Ruka
20 Pane rimwe remazuva paakanga achidzidzisa vanhu mutemberi uye achizivisa mashoko akanaka, vapristi vakuru nevanyori pamwe chete nevarume vakuru vakauya pedyo,+ 2 vakataura zvinonzwika, vachiti kwaari: “Tiudze kuti unoita zvinhu izvi nesimba ripi, kana kuti ndiani akakupa simba iri.”+ 3 Achipindura, iye akati kwavari: “Ndichakubvunzaiwo mubvunzo, mundiudze:+ 4 Rubhabhatidzo rwaJohani rwakabva kudenga here kana kuti kuvanhu?”+ 5 Ivo vakabva vafunga pakati pavo, vachiti: “Kana tikati, ‘Rwakabva kudenga,’ achati, ‘Saka nei musina kumutenda?’+ 6 Asi kana tikati, ‘Rwakabva kuvanhu,’ vanhu vose vachatitema nematombo,+ nokuti vanotenda kuti Johani+ aiva muprofita.”+ 7 Naizvozvo vakapindura kuti vakanga vasingazivi kwarwakabva. 8 Jesu akati kwavari: “Neniwo handikuudzii kuti ndinoita zvinhu izvi nesimba ripi.”+
9 Akabva atanga kuudza vanhu mufananidzo uyu: “Mumwe murume akadyara munda wemizambiringa,+ akauronzesa varimi, akaenda kunze kwenyika kwenguva refu.+ 10 Asi mumwaka wakakodzera akatuma muranda+ kuvarimi vacho,+ kuti vamupe zvimwe zvibereko zvomunda wacho wemizambiringa.+ Zvisinei, varimi vacho, vakamuendesa asina chinhu,+ pashure pokunge vamurova. 11 Asi akavatumirazve mumwe muranda. Iyeyewo vakamurova, vakamuzvidza, vakamudzorera asina chinhu.+ 12 Asi akatumirazve wechitatu;+ iyeyuwo vakamukuvadza, vakamukanda kunze. 13 Muridzi womunda wemizambiringa akati, ‘Ndichaiteiko? Ndichatuma mwanakomana wangu anodiwa.+ Zvichida vacharemekedza iyeyu.’ 14 Varimi vacho pavakamuona vakataurirana, vachiti, ‘Uyu ndiye mugari wenhaka; ngatimuurayei, kuti nhaka ive yedu.’+ 15 Naizvozvo vakamukanda kunze+ kwomunda wemizambiringa, vakamuuraya.+ Naizvozvo, muridzi womunda wemizambiringa achavaitei?+ 16 Achauya oparadza varimi ivava uye achapa vamwe munda wacho wemizambiringa.”+
Pavakanzwa izvi vakati: “Izvozvo ngazvirege kumboitika!” 17 Asi iye akavatarira, akati: “Saka, izvi zvakanyorwa zvinorevei, zvinoti, ‘Dombo rakarambwa nevavaki,+ ndiro razova dombo guru repakona’?+ 18 Munhu wose anowira padombo iroro achaparara.+ Kana ari munhu warinowira,+ richamukuya.”+
19 Zvino vanyori nevapristi vakuru vakatsvaka kuti vamubate paawa iyoyo chaiyo, asi vakatya vanhu; nokuti vakanzwisisa kuti akataura mufananidzo uyu achifunga nezvavo.+ 20 Uye, pashure pokunge vanyatsomucherechedza, vakatuma varume vakanga vabhadharwa mari pachivande kuti vanoedzesera kuva vakarurama, kuti vamubate+ pakutaura, kuti vamuise kuhurumende nokusimba ragavhuna.+ 21 Vakamubvunza, vachiti: “Mudzidzisi, tinoziva kuti munotaura uye munodzidzisa zvakarurama uye hamusaruri, asi munodzidzisa nzira yaMwari maererano nechokwadi:+ 22 Zvinobvumirwa nomutemo here kuti titere mutero kuna Kesari kana kuti kwete?”+ 23 Asi iye akacherechedza manomano avo, akati kwavari:+ 24 “Ndiratidzei dhinari. Mufananidzo nemashoko akanyorwa zviri pariri ndezvaani?” Ivo vakati: “NdezvaKesari.”+ 25 Iye akati kwavari: “Saka, munotofanira kudzorera zvinhu zvaKesari kuna Kesari,+ asi zvinhu zvaMwari kuna Mwari.”+ 26 Naizvozvo, havana kukwanisa kumubata pakutaura uku pamberi pevanhu, asi, vashamiswa nokupindura kwake, havana chavakataura.+
27 Zvisinei, vamwe vevaSadhusi, vaya vaiti hakuna kumuka, vakauya,+ vakamubvunza, 28 vachiti: “Mudzidzisi, Mosesi+ akatinyorera kuti, ‘Kana mukoma womunhu akafa, aine mudzimai, asi iye akasara asina mwana, munun’una wake+ anofanira kutora mudzimai wacho, omutsira mukoma wake vana naye.’+ 29 Naizvozvo kwaiva nevatevedzani vanomwe; uye wokutanga akatora mudzimai akafa asina mwana.+ 30 Wechipiri, 31 nowechitatu vakamutorawo. Saizvozvowo ivo vanomwe vose: havana kusiya vana, asi vakafa.+ 32 Pakupedzisira, mukadzi wacho akafawo.+ 33 Naizvozvo, pakumuka, iye achava mudzimai woupi wavo? Nokuti akava mudzimai weava vanomwe.”+
34 Jesu akati kwavari: “Vana vomumamiriro ezvinhu epanguva ino vanoroora+ nokuroorwa, 35 asi vaya vakakodzerwa+ nokuwana mamiriro ezvinhu epanguva iyoyo+ nokumuka kubva kuvakafa+ havazoroori kana kuroorwa. 36 Chokwadi havazofi+ nokuti vanenge vakaita sengirozi, uye ivo vana vaMwari nokuva vana vorumuko.+ 37 Asi kuti vakafa vanomutswa, kunyange naMosesi akazvizivisa, munyaya yegwenzi reminzwa,+ paanoshevedza Jehovha kuti ‘Mwari waAbrahamu naMwari waIsaka naMwari waJakobho.’+ 38 Iye haasi Mwari wevakafa, asi wevapenyu, nokuti kwaari vose vapenyu.”+ 39 Vamwe vevanyori vakapindura kuti: “Mudzidzisi, mataura zvakanaka.” 40 Nokuti vakanga vasisina ushingi hwokumubvunza kunyange mubvunzo mumwe chete.
41 Iye akatiwo kwavari: “Sei vachiti Kristu mwanakomana waDhavhidhi?+ 42 Nokuti Dhavhidhi anoti mubhuku reMapisarema, ‘Jehovha akati kunaShe wangu: “Gara kuruoko rwangu rworudyi 43 kusvikira ndaita kuti vavengi vako vave sechitsiko chetsoka dzako.”’+ 44 Naizvozvo, Dhavhidhi anomuti ‘Ishe’; saka iye mwanakomana wake sei?”
45 Vanhu vose pavakanga vachiteerera akabva ati kuvadzidzi:+ 46 “Chenjererai vanyori vanoda kufamba-famba vakapfeka nguo refu, vanoda kukwaziswa mumisika uye vanoda zvigaro zvepamberi mumasinagogi nenzvimbo dzepamusorosoro pakudya kwemanheru,+ 47 uye vanoparadza dzimba dzechirikadzi+ uye vanoita minyengetero mirefu yokubata kumeso. Ivava vachatongwa kwazvo.”+