VaRoma
4 Zvazvakadaro, tichatii pamusoro paAbrahamu tateguru vedu+ panyama? 2 Kana, somuenzaniso, Abrahamu akanzi akarurama nokuda kwemabasa,+ aizova nechikonzero chokuzvirumbidza; asi kwete pamberi paMwari. 3 Nokuti rugwaro runotii? “Abrahamu akatenda muna Jehovha, uye akanzi akarurama.”+ 4 Zvino kumunhu anoshanda,+ muripo hauonekwi somutsa usina kukodzera kuwanwa,+ asi sechikwereti.+ 5 Asi, kumunhu asingashandi asi achitenda+ mune uya anoti munhu asingadi Mwari akarurama, kutenda kwake kunonzi kururama.+ 6 Sokutaurawo kunoita Dhavhidhi nezvomufaro womunhu anonzi naMwari akarurama tisingabatanidzi mabasa: 7 “Vanofara vaya vane mabasa okusateerera mutemo akaregererwa+ uye vane zvivi zvakafukidzwa;+ 8 anofara munhu ane chivi chisingazomboyeukwi naJehovha.”+
9 Saka mufaro uyu, unouya pavanhu vakadzingiswa kana pavanhu vasina kudzingiswawo here?+ Nokuti tinoti: “Abrahamu akanzi akarurama nokuda kwokutenda kwake.”+ 10 Saka, kwakanzi kwakadaro zvinhu pazvakanga zvakaita sei? Paakanga akadzingiswa here kana kuti asina kudzingiswa?+ Kwete paakanga adzingiswa, asi asati adzingiswa. 11 Akagamuchira chiratidzo,+ iko kudzingiswa, sechisimbiso chokururama nokutenda kwaaiva nako paakanga asati adzingiswa, kuti ave baba+ vevaya vose vanotenda+ vasati vadzingiswa, kuti vaonekwe sevakarurama; 12 uye baba vevana vakadzingiswa, kwete chete kune vaya vanoomerera pakudzingiswa, asiwo kune vaya vanofamba zvakanaka mumakwara okutenda kwaiva nababa+ vedu Abrahamu vasati vadzingiswa.
13 Nokuti Abrahamu kana vana vake havana kuva nechipikirwa+ chokuti aifanira kuva mugari wenhaka yenyika nokuda kwomutemo, asi vakava nacho nokuda kwokururama kwakavapo nokuda kwokutenda.+ 14 Nokuti kana vaya vanoomerera kumutemo vari vagari venhaka, kutenda kwaitwa kuti kuve kusina zvakunobatsira uye chipikirwa chabviswa.+ 15 Chokwadi Mutemo unoita kuti pave nehasha+ dzaMwari, asi pasina mutemo, hapanawo kudarika chero kupi zvako.+
16 Nokuda kwaizvozvi chipikirwa chacho chakavapo nokuda kwokutenda, kuti chive maererano nomutsa usina kukodzera kuwanwa,+ kuti chipikirwa+ chive chechokwadi kuvana+ vake vose, kwete chete kune vanoomerera paMutemo, asiwo kune vanoomerera pakutenda kwaAbrahamu. (Iye ndiye baba+ vedu tose, 17 sokunyorwa kwazvakaitwa, kuti: “Ndakugadza kuti uve baba vemarudzi mazhinji.”)+ Izvi zvakanga zviri pamberi paIye waaitenda, paiye Mwari, anoita kuti vakafa vave vapenyu+ uye anoshevedza zvinhu zvisipo sokunge kuti zviripo.+ 18 Kunyange zvazvo akanga asisina tariro, asi aiva nokutenda kwakavakirwa patariro,+ kuti ave baba vemarudzi+ mazhinji maererano nezvakanga zvataurwa, kuti: “Ndizvo zvichaita vana vako.”+ 19 Uye, kunyange zvazvo asina kupera simba pakutenda, akafunga nezvomuviri wake, zvino wakanga watofa,+ zvaakanga ava nemakore anenge zana,+ uyewo kufa kwechibereko chaSara.+ 20 Asi nokuda kwechipikirwa+ chaMwari haana kuzununguka achishayiwa kutenda,+ asi akasimbiswa nokutenda kwake,+ achikudza Mwari 21 uye achiva nechokwadi kwazvo kuti zvaakanga apikira aikwanisawo kuzviita.+ 22 Nokudaro “akanzi akarurama.”+
23 Zvisinei, kuti “akanzi”+ zvakanyorwa, kwete nokuda kwake chete,+ 24 asiwo nokuda kwedu isu tinofanira kunzarwowo, nokuti tinotenda muna iye akamutsa Jesu Ishe wedu kubva kuvakafa.+ 25 Iye akapiwa nokuda kwokudarika kwedu+ uye akamutswa kuti isu tinzi takarurama.+