Genesisi 42:21 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 21 Zvino vakataurirana vachiti: “Chokwadi tine mhosva pamusoro pomunun’una wedu,+ nokuti takaona kutambudzika kwomweya wake paakatiteterera kuti timunzwire tsitsi, asi hatina kuteerera. Ndokusaka kutambudzika uku kwatiwira.”+ Pisarema 37:8 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 8 Rega kutsamwa, usiye hasha;+Usashatirwa kuti ungoita zvakaipa.+ Jeremiya 22:3 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 3 Zvanzi naJehovha: “Ruramisirai uye itai zvakarurama, nunurai uya ari kubirwa paruoko rweanobiridzira; uye musaitira utsinye chero mutorwa upi zvake, nherera kana chirikadzi.+ Musavaitira chisimba.+ Musateura ropa risina mhosva munzvimbo ino.+
21 Zvino vakataurirana vachiti: “Chokwadi tine mhosva pamusoro pomunun’una wedu,+ nokuti takaona kutambudzika kwomweya wake paakatiteterera kuti timunzwire tsitsi, asi hatina kuteerera. Ndokusaka kutambudzika uku kwatiwira.”+
3 Zvanzi naJehovha: “Ruramisirai uye itai zvakarurama, nunurai uya ari kubirwa paruoko rweanobiridzira; uye musaitira utsinye chero mutorwa upi zvake, nherera kana chirikadzi.+ Musavaitira chisimba.+ Musateura ropa risina mhosva munzvimbo ino.+