RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Genesisi 12:2
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 2 ndichaita rudzi rukuru runobva mauri, ndichakukomborera, ndichaita kuti zita rako rive guru; uye uchava chikomborero.+

  • Genesisi 15:5
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 5 Zvino akamubudisa kunze akati: “Ndapota, tarira kumusoro kumatenga uverenge nyeredzi, kana uchikwanisa kudziverenga.”+ Akati kwaari: “Ndizvo zvichaita vana* vako.”+

  • Genesisi 46:3
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 3 Akati: “Ndini Mwari wechokwadi,+ Mwari wababa vako.+ Usatya kuenda kuIjipiti, nokuti ndichakuita rudzi rukuru ikoko.+

  • Eksodho 1:7
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 7 Asi vanakomana vaIsraeri vakaberekana, vakatanga kuwanda; vakaramba vachiwanda, vachingova nesimba kwazvo, zvokuti vakazadza nyika yacho.+

  • Eksodho 38:26
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 26 Hafu yeshekeri yomunhu mumwe nomumwe yaiva hafu yeshekeri kana tichienzanisa neshekeri renzvimbo tsvene, nokuda kwevanhu vose vaidarika vachienda kune vaya vakanga vakanyorwa vaitangira pamakore makumi maviri zvichikwira,+ vaisvika zviuru zvine mazana matanhatu nezvitatu nemazana mashanu nemakumi mashanu.+

  • Numeri 2:32
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 32 Ava ndivo vaya vakanyorwa vevanakomana vaIsraeri maererano nedzimba dzemadzibaba avo; vose vaya vakanyorwa vemapoka acho maererano nemauto avo vaiva zviuru mazana matanhatu nezvitatu nemazana mashanu nemakumi mashanu.+

  • Numeri 11:21
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 21 Mosesi akabva ati: “Vanhu vandiri pakati pavo varume zviuru mazana matanhatu+ vanofamba netsoka, asi imi mati, ‘Ndichavapa nyama, uye vachadya kwomwedzi wose’!

Mabhuku eChiShona (1973-2027)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe