Dheuteronomi 15:4 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 4 Zvisinei, pakati pako hapana anofanira kuva murombo, nokuti chokwadi Jehovha achakukomborera+ munyika yauri kupiwa naJehovha Mwari wako senhaka kuti uitore ive yako,+ Dheuteronomi 24:19 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 19 “Kana ukakohwa goho rako mumunda mako,+ ukakanganwa chisote mumunda macho, usadzokera kunochitora. Ngachisare kuti chive chomutorwa, nherera nechirikadzi;+ kuti Jehovha Mwari wako akukomborere pamabasa ose oruoko rwako.+ Pisarema 41:1 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 41 Anofara munhu anofunga nezvomunhu akaderera;+Jehovha achamupukunyutsa muzuva redambudziko.+ Zvirevo 22:9 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 9 Munhu ane ziso rine mutsa achakomborerwa, nokuti anopa akaderera zvokudya zvake.+ Isaya 32:8 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 8 Munhu ane rupo anopa mazano nokuda kwezvinhu zvorupo; uye iye achasimuka nokuda kwezvinhu zvorupo.+ 2 VaKorinde 9:8 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 8 Zvakare, Mwari anokwanisa kuita kuti mutsa wake wose usina kukodzera kuwanwa uwande kwamuri, kuti, pamunenge muchigara muine zvinhu zvose zvakakwana, muve nezvakawanda nokuda kwebasa rose rakanaka.+
4 Zvisinei, pakati pako hapana anofanira kuva murombo, nokuti chokwadi Jehovha achakukomborera+ munyika yauri kupiwa naJehovha Mwari wako senhaka kuti uitore ive yako,+
19 “Kana ukakohwa goho rako mumunda mako,+ ukakanganwa chisote mumunda macho, usadzokera kunochitora. Ngachisare kuti chive chomutorwa, nherera nechirikadzi;+ kuti Jehovha Mwari wako akukomborere pamabasa ose oruoko rwako.+
8 Munhu ane rupo anopa mazano nokuda kwezvinhu zvorupo; uye iye achasimuka nokuda kwezvinhu zvorupo.+
8 Zvakare, Mwari anokwanisa kuita kuti mutsa wake wose usina kukodzera kuwanwa uwande kwamuri, kuti, pamunenge muchigara muine zvinhu zvose zvakakwana, muve nezvakawanda nokuda kwebasa rose rakanaka.+