavari: “Endai neapa mupinde muNegebhu,+ mukwire munzvimbo ine makomo.+ 18 Munofanira kuona kuti nyika yacho yakadini+ nevanhu vagere imomo, kana vaine simba kana vasina simba, kana vari vashoma kana vazhinji; 19 uye kuti nyika yavagere mairi yakadini, kana yakanaka kana yakaipa, uye kuti maguta avagere maari akadini, kana vagere mumisasa kana mukati memasvingo; 20 kuti nyika yacho yakadini, kana yakaorera kana isina kuorera,+ kana iine miti kana kuti kwete. Munofanira kuva vakashinga,+ mutore zvimwe zvibereko zvenyika yacho.” Zvino mazuva acho aiva mazuva emichero yaitanga kuibva yemazambiringa.+
21 Naizvozvo vakaenda, vakanosora nyika yacho kubvira kurenje reZini+ kusvikira kuRehobhu+ iri nechokumuganhu weHamati.+ 22 Pavakapinda muNegebhu,+ vakabva vasvika kuHebroni.+ Zvino Ahimani, Sheshai naTarimai,+ vaya vakaberekwa naAnaki,+ vaiva imomo. Sezvineiwo Hebroni+ rakanga ravakwa makore manomwe Zoani+ reIjipiti risati ravakwa. 23 Pavakasvika kumupata une rukova weEshkori,+ vakabva vatema bazi raiva nesumbu remazambiringa ipapo.+ Varume vaviri vakaritakura nedanda, pamwe chete nemamwe mapomegraneti+ nemamwe maonde. 24 Vakatumidza nzvimbo iyoyo kuti mupata une rukova weEshkori,+ nokuda kwesumbu rakatemwa ipapo nevanakomana vaIsraeri.
25 Kuzoti mazuva makumi mana apera,+ vakadzoka vachibva kunosora nyika. 26 Naizvozvo vakafamba, vakasvika kwaiva naMosesi naAroni neungano yose yevanakomana vaIsraeri murenje reParani, kuKadheshi.+ Vakadzoka neshoko kwavari nokuungano yose, vakavaratidza zvibereko zvenyika yacho. 27 Vakamuudza kuti: “Takapinda munyika yamakatituma, chokwadi inoyerera mukaka nouchi,+ izvi ndizvo zvibereko zvayo.+ 28 Asi chokwadi ndechokuti vanhu vanogara munyika yacho vane simba, uye maguta acho akavakirirwa makuru kwazvo;+ uye ikoko takaonawo vaya vakaberekwa naAnaki.+ 29 VaAmareki+ vagere munyika yeNegebhu,+ vaHiti nevaJebhusi+ nevaAmori+ vagere munzvimbo ine makomo, uye vaKenani+ vagere pedyo negungwa uye pedyo nokurutivi rwuno rwaJodhani.”
30 Karebhi+ akabva aedza kunyaradza vanhu pamberi paMosesi, akati: “Ngatibve taenda, tinofanira kuitora kuti ive yedu, nokuti chokwadi tinogona kuikunda.”+ 31 Asi varume vakaenda naye vakati: “Hatigoni kuenda kuti tinorwisa vanhu vacho, nokuti vane simba kutipfuura.”+ 32 Vakaramba vachiunza mashoko akaipa+ kuvanakomana vaIsraeri pamusoro penyika yavakanga vanosora, vachiti: “Nyika yacho, yatakapfuura nomairi kuti tiisore, inyika inoparadza vanogara mairi; uye vanhu vose vatakaona mairi varume vakanyanyisa kukura.+ 33 Takaona vaNefirimu ikoko, vanakomana vaAnaki,+ vakabva kuvaNefirimu; zvokuti takazviona sehwiza, uye ivo vakationawo saizvozvo.”+