Zvirevo
22 Zita rakanaka rinofanira kusarudzwa panzvimbo pepfuma zhinji;+ nyasha dziri nani kupfuura sirivha nendarama.+
2 Mupfumi nomurombo vanosangana pamwe chete.+ Muiti wavo vose ndiJehovha.+
3 Munhu ane njere anoona dambudziko ovanda,+ asi vasina zivo vanongopfuura havo vorangwa.+
4 Mugumisiro wokuzvininipisa nokutya Jehovha ipfuma nokukudzwa noupenyu.+
5 Minzwa nezviteyeso zviri munzira yomunhu asina kururama;+ munhu anorinda mweya wake anoramba ari kure nazvo.+
6 Rovedza mukomana maererano nenzira yakamukodzera;+ kunyange paanokwegura haazotsauki pairi.+
7 Mupfumi ndiye anotonga varombo,+ uye uya anokwereta anova muranda womunhu anomukweretesa.+
8 Anodyara zvisina kururama achakohwa zvinhu zvinokuvadza,+ asi shamhu yokushatirwa kwake kukuru ichaparara.+
9 Munhu ane ziso rine mutsa achakomborerwa, nokuti anopa akaderera zvokudya zvake.+
10 Dzinga museki, kuti kukakavara kupere, kuti kukakavadzana pakutongwa uye ruzvidzo zvigume.+
11 Munhu anoda mwoyo wakachena+—mambo achava shamwari yake nokuda kwezvakanaka zvinotaurwa nemiromo yake.+
12 Maziso aJehovha anochengetedza zivo,+ asi anowisira pasi mashoko omunhu anonyengera.+
13 Simbe inoti:+ “Panze pane shumba!+ Ndichapondwa munzvimbo dzinoungana vanhu!”
14 Miromo yevakadzi vatorwa igomba rakadzika.+ Anonzi naJehovha ane mhosva achawira mariri.+
15 Upenzi hwakasungirirwa pamwoyo womukomana;+ shamhu yokuranga ndiyo ichahubvisira kure naye.+
16 Munhu anobiridzira akaderera kuti iye ave nezvizhinji,+ nouya anopa mupfumi, chokwadi vachashayiwawo.+
17 Rereka nzeve yako unzwe mashoko evakachenjera,+ kuti mwoyo wako uve nezivo yangu.+ 18 Nokuti zvinofadza kuti uachengete mudumbu mako,+ kuti asimbiswe kwazvo pamiromo yako.+
19 Ndakupa zivo nhasi kuti iwe uvimbe naJehovha.+
20 Handina kukunyorera kusvikira panguva ino here ndichikupa mazano nezivo,+ 21 kuti ndikuratidze uchokwadi hwemashoko echokwadi, kuti ndidzorere mashoko echokwadi—kumunhu ari kukutuma?+
22 Usabira munhu akaderera nokuti iye akaderera,+ uye usadzvinyirira munhu anotambudzika pagedhi.+ 23 Nokuti Jehovha acharwira mhosva dzavo,+ uye achaparadza mweya yevaya vanovabira.+
24 Usashamwaridzana nomunhu asingatani kutsamwa;+ uye usafambidzana nomunhu ane hasha kwazvo, 25 kuti urege kudzidza nzira dzake woteyera mweya wako musungo.+
26 Usava mumwe wevaya vanorova maoko vachiita chibvumirano,+ mumwe wevaya vanozviita chokumbofanobata nokuda kwezvikwereti.+ 27 Kana usina chokuripa, nei achifanira kukutorera mubhedha uri pasi pako?
28 Usabvisa muganhu wekare, wakaitwa nemadzitateguru ako.+
29 Unoona munhu ane unyanzvi pabasa rake here? Iye achamira pamberi pemadzimambo;+ haazomiri pamberi pevanhuwo zvavo.