Numeri
14 Zvino ungano yose yakaridza mhere, vanhu vakaramba vachishevedzera, vachichema+ usiku ihwohwo hwose. 2 Vanakomana vaIsraeri vose vakatanga kugunun’unira Mosesi naAroni,+ ungano yose ikatanga kuti kwavari: “Dai takanga tafira hedu munyika yeIjipiti, kana kuti dai takanga tafira hedu murenje rino! 3 Jehovha ari kutiendeserei kunyika iyi kuti tiurayiwe nebakatwa?+ Madzimai edu nevana vedu vachapambwa.+ Hazvisi nani here kuti tidzokere hedu kuIjipiti?”+ 4 Vakatotaurirana vachiti: “Ngatigadze mutungamiriri, uye ngatidzokerei kuIjipiti!”+
5 Zvino Mosesi naAroni vakawira pasi nezviso zvavo+ pamberi peungano yose yevanakomana vaIsraeri. 6 Joshua mwanakomana waNuni+ naKarebhi mwanakomana waJefune,+ vaiva vamwe vevakanosora nyika, vakabvarura nguo dzavo,+ 7 vakati kuungano yose yevanakomana vaIsraeri: “Nyika yatakapfuura nomairi kuti tiisore inyika yakanaka kwazvo.+ 8 Kana Jehovha achitifarira,+ achabva atiendesa kunyika iyi otipa, nyika inoyerera mukaka nouchi.+ 9 Musangopandukira Jehovha;+ uye regai kutya vanhu vomunyika yacho,+ nokuti ivo kudya kwedu. Chinodzivirira chavo chabva pamusoro pavo,+ uye Jehovha anesu.+ Regai kuvatya.”+
10 Asi ungano yose yakataura nezvokuvatema nematombo.+ Vanakomana vaIsraeri vose vakaona kubwinya kwaJehovha kuri pamusoro petende rokusanganira.+
11 Jehovha akazoti kuna Mosesi: “Vanhu ava vacharamba vasingandiremekedzi+ kusvikira rini,+ uye vacharamba vasingatendi mandiri nokuda kwezviratidzo zvose zvandakaita pakati pavo kusvikira rini?+ 12 Rega ndivarove nedenda, ndivadzinge, uye rega ndikuite rudzi rukuru norune simba kuvapfuura.”+
13 Asi Mosesi akati kuna Jehovha: “Zvino vaIjipiti, avo pakati pavo imi makabudisa vanhu ava nesimba renyu, vachanzwa izvi.+ 14 Ivo vachazviudza vagari vomunyika iyi. Vakanzwa kuti ndimi Jehovha pakati pevanhu ava,+ uyo akaoneka chiso nechiso.+ Ndimi Jehovha, uye gore renyu rimire pamusoro pavo, munovatungamirira neshongwe yegore masikati uye neshongwe yomoto usiku.+ 15 Kana mukauraya vanhu ava somunhu mumwe chete,+ marudzi akanzwa nezvomukurumbira wenyu achabva ati, 16 ‘Jehovha akaurayira vanhu ava murenje nokuti akanga asingakwanisi kuvaendesa kunyika yaakavapikira.’+ 17 Zvino ndapota, haiwa Jehovha, simba renyu ngarive guru+ sezvamakataura, muchiti, 18 ‘Jehovha, anononoka kutsamwa+ uye azere nomutsa worudo,+ anoregerera kukanganisa nokudarika,+ asi asingazomboregi kuranga,+ anoranga vanakomana nokuda kwokukanganisa kwemadzibaba kusvikira kuchizvarwa chechitatu nechizvarwa chechina.’+ 19 Ndapota, kanganwirai kukanganisa kwevanhu ava maererano noukuru hwomutsa wenyu worudo, sezvamakaregerera vanhu ava kubvira muIjipiti kusvikira zvino.”+
20 Jehovha akabva ati: “Ndakanganwira maererano neshoko rako.+ 21 Kunyange zvakadaro, noupenyu hwangu, nyika yose ichazadzwa nokubwinya kwaJehovha.+ 22 Asi varume vose vanga vachiona kubwinya kwangu+ nezviratidzo zvangu+ zvandakaita muIjipiti nomurenje asi vakaramba vachindiedza+ kagumi aka, vakasateerera inzwi rangu,+ 23 havazombooni nyika yandakapikira madzibaba avo, chokwadi, vose vasingandiremekedzi havazoioni.+ 24 Asi mushumiri wangu Karebhi,+ nokuti akava nemafungiro akasiyana, akaramba achinditevera zvakakwana,+ ndichamuendesa kunyika kwaakaenda, uye vana vake vachaita kuti ive yavo.+ 25 VaAmareki nevaKenani+ zvavachiri kugara mubani, dzokai mangwana, tamai kuti muende kurenje nenzira yokuGungwa Dzvuku.”+
