RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Eksodho 22:18
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 18 “Usachengetedza muroyi wechikadzi ari mupenyu.+

  • Revhitiko 19:31
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 31 “‘Musatsaukira kumasvikiro,+ uye musabvunza vafemberi,+ kuti musvibiswe navo. Ndini Jehovha Mwari wenyu.

  • Revhitiko 20:6
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 6 “‘Kana uri mweya unotsaukira kumasvikiro+ nevafemberi+ kuti uite unzenza navo, ndichatarira mweya iwoyo ndakatsamwa, ndouparadza pakati pevanhu vokwawo.+

  • 1 Samueri 15:23
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 23 nokuti kupandukira+ kwakafanana nechivi chokushopera,+ uye kungoita zvinhu nokuzvikudza kwakafanana nokushandisa simba remashiripiti neterafimu.+ Zvawakaramba shoko raJehovha,+ naizvozvo iye akurambawo kuti uve mambo.”+

  • 1 Samueri 28:3
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 3 Zvino Samueri akanga afa, uye vaIsraeri vose vakanga vamuchema, vakamuviga muRama, muguta rake.+ Asi Sauro, akanga abvisa masvikiro nevafemberi munyika.+

  • Isaya 8:19
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 19 Zvino kana vakati kwamuri: “Bvunzai masvikiro+ kana kuti vafemberi vanorira+ uye vanotaura nemanzwi ari pasi-pasi,” vanhu havafaniri kubvunza Mwari wavo here?+ Vanofanira kubvunza vanhu vakafa nokuda kwevanhu vapenyu here?+

  • VaHebheru 3:12
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 12 Hama, chenjerai, kuti muna ani naani wenyu murege kumuka mwoyo wakaipa usina kutenda nokubva pana Mwari mupenyu;+

Mabhuku eChiShona (1973-2027)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe