Eksodho 10:17 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 17 Zvino ndapota, ndiregererei+ chivi changu kamwe chete aka uye tetererai+ Jehovha Mwari wenyu kuti angondibvisira dambudziko iri rinouraya.” Numeri 21:7 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 7 Vanhu vakazouya kuna Mosesi, vakati: “Tatadza,+ nokuti tapopotera Jehovha uye imi. Tirevererei kuna Jehovha kuti abvise nyoka patiri.”+ Mosesi akareverera vanhu vacho.+ Jeremiya 37:3 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 3 Mambo Zedhekiya akatuma Jehukari+ mwanakomana waSheremiya naZefaniya+ mwanakomana womupristi Maaseya+ kumuprofita Jeremiya, achiti: “Tapota, tinyengeterere kuna Jehovha Mwari wedu.”+ Mabasa 8:24 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 24 Achipindura, Simoni akati: “Nditetererei+ kuna Jehovha kuti parege kuva nechinhu chimwe chete pane zvamataura chingauya pandiri.” Jakobho 5:16 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 16 Naizvozvo reururiranai pachena+ zvivi zvenyu munyengetererane, kuti muporeswe.+ Kuteterera kwomunhu akarurama, kune simba guru+ pakushanda kwakunoita.
17 Zvino ndapota, ndiregererei+ chivi changu kamwe chete aka uye tetererai+ Jehovha Mwari wenyu kuti angondibvisira dambudziko iri rinouraya.”
7 Vanhu vakazouya kuna Mosesi, vakati: “Tatadza,+ nokuti tapopotera Jehovha uye imi. Tirevererei kuna Jehovha kuti abvise nyoka patiri.”+ Mosesi akareverera vanhu vacho.+
3 Mambo Zedhekiya akatuma Jehukari+ mwanakomana waSheremiya naZefaniya+ mwanakomana womupristi Maaseya+ kumuprofita Jeremiya, achiti: “Tapota, tinyengeterere kuna Jehovha Mwari wedu.”+
24 Achipindura, Simoni akati: “Nditetererei+ kuna Jehovha kuti parege kuva nechinhu chimwe chete pane zvamataura chingauya pandiri.”
16 Naizvozvo reururiranai pachena+ zvivi zvenyu munyengetererane, kuti muporeswe.+ Kuteterera kwomunhu akarurama, kune simba guru+ pakushanda kwakunoita.