Rwiyo rwaDhavhidhi.
א [ʼAʹleph]
37 Usatsamwira vanoita zvakaipa.+
Usaitira shanje vaya vanoita zvisina kururama.+
2 Nokuti vachakurumidza kuoma souswa,+
Uye vachaparara souswa huchangomera hwakasvibirira.+
ב [Behth]
3 Vimba naJehovha uite zvakanaka;+
Gara panyika, uite zvinhu nokutendeka.+
4 Farirawo Jehovha kwazvo,+
Iye achakupa zvinokumbirwa nomwoyo wako.+
ג [Giʹmel]
5 Isa nzira yako pana Jehovha,+
Uvimbe naye,+ uye iye achazviita.+
6 Iye achabudisa kururama kwako sechiedza,+
Uye kururamisira kwako semasikati.+
ד [Daʹleth]
7 Ramba wakanyarara pamberi paJehovha,+
Umumirire uchimusuwa.+
Usatsamwira munhu wose anoita kuti nzira yake ibudirire,+
Uye munhu anoita zvaanofunga.+
ה [Heʼ]
8 Rega kutsamwa, usiye hasha;+
Usashatirwa kuti ungoita zvakaipa.+
9 Nokuti vanoita zvakaipa vachaparadzwa,+
Asi vaya vanotarisira kuna Jehovha ndivo vachagara nhaka yenyika.+
ו [Waw]
10 Kwangosara nguva duku, munhu akaipa haazovipozve;+
Uchanyatsotarira panzvimbo yake, asi haachazovipo.+
11 Asi vanyoro ndivo vachagara nhaka yenyika,+
Uye vachafara kwazvo norugare rukuru.+
ז [Zaʹyin]
12 Munhu akaipa anorongera munhu akarurama zvakaipa,+
Anogeda-geda mazino ake kwaari.+
13 Jehovha achamuseka,+
Nokuti anoona kuti zuva rake richauya.+
ח [Chehth]
14 Vakaipa vakavhomora bakatwa uye vakakunga uta hwavo,+
Kuti vawisire pasi anotambudzika nomurombo,+
Kuti vauraye vaya vakarurama munzira yavo.+
15 Bakatwa ravo richapinda mumwoyo mavo,+
Uye uta hwavo huchatyoka.+
ט [Tehth]
16 Zvishoma zvomunhu akarurama zviri nani+
Pane zvakawanda zvevakaipa vazhinji.+
17 Nokuti maoko evakaipa achatyoka,+
Asi Jehovha achange achitsigira vakarurama.+
י [Yohdh]
18 Jehovha anoziva mazuva evasina mhosva,+
Nhaka yavo icharamba iripo nokusingagumi.+
19 Havazonyadziswi munguva yedambudziko,+
Vachaguta mumazuva enzara.+
כ [Kaph]
20 Nokuti vakaipa vachaparara,+
Vavengi vaJehovha vachaita sokunaka kwemafuro;
Vachapera.+ Vachaperera muutsi.+
ל [Laʹmedh]
21 Munhu akaipa anokwereta asingadzoreri,+
Asi munhu akarurama anonzwira nyasha uye anopa zvipo.+
22 Nokuti vaya vanokomborerwa naye vachagara nhaka yenyika,+
Asi vaya vanotukwa naye vachaparadzwa.+
מ [Mem]
23 Nhanho dzomurume akagwinya dzakasimbiswa naJehovha,+
Iye anofarira nzira yake.+
24 Kunyange akawa, haangazvambarari pasi,+
Nokuti Jehovha ari kutsigira ruoko rwake.+
נ [Nun]
25 Ndaimbova jaya, asi zvino ndakwegura,+
Handina kumboona munhu akarurama achisiyiwa zvachose,+
Kana vana vake vachitsvaka zvokudya.+
26 Zuva rose anonzwira nyasha uye anokweretesa,+
Naizvozvo vana vake vachakomborerwawo.+
ס [Saʹmekh]
27 Rega zvakaipa uite zvakanaka,+
Ugare nokusingagumi.+
28 Nokuti Jehovha anoda kururamisira,+
Haazosiyi vakavimbika vake.+
ע [ʽAʹyin]
Vachachengetedzwa nokusingagumi;+
Asi vana vevakaipa, chokwadi vachaparadzwa.+
29 Vakarurama vachagara nhaka yenyika,+
Vachagara mairi nokusingaperi.+
פ [Peʼ]
30 Muromo womunhu akarurama ndiwo unotaura uchenjeri nenzwi riri pasi,+
Rurimi rwake ndirwo runotaura zvakarurama.+
31 Mutemo waMwari wake uri mumwoyo make;+
Tsoka dzake hadzizotsvedzemuki.+
צ [Tsa·dhehʹ]
32 Munhu akaipa anoramba akavandira akarurama+
Uye anotsvaka kumuuraya.+
33 Asi Jehovha haazomusiyi ari muruoko rwaiyeye,+
Haazomuti ane mhosva paanenge achitongwa.+
ק [Qohph]
34 Tarisira kuna Jehovha uchengete nzira yake,+
Iye achakukwidziridza kuti ugare nhaka yenyika.+
Vakaipa pavanoparadzwa, iwe uchazviona.+
ר [Rehsh]
35 Ndakaona munhu akaipa anodzvinyirira+
Achitandavara somuti wakasvibirira uri muivhu rawo.+
36 Asi iye akapfuura, uye akanga asisipo;+
Ndakaramba ndichimutsvaka, asi haana kuwanikwa.+
ש [Shin]
37 Cherechedza munhu asina chaanopomerwa, urambe uchiona munhu akarurama.+
Nokuti nguva yemberi yomunhu iyeye ichava norugare.+
38 Asi vadariki vachatsakatiswa pamwe chete;+
Nguva yemberi yevanhu vakaipa ichagumiswa.+
ת [Taw]
39 Ruponeso rwevakarurama runobva kuna Jehovha;+
Ndiye nhare yavo munguva yokutambudzika.+
40 Jehovha achavabatsira, ovapukunyutsa.+
Achavapukunyutsa pavanhu vakaipa, ovaponesa,+
Nokuti vakapotera kwaari.+