Genesisi 18:24 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 24 Ngatitii muguta racho mune vanhu vakarurama makumi mashanu. Muchavaparadza mukasaregerera nzvimbo yacho nokuda kwevakarurama makumi mashanu vari mukati maro here?+ 1 Madzimambo 14:13 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 13 VaIsraeri vose vachamuchema,+ vomuviga, nokuti uyu chete pane vaJerobhoamu ndiye achaiswa muguva; nokuti chimwe chinhu chakanaka kuna Jehovha Mwari waIsraeri chawanikwa maari muimba yaJerobhoamu.+ 2 Makoronike 19:3 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 3 Kunyange zvakadaro, pane zvinhu zvakanaka+ zvakawanikwa kwamuri, nokuti makabvisa matanda matsvene munyika,+ mukagadzirira mwoyo wenyu kuti mutsvake Mwari wechokwadi.”+
24 Ngatitii muguta racho mune vanhu vakarurama makumi mashanu. Muchavaparadza mukasaregerera nzvimbo yacho nokuda kwevakarurama makumi mashanu vari mukati maro here?+
13 VaIsraeri vose vachamuchema,+ vomuviga, nokuti uyu chete pane vaJerobhoamu ndiye achaiswa muguva; nokuti chimwe chinhu chakanaka kuna Jehovha Mwari waIsraeri chawanikwa maari muimba yaJerobhoamu.+
3 Kunyange zvakadaro, pane zvinhu zvakanaka+ zvakawanikwa kwamuri, nokuti makabvisa matanda matsvene munyika,+ mukagadzirira mwoyo wenyu kuti mutsvake Mwari wechokwadi.”+