VaHebheru
3 Naizvozvo, hama tsvene, dzinogoverana pamwe chete kudanwa kwokudenga,+ fungai nezvomuapostora+ uye mupristi mukuru watinopupurira+—iye Jesu. 2 Iye akanga akatendeka+ kuna Iye akaita kuti ave izvozvo, sezvakanga zvakaitawo Mosesi+ muimba yose yaIyeye.+ 3 Nokuti iye anonzi akakodzera kuti akudzwe kwazvo+ kupfuura Mosesi, anoivaka+ zvaanokudzwa kwazvo kupfuura imba yacho.+ 4 Chokwadi, imba imwe neimwe inovakwa nomumwe munhu, asi iye akavaka zvinhu zvose ndiMwari.+ 5 Somushandi,+ Mosesi akanga akatendeka muimba yose yaIyeye kuti zvive uchapupu hwezvinhu zvaizotaurwa pashure,+ 6 asi Kristu akanga akatendeka soMwanakomana+ pakutarisira imba yaIyeye. Isu tiri imba yaIyeye,+ kana tikabatisisa rusununguko rwedu rwokutaura uye tikaita kuti kuzvirumbidza kwedu pamusoro petariro kuve kwakasimba kusvikira kumugumo.+
7 Saka, mudzimu mutsvene+ unoti: “Nhasi kana mukateerera inzwi rake,+ 8 musaomesa mwoyo yenyu sepanguva yamakakonzera kutsamwa kwazvo,+ sezvamakaita pazuva rokuedza+ murenje,+ 9 pandakaedzwa nemadzitateguru enyu nomuedzo, kunyange zvazvo akanga aona mabasa angu+ kwemakore makumi mana.+ 10 Saka ndakanyangadzwa nechizvarwa ichi ndikati, ‘Vanogara vachirasika mumwoyo mavo,+ uye ivo havana kusvika pakuziva nzira dzangu.’+ 11 Naizvozvo ndakapika ndakatsamwa ndikati, ‘Havazopindi+ muzororo rangu.’”+
12 Hama, chenjerai, kuti muna ani naani wenyu murege kumuka mwoyo wakaipa usina kutenda nokubva pana Mwari mupenyu;+ 13 asi rambai muchirayirana+ zuva rimwe nerimwe, chero bedzi zvinganzi “Nhasi,”+ kuti parege kuva nomumwe wenyu angaomeswa nesimba rinonyengera+ rechivi. 14 Nokuti chokwadi tinogoverana Kristu+ chero bedzi tikabatisisa chivimbo chataiva nacho pakutanga chakasimba kusvikira kumugumo,+ 15 pazvinenge zvichinzi: “Nhasi kana mukateerera inzwi rake,+ musaomesa mwoyo yenyu sepanguva yamakakonzera kutsamwa kwazvo.”+
16 Nokuti ndivanaani vakanzwa asi vakamutsamwisa kwazvo?+ Chokwadi, vaya vose vakabuda muIjipiti vachitungamirirwa naMosesi havana kudaro here?+ 17 Zvakare, ndivanaani vakanyangadza Mwari kwemakore makumi mana?+ Havasi vaya vakatadza, vane zvitunha zvakawira murenje here?+ 18 Asi akapika kuna vanaani+ kuti havafaniri kupinda muzororo rake kunze kwokune vaya vasina kuteerera?+ 19 Naizvozvo tinoona kuti vaisagona kupinda nokuti vakanga vasingatendi.+