Ruka
19 Iye akapinda muJeriko+ achipfuura hake. 2 Zvino muno maiva nomumwe murume ainzi Zakeyo; iye akanga ari mukuru mukuru wevateresi, uye akanga akapfuma. 3 Naizvozvo, akanga achida kuona+ kuti uyu anonzi Jesu ndiani, asi aisagona nokuda kweboka revanhu, nokuti akanga ari mupfupi. 4 Naizvozvo akafanomhanya mberi, akakwira mumuonde kuti amuone, nokuti akanga ava kuda kupfuura nenzira iyoyo. 5 Zvino Jesu paakasvika panzvimbo yacho, akatarira mudenga, akati kwaari: “Zakeyo, kurumidza kuburuka, nokuti nhasi ndinofanira kugara mumba mako.” 6 Naizvozvo akakurumidza kuburuka uye akamugamuchira nomufaro somueni. 7 Asi pavakazviona, vose vakatanga kugunun’una+ vachiti: “Aenda kunogara nomutadzi.” 8 Asi Zakeyo akasimuka, akati kunaShe: “Tarirai! Ishe, hafu yezvinhu zvangu, ndichapa varombo, uye zvinhu zvose zvandakabiridzira munhu ndichimupomera zvenhema+ ndichazvidzorera zvava zvina.”+ 9 Jesu akati kwaari: “Nhasi ruponeso rwauya mumba muno, nokuti naiyewo mwanakomana waAbrahamu.+ 10 Nokuti Mwanakomana womunhu akauya kuzotsvaka nokuzoponesa zvakarasika.”+
11 Pavakanga vachiteerera zvinhu izvi, akataura mufananidzo kuwedzera pane izvi, nokuti akanga ava pedyo neJerusarema uye vakanga vachifunga kuti umambo hwaMwari hwakanga huchizongozviratidza pakarepo.+ 12 Naizvozvo iye akati: “Mumwe murume weimba huru akaenda kunyika iri kure kuti anowana simba roumambo ndokuzodzoka hake.+ 13 Achishevedza varanda vake gumi akavapa mamaina gumi, akavaudza kuti, ‘Itai bhizimisi kusvikira ndadzoka.’+ 14 Asi vagari vomunyika yake vaimuvenga+ uye vakatuma boka revamiririri kuti rimutevere, kunoti, ‘Munhu uyu hatimudi kuti ave mambo wedu.’+
15 “Pakupedzisira paakadzoka awana simba roumambo, akarayira kuti varanda vaya vaakanga apa mari yesirivha vashevedzwe, kuti aone kuti vakanga vawanei pakuita bhizimisi kwavo.+ 16 Wokutanga akabva auya, akati, ‘Ishe, maina renyu rakawana mamwe mamaina gumi.’+ 17 Naizvozvo iye akati kwaari, ‘Waita zvakanaka, muranda akanaka! Nokuti wakava akatendeka pachinhu chidukuduku, iva nesimba pamusoro pemaguta gumi.’+ 18 Zvino wechipiri akauya, achiti, ‘Ishe, maina renyu, rakawana mamwe mamaina mashanu.’+ 19 Iye akati kuna iyeyuwo, ‘Newewo, tarisira maguta mashanu.’+ 20 Asi mumwe akauya, achiti, ‘Ishe, herino maina renyu, randakachengeta rakasungirwa mujira. 21 Munoonaka, ndaikutyai, nokuti muri munhu ane hasha; munotora zvamusina kuchengetesa uye munokohwa zvamusina kudyara.’+ 22 Iye akati kwaari, ‘Ndinokutonga nezvinobva mumuromo mako,+ muranda akaipa. Handiti waiziva hako kuti ndiri munhu ane hasha, kuti ndinotora zvandisina kuchengetesa uye ndinokohwa zvandisina kudyara?+ 23 Saka wakaregererei kuisa mari yangu yesirivha mubhengi? Zvino pandaizosvika ndingadai ndaitora yabereka.’+
