Mako
3 Akapindazve musinagogi, uye mumwe murume aiva noruoko rwakaoma+ akanga ari imomo. 2 Naizvozvo vakanga vakanyatsomutarira kuti vaone kana aizorapa murume wacho pasabata, kuti vamupomere.+ 3 Zvino akati kumurume aiva noruoko rwakakokonyara: “Simuka uuye pakati.” 4 Akati kwavari: “Zvinobvumirwa nomutemo here kuita basa rakanaka kana kuita basa rakaipa pasabata, kuponesa kana kuuraya mweya?”+ Asi vakaramba vakanyarara. 5 Pashure pokunge atarira-tarira pavari akatsamwa, achishungurudzwa kwazvo nokuoma kwemwoyo yavo,+ akati kumurume wacho: “Tambanudza ruoko rwako.” Iye akarutambanudza, uye ruoko rwake rwakaporeswa.+ 6 VaFarisi vakabuda vakabva vatanga kurangana nevateveri vebato raHerodhi+ pamusoro pake, kuti vamuparadze.+
7 Asi Jesu nevadzidzi vake vakabuda, vakaenda kugungwa; uye vanhu vazhinjizhinji vaibva kuGarireya nevaibva kuJudhiya vakamutevera.+ 8 Vanhu vazhinjizhinji vaibva kunyange kuJerusarema neIdhumeya nemhiri kwaJodhani nomunzvimbo dzakapoteredza Tire+ neSidhoni, vachinzwa kuti zvinhu zvizhinji sei zvaakanga achiita, vakauya kwaaiva. 9 Zvino akaudza vadzidzi vake kuti vave nekachikepe kokuti arambe achishandisa kuti boka revanhu rirege kumumomotera. 10 Nokuti akarapa vazhinji, zvokuti vose vakanga vaine hosha dzinotambudza vakanga vachiwira paari kuti vamubate.+ 11 Kunyange midzimu isina kuchena,+ pose payaimuona, yaigwadama pamberi pake yoshevedzera, ichiti: “Ndimi Mwanakomana waMwari.”+ 12 Asi kazhinji akairayira zvakasimba kuti isaita kuti azivikanwe.+
13 Zvino akakwira mugomo akashevedza vaya vaaida,+ uye ivo vakaenda kwaaiva.+ 14 Akaumba boka revane gumi nevaviri, vaakatumidzawo kuti “vaapostora,” kuti varambe vainaye uye kuti avatume kunoparidza+ 15 uye kuti vave nesimba rokudzinga madhimoni.+
16 Zvino boka revane gumi nevaviri raakaumba raiva, Simoni, waakatumidzawo zita rokuti Petro,+ 17 naJakobho mwanakomana waZebhedhi naJohani munun’una waJakobho+ (akatumidzawo ava zita rokuti Bhoanajisi, rinoreva kuti Vanakomana Vokutinhira), 18 naAndreya naFiripi naBhatoromeyo naMateu naTomasi naJakobho mwanakomana waArifiyosi naTadhiyosi naSimoni muKenani 19 naJudhasi Iskariyoti, uya akazomutengesa.+
Zvino akapinda mune imwe imba. 20 Boka revanhu rakaunganazve, zvokuti vakanga vasingakwanisi kunyange kudya zvokudya.+ 21 Asi hama dzake+ padzakazvinzwa, dzakabuda kuti dzinomubata, nokuti dzakanga dzichiti: “Ava kupenga.”+ 22 Uyewo, vanyori vakaburuka vachibva kuJerusarema vakanga vachiti: “Iye anaBherizebhubhu, uye anodzinga madhimoni achishandisa mutongi wemadhimoni.”+ 23 Naizvozvo, avashevedza, akatanga kutaura navo achishandisa mifananidzo, achiti: “Satani angadzinga sei Satani? 24 Chokwadi, kana umambo hukapesana pachahwo, umambo ihwohwo hahungamiri;+ 25 uye kana imba ikapesana pachayo, imba iyoyo haingakwanisi kumira.+ 26 Uyewo, kana Satani azvimukira iye apesana, haangamiri, asi ava kusvika kumugumo.+ 27 Chokwadi, hapana munhu anoti kana apinda muimba yomunhu akasimba angakwanisa kupamba+ zvinhu zvake zvinotakurika kana akasatanga asunga munhu wacho akasimba, obva apamba imba yake.+ 28 Chokwadi ndinoti kwamuri zvinhu zvose zvichakanganwirwa vanakomana vevanhu, pasinei nokuti zvivi zvavakapara zvakaita sei uye kuti kumhura kwavakaita kwakaita sei.+ 29 Zvisinei, munhu wose anomhura mudzimu mutsvene haakanganwirwi nokusingaperi, asi ane mhosva yechivi chisingaperi.”+ 30 Iye akadaro, nokuti vakanga vachiti: “Ane mudzimu usina kuchena.”+
31 Zvino amai vake nevanun’una vake+ vakasvika, uye, zvavakanga vakamira kunze, vakatumira shoko kuti ashevedzwe.+ 32 Sezvineiwo, boka revanhu rakanga rigere rakamupoteredza, naizvozvo vakati kwaari: “Tarira! Amai vako nevanun’una vako vari panze vari kukutsvaka.”+ 33 Asi achipindura, akati kwavari: “Amai vangu ndiani uye vanun’una vangu ndivanaani?”+ 34 Zvino atarira-tarira pane vaya vakanga vagere naye vakamukomba, akati: “Onai, amai vangu nevanun’una vangu!+ 35 Munhu wose anoita kuda kwaMwari, iyeyu ndiye munun’una wangu nehanzvadzi naamai.”+