Jobho 31:15 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 15 Iye akandiita mudumbu haasi iye akamuitawo here,+Haasi iye Mumwe chete akatiumba muchibereko here? Pisarema 127:3 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 3 Tarirai! Vanakomana inhaka inobva kuna Jehovha;+Chibereko chedumbu mubayiro.+ Muparidzi 5:15 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 15 Sokubuda kwakaita munhu mudumbu raamai vake, munhu achaendazve asina kupfeka,+ sokubuda kwaakaita; uye hapana kana chaanogona kutakura+ nokuda kwebasa rake rakaoma, chaangaenda nacho chiri muruoko rwake. 1 Timoti 6:7 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 7 Nokuti hatina kuuya nechinhu panyika, uye hapana chatingabuda nacho.+
15 Iye akandiita mudumbu haasi iye akamuitawo here,+Haasi iye Mumwe chete akatiumba muchibereko here?
15 Sokubuda kwakaita munhu mudumbu raamai vake, munhu achaendazve asina kupfeka,+ sokubuda kwaakaita; uye hapana kana chaanogona kutakura+ nokuda kwebasa rake rakaoma, chaangaenda nacho chiri muruoko rwake.