24 “Naizvozvo akati kune vaya vakanga vamire pedyo, ‘Mutorerei maina racho muripe ane mamaina gumi.’+ 25 Asi vakati kwaari, ‘Ishe, iye ane mamaina gumi!’— 26 ‘Ndinoti kwamuri, Munhu wose anazvo, achawedzerwa zvimwe; asi asina achatorerwa kunyange zvaainazvo.+ 27 Uyewo, uyai pano nevavengi vangu vaya vakanga vasingadi kuti ndive mambo wavo, muvauraye pamberi pangu.’”+
28 Naizvozvo, pashure pokunge ataura zvinhu izvi, akapfuurira, akakwira kuJerusarema.+ 29 Zvino ava pedyo neBhetifage neBhetani pagomo rinonzi Gomo reMiorivhi,+ akatuma vaviri vevadzidzi vake,+ 30 achiti: “Pindai mumusha wamuri kuona, uye kana mapinda mauri muchawana mwana wembongoro akasungirirwa, asati ambotasviwa nomunhu. Musunungurei muuye naye.+ 31 Asi kana munhu akakubvunzai kuti, ‘Muri kumusunungurirei?’ Mutaure kuti, ‘Ishe anomuda.’”+ 32 Naizvozvo vaya vakatumwa vakaenda, vakawana zvakangoita sezvaakavaudza.+ 33 Asi pavakanga vachisunungura mwana wembongoro varidzi vacho vakati kwavari: “Muri kusunungurirei mwana wembongoro?”+ 34 Ivo vakati: “Ishe anomuda.”+ 35 Zvino vakaenda naye kuna Jesu, vakakanda nguo dzavo dzokunze pamwana wacho wembongoro, vakaita kuti Jesu amutasve.+
36 Zvaaifamba+ ivo vakaramba vachiwaridza nguo dzavo dzokunze mumugwagwa.+ 37 Paakangosvika pedyo nomugwagwa unobva muGomo reMiorivhi vadzidzi vazhinji vose vakatanga kufara nokurumbidza Mwari nenzwi guru pamusoro pemabasa ose esimba avakanga vaona,+ 38 vachiti: “Akakomborerwa Iye anouya saMambo muzita raJehovha!+ Kudenga ngakuve norugare, uye kubwinya kunzvimbo dzokumusorosoro!”+ 39 Zvisinei, vamwe vevaFarisi vaiva muboka revanhu vakati kwaari: “Mudzidzisi, tsiurai vadzidzi venyu.”+ 40 Asi iye achipindura, akati: “Ndinokuudzai kuti, Kudai ava vaizoramba vakanyarara, matombo+ aizoshevedzera.”
41 Zvino paakasvika pedyo, akaona guta, akasvimha misodzi pamusoro paro,+ 42 achiti: “Kudai iwe, iwewe, wanga wanzwisisa+ nhasi zvinhu zvine chokuita norugare—asi zvino zvakavanzirwa maziso ako.+ 43 Nokuti mazuva achauya pauri apo vavengi vako vachakupoteredza norusvingo+ rwakavakwa nemapango akapinza+ uye vachakukomberedza+ nokukutambudza+ kumativi ose, 44 uye vachakurovera pasi iwe nevana vako vari mukati mako,+ uye havazosiyi dombo riri pamusoro perimwe dombo+ mauri, nokuti hauna kunzwisisa nguva yokuongororwa kwako.”+
45 Zvino akapinda mutemberi, akatanga kudzingira kunze vaya vakanga vachitengesa,+ 46 achiti kwavari: “Zvakanyorwa kuti, ‘Imba yangu ichava imba yokunyengeterera,’+ asi imi maiita bako remakororo.”+
47 Uyezve, akatanga kudzidzisa zuva nezuva mutemberi. Asi vapristi vakuru nevanyori nevakuru vevanhu vaitsvaka kumuparadza;+ 48 asi havana kuwana chinhu chinobudirira chokuti vaite, nokuti vanhu vose vakaramba vainaye kuti vamunzwe.+