26 Zvino Jehovha akataura naMosesi naAroni, achiti: 27 “Ungano iyi yakaipa icharamba ichindigunun’unira kusvikira rini?+ Ndanzwa kugunun’una kwevanakomana vaIsraeri kwavari kundigunun’unira nako.+ 28 Iti kwavari, ‘“Noupenyu hwangu,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “kana ndikasakuitirai saizvozvo sezvandanzwa muchitaura!+ 29 Zvitunha zvenyu zvichawira murenje rino,+ chokwadi, vanhu venyu vose vakanyorwa pauwandu hwenyu hwose kubvira pane vane makore makumi maviri zvichikwira, imi makandigunun’unira.+ 30 Imi hamuzopindi munyika yandakasimudzira ruoko rwangu+ ndichipika kuti ndigare nemi, kunze kwaKarebhi, mwanakomana waJefune naJoshua mwanakomana waNuni.+
31 “‘“Vana venyu vamakati vachapambwa,+ ndivo vandichapinza, uye vachaziva nyika yamakaramba.+ 32 Asi zvitunha zvenyu zvichawira murenje rino.+ 33 Vanakomana venyu vachava vafudzi murenje+ kwemakore makumi mana, uye vachazvidavirira nokuda kwokuita ufeve kwenyu,+ kusvikira zvitunha zvenyu zvaperera murenje.+ 34 Muchazvidavirira nokuda kwokukanganisa kwenyu kwemakore makumi mana,+ maererano nokuwanda kwemazuva amakasora nyika yacho, mazuva makumi mana,+ zuva richiva gore, zuva richiva gore,+ zvamunofanira kuziva zvinorehwa nokuparadzaniswa kwangu nemi.+
35 “‘“Ini Jehovha, ndataura izvi, chokwadi izvi ndizvo zvandichaitira ungano iyi yose yakaipa,+ vaya vose vakaungana kuti vandirwise: Vachaperera murenje rino, vachafira imomo.+ 36 Varume vaya vakatumwa naMosesi kunosora nyika yacho uye vaya vakati vadzoka, vakatanga kuita kuti ungano yose indigunun’unire, nokuuya nemashoko akaipa pamusoro penyika yacho,+ 37 chokwadi, varume vakauya nemashoko akaipa pamusoro penyika yacho vachafa nedenda pamberi paJehovha.+ 38 Asi pavarume vaya vakaenda kuti vanosora nyika, Joshua mwanakomana waNuni naKarebhi mwanakomana waJefune, vacharamba vachirarama.”’”+
39 Mosesi paakataura mashoko aya kuvanakomana vose vaIsraeri, vanhu vacho vakabva vatanga kuchema kwazvo.+ 40 Uyezve, vakafumomuka, vakaedza kukwira pamusoro pegomo, vachiti: “Tiri pano, tinofanira kukwira kunzvimbo yakataurwa naJehovha. Nokuti takatadza.”+ 41 Asi Mosesi akati: “Munodarikirei murayiro waJehovha?+ Izvozvo hazvimbobudiriri. 42 Musakwira, nokuti Jehovha haasi pakati penyu, kuti murege kukundwa nevavengi venyu.+ 43 Nokuti vaAmareki nevaKenani variko mberi kwenyu;+ uye muchaurayiwa nebakatwa, nokuti, imi zvamakarega kutevera Jehovha, Jehovha haangarambiwo ainemi.”+
44 Zvisinei, nokuzvikudza vakakwira pamusoro pegomo,+ asi areka yesungano yaJehovha haina kubva mumusasa pamwe chete naMosesi.+ 45 VaAmareki+ nevaKenani vaigara mugomo iroro vakadzika, vakavakunda, vakavadzingirira kusvikira kuHoma.+