Dheuteronomi 28:25 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 25 Jehovha achaita kuti ukundwe pamberi pevavengi vako.+ Uchaenda kwavari nenzira imwe chete, asi uchavatiza nenzira nomwe; uye uchava chinhu chinotyisa kuumambo hwose hwepanyika.+ Vatongi 2:14 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 14 Jehovha akabva atsamwira vaIsraeri kwazvo,+ zvokuti akavaisa mumaoko evapambi, vakatanga kuvapamba;+ akavatengesera muruoko rwevavengi vavo vakanga vakavapoteredza,+ uye vakanga vasingachakwanisi kumira pamberi pevavengi vavo.+ 1 Samueri 4:10 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 10 Naizvozvo vaFiristiya vakarwa, vaIsraeri vakakundwa,+ mumwe nomumwe akatizira kutende rake;+ uye kwakaurayiwa vakawanda kwazvo,+ zvokuti pakati paIsraeri pakaurayiwa varume zviuru makumi matatu vaifamba netsoka.+ Mariro 2:17 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 17 Jehovha akaita zvaaifunga.+ Akaita zvaakataura,+Zvaakanga arayira kubvira pamazuva ekare kare.+ Akaputsa uye haana kunzwira tsitsi.+Anoita kuti muvengi afare pamusoro pako.+ Akasimudza nyanga yemhandu dzako.+
25 Jehovha achaita kuti ukundwe pamberi pevavengi vako.+ Uchaenda kwavari nenzira imwe chete, asi uchavatiza nenzira nomwe; uye uchava chinhu chinotyisa kuumambo hwose hwepanyika.+
14 Jehovha akabva atsamwira vaIsraeri kwazvo,+ zvokuti akavaisa mumaoko evapambi, vakatanga kuvapamba;+ akavatengesera muruoko rwevavengi vavo vakanga vakavapoteredza,+ uye vakanga vasingachakwanisi kumira pamberi pevavengi vavo.+
10 Naizvozvo vaFiristiya vakarwa, vaIsraeri vakakundwa,+ mumwe nomumwe akatizira kutende rake;+ uye kwakaurayiwa vakawanda kwazvo,+ zvokuti pakati paIsraeri pakaurayiwa varume zviuru makumi matatu vaifamba netsoka.+
17 Jehovha akaita zvaaifunga.+ Akaita zvaakataura,+Zvaakanga arayira kubvira pamazuva ekare kare.+ Akaputsa uye haana kunzwira tsitsi.+Anoita kuti muvengi afare pamusoro pako.+ Akasimudza nyanga yemhandu dzako